TEVEDZERAI KUTENDA KWAVO | JONATANI
“Hapana Chinotadzisa Jehovha”
Boka remasoja evaFiristiya rakamira rakatarisa nzvimbo isina miti, yakazara matombo. Masoja acho anoona varume vaviri vechiIsraeri vari nechemhiri kwebani. Masoja acho anoseka, haaoni paine kana chekutya. VaFiristiya vava nemakore vachidzvinyirira vaIsraeri, avo vanotoenda kuvavengi vavo vaFiristiya kuti vanorodzesa zvavanoshandisa pakurima. Saka masoja evaIsraeri haana zvombo. Uyewo vanhu vari kuuya kwavari vangori varume vaviri chete! Kunyange kudai varume vacho vaiva masoja ane zvombo, vaizokwanisa kurwisa vaFiristiya here? VaFiristiya vakadaidzira vachitsvinya vachiti: ‘Kwirai kwatiri, uye tichakudzidzisai!’—1 Samueri 13:19-23; 14:11, 12.
Pane chidzidzo chakanga chava kuda kupiwa, asi vaFiristiya ndivo vakanga vari kuzodzidziswa. VaIsraeri vaya vaviri vakamhanya vachidzika mubani, vakariyambuka uye vakatanga kukwira pamawere. Pavaikwidza pakanga pari pamawere zvekuti vaifanira kutoshandisa maoko zvese nemakumbo, asi vakaramba vachikwidza nemumatombo imomo vakananga kuboka remasoja acho! (1 Samueri 14:13) VaFiristiya vakanga vava kukwanisa kuona kuti murume aiva pamberi aiva akapakata zvombo; uye mumashure make maiva nemunhu ainge akamutakurira zvombo. Asi aifunga kuti iye nemunhu ainge akamutakurira zvombo vaizokwanisa kurwisa boka rese remasoja here? Aipenga here?
Aiwa; aiva murume aiva nekutenda kwakasimba. Ainzi Jonatani, uye nyaya yake ine zvidzidzo zvinokosha kuvaKristu vechokwadi mazuva ano. Kunyange zvazvo tisingarwi hondo, tinogona kudzidza zvakawanda kuna Jonatani nezveushingi, kuvimbika, uye kusangozvifunga izvo zvinotibatsira kuti tivake kutenda kwechokwadi.—Isaya 2:4; Mateu 26:51, 52.
Ainge Akavimbika Uye Aine Ushingi
Kuti tinzwisise kuti nei Jonatani akavinga boka remasoja aya, tinofanira kuziva nezveupenyu hwake. Jonatani aiva mwanakomana mukuru wamambo wekutanga weIsraeri ainzi Sauro. Sauro paakagadzwa samambo, Jonatani akanga atokura, zvimwe ava nemakore 20 kana kutopfuura. Zvinoita sekuti Jonatani aiva neushamwari nababa vake, avo vaiwanzomuudza zvaiva pamwoyo pavo. Panguva iyoyo, Jonatani aiziva kuti baba vake vaiva murume akareba, akanaka pachiso uye murwi ane ushingi. Chinotonyanya kukosha ndechekuti aiziva baba vake semurume aiva nekutenda uye aizvininipisa. Jonatani aigona kuona kuti nei Jehovha akanga asarudza Sauro kuti ave mambo. Muprofita Samueri akatoti hapana mumwe munhu ainge akaita saSauro munyika yacho!—1 Samueri 9:1, 2, 21; 10:20-24; 20:2.
Jonatani anofanira kunge aiona chiri chikomborero chaicho kutungamirirwa nababa vake pakurwisa vavengi vevanhu vaJehovha. Hondo idzodzo dzakanga dzakasiyana nedziriko mazuva ano. Kare ikako, Jehovha akasarudza rudzi rwevaIsraeri kuti ruve vamiririri vake, uye vaigara vachirwiswa nemarudzi ainamata vanamwari venhema. VaFiristiya, avo vainge vakakanganiswa mafungiro avo nekunamata vanamwari vakadai saDhagoni, vaigara vachiedza kudzvinyirira uye kuparadza vanhu vakasarudzwa naMwari.
Varume vakaita saJonatani vaiona kurwa senzira yekuratidza kuvimbika kwavo kuna Jehovha Mwari. Uye Jehovha akakomborera zvakaitwa naJonatani. Pashure pekunge Sauro ava mambo, akagadza mwanakomana wake kuti atungamirire masoja 1 000, uye Jonatani akavatungamirira kunorwisa boka remasoja evaFiristiya kuGebha. Kunyange zvazvo masoja ake akanga asina zvombo zvakakwana, Jehovha akabatsira Jonatani kuti akunde. Izvi zvakaita kuti masoja akawanda evaFiristiya aungane. Masoja akawanda aSauro akatya chaizvo. Vamwe vakatiza vakanohwanda, uye vamwe vakatochinja kuita masoja evaFiristiya! Asi Jonatani akaramba akashinga.—1 Samueri 13:2-7; 14:21.
Musi wataurwa patangira nyaya ino, Jonatani akangoverevedza aine munhu aimutakurira zvombo. Pavakanga vava kusvika paiva neboka remasoja evaFiristiya paMikmashi, Jonatani akamutsanangurira zano rake. Vaizoita kuti masoja evaFiristiya avaone. Kana vaFiristiya vaizovati vauye kuzorwisana navo, ichi chaizova chiratidzo chekuti Jehovha aizovabatsira. Munhu aimutakurira zvombo akabvumirana nazvo, zvimwe asimbiswa nemashoko aJonatani ekuti: “Hapana chinotadzisa Jehovha kuponesa nevazhinji kana kuti nevashomanana.” (1 Samueri 14:6-10) Jonatani airevei paakataura izvi?
Jonatani ainyatsoziva Mwari wake. Ainyatsoziva kuti Jehovha ainge ambobatsira vanhu vake kuti vakunde vavengi vainge vakawanda kuvadarika. Pamwe pacho Jehovha akatoshandisa munhu mumwe chete kuti vanhu vake vakunde. (Vatongi 3:31; 4:1-23; 16:23-30) Saka Jonatani aiziva kuti nyaya yaisava yekuwanda kwavo, simba ravo, kana zvombo zvavo; chaikosha kwaiva kutenda kwavo. Kutenda kwaJonatani kwakaita kuti asarudze chiratidzo chaizomubatsira kuona kuti Jehovha aida kuti varwise boka remasoja evaFiristiya here kana kuti kwete. Paakangoona chiratidzo ichocho, Jonatani akaenda kunorwisa vaFiristiya asingatyi.
Pane zvinhu zviviri zvine chekuita nekutenda kwaJonatani. Chekutanga, airemekedza Mwari wake, Jehovha. Aiziva kuti Mwari Wemasimbaose anogona kuzadzisa zvinangwa zvake asingashandisi simba revanhu asi anoda kukomborera vashumiri vake vakatendeka. (2 Makoronike 16:9) Chechipiri, asati arwisa vaFiristiya, Jonatani akatanga atsvaga chiratidzo chekuti ndizvo zvaidiwa naJehovha here. Mazuva ano, hatitsvagi zviratidzo zvinobva kuna Mwari kuti tive nechokwadi chekuti anobvumirana here nezvatinenge tichida kusarudza. Sezvo tiine shoko raMwari rakafemerwa, tine zvese zvatingada kuti tizive zvinodiwa naMwari. (2 Timoti 3:16, 17) Tinonyatsotsvakurudza zviri muBhaibheri here tisati taita zvisarudzo zvinokosha? Kana tichidaro, tinoratidza kuti tinonyanya kufunga nezvekuda kwaMwari kupfuura zvatinoda isu pachedu sezvakaitwa naJonatani.
Saka varume vacho vaviri, musoja nemutakuri wezvombo, vakakwidza vakananga kwaiva neboka remasoja aida kuvarwisa. VaFiristiya pavakazoona kuti vari kuvingwa, vakatuma masoja kuti anorwisa varume vacho vaviri. VaFiristiya vakanga vakawanda uye vaiva panzvimbo yakakwirira, saka zvaizova nyore kuti vakurumidze kuuraya varume vacho vaviri. Asi Jonatani aiuraya masoja ese aiuya kwaari. Kumashure kwake mutakuri wezvombo ainge achivarakashawo. Panguva diki diki, varume vaviri ava vakanga vatouraya masoja 20! Jehovha akawedzera kuita chimwe chinhu. Tinoverenga kuti: “Vanhu vaiva mumusasa waiva mumunda nevanhu vose veboka revarwi vanorinda vakabva vadedera; uye uto revapambi rakadedera, kunyange ivo, uye nyika yakatanga kudengenyeka, kukava kudedera kwakabva kuna Mwari.”—1 Samueri 14:15.
Vari nechekure, Sauro nevarume vaaiva navo vaicherechedza vaFiristiya vachivhiringidzika zvekuti vakanga vava kutourayana! (1 Samueri 14:16, 20) VaIsraeri vakabva vaita ushingi vakatanga kurwisa, zvimwe vachishandisa zvombo zvevaFiristiya vakanga vafa. Musi uyu, Jehovha akaita kuti vanhu vake vakunde zvine mutsindo. Uye haasati achinja kubva pane zvaakaita zvaifadza, kare ikako. Kana tikavawo nekutenda maari, sezvakaitwa naJonatani nemutakuri wake wezvombo asina kutaurwa nezita, hatizombozvidembi pane zvatinenge tasarudza.—Maraki 3:6; VaRoma 10:11.
“Ashanda naMwari Nhasi”
Asi Sauro haana kufadzwa nekukunda ikoko sezvakaitwa naJonatani. Sauro akanga aita zvivi zvakakura. Haana kuteerera Samueri muprofita waJehovha, nekupa chibayiro chaifanira kupiwa nemuprofita uyu aiva muRevhi. Samueri paakasvika, akaudza mambo Sauro kuti kusateerera kwaakaita kwaizoita kuti abviswe pachigaro. Sauro akabva atumira masoja ake kuhondo, achibva aita kuti vaite mhiko asina kunyatsofunga achiti: “Munhu anodya zvokudya manheru asati asvika uye kusvikira ndatsiva vavengi vangu ngaatukwe!”—1 Samueri 13:10-14; 14:24.
Zvinosuwisa kuti mashoko aSauro akaratidza kuchinja kwaakanga aita. Munhu aimbozvininipisa akanga ava kuzvikudza here? Jehovha akanga asina kumbotaura kuti masoja akashinga uye anoshanda nesimba aomeserwe zvisina musoro kudaro. Ko mashoko aSauro ekuti “kusvikira ndatsiva vavengi vangu”—angadaro achiratidza here kuti Sauro aifunga kuti hondo yacho yaiva yekuti azokudzwa iye? Akanga akanganwa here kuti chaikosha kutonga kwakarurama kwaJehovha, kwete kuda kwake iye Sauro kutsiva, kuwana mbiri kana kukunda muhondo?
Jonatani aisava nechaaiziva pamhiko yakanga yataurwa nababa vake vasina kufunga. Aparara nekuneta nehondo yaanga arwa, akaisa tsvimbo yake muzinga reuchi akaravira humwe uchi; achibva atanga kunzwazve simba. Asi mumwe wevarume vaaiva navo akabva amuudza kuti baba vake vakanga varambidza vanhu kudya. Jonatani akapindura kuti: “Baba vangu vaunza dambudziko panyika. Ndapota, onai mapenyere aita maziso angu nokuti ndaravira uchi uhu hushomanana. Zvakadini kudai vanhu vanga vadya nhasi zvakapambwa zvevavengi vavo zvavawana! Nokuti zvino hakuna kuurayiwa vaFiristiya vakawanda.” (1 Samueri 14:25-30) Ichi chaiva chokwadi. Jonatani aiva mwana akavimbika, asi izvozvo zvaisamutadzisa kuona panenge pakanganiswa. Aisangobvumirana nezvinhu zvese zvese zvaitaurwa kana kuitwa nababa vake vasina kufunga, uye izvozvo zvakaita kuti aremekedzwe nevakawanda.
Sauro paakaziva kuti Jonatani akanga aita zvaipesana nezvaanga arambidza, haana kumboona chakaipa pane zvaakanga ataura. Asi akatoona sekuti mwanakomana wake aifanira kufa! Jonatani haana kumboitisana nharo navo kana kukumbira ruregerero. Inzwa mhinduro yaakapa. Akataura achiratidza kuti aisangozvifunga achiti: “Ndiri pano! Regai ndife!” Asi vaIsraeri vakataura vachimudzivirira vachiti: “Jonatani anofanira kufa here, iye aponesa vaIsraeri zvikuru kudai? Hazvimboiti! NaJehovha mupenyu, hapana kana bvudzi rimwe romusoro wake richawira pasi; nokuti ashanda naMwari nhasi.” Sauro akazoita sei? Akabvumirana nazvo. Nhoroondo yacho inoti: “Naizvozvo vanhu vakadzikinura Jonatani, uye haana kufa.”—1 Samueri 14:43-45.
Ushingi hwake, kushanda nesimba, uye kusangozvifunga zvakaita kuti Jonatani ave nemukurumbira wakanaka. Paaiva padambudziko, mukurumbira wake wakanaka wakamubatsira. Zvakanaka kuti tizvibvunze kuti zuva rega rega tiri kuzvivakira mukurumbira kana kuti zita rakaita sei. Bhaibheri rinotiratidza kuti zita rakanaka rinokosha. (Muparidzi 7:1) SaJonatani, kana tikashanda nesimba kuti tizivikanwe naJehovha sevanhu vanoita zvakanaka, zvichazotibatsira.
Akanga Ava Kuva Munhu Akaipa
Pasinei nezvaikanganiswa naSauro, Jonatani akaita makore ari murwi akavimbika achishanda nababa vake. Tinogona kufungidzira kurwadziwa kwaaiita achiona baba vake vachitanga kusateerera uye kuzvikudza. Baba vake vakanga vava kuva munhu akaipa, uye Jonatani akanga asina simba rekuzvimisa.
Dambudziko rakatozowedzera kukura Jehovha paakati Sauro anorwisa vaAmareki, vanhu vakanga vakanyura muzvinhu zvakaipa zvekuti mumazuva aMosesi chaiwo, Jehovha akanga agara ataura kuti rudzi rwacho rwese rwaizoparadzwa. (Eksodho 17:14) Sauro akaudzwa kuti aparadze zvipfuwo zvavo namambo wavo, Agagi. Sauro akakunda muhondo yacho, uye hapana mubvunzo kuti Jonatani ainge achirwawo akashinga achitungamirirwa nababa vake. Asi Sauro haana kuteerera Jehovha. Akasiya Agagi ari mupenyu uye akachengeta zvipfuwo nepfuma zvevaAmareki. Muprofita Samueri akaudza Sauro chirango chaibva kuna Jehovha achiti: “Zvawakaramba shoko raJehovha, naizvozvo iye akurambawo kuti uve mambo.”—1 Samueri 15:2, 3, 9, 10, 23.
Hazvina kumbotora nguva Jehovha asati abvisa mweya wake mutsvene pana Sauro. Sauro paakanga asisatungamirirwi naJehovha, akanga angova munhu ainge asisatani kushatirwa uye anotya. Zvaiita sekuti ainge apiwa naMwari mweya wakaipa panzvimbo pewakanaka. (1 Samueri 16:14; 18:10-12) Jonatani anofanira kunge akanetseka chaizvo kuona baba vake vaiva mambo vachichinja zvinotyisa kudaro! Asi Jonatani haana kumborega kushumira Jehovha akavimbika. Akaita zvese zvaaigona pakutsigira baba vake, dzimwe nguva achinyatsovabudira pachena, asi akaramba achifunga nezvaMwari wake naBaba vake, Jehovha, avo vasingachinji.—1 Samueri 19:4, 5.
Wati wamboona mumwe munhu waunoda, zvimwe wemumhuri chaimo, achichinja kuva munhu akaipa here? Zvinogona kurwadza chaizvo. Muenzaniso waJonatani unotiyeuchidza zvakanyorwa nemumwe munyori wepisarema akati: “Kunyange kana baba vangu naamai vangu vaizondisiya, Jehovha aizonditora.” (Pisarema 27:10) Jehovha akavimbika. Achakutorawo ova baba vakanaka chaizvo kupfuura zvaungafungidzira, pasinei nezvingaitwa nevanhu venyama vangakurwadzisa.
Jonatani anofanira kunge akaziva kuti Jehovha aida kutorera Sauro umambo. Jonatani akaita sei? Kuti angave akatanga kufunga kuti iye aizova mambo akaita sei here? Aiva netarisiro yekugadzirisa zvimwe zvinhu zvakakanganiswa nababa vake here oratidza kuti munhu wamambo anofanira kuva sei akavimbika uye anoteerera? Hatizivi mafungiro aangave akaita; asi tinoziva kuti tarisiro dzakadaro dzaisazozadziswa. Izvi zvinoreva kuti Jehovha akanga asiya murume uyu akanga akatendeka here? Aiwa, akatoshandisa Jonatani semumwe wevanhu vanotaurwa muBhaibheri vakaratidza muenzaniso wakanaka zvikuru wekuva neushamwari hwakavimbika! Ushamwari ihwohwo ndihwo hwatichataura nezvahwo mune imwe nyaya ichataurazve nezvaJonatani.