Chipiri, November 30
Magwaro ese akafemerwa naMwari.—2 Tim. 3:16.
Mwari ‘akafemera’ pfungwa dzake muvanyori veBhaibheri achishandisa mweya wake mutsvene. Patinoverenga Bhaibheri tofungisisa zvatinenge taverenga, mirayiro yaMwari inopinda mupfungwa dzedu nemumwoyo. Inoita kuti tirarame sezvinodiwa naMwari. (VaH. 4:12) Asi kuti tinyatsobatsirwa nemweya mutsvene, tinofanira kuwana nguva yekuti tigare tichidzidza Bhaibheri, uye kufungisisa zvatinenge taverenga. Kana tikadaro, Shoko raMwari rinotitungamirira pane zvese zvatinotaura uye zvatinoita. Uyewo tinofanira kunamata Mwari tiri pamwe chete nevamwe. (Pis. 22:22) Mweya waJehovha unenge uripo pamisangano yedu. (Zvak. 2:29) Patinoungana kuti tinamate nevamwe vaKristu, tinonyengeterera mweya mutsvene, tinoimba nziyo dzeUmambo dzine mashoko akabva muBhaibheri, uye tinodzidziswa Shoko raMwari nehama dzakagadzwa nemweya mutsvene. Kuti tinyatsobatsirwa nemweya mutsvene, tinofanira kuuya kumisangano takagadzirira kuzopindurawo. w19.11 11 ¶13-14
November 29–December 5
VATONGI 4-5
Rwiyo 137 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (1 min.)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Jehovha Anoshandisa Vakadzi Vaviri Kuti Anunure Vanhu Vake”: (10 min.)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)
Vat 5:20—Nyeredzi dzakarwira sei Bheraki dziri kudenga? (w05 1/15 25 ¶5)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha, ushumiri kana kuti zvimwewo?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min.) Vat 4:1-16 (th chidzidzo 10)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (3 min.) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Wobva wapa saimba Nharireyomurindi Nhamba 2 2021. (th chidzidzo 1)
Paunodzokera: (4 min.) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Wobva wapa saimba bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara! (th chidzidzo 4)
Hurukuro: (5 min.) w06 3/1 28-29—Musoro: Zvinorevei Kuti “Vakadzi Ngavarambe Vakanyarara Muungano”?—1VaK 14:34. (th chidzidzo 14)
KURARAMA KWECHIKRISTU
“Hanzvadzi Dzingawedzera Sei Basa Radzinoitira Jehovha?”: (15 min.) Kukurukura nevateereri. Ratidzai vhidhiyo inonzi “Vakadzi Vari Kushanda Nesimba munaShe.”
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) rr chits. 16 ¶14-20, bhokisi 16B
Mashoko Ekugumisa (3 min.)
Rwiyo 27 Nemunyengetero