11 Samueri akazoti kuna Jese: “Ndivo vanakomana vako vese here ava?” Iye akabva ati: “Mudiki wacho+ haana kushevedzwa; ari kufudza makwai.”+ Samueri akabva ati kuna Jese: “Ita kuti anoshevedzwa, nekuti hatisi kuzogara pasi kuti tidye kusvikira auya pano.”