18 Zvisinei, kana imwe nyama yechibayiro chake chokugoverana ikangodyiwa pazuva rechitatu, uya anouya nayo haazogamuchirwi nomufaro.+ Haazozviverengerwi.+ Ichava chinhu chisina kuchena, uye mweya unodya imwe yayo uchazvidavirira nokuda kwokukanganisa kwawo.+