11 Nokuti Ogi chete, mambo weBhashani ndiye akasara pane vakanga vasara pavaRefaimu.+ Tarirai! Hwanyanza hwake hwaiva hwanyanza hwesimbi. Hahusi muRabha+ revanakomana vaAmoni here? Hwakanga hwakareba makubhiti mapfumbamwe, uye hwakafara makubhiti mana, kana tichienzanisa nekubhiti romunhu.