13 Unofanira kutaura uri pamberi paJehovha Mwari wako, kuti, ‘Ndabvisa zvinhu zvitsvene mumba uye ndazvipawo muRevhi nomutorwa, nherera nechirikadzi,+ maererano nomurayiro wenyu wose wamakandirayira. Handina kudarika mirayiro yenyu, uyewo handina kuikanganwa.+