18 Abhigairi+ akabva achimbidza, akatora zvingwa mazana maviri nezvirongo zvikuru zvewaini+ zviviri nemakwai mashanu akagadzirwa+ nemaseya mashanu ezviyo zvakakangwa+ nemakeke emazambiringa akaomeswa+ zana nemakeke emaonde akasvinwa+ mazana maviri, akazviisa pambongoro.