Mashoko Emuzasi
b Jakobho akaratidza kuchenjera nekutaura zvakanyorwa naMozisi, zvaisanganisira bumbiro reMutemo uyewo nhoroondo yezvaiitwa naMwari uye zvaakataura kune vamwe vanhu Mutemo usati wavapo. Maonero anoita Mwari nyaya dzakadai seropa, upombwe, uye kunamata zvidhori akajekeswa muna Genesisi mutemo usati watombovapo. (Gen. 9:3, 4; 20:2-9; 35:2, 4) Saka shoko raJehovha raiva nepfungwa dzinoshanda kuvanhu vese, kwete kuvaJudha kana kuti vemamwe marudzi chete.