Mashoko Emuzasi
b Waiva mutemo unoshamisa, uye kunenge kuti kuMoabhi kwaisava nemutemo wakadaro. Makarekare kuNear East chirikadzi dzaibatwa zvakaipa. Rimwe bhuku rinoti: “Pashure pekunge murume wayo afa, kazhinji chirikadzi yaitotarisira kuriritirwa nevanakomana vayo; kana yainge isina vanakomana, zvimwe yaitofanira kuzvitengesa muuranda, kuita zvechipfambi, kana kufa.”