Mashoko Emuzasi
a Kunyange zvazvo zvichiita sokuti munhu akaita zvakaipa muKorinte akadzorerwa munguva pfupi zvikuru, izvi hazvifaniri kushandiswa somutemo wokudzinga kwose. Nhau imwe neimwe yakasiyana. Vamwe vanoita zvakaipa vanotanga kuratidza kupfidza kwechokwadi vachangobva kudzingwa. Vamwe, mafungiro akadaro anozooneka kwapera nguva yakareba kwazvo. Zvisinei, muzviitiko zvose avo vanodzorerwa vanofanira kutanga varatidza kusuruvara kwokutya Mwari uye, kana zvichibvira, vanofanira kuratidza mabasa anoratidza kupfidza.—Mabasa 26:20; 2 VaKorinte 7:11.