China, April 18
Umambo hwenyu hwapatsanurwa hukapiwa vaMedhiya nevaPezhiya.—Dhan. 5:28.
Jehovha akaratidza pachena kuti simba rake rinopfuura ‘revanhu vane masimba.’ (VaR. 13:1) Funga nezvemienzaniso mitatu. Farao weIjipiti akaita kuti vanhu vaJehovha vave varanda uye aigara achiramba kuvasunungura. Asi Mwari akavasunungura uye akanyudza Farao muGungwa Dzvuku. (Eks. 14:26-28; Pis. 136:15) Mambo Bheshazari weBhabhironi akaita mutambo uye “akazvikwidziridza pamberi paIshe wekudenga” uye “[akarumbidza] vanamwari vesirivha nevegoridhe” pane kuti arumbidze Jehovha. (Dhan. 5:22, 23) Asi Mwari akaninipisa murume iyeye aizvikudza. “Usiku ihwohwo,” Bheshazari akaurayiwa uye umambo hwake hwakapiwa vaMedhiya nevaPezhiya. (Dhan. 5:30, 31) Mambo Herodhi Agripa I weParestina akaita kuti muapostora Jakobho aurayiwe uye akabva aita kuti muapostora Petro aiswe mujeri nechinangwa chekuti naiyewo aurayiwe. Asi Jehovha akatadzisa Herodhi kuita zvaainge aronga. “Ngirozi yaJehovha yakamurova,” akabva afa.—Mab. 12:1-5, 21-23. w22.10 15 ¶12
Chishanu, April 19
Ini ndichakuteererai.—Jer. 29:12.
Patinoverenga nezvekuti Jehovha aichengeta sei vaya vakavimbika kwaari kare, tariro yedu inowedzera kusimba. Zvinhu zvese zviri muShoko raMwari “zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti tive netariro inobva pakutsungirira kwedu uye pakunyaradza kunobva muMagwaro.” (VaR. 15:4) Fungisisa kuti Jehovha akazadzisa sei vimbiso dzake. Funga zvakaitwa naMwari kuna Abrahamu naSara. Vakasvika zera rekuti vakanga vasingachakwanisi kuva nevana. Asi Mwari akavavimbisa kuti vaizova nemwana. (Gen. 18:10) Abrahamu akaita sei? Bhaibheri rinoti: ‘Aitenda kuti aizova baba vemarudzi mazhinji.’ (VaR. 4:18) Kunyange zvazvo mukuona kwevanhu zvaiita sekuti pakanga pasisina tariro, Abrahamu aiva nechivimbo chekuti Jehovha aizozadzisa vimbiso yake. Murume iyeye akatendeka haana kuodzwa mwoyo. (VaR. 4:19-21) Nyaya dzakadai dzinotidzidzisa kuti nguva dzese tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anozadzisa vimbiso dzake. w22.10 27 ¶13-14
Mugovera, April 20
Maziso enyu achaona Murayiridzi wenyu Mukuru.—Isa. 30:20.
Mashoko iwayo akazadziswa vaJudha pavakasunungurwa muutapwa. Jehovha akaratidza kuti aiva Murayiridzi wavo Mukuru uye vachitungamirirwa naye, vanhu vakabudirira kudzorera kunamata kwakachena. Takakomborerwa kuva naJehovha seMurayiridzi wedu Mukuru mazuva ano. Isaya anotaura kuti takaita sevadzidzi vari kudzidziswa naJehovha achiti: “Maziso enyu achaona Murayiridzi wenyu Mukuru.” Mumufananidzo uyu, Isaya anotaura nezveMurayiridzi seakamira pamberi pevadzidzi vake. Tine ropafadzo yakakura yekurayiridzwa naMwari mazuva ano. Jehovha anotirayiridza sei? Anotirayiridza achishandisa sangano rake. Tinotenda chaizvo kuti tinopiwa mirayiridzo yakajeka nesangano raJehovha. Mirayiridzo inopiwa pamisangano yedu uyewo mumabhuku edu, mapurogiramu eJW Broadcasting, nedzimwe nzira dzakawanda, inotibatsira kuti titsungirire tichifara patinosangana nematambudziko. w22.11 10 ¶8-9