-
Zvii Zvinotadzisa Vamwe Kuda Mwari?Nharireyomurindi—2013 | November 1
-
-
NYAYA IRI PAKAVHA | NHEMA DZINOITA KUTI VANHU VASADA MWARI
Zvii Zvinotadzisa Vamwe Kuda Mwari?
“‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga.”—Akataurwa naJesu Kristu muna 33 C.E.a
Vakawanda vanoomerwa nokuda Mwari. Vanoona sokuti Mwari haanzwisisiki, haana basa nesu, uye ane utsinye. Ona mashoko anotevera akataurwa nevamwe:
“Ndakanyengetera kuna Mwari kuti andibatsire, asi ndainzwa sokuti haana basa neni. Ndaisaona Mwari somunhu chaiye.”—Marco, wokuItaly.
“Kunyange zvazvo ndaida kunamata Mwari nomwoyo wose, ndaiona sokuti haatombondifariri. Ndaifunga kuti ndiMwari ane utsinye, anongotiranga chete. Ndaisambofunga kuti angandida.”—Rosa, wokuGuatemala.
“Ndichiri mudiki, ndaifunga kuti Mwari aingotsvaga zvatinokanganisa, obva atiranga paaiona zvakakodzera. Ndakazopedzisira ndava kumuona seasingambondifariri. Mwari aiita semutungamiriri wehurumende anoda kuona zvose zvinoitwa nevanhu vaanotungamirira, asi asinganyatsovafariri.”—Raymonde, wokuCanada.
Ko iwe unofungei? Zvakaoma here kuti usvike pakuda Mwari? Mubvunzo uyu wange uchibvunzwa nevaKristu kwemazana emakore. Chokwadi ndechokuti kubvira kuma500 C.E. kusvika kuma1500 C.E., vakawanda vaigara munyika dzechiKristu vaisatombonyengetera kuna Mwari Wemasimbaose. Nemhaka yei? Vaitya kutaura naye. Munyori wenhoroondo dzekare, Will Durant akataura nezvazvo achiti: “Mutadziwo zvake angaedza sei kunyengetera kumunhu ari pachigaro chinotyisa uye chiri kure zvakadaro?”
Mwari akasvika sei pakuonekwa “seanotyisa uye asingambofariri vanhu”? Bhaibheri rinombodzidzisei nezvaMwari? Kudzidza chokwadi nezvaMwari kungaita kuti umude here?
-
-
Nhema Dzakaita Kuti Mwari Anzi Haana ZitaNharireyomurindi—2013 | November 1
-
-
NYAYA IRI PAKAVHA | NHEMA DZINOITA KUTI VANHU VASADA MWARI
Nhema Dzakaita Kuti Mwari Anzi Haana Zita
ZVINOTENDWA NEVAKAWANDA
“Hatisati tabvumirana kuti Mwari ane zita, uye kana tikabvumirana, hatizivi kuti zita racho ringava ripi.”—Muzvinadzidzo David Cunningham, mubhuku rinonzi Theological Studies.
CHOKWADI CHIRI MUBHAIBHERI
Mwari akati: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.” (Isaya 42:8) Jehovha izita rakabva muchiHebheru rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvinhu Zvive Sezvaanoda.”—Ona chikamu 1, ndima 1 cheMashoko Okuwedzera, muShanduro yeNyika Itsva.
Jehovha anoda kuti tishandise zita rake. Bhaibheri rinoti: “Danai zita rake. Zivisai zvaakaita pakati pemarudzi. Taurai kuti zita rake rikwidziridzwe.”—Isaya 12:4.
Jesu akashandisa zita raMwari. Akataura kuna Jehovha mumunyengetero achiti: “Ndakavazivisa [vadzidzi vaJesu] zita renyu uye ndicharizivisa.” Nei Jesu akazivisa vadzidzi vake zita raMwari? Akaenderera mberi achiti: “Kuti rudo rwamakandida [Mwari] narwo ruve mavari uye ini ndive pamwe navo.”—Johani 17:26.
NEI ZVICHIKOSHA
Muongorori wezvechitendero, Walter Lowrie akanyora kuti, “Munhu asingazivi Mwari nezita haasati ava kunyatsomuziva zvaari chaizvo, . . . uye haangasviki pakumuda kana achimuona sesimbawo zvaro risiri munhu.”
Mumwe murume anonzi Victor aienda kuchechi vhiki nevhiki, asi aiona sokuti akanga asinganyatsozivi Mwari. Anoti: “Ndakazoziva kuti zita raMwari ndiJehovha, uye zvakaita sokuti ndakanyatsosumwa kwaari. Ndakanzwa sokuti ndakanga ndazoonana neMunhu wandakanga ndambonzwa zvakawanda nezvake. Ndakasvika pakumuona seMunhu chaiye uye pakuva shamwari yake.”
Jehovha anoswedera pedyo nevanhu vanoshandisa zita rake. Nezve“vaya vanofunga nezvezita rake,” Mwari anovimbisa kuti: “Ndichavanzwira tsitsi, sezvinoita murume anonzwira nyasha mwanakomana wake anomushandira.” (Maraki 3:16, 17) Mwari anokomborerawo vaya vanodana zita rake. Bhaibheri rinoti: “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.”—VaRoma 10:13.
-
-
Nhema Dzakaita Kuti Mwari Anzi HaanzwisisikiNharireyomurindi—2013 | November 1
-
-
NYAYA IRI PAKAVHA | NHEMA DZINOITA KUTI VANHU VASADA MWARI
Nhema Dzakaita Kuti Mwari Anzi Haanzwisisiki
ZVINOTENDWA NEVAKAWANDA
Chitendero chechiKristu, “muzvikamu zvacho zvikuru zvitatu zvinoti, chechi yeRoma, yeEastern Orthodoxy uye Machechi akabva muRoma, chinobvuma kuti kuna Mwari mumwe chete anoumbwa neVanhu vatatu: Mwari Baba, Mwari Mwanakomana, uye Mwari Mweya Mutsvene. Maererano nechitendero chechiKristu, dzidziso iyi hairevi kuti ndivanamwari vatatu, asi inoreva kuti vanhu vatatu ava vanotova munhu mumwe chete.”—The New Encyclopædia Britannica.
CHOKWADI CHIRI MUBHAIBHERI
Jesu, Mwanakomana waMwari haana paakambotaura kuti akaenzana naMwari, kana kuti iye naBaba vake vanganzi munhu mumwe chete. Asi iye akati: “Ndiri kuenda kuna Baba, nokuti Baba vakuru kwandiri.” (Johani 14:28) Akaudzawo mumwe wevadzidzi vake kuti: “Ndiri kukwira kuna Baba vangu naBaba venyu uye kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”—Johani 20:17.
Mudzimu mutsvene hausi munhu. VaKristu vekutanga “vakazadzwa nomudzimu mutsvene,” uye Jehovha akati: “Ndichadurura mumwe mudzimu wangu pavanhu vemarudzi ose.” (Mabasa 2:1-4, 17) Mudzimu mutsvene hausi chikamu cheUtatu. Isimba raMwari rinoita basa.
NEI ZVICHIKOSHA
Nyanzvi dzechechi yeRoma, Karl Rahner naHerbert Vorgrimler dzakataura kuti Utatu “hahunzwisisiki kana pasina kuzarurirwa, uye kunyange ukazarurirwa, hahuzombosviki pakuva tsanangudzo inonzwisisika.” Ungasvika pakuda munhu akaoma kunzwisisa zvaari here? Saka dzidziso yeUtatu inotadzisa vanhu kuziva Mwari uye kumuda.
Marco ambotaura munyaya yokutanga akaona kuti dzidziso yeUtatu yaimukanganisa. Anoti, “Ndakafunga kuti Mwari aindivanzira zvaari, uye izvi zvakaita kuti nditomuona seasingatombondifariri, asinganzwisisiki uye asingatauriki naye.” Zvisinei, “Mwari haasi Mwari asinganzwisisiki.” (1 VaKorinde 14:33, American Standard Version) Haana kutivanzira zvaari. Anoda kuti timuzive. Jesu akati: “Tinonamata chatinoziva.”—Johani 4:22.
Marco anowedzera kuti, “Pandakadzidza kuti Mwari haasi chikamu cheUtatu, ndakasvika pakuva neukama hwepedyo naye.” Kana tikaona Jehovha seMunhu akazvimirira, kwete seUtatu husinganzwisisiki, zvinova nyore kuti timude. Bhaibheri rinoti: “Uyo asina rudo haasati asvika pakuziva Mwari, nokuti Mwari rudo.”—1 Johani 4:8.
-
-
Nhema Dzakaita Kuti Mwari Anzi Ane UtsinyeNharireyomurindi—2013 | November 1
-
-
NYAYA IRI PAKAVHA | NHEMA DZINOITA KUTI VANHU VASADA MWARI
Nhema Dzakaita Kuti Mwari Anzi Ane Utsinye
ZVINOTENDWA NEVAKAWANDA
“Pashure chaipo pokufa, mweya yevaya vanofa vachiita zvivi zvakaipisisa inoenda kuhero, kwainonotambura ichirangwa ‘mumoto nokusingaperi.’” (Catechism of the Catholic Church) Vamwe vatungamiriri vezvitendero vanoti hero rinoreva kusava noukama naMwari zvachose.
CHOKWADI CHIRI MUBHAIBHERI
“Mweya unotadza—ndiwo uchafa.” (Ezekieri 18:4) Vakafa “havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Saka kana mweya uchifa uye usina chaunoziva, ungatambura sei “mumoto nokusingaperi” kana kuti kurwadziwa nemhaka yokusava noukama naMwari nokusingaperi?
Mashoko echiHebheru nechiGiriki anoshandurwa kuti “hero” anongoreva guva rinovigwa vanhu. Somuenzaniso, Jobho paairwadziwa zvikuru akanyengetera kuti: “Ndinoshuva kuti dai maizondivanza henyu muguva rangu [“muhero,” Douay-Rheims Version].” (Jobho 14:13, Holy Bible—Easy-to-Read Version) Jobho akanga asingadi kuzorora munzvimbo yokupiswa kana kuti yokusava noukama naMwari, asi muguva.
NEI ZVICHIKOSHA
Dai Mwari aiva neutsinye taisazomufarira. Rocío uyo anogara kuMexico anoti: “Kubvira ndichiri mudiki ndaidzidziswa kuti vanhu vakaipa vanopiswa mugehena. Zvaindityisa zvokuti ndaisambofunga kuti Mwari ane humwe unhu hwakanaka. Ndaifunga kuti anongogara akatsamwa uye haanzwisisi.”
Mashoko eBhaibheri akajeka nezvemitongo yaJehovha uye mamiriro ezvinhu evakafa, zvakaita kuti Rocío achinje maonero aaiita Mwari. “Ndakanzwa ndasunungurwa, zvichiita sokuti ndabvisirwa mutoro unorema mupfungwa dzangu,” anodaro Rocío. Anowedzera kuti, “Ndakatanga kuvimba kuti Mwari anoda kuti zvitifambire zvakanaka, anotida, uye kuti ndinogona kumuda. Akafanana naBaba vanofamba vakabata vana vavo maoko uye vanoda kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka.”—Isaya 41:13.
Vakawanda vanoenda kuchechi nokuti vanotya kupiswa, asi Mwari haadi kuti umunamate nokuti unotya kuti achakuranga. Jesu akati: “Ida Jehovha Mwari wako.” (Mako 12:29, 30) Uyewo kana iye zvino tikaziva kuti Mwari haaiti zvisina kururama, tinogona kuvimba nezvaachaita mune remangwana. Tinogona kutaura nechivimbo sezvakaitwa neshamwari yaJobho, Erihu, kuti: “Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa, uye Wemasimbaose haamboiti zvisina kururama.”—Jobho 34:10.
-
-
Chokwadi Chinogona KukusununguraNharireyomurindi—2013 | November 1
-
-
NYAYA IRI PAKAVHA | NHEMA DZINOITA KUTI VANHU VASADA MWARI
Chokwadi Chinogona Kukusunungura
Rimwe zuva ari muJerusarema, Jesu akanga achitaura nezvaBaba vake Jehovha, uye achifumura vatungamiriri vezvitendero zvenhema vepanguva iyoyo. (Johani 8:12-30) Zvaakataura ipapo zvinotidzidzisa kuti tingaongorora sei zvinodavirwa nevakawanda pamusoro paMwari mazuva ano. Jesu akati: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, chokwadi muri vadzidzi vangu, muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.”—Johani 8:31, 32.
‘Rambai muri mushoko rangu.’ Pano Jesu anotiudza zvatinofanira kuita kuti tione kana zvinodzidziswa nezvitendero zviri zve“chokwadi.” Paunonzwa mashoko nezvaMwari, zvibvunze kuti, ‘Izvi zvinoenderana nemashoko aJesu uye nezvimwe zvinotaurwa neMagwaro Matsvene here?’ Tevedzera vaya vakanzwa muapostora Pauro achitaura avo ‘vainyatsoongorora Magwaro zuva nezuva [kuti vaone] kana zvinhu [zvavaidzidza] izvi zvakanga zvakadaro.’—Mabasa 17:11.
Marco, Rosa, naRaymonde, vane mashoko ari munyaya yokutanga mumagazini ino, vakanyatsoongorora zvavaitenda kuburikidza nokudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Vakadzidzei?
Marco: “Munhu akatidzidzisa Bhaibheri aishandisa Magwaro pakupindura mibvunzo yose yataibvunza nemudzimai wangu. Kuda kwatinoita Jehovha kwakatanga kuwedzera, uye takawedzera kudanana semurume nemudzimai!”
Rosa: “Pakutanga, ndaifunga kuti Bhaibheri ringori bhuku rinotaura mafungiro evanhu nezvekuti Mwari akaita sei. Asi, zvishoma nezvishoma ndakawana mhinduro dzemibvunzo yangu muBhaibheri. Iye zvino Jehovha ava munhu chaiye kwandiri. Munhu wandinogona kuvimba naye.”
Raymonde: “Ndakanyengetera kuna Mwari kuti andibatsire kudzidza nezvake. Pasina nguva, ini nemurume wangu takatanga kudzidza Bhaibheri. Takazodzidza chokwadi nezvaJehovha! Takafara zvikuru kudzidza kuti ndiMwari akaita sei.”
Bhaibheri haringofumuri nhema dzinotaurwa nezvaMwari chete, asiwo rinobudisa pachena chokwadi nezveunhu hwakanaka hwaainahwo. Bhaibheri iShoko rake rakafemerwa, uye rinotibatsira kuti “tizive zvinhu zvatakapiwa nomutsa naMwari.” (1 VaKorinde 2:12) Wadii wazvionera wega kuti Bhaibheri rinogona kupindura mibvunzo inokosha uye inobvunzwa nevakawanda nezvaMwari, chinangwa chake uye ramangwana redu? Verenga mhinduro dzemimwe yemibvunzo yacho paIndaneti pawww.jw.org pakanzi “Zvinodzidziswa neBhaibheri > Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa.” Unogonawo kukumbira kudzidza Bhaibheri kune mumwe weZvapupu zvaJehovha kana kuti panzvimbo iyoyo yepaIndaneti. Tinovimba kuti kana ukadaro, uchaona kuti kuda Mwari kuri nyore zvikuru kupfuura zvawaifungidzira.
-