Bhaibheri Rinochinja Upenyu
CHII chakaita kuti mumwe murume adzoke kuchitendero chaakakurira icho chaakanga ambosiya? Mumwe mukomana wechidiki aiita senherera akasvika sei pakuwana baba vanomuda? Verenga zvinotaurwa nevanhu ava.
“Ndaida kudzoka kuna Jehovha.”—ELIE KHALIL
GORE ROKUBEREKWA: 1976
NYIKA: CYPRUS
NHOROONDO YOUPENYU: MWANAKOMANA AKAPANDUKA
MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakaberekerwa muCyprus asi ndakazokurira muAustralia. Vabereki vangu avo vari Zvapupu zvaJehovha vakandidzidzisa nepavanogona napo kuti ndide Jehovha neShoko rake Bhaibheri. Zvisinei, pandakanga ndava kuyaruka ndakatanga kupanduka. Ndaiverevedza usiku ndichienda kunoonana neshamwari dzangu. Taiba motokari uye izvozvo zvaitipinza muna taisireva kakawanda.
Pakutanga ndaizviita vabereki vangu vasingazvizivi nokuti ndaitya kuvagumbura. Asi nokufamba kwenguva ndakanga ndisisatye. Ndaiwirirana nevanhu vakuru kwandiri vakanga vasinganamate Jehovha uye vaindifurira. Ndakazopedzisira ndaudza vabereki vangu kuti ndakanga ndisisade kuwadzana nechitendero chavo zvachose. Vakaedza vaedzazve kundibatsira asi ndakapira gotsi zvose zvavaitaura. Izvi zvakavarwadza kusvika pokupedzisira.
Ndabva pamba, ndakatanga kushandisa zvinodhaka uye ndairima nokutengesa mbanje yakawanda chaizvo. Ndakanga ndisisina unhu uye ndisisabve mumabhawa. Ndakanga ndava kungogumburwa nekanhu kadiki-diki. Ndaifufutirwa nehasha kana munhu akataura kana kuita zvandisingade, ndichigara ndichipopotera vanhu uye ndichivarova. Ndakanga ndava kuita zvinopesana nezvose zvandakanga ndadzidziswa semuKristu.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Ndakatanga kuva tsika nditsike nemumwewo mukomana aishandisa zvinodhaka uyo akafirwa nababa vake achiri mudiki. Taiwanzotandara kusvika pakati pousiku. Humwe usiku aimbondiudza nezvokusuwa kwaaiita baba vake. Sezvo ndakakura ndichiziva tariro yokumuka kwevakafa, ndaingoerekana ndava kumutsanangurira kuti Jesu akambomutsa vakafa uye kuti akavimbisa kuti achaita saizvozvo munguva iri mberi. (Johani 5:28, 29) Ndaiwanzoti: “Chimbofungidzira uchiona baba vako zvekare, tose zvedu tichirarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano.” Mashoko aya ainyevenutsa mwoyo weshamwari yangu.
Dzimwe nguva shamwari yangu yaitanga nyaya dzakadai sedzidziso yoUtatu uye mazuva ekupedzisira. Ndaitora Bhaibheri rake ndomuratidza magwaro akawanda anobudisa chokwadi nezvaJehovha Mwari, Jesu uye mazuva ekupedzisira. (Johani 14:28; 2 Timoti 3:1-5) Pandairamba ndichiudza shamwari yangu nezvaJehovha zvaitoita kuti ndirambe ndichifunga nezvaJehovha.
Zvishoma nezvishoma mbeu dzechokwadi chomuBhaibheri dzakanga dzava nenguva refu dzadyarwa nevabereki vangu vachiita zvokutamburira, dzakatanga kukura. Somuenzaniso dzimwe nguva tiri kumapati tichishandisa zvinodhaka neshamwari dzangu, ndaingoerekana ndava kufunga nezvaJehovha. Shamwari dzangu dzakawanda dzaiti dzinoda Mwari asi zvadzaiita zvairatidza kuti hadzimude. Ndaisada kutevedzera zvavaiita, saka ndakaona kuti ndaifanira kudzokera kuna Jehovha.
Chiripo ndechokuti ungaziva zvaunofanira kuita asi kuzviita kunenge kusiri nyore. Pane zvimwe zvaiva nyore kuti ndirege. Somuenzaniso kurega kushandisa zvinodhaka hakuna kumbondinetsa. Ndakaregawo kuwirirana nevose vandaimboshamwaridzana navo, ndokutanga kudzidza Bhaibheri nemumwe mukuru wechiKristu.
Asiwo pane zvimwe zvakanga zvisiri nyore. Ndaiomerwa chaizvo nokudzora hasha. Ndaimboedza chaizvo asi ndaingoerekana ndafufutirwa nehasha. Izvi zvaiita kuti ndizvipe mhosva ndichizviona sendakundikana zvachose. Ndakaora mwoyo zvokuti ndakazoenda kunotaura nemukuru aindidzidzisa Bhaibheri. Mukuru wacho aiva nemutsa nemwoyo murefu uye izvi zvaindikurudzira chaizvo. Rimwe zuva akanditi ndiverenge imwe nyaya yaiva muNharireyomurindi yaitaura nezvokukosha kwokusakanda mapfumo pasi.a Takakurukura zvandaifanira kuita kana ndatsamwa. Kuramba ndichifunga nezvenyaya iyi yomuNharireyomurindi uye kunyengetera zvakasimba kuna Jehovha, kwakaita kuti ndikwanise kudzora hasha dzangu. Ndakazobhabhatidzwa ndokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha muna April mugore ra2000. Vabereki vangu vakafara zvokunge vachabata denga.
KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Handichanetseki mupfungwa uye ndava nehana yakachena nokuti handichasvibisi muviri wangu nezvinodhaka uye netsika dzakaipa. Ndinofara nguva dzose pandinenge ndiri kubasa, kumisangano yechiKristu kana kuti pandinenge ndichitandara. Ndava kuzviona somunhuwo pane vamwe.
Ndinotenda Jehovha nevabereki vaakandipa avo vasina kumbokanda mapfumo pasi pakundibatsira. Ndinofungawo mashoko aJesu ari pana Johani 6:44 anoti: “Hapana munhu angauya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasaita kuti auye.” Zvinondibaya mwoyo kuziva kuti ndakakwanisa kudzoka kuna Jehovha nokuti akandidana kuti ndidzoke.
“Ndaiti dai ndiina baba.”—MARCO ANTONIO ALVAREZ SOTO
GORE ROKUBEREKWA: 1977
NYIKA: CHILE
NHOROONDO YOUPENYU: AIRIDZA NEBHENDI ROMUSAMBO WEDEATH-METAL
MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakarerwa naamai vangu muPunta Arenas, guta rinoyevedza riri munzvimbo inonzi Strait of Magellan pedyo nomuganhu wekumaodzanyemba kweSouth America. Baba naamai vakaparadzana ndichine makore mashanu uye izvi zvakaita kuti ndinzwe sokuti ndava nherera. Ndaigara ndichingoti dai ndiina baba.
Amai vangu vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ndokutanga kuenda neni kumisangano yechiKristu kuImba yoUmambo. Asi ndaisada kuenda kumisangano yacho, saka ndaichema nehasha pataiendako. Ndakabva ndarega zvachose kuenda kumisangano ndava nemakore 13.
Panguva iyoyo ndakanga ndava kufarira zvemimhanzi uye ndakatoona kuti ndaiva nechipo chokuridza. Pandakasvitsa makore 15 ndakanga ndava kuridza mimhazi ine mutinhimira une ruzha inonzi heavy-metal nedeath-metal pamitambo, mumabhawa uye pamapati ane vanhu vashoma. Kuwirirana kwandaiita neshasha dzokuridza kwakaita kuti ndifarire nziyo dzemusambo weclassical. Ndakabva ndatanga kuenda kuchikoro chinodzidzisa zvokuimba. Ndava nemakore 20, ndakatamira kuSantiago guta guru reChile kuti ndiwedzere kudzidza zvemimhanzi. Ndakaramba ndichiridza nemabhendi eheavy-metal nedeath-metal.
Asi panguva yose iyi ndainzwa sokuti hapana zvandiri kuita. Kuti ndimboderedza kunetseka uku ndainwa doro uye ndaishandisa zvinodhaka neshamwari dzangu dzandairidza nadzo idzo dzandaiona sevanhu vomumhuri mangu. Ndaiva nepfungwa dzokupandukira uye zvaioneka pane zvaiva zvakaita muviri wangu. Ndaipfeka hembe nhema uye ndaichengeta upepe hwendebvu ukuwo bvudzi rangu rakakura kusvika muchiuno.
Unhu hwangu hwaiita kuti ndigare ndichirwisana nevanhu uye ndichivhimwa nemapurisa. Rimwe zuva pandaiva ndakadhakwa, ndakarwisana neboka revanhu vaitengesa zvinodhaka avo vakanga vatidenha pamwe neshamwari dzangu. Varume vacho vakandirikita zvokusvika pakundityora shaya.
Zvandakaitirwa nevandainyanyowirirana navo ndizvo zvakanyanya kundirwadza zvikuru. Rimwe zuva ndakazoziva kuti musikana wangu akanga ava nemakore achidanana neshamwari yangu yepedyo uye dzimwe shamwari dzangu dzose dzaindivanzira nyaya yacho. Zvakandigura kunorira.
Ndakadzokera kuPunta Arenas ndokutanga basa rokuridza chimwe chiridzwa chakaita segitare chinonzi cello uye kudzidzisa zvemimhanzi. Ndakaramba ndichiridza uye ndichirekodhesa mutinhimira une ruzha weheavy-metal nedeath-metal. Ndakabva ndaonana neimwe tsvarakadenga yainzi Sussan, tikatanga kugara tose. Pava paya Sussan akaziva kuti ndakanga ndisingatendi dzidziso yoUtatu iyo yaitendwa naamai vake. Akandibvunza kuti, “Saka chokwadi ndechipi?” Ndakamuudza kuti ndaizviziva kuti dzidziso yoUtatu ndeyenhema asi ndakanga ndisingazivi magwaro anonyatsoratidza izvozvo. Ndakamuudza kuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvaigona kumutsanangurira chokwadi panyaya iyi kubva muBhaibheri. Ipapo ndakabva ndanyengetera kuna Mwari ndichimukumbira kuti andibatsire, izvo zvandakanga ndava nemakore ndisati ndaita.
Pangopera mazuva mashomanana, ndakaona mumwe murume wandakafananidza uye ndakamubvunza kana aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvaiva pachena kuti aitya chitarisiko changu, akandipindura zvandakanga ndabvunza nezvemisangano yepaImba yoUmambo. Kwandiri zvaiva pachena kuti iyi ndiyo yaiva mhinduro yemunyengetero wangu. Ndakaenda kuImba yoUmambo ndikagara nechokumashure ndichiitira kuti vanhu vasanyanyonditarisa. Asi vakawanda vakandiziva nokuti ndakanga ndambopinda navo misangano ndichiri mudiki. Vakandigamuchira vachindimbundira noushamwari zvokuti ndakanzwa ndanyatsodekara. Ndaiita semwana akarasika adzoka kumba. Pandakaona murume aindidzidzisa Bhaibheri ndichiri mudiki, ndakabva ndamukumbira kuti atangezve kudzidza neni.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Rimwe zuva ndakaverenga Zvirevo 27:11 inoti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu.” Zvakandishamisa kufunga nezvokuti munhuwo zvake angafadza Musiki wezvinhu zvose. Ndakabva ndaona kuti Jehovha ndivo Baba vandaisuwa kwemakore akawanda!
Ndaida kufadza Baba vangu vokudenga uye kuita zvavanoda asi ndakanga ndava nemakore akawanda ndisingakwanisi kurarama pasina zvinodhaka nedoro. Ndakasvika pakunzwisisa zvakadzidziswa naJesu pana Mateu 6:24 panoti: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri.” Pandaitambura kuchinja mararamiro angu, ndakabayiwa mwoyo nemashoko ari pana 1 VaKorinde 15:33 anoti: “Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.” Ndakazoona kuti ndakanga ndisingazokwanisi kusiya maitiro angu akaipa kudai ndaizoramba ndichienda kunzvimbo dzandaimboenda uye ndichishamwaridzana nevanhu vandaishamwaridzana navo. Ndaifanira kuteerera zano reBhaibheri rokuti nditore matanho okusiyana nezvinhu zvakanga zvichindikanganisa.—Mateu 5:30.
Ndaida zvemimhanzi chaizvo zvokuti zvakanga zvakandiomera chaizvo kurega kuridza nokuteerera mimhanzi yeheavy metal. Asi ndakabatsirwa neshamwari dzangu dzomuungano ndokuzopedzisira ndaisiya. Ndakarega kudhakwa uye kushandisa zvinodhaka. Ndakagerawo bvudzi rangu nendebvu, uye ndakarega kupfeka mbatya nhema chete. Sussan akashamiswa chaizvo pandakamuudza kuti ndakanga ndava kuda kugera bvudzi. Akati, “Ndinoda kuenda newe ndinoona zvamunenge muchiita kuImba yoUmambo yacho!” Akanakidzwa nezvaakaona, uye pasina nguva akatanga kudzidzawo Bhaibheri. Ndakazopedzisira ndachata naSussan. Muna 2008, takabhabhatidzwa tikava Zvapupu zvaJehovha. Ndiri kufara kuti ini naamai vangu tava kunamata Jehovha pamwe chete.
KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ndava nemufaro wechokwadi uye handichashamwaridzani nevanhu vanonyengera. Ndichiri kufarira mimhanzi, asi iye zvino handichateereri yose-yose. Ndinotaura nezvoupenyu hwangu kuti ndibatsire vomumhuri mangu nevamwewo, kunyanya vechiduku. Ndinoda kuvabatsira kuti vaone kuti zvakawanda zviri munyika ino zvingaita sezvinoyevedza, asi pakupedzisira zvinozova “marara mazhinji.”—VaFiripi 3:8.
Ndava neshamwari dzandinogona kuvimba nadzo dziri muungano yechiKristu, umo mune rudo rwechokwadi norunyararo. Chinotonyanya kukosha ndechokuti, kuswedera kwandakaita pedyo naJehovha kwakaita kuti ndigume ndawana Baba vandaitsvaka.
[Mashoko Omuzasi]
a Nyaya yacho inoti: “Kubudirira Nokutsungirira,” iri muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2000 pamapeji 4 kusvika ku6.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]
“Ndakakwanisa kudzoka kuna Jehovha nokuti akandiita kuti ndidzoke”