Mabhuku Nenyaya Zvichashandiswa Mubhuku Rinonzi Famba naMwari Neushingi—Chikamu 3
CHITSAUKO 41
“Vakanga Vakarurama Pamberi paMwari”
it “Asina Chaanopomerwa” ¶2
Asina Chaanopomerwa
Mashoko ekuti “asina chaanopomerwa” paanoshandiswa achitaura nezvevanhu, zvinenge zvisingarevi kuti vanhu vacho havana kana chavakambokanganisa. Jobho paakasangana nematambudziko akataura mashoko asina kururama nezvaJehovha, kusanganisira maonero anoita Jehovha vanhu vasina chavanopomerwa. (Job 9:20-22) Zekariya, baba vaJohani Mubhabhatidzi, akaratidza kuti haana kutenda mashoko aakaudzwa naGabrieri aibva kuna Jehovha. (Ru 1:18-20) Asi Jehovha akati Jobho naZekariya vainge vasina chavaipomerwa, nekuti aivaona sevanhu vakatendeka kunyange zvazvo vaikanganisa.—Job 1:1; Ru 1:6.
it “Gabrieri” ¶2-3
Gabrieri
Kunze kwaMikaeri, Gabrieri ndiyo chete ngirozi tsvene inotaurwa nezita muBhaibheri; ndiyo yega yakataura zita rayo payakazviratidza semunhu. Gabrieri akazviratidza kuna Dhanieri kaviri: pekutanga akazviratidza pedyo neRwizi rwaUrai “mugore rechitatu rekutonga kwaMambo Bheshazari” kuti amutsanangurire nezvechiratidzo chenhongo negondohwe (Dha 8:1, 15-26); uye pechipiri pacho, maiva “mugore rekutanga raDhariyasi” muMidhiyani kuti amuudze uprofita “hwemavhiki 70.” (Dha 9:1, 20-27) Paakazviratidza kumupristi Zekariya, Gabrieri akauya nemashoko akanaka ekuti mudzimai wake Erizabheti, uyo akanga akwegura aizova nemwanakomana, Johani (Mubhabhatidzi). (Ru 1:11-20) Paakazviratidza kuna Mariya, mhandara yainge yavimbiswa kuroorwa naJosefa, Gabrieri akataura kuti: “Kwaziwa, iwe akanzwirwa nyasha kwazvo, Jehovha anewe.” Akabva amuudza kuti aizobereka mwana mukomana, opiwa zita rekuti Jesu, uye aizonzi “Mwanakomana weWekumusorosoro, uye Jehovha Mwari achamupa chigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi, . . . uye Umambo hwake hahuzogumi.”—Ru 1:26-38.
Bhaibheri rinoratidza kuti Gabrieri ingirozi ine chinzvimbo chepamusoro uye kuti “anomira pamberi paMwari,” uye kuti akanga ‘atumwa’ naMwari kuzotaura mashoko anokosha kuvashumiri vaJehovha panyika pano (Ru 1:19, 26); uye kuti paaizviratidza semunhu, chitarisiko chake chainyatsoenderana nezita rake rinoreva kuti, ‘murume akagwinya.’—Dha 8:15.
it “Johani” ¶1
Johani
[Ndiwo mataurirwo anoitwa zita rekuti Jehohanani muchiShona, rinoreva kuti “Jehovha Aratidza Nyasha”].
Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raRuka
1:62—Zekariya akava chimumumu uye matsi here? Kwete. Kutaura kwake ndiko kwakangokanganiswa chete. Vamwe vakabvunza vachishandisa “zviratidzo” kuti aizoda kutumidza mwana wacho zita rekuti ani asi vakaita izvi kwete nekuti Zekariya aiva matsi. Anofanira kunge akanzwa zvakanga zvataurwa nemudzimai wake nezvekupa mwanakomana wavo zita. Zvichida vamwe vakabvunza Zekariya nezvazvo vachishandisa zviratidzo. Sezvo kuri kutaura kwake chete kwaifanira kugadziriswa zvinoratidza kuti Zekariya akanga achiri kunzwa.—Ruka 1:13, 18-20, 60-64.
Jehovha “Achakusimbisa” Sei?
10 Jehovha anogona kushandisa hama nehanzvadzi dzedu kuti atisimbise. Dzinogona ‘kutinyaradza zvikuru’ patinosangana nedambudziko kana kuti patinotadza kuita basa rakaoma. (VaK. 4:10, 11) Tinonyanya kuda shamwari “panguva yekutambudzika.” (Zvir. 17:17) Patinonzwa tisina simba, hama nehanzvadzi dzedu dzinogona kutipa zvatinoda pakurarama, kutinyaradza, uye kutikurudzira kuti tirambe tichishumira Jehovha. Ona kuti Mariya, amai vaJesu, vakasimbiswa sei nevamwe.
11 Mariya aida simba rekuti aite kuda kwaJehovha. Funga kuti akanzwa sei paakapiwa basa rakaoma nengirozi Gabrieri. Akanga asina kuroorwa, asi aizofanira kuva nepamuviri. Akanga asina kumbobvira arera vana vake pachake, asi aizofanira kurera mukomana aizova Mesiya. Uye sezvo akanga asina kumborara nemurume, aizotsanangura sei zvese izvozvo kuna Josefa uyo aida kumuroora?—Ruka 1:26-33.
12 Mariya akawana sei simba raaida kuti akwanise kuita basa rainge rakasiyana nemamwe ese uye rainge rakaoma? Akatsvaga kubatsirwa nevamwe. Semuenzaniso, akakumbira Gabrieri kuti amuudze mamwe mashoko ane chekuita nebasa racho. (Ruka 1:34) Akabva aita rwendo rwekuenda “kunyika yemakomo” yeJudha achishanyira hama yake Erizabheti. Akafambira zviripo. Erizabheti akarumbidza Mariya uye akafemerwa naJehovha kuti ataure uprofita hunokurudzira nezvemwanakomana waMariya ainge asati aberekwa. (Verenga Ruka 1:39-45.) Mariya akati Jehovha ainge “ashandisa simba reruoko rwake.” (Ruka 1:46-51) Jehovha akasimbisa Mariya achishandisa Gabrieri uye Erizabheti.
13 Sezvakaitika kuna Mariya, unogonawo kusimbiswa nehama nehanzvadzi dzako. Imwe hanzvadzi yekuBolivia inonzi Damaris yaifanira kusimbiswa saizvozvo. Baba vake vakarwara chaizvo uye chirwere chavaiva nacho chaisarapika. Pavaiva muchipatara, Damaris aida kuita zvese zvaaigona kuti arambe ainavo. (1 Tim. 5:4) Dzimwe nguva zvaisava nyore. Anoti, “Kakawanda ndainzwa sekuti handichazvikwanisi.” Damaris akatsvaga kubatsirwa here? Pakutanga haana. Anoti: “Ndaisada kunetsa hama dzangu. Ndaizviudza kuti, ‘Jehovha ndiye achandipa rubatsiro rwandinoda.’ Asi ndakazoona kuti ndaizviparadzanisa nevamwe. Ndaiedza kupedza matambudziko angu ndega.” (Zvir. 18:1) Damaris akasarudza kunyorera dzimwe shamwari dzake achitsanangura mamiriro ake ezvinhu. Anoti: “Handikwanisi kutsanangura kusimbiswa kwandakaitwa neshamwari dzangu dzechiKristu dzine rudo. Vaiunza zvekudya kuchipatara uye vaindiverengera mavhesi emuBhaibheri anonyaradza. Zvinofadza chaizvo kuziva kuti hatisi tega. Tiri mumhuri yaJehovha yakakura, mhuri inoda kutibatsira, inoda kuchema nesu, uye inotikurudzira kuti tirambe tichishumira Jehovha pamwe chete.”
14 Jehovha anoshandisawo vakuru kuti atipe simba. Ivo zvipo zvaanoshandisa kutisimbisa uye kutizorodza. (Isa. 32:1, 2) Saka paunonzwa wakaora mwoyo, udza vakuru zviri kukunetsa. Pavanenge vachida kukubatsira, bvuma kubatsirwa navo. Jehovha anogona kukusimbisa achivashandisa.
CHITSAUKO 42
Akashinga Kubvuma
g 7/11 11 ¶4-5
Bhuku Raunogona Kuvimba Naro—Chikamu 6
Nyaya dzemuBhaibheri dzinotaurawo nezvezviitiko zvinokosha zvakaitika panguva yaitonga Roma. Nezvenguva yakaberekwa Jesu, Bhaibheri rinoti: “Mumazuva iwayo, Kesari Agasto akapa murayiro wekuti vanhu vemuumambo hwese vanyorwe pasi mazita avo. (Kunyoresa uku kwekutanga kwakaitika Kwiriniyo ari gavhuna weSiriya.) Uye vanhu vese vakaenda kunonyoresa, mumwe nemumwe kuguta rekwake.”—Ruka 2:1-3.
Tacitus uye mumwe munyori wenhau dzakaitika dzechiJudha anonzi Josephus vese vakanyora nezvaKwiriniyo. Uchapupu hunoratidza kuti kunyoresa ikoko kwakaitika hunowanika mumurayiro wagavhuna weRoma wakachengetwa muBritish Library. Unoti: “Taona kuti nguva yekuverengwa kwevanhu paimba nemba yakwana, saka zvinokosha kuti tiite kuti vanhu vese vanogara kumaruwa asiri avo pamusana pechikonzero chero chipi zvacho, vadzokere kumisha yavo.”
‘Akaafungisisa Mumwoyo Make’
4 Josefa naMariya vakanga vasiri ivo chete vaiva parwendo. Kesari Agasto akanga achangobva kurayira kuti munyika yese vanhu vanyoreswe, uye vanhu vaifanira kuenda kumaguta avakaberekerwa kuti vanonyoreswa. Josefa akaita sei? Nhoroondo yacho inoti: “Josefa akabvawo kuGarireya, muguta reNazareta, akaenda kuJudhiya, kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetrehema, nokuti aiva weimba uye wemhuri yaDhavhidhi.”—Ruka 2:1-4.
5 Izvi hazvina kungoitika nemasanga kuti Kesari ape murayiro panguva iyi. Uprofita hwakanga hwanyorwa makore anenge 700 ainge apfuura hwakanga hwafanotaura kuti Mesiya aizoberekerwa muBhetrehema. Zvakaitikawo kuti kwaiva nerimwe guta rainzi Bhetrehema raingova makiromita 11 chete kubva kuNazareta. Zvisinei, uprofita hwacho hwakanyatsotaura kuti Mesiya aizoberekerwa ‘muBhetrehema Efrata.’ (Verenga Mika 5:2.) Kuti vasvike kuguta iroro vachibva kuNazareta, vafambi vaifamba makiromita 130 nemumakomo vachipfuura nemuSamariya. Ndiko kuBhetrehema kwaifanira kuendwa naJosefa, nokuti ndiwo waiva musha wemadzitateguru emhuri yaMambo Dhavhidhi—mhuri yaibva Josefa nemwenga wake.
6 Mariya aizotsigira Josefa pachisarudzo chake chekuenda kunonyoreswa here? Rwendo rwacho rwaizomuomera. Kunenge kuti kwaiva kutanga kwaOctober, saka mvura yaigona kunaya zvisina simba mwaka wechirimo zvawakanga wava kupera. Uyewo, Bhetrehema rakanga riri pakakwirira nemamita anopfuura 760 kubva pamusoro pemvura yegungwa—mukwidza chaiwo, mugumo wairwadza werwendo rwavo rwemazuva anoverengeka. Zvichida rwendo rwacho rwaizotora mazuva akati wandei, nokuti Mariya zvaainge akazvitakura angangodaro aida kuzorora kakawanda. Kunyanya panguva yaainge ava pedyo nokusununguka, mukadzi wechiduku aizoda kuva pedyo nokumba, kwaaiva nemhuri neshamwari vaizenge vakagadzirira kumubatsira paainge otanga kurwadziwa nepamuviri. Hapana mubvunzo kuti zvaida kushinga kuti afambe rwendo urwu.
7 Kunyange zvakadaro, Ruka anonyora kuti Josefa akaenda “kuti vanyorwe, iye naMariya.” Anotiwo Mariya “akanga aroorana [naJosefa] sezvavakanga vavimbisana.” (Ruka 2:4, 5) Kuva mudzimai waJosefa kwakaita kuti pave nemusiyano pazvisarudzo zvaMariya. Aiona murume wake semusoro wemhuri, achiita basa raakanga apiwa naMwari semubatsiri wake achitsigira murume wake pazvisarudzo zvaaiita. Mariya aida chaizvo kuteerera murume wake, uye nokuita izvozvo akaratidza kutenda.
Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raRuka
2:35—“Bakatwa refu” raizobaya sei Mariya? Izvi zvinoreva kurwadziwa kwaizoita Mariya paaizoona ruzhinji rwevanhu ruchiramba Jesu kuti ndiMesiya uye kurwadziwa kwaaizoita paaiona mwanakomana wake achifa zvinorwadza.—Joh. 19:25.
Uri Kutsvaga Kuzivikanwa Naani?
14 Jehovha akaramba achiratidza here kuti aikoshesa Mariya nekuchengeta uye kurera kwaakaita Jesu? Hongu. Mwari akaita kuti zvakaitwa naMariya uye zvaakataura zvinyorwe muBhaibheri. Zvinoita sekuti Mariya aisakwanisa kufamba naJesu mumakore matatu nehafu aaiita ushumiri hwake. Zvichida Mariya aifanira kuramba achigara muNazareta sezvo aiva chirikadzi. Asi kunyange zvazvo asina kuwana ropafadzo dzakawanda, akakwanisa kuva naJesu panguva yaakafa. (Joh. 19:26) Pava paya Mariya aiva muJerusarema pamwe chete nevadzidzi vaJesu vasati vagamuchira mweya mutsvene paPendekosti. (Mab. 1:13, 14) Anogona kunge akazodzwa pamwe chete nevamwe vaivapo. Kana zvakadaro, zvinoreva kuti akapiwa mukana wekuva kudenga naJesu nekusingaperi. Uyu mubayiro wakazonaka wekushumira kwake akatendeka.
Zvatingadzidza Kuna Mariya
Mariya haanyanyi kutaurwa nezvake muEvhangeri. Anongonyanya kutaurwa nezvake panguva yakaberekwa kwaJesu uye paaiva mucheche. Asi tinoziva kuti Mariya naJosefa vakava nevamwe vana 6 kana kupfuura. Izvi zvinogona kukushamisa. Zvisinei, chimboona zvinotaurwa neEvhangeri.
Josefa airemekedza zvikuru kukudzwa kwakanga kwaitwa Mariya kuti abereke Mwanakomana waMwari. Saka Josefa haana kurara naye asati abereka Jesu. Pana Mateu 1:25 panoti Josefa “haana kurara naye kusvikira abereka mwanakomana.” Shoko rekuti “kusvikira” rinoratidza kuti pashure pekuzvarwa kwaJesu, Josefa naMariya vakarara vese semurume nemudzimai. Evhangeri dzinoti, Mariya akaita vana naJosefa, vanakomana nevanasikana. Jakobho, Josefa, Simoni uye Judhasi vaiva vanin’ina vaJesu, vana vaamai vake. Mariya akavawo nevanasikana vaviri kana kupfuura. (Mateu 13:55, 56) Zvisinei, vana ava vakanambwa sezvinongoitwa vamwe vese.
Mariya aiva munhu aikoshesa ukama hwake naMwari. Kunyange zvazvo Mutemo wakanga usingatauri kuti vakadzi vaifanirawo kupinda mutambo wePaseka, gore negore Mariya aigaroenda naJosefa kuJerusarema kumutambo iwoyo. (Ruka 2:41) Izvi zvaireva kufamba makiromita anenge 300 gore negore nemhuri yakakura! Nzendo idzi dzinofanira kunge dzaifarirwa nemhuri.
Nhasi vakadzi vakawanda vanotevedzera muenzaniso wakanaka waMariya. Vanoshanda nesimba uye vanozvipira kuita zvavanonzi nemagwaro vaite. Vakadzi ivava vanogara vachiratidza kushivirira, kutsungirira, uye kuzvininipisa zvikuru! Kufunga nezvemafungiro aMariya kunovabatsira kukoshesa zvinhu zvine chekuita nekunamata pane kuti vakoshese mafaro uye kuda kugara zvakanaka. Sezvaiita Mariya, vanoziva kuti kunamata Mwari pamwe chete nemurume nevana kunosimbisa uye kunobatanidza mhuri.
CHITSAUKO 43
Akatakura Mutoro Wacho
Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Saizvozvowo, nhoroondo yemadzinza inotaurwa nevanyori vaviri ava yakasiyana. Mateu anotaura nhoroondo yedzinza raJosefa uye anoratidza kuti sezvo Jesu aiva mwanakomana waJosefa wekurera, aiva mugari wenhaka wepamutemo weumambo hwaDhavhidhi. Nei tichidaro? Sezvo aiva muzukuru waSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, Josefa aiva wedzinza raDhavhidhi. (Mat. 1:6, 16) Zvisinei, Ruka anotaura nhoroondo yedzinza raMariya uye anoratidza kuti Jesu aiva mugari wenhaka chaiye weumambo hwaDhavhidhi “panyama.” (VaR. 1:3) Nei tichidaro? Sezvo aiva muzukuru waNatani mwanakomana waDhavhidhi, Mariya aiva wedzinza raMambo Dhavhidhi. (Ruka 3:31) Asi nei Ruka asina kuisa zita raMariya munhoroondo yedzinza yaakanyora kuti aratidze kuti Mariya aiva mwanasikana waHirai? Nekuti munhoroondo yedzinza maiwanzoiswa mazita evarume chete. Saka Ruka paakanyora zita raJosefa achiti aiva mwanakomana waHirai, vanhu vainzwisisa kuti izvi zvaireva kuti Josefa aiva mukwasha waHirai.—Ruka 3:23.
Zvidzidzo Zvatinowana Kubva Pavanhu Vemumhuri Yakaberekerwa Jesu
Josefa haana kurara naMariya kusvikira abereka mwanakomana wake. (Mateu 1:25) Sezvo Josefa naMariya vanga vachangobva kuroorana zvinogona kunge zvainge zvakaoma chaizvo kuti varege kurara vese, asi vaida kuti zvive pachena kuti Josefa akanga asiri iye baba vemwana wacho. Josefa akanyatsoratidza chinonzi kuzvidzora! Josefa ainyanya kukoshesa zvaidiwa naJehovha kupfura zvaidiwa nenyama yake.
Akadzivirira, Akariritira Uye Akaramba Achiita Basa Rake
15 Vairarama upenyu husina twakawanda-wanda, asi husiri nyore. Bhaibheri rinotaura nezvaJosefa semuvezi, richishandisa shoko rinosanganisira nzira dzakawanda dzekushanda nemapuranga, dzakadai sekutema matanda, kuakweva uye kuaomesa kuti azoshandiswa pakuvaka dzimba, kugadzira zvikepe, mabhiriji madiki, ngoro, mavhiri, majoko nezvinhu zvakasiyana-siyana zvekushandisa pakurima. (Mat. 13:55) Raiva basa remaoko rakaoma. Muvezi wemunguva inotaurwa muBhaibheri aiwanzoshandira pedyo nemusuo weimba yake kana kuti muimba yaiva padivi peimba yake.
16 Josefa aishandisa maturusi akasiyana-siyana, mamwe aangangodaro akasiyirwa nababa vake. Angangodaro aishandisa sikweya, tambo yekuyeresa, choko, demo, saha, mbezo, sando yesimbi neyemuti, chezero, chibooreso chaaishandisa nekutenderedza uta, marudzi akasiyana-siyana eguruu uye zvichida zvipikiri, kunyange zvazvo zvaidhura chaizvo.
17 Fungidzira Jesu ari kakomana achiona baba vake vekurera vachishanda. Paaiti ndee achiona zvese zvaiitwa naJosefa, hapana mubvunzo kuti aiyemura simba raiva naJosefa uye mhasuru dzaiva mumaoko ake, unyanzvi hwemaoko ake uye njere dzaaiva nadzo. Zvichida Josefa akatanga kudzidzisa mwanakomana wake achiri mudiki kuita mabasa ari nyore akadai sekukwesha mapuranga kuti atsvedzerere achishandisa ganda rehove rakaomeswa. Angangodaro akadzidzisa Jesu kusiyana kwemarudzi emiti yaaishandisa yakadai semitsamvi, mioak kana miorivhi.
18 Jesu akadzidzawo kuti, maoko iwayo akasimba aitema miti, kutsemura matanda uye kubatanidza majoini, aivawo maoko aipuruzira nekunyaradza iye, amai vake nevanun’una nehanzvadzi dzake. Mhuri yaJosefa naMariya yakaramba ichikura zvekuti vakaguma vava nevamwe vana vanenge vatanhatu. (Mat. 13:55, 56) Josefa aitofanira kuwedzera kushanda nesimba kuti avariritire vese.
w17.07 13 ¶8, mashoko emuzasi
“Chemai Nevanhu Vanochema”
8 Zviri pachena kuti Jesu akafirwa nehama dzepedyo neshamwari achiri mudiki. Zvinoita sekuti baba vake vekurera, Josefa, vakafa asati asvitsa makore 20 kana kuti adarika 20 zvishoma. Fungidzira kuti Jesu nerudo rwaaiva narwo akanzwa sei pakafa baba vake, uye paaiona amai vake, vanin’ina vake nehanzvadzi dzake vachirwadziwa.
[Mashoko emuzasi]
Josefa anopedzisira kutaurwa nezvake Jesu paaiva nemakore 12. Jesu paakaita chishamiso chake chekutanga, chekuchinja mvura kuva waini, Josefa haataurwi nezvake ipapo uye hapana pamwe paanozotaurwa nezvake. Paakanga ari padanda rekutambudzikira Jesu akaita kuti Mariya azochengetwa naJohani. Kudai Josefa aiva mupenyu, Jesu angangodaro asina kumboita izvozvo.—Joh. 19:26, 27.
“Unoda Kuteerera” Here?
9 Vanhu vakawanda vanobvuma kuti nyika dzinofanira kunge dziine hurumende uye kuti tinofanira kuteerera mimwe yemitemo inodzikwa ‘nevane masimba’ ava. (VaR. 13:1) Vanhu vamwe chete ivavo vangazeza kuteerera mutemo wavanoona sekuti unovadzvinyirira kana kuti unovaomesera. Funga nezvekubhadharwa kwemitero. Munhu mumwe chete pavanhu 4 vega vega vakabvunzwa mune imwe nyika yemuEurope aiona sekuti “hapana chakaipa nekurega kubhadhara mitero kana uchiona sekuti inodzvinyirira.” Ndokusaka munyika iyoyo, vagari vemo vasingabhadhari mitero yese inonzi nehurumende inofanira kubhadharwa.
10 Bhaibheri rinotaura kuti hurumende dzevanhu dzinoita kuti vanhu vatambure, dziri pasi paSatani, uye kuti dzava pedyo nekuparadzwa. (Pis. 110:5, 6; Mup. 8:9; Ruka 4:5, 6) Rinotiudzawo kuti “wese anoshora munhu ane masimba, ari kurwisana neurongwa hwaMwari.” Pari zvino Jehovha ari kubvumira hurumende kuti dzitonge kuitira kuti zvinhu zvirambe zvakarongeka uye anotarisira kuti tidziteerere. Saka tinofanira kupa “vese zvakavakodzera,” kusanganisira mitero, kukudzwa, uye kuvateerera. (VaR. 13:1-7) Tinogona kuona mumwe mutemo sekuti unotitadzisa kuita zvatinoda, unodzvinyirira, kana kuti unoita kuti tirasikirwe nemari kana tikauteerera. Asi tinoteerera Jehovha, uye anotiudza kuti titeerere vane masimba ava kana zvavanotiudza zvisingapesani nemitemo yake.—Mab. 5:29.
11 Tinogona kudzidza pana Josefa naMariya, avo vaida kuteerera vanhu vane masimba kunyange pazvainge zvakaoma. (Verenga Ruka 2:1-6.) Mariya paainge ava kusvitsa mwedzi 9 aine pamuviri, hurumende yaida kuti iye naJosefa vaite chimwe chinhu chakaoma. Agasto, uyo aitonga muumambo hweRoma akaita kuti vanhu vaverengwe. Josefa naMariya vaifanira kuenda kuBhetrehema, rwendo rwaigona kusvika makiromita 150 vachipfuura nemuzvikomo. Rwendo urwu rwakanga rusiri nyore, kunyanya kuna Mariya. Vanogona kunge vaityira utano hwaMariya uye hwemwana wavo ainge asati aberekwa. Zvimwe vaityira kuti ko kana marwadzo ekusununguka akatanga vari munzira. Mariya ainge akatakura mwana aizova Mesiya. Izvozvo zvaizoita here kuti varege kuteerera hurumende?
12 Josefa naMariya havana kurega zvinhu izvozvo zvaivadya mwoyo zvichivatadzisa kuteerera mutemo. Jehovha akakomborera kuteerera kwavakaita. Mariya akasvika zvakanaka kuBhetrehema, akabereka mwana aiva neutano, uye akatobatsirawo pakuzadzisa uprofita hweBhaibheri!—Mika 5:2.
13 Kuteerera vanhu vane masimba kunotibatsira, uye kunobatsirawo vamwe. Zvinodaro sei? Chimwe chikonzero ndechekuti hatizopiwi chirango chinobva pakusateerera mutemo. (VaR. 13:4) Kuteerera kwatinoita kunogona kuita kuti vane masimba vaone Zvapupu zvaJehovha neziso rakanaka. Semuenzaniso, makore akawanda adarika muNigeria, masoja akapinda mune imwe Imba yeUmambo muchiitwa musangano weungano, achitsvaga vanhu vairatidzira vachitsutsumwa nenyaya yekubhadhara mitero. Asi mukuru wemasoja acho akaudza vamwe vake kuti vabude achiti: “Zvapupu zvaJehovha zvagara zvichibhadhara mitero.” Pese paunoteerera mutemo, unenge uchiita kuti mukurumbira wevanhu vaJehovha urambe wakanaka, uye rimwe zuva mukurumbira iwoyo unogona kudzivirira hama nehanzvadzi dzako.—Mat. 5:16.
14 Dzimwe nguva tinganzwa tisingadi kuteerera vanhu vane masimba. Imwe hanzvadzi inogara kuUnited States inonzi Joanna inoti: “Zvainge zvakandiomera chaizvo kuti nditeerere nekuti vamwe vemumhuri mangu vakaitirwa zvinhu zvakaipa nevanhu vane masimba.” Asi Joanna akasarudza kuchinja maonero aaiita vanhu vane masimba. Saka akaita zvinhu zvinotevera: Chekutanga, akarega kuverenga zvinhu zvinobuda pasocial media zvinoita kuti ataure zvinhu zvakaipa nezvevanhu vane masimba. (Zvir. 20:3) Chechipiri, akanyengetera kuti ave nechivimbo chekuti Jehovha ndiye aizogadzirisa zvinhu pane kufunga kuti kuchinja hurumende ndiko kwaizoita kuti zvinhu zvinake. (Pis. 9:9, 10) Chechitatu, akaverenga nyaya dzinobuda mumabhuku edu dzinotaura nezvekusava nedivi ratinotsigira mune zvenyika. (Joh. 17:16) Iye zvino Joanna anoti kuremekedza uye kuteerera vanhu vane masimba kunoita kuti anzwe akagadzikana.
CHITSAUKO 44
“Hapana Kumbova Nemukuru Kwaari”
Waizviziva Here?
Ukama hupi hwaivapo pakati paJohani Mubhabhatidzi naJesu
▪ Vamwe vanofunga kuti Jesu naJohani Mubhabhatidzi vaiva mukoma nemunin’ina. Izvi zvinobva pakusashandurwa zvakanaka kwerugwaro rwaRuka 1:36. Semuenzaniso, muKing James Version vhesi iyi inoratidza kuti Erizabheti amai vaJohani, naMariya amai vaJesu, vakanga vari mukoma nemunin’ina asi vasiri vemudumbu rimwe chete.
Asi shoko rechiGiriki rakashandiswa pakanyorwa vhesi iyi harinyatsoratidzi kuti ukama hwavo hwainge hwakamira sei. Rinongoratidza kuti Mariya naErizabheti vaiva neukama asi vakanga vasiri mukoma nemunin’ina. Bhuku rinonzi The Interpreter’s Dictionary of the Bible, rinoti “shoko racho rinoreva zvakawanda, saka zvakaoma kuziva kuti ukama hwacho hwakanga hwakamira sei.” Saka nyaya yekuti Jesu naJohani vakanga vari mukoma nemunin’ina yakabva kupi? Bhuku rinonzi The Catholic Encyclopedia rinoti: ‘Mashoko ese atinoziva ane chekuita nevabereki vaMariya takaatora mumabhuku asina kufemerwa naMwari.’
Saka kunyange hazvo Jesu naJohani vakanga vasina ukama hwepedyo, pakanga pane kaukama.
mrt nyaya yechi14
Johani Mubhabhatidzi Aivako Zvechokwadi Here?
Nhoroondo dzeEvhangeri dzinotaura nezvemurume ainzi Johani Mubhabhatidzi, uyo akaparidza muJudhiya nezveUmambo hwaMwari. Zvinotaurwa neBhaibheri nezvemurume uyu ndezvechokwadi here? Chimbofunga izvi:
● Bhaibheri rinoti: “Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhiya, achiti: ‘Pfidzai zvivi zvenyu, nekuti Umambo hwekudenga hwaswedera pedyo.’” (Mateu 3:1, 2) Kune vamwe vanhu here vanobvuma kuti mashoko aya ndeechokwadi? Ehe.
Munyori wenhoroondo wekare ainzi Flavius Josephus akarondedzera mumwe murume ainzi “Johani aiva nezita rechipiri rakanga rava kunzi Mubhabhatidzi,” uyo “akakurudzira vaJudha kuva vanhu vakarurama,” voratidza kuti vanhu “vanonamata Mwari zvechokwadi,” uye “vouya kuzobhabhatidzwa.”—Jewish Antiquities, Book XVIII.
● Bhaibheri rinotsanangura kuti Johani akatsiura Herodhi Andipasi, uyo aiva mutongi weruwa rweGarireya nePereya. Herodhi aiva muJudha zvezita uye aiti aiteerera Mutemo waMozisi. Johani akatsiura Herodhi nekuroora kwaakaita Herodhiyasi, mudzimai wemukoma wake. (Mako 6:18) Mashoko aya anotsigirwawo nemamwe mabhuku asiri Bhaibheri.
Munyori wenhoroondo Josephus akataura kuti Andipasi “akadanana naHerodhiyasi” ndokubva “amuudza asingatombonyari kuti aida kumuroora.” Herodhiyasi akabvuma akasiya murume wake akanoroorwa naAndipasi.
● Bhaibheri rinoti “vanhu vemuJerusarema neJudhiya yese nenyika yese yakapoteredza Jodhani vaibuda, vachienda [kuna Johani], uye vaibhabhatidzwa naye muRwizi rwaJodhani.”—Mateu 3:5, 6.
Josephus anotsigirawo mashoko aya, achinyora kuti vanhu vakauya vari “mapoka” kuti vaone Johani uye kuti “vakanakidzwa zvisingaiti nemharidzo dzake.”
Zviri pachena kuti, munyori wenhoroondo Josephus aiona Johani Mubhabhatidzi semunhu chaiye, uye nesuwo ndozvatinoita.
it “Mweya” ¶60
Mweya
Shoko rechiHebheru rakazoshandurwa kuti mweya rinogona kureva mafungiro anoita kuti munhu aite kana kutaura chimwe chinhu. Izvi tinozviona pakuti shoko iroro ndiro rakashandurwa kuti “murume ane pfungwa dzakanaka” pachitaurwa nezvaJoshua (Nu 27:18), uyewo shoko rimwe chete iroro ndiro rakashandiswawo paitaurwa nezvaKarebhi pachinzi ‘akaratidza kuti aiva nemafungiro akasiyana neevamwe’ vaIsraeri vese avo vakanga vapedzwa simba nezvakataurwa netsori gumi. (Nu 14:24) Eriya aiva munhu aishanda nesimba akanyatsozvipira pakushumira Mwari, uye kana ari Erisha akatokumbira kuti apiwe chikamu chakapetwa kaviri chemweya waEriya kuti azosara achiita basa raiitwa naEriya. (2Mad 2:9, 15) Ndizvo zvaiitwawo naJohani Mubhabhatidzi. Aishanda nesimba achiratidza kuti aiva nemafungiro akangofanana neaiva naEriya, zvekuti vanhu vakawanda vaimunzwa vaibayiwa mwoyo nemashoko ake; saka zvainge zvakanyatsokodzera kuti anzi achaenda “nemweya nesimba zvaEriya.” (Ru 1:17) Asi upfumi hwaSoromoni neuchenjeri hwaaiva nahwo hwakaita kuti mambokadzi weShebha ‘asare asina mweya maari.’ (1Mad 10:4, 5) Izvi zvinoratidza kuti mweya wemunhu unogona kunzi ‘wakaitwa kuti’ kana kuti “akaisa pfungwa” (1Mak 5:26; Ezr 1:1, 5; Hag 1:14; enzanisa naMup 10:4), ‘wakatanga kunetseka’ kana kuti ‘wakarwadziwa’ (Ge 41:8; Dha 2:1, 3; Mab 17:16), ‘wakadzikama ukarega kunetsana naye’ (Vat 8:3), ‘wakatambudzika,’ ‘wakapedzwa simba’ (Job 7:11; Pis 142:2, 3; enzanisa naJoh 11:33; 13:21), ‘wakawanazve simba’ kana kuti ‘wakazorodzwa’ (Ge 45:27, 28; Isa 57:15, 16; 1VaK 16:17, 18; 2VaK 7:13; enzanisa na2VaK 2:13).
ijwbq nyaya yechi178 ¶4
Johani Mubhabhatidzi Aiva Ani?
Zvakaitwa naJohani: Jesu akataura kuti pavanhu vese vakararama “hapana kumbova nemukuru kuna Johani Mubhabhatidzi, asi mudiki kune vamwe vese muUmambo hwekudenga mukuru kwaari.” (Mateu 11:11) Hapana mushumiri waMwari akararama Johani asati avapo anogona kunzi mukuru kwaari, nemhaka yekuti Johani aiva muprofita uyewo ari “nhume” yakafanoziviswa. Zvakataurwa naJesu zvinoratidzawo kuti Johani haasi kuzova muUmambo hwekudenga. Muprofita uyu akatendeka akafa Jesu asati azarurira vanhu nzira yekuti vararame kudenga. (VaHebheru 10:19, 20) Asi Johani ane tariro yekurarama pano panyika muParadhiso nekusingaperi achitongwa neUmambo hwaMwari.—Pisarema 37:29; Ruka 23:43.
Johani muBhabhatidzi Muenzaniso Unotibatsira Kuramba Tichifara
PANE rimwe basa remuungano raunoda asi rausingakwanisi kuita panguva ino here? Zvichida ibasa riri kuitwa nemumwe munhu. Kana kuti ibasa rawaimboita. Asi zvichida zera, kurwara, kushaya mari, kana kuriritira mhuri zviri kukutadzisa kuita zvakawanda. Kana kuti nemhaka yekuchinja kwezvinhu musangano, unogona kunge wakasiya rimwe basa rawakaita kwenguva yakareba. Pasinei nechikonzero chacho, unganzwa sekuti hausi kuita zvese zvaungada kuita mubasa raJehovha. Pakadaro zvinonzwisisika kuti dzimwe nguva unoora mwoyo. Kunyange zvakadaro, ungaitei kuti usaora mwoyo kana kugumbuka? Ungaitei kuti urambe uchifara?
Tinodzidza chimwe chinhu chinokosha panyaya yekuramba tiine mufaro pane zvakaitwa naJohani Mubhabhatidzi. Aiva neropafadzo dzakakura, asi anogona kunge aisatarisira zvakazoitika muupenyu hwake. Anogona kunge asina kumbofunga kuti aizogara mujeri kwenguva yakareba kupfuura yaakaita ushumiri hwake. Kunyange zvakadaro, Johani akaramba achifara kweupenyu hwake hwese. Chii chakamubatsira? Uye tingaramba sei tichifara kunyange patinosangana nezvinotiodza mwoyo?
BASA RINOFADZA
Munenge muna April 29 C.E., Johani akatanga basa raakapiwa naJehovha rekuita kuti vanhu vagadzirire kuuya kwaMesiya, achiti: “Pfidzai zvivi zvenyu, nekuti Umambo hwekudenga hwaswedera pedyo.” (Mat. 3:2; Ruka 1:12-17) Vakawanda vakateerera zvaakataura. Vanhu vakawanda vakabva kure vachiuya kuzonzwa mashoko ake, uye vakawanda vakapfidza zvivi zvavo vakabhabhatidzwa. Johani akayambirawo vatungamiriri vechitendero vaizviona sevakarurama kuti vaizotongwa kana vakasachinja. (Mat. 3:5-12) Chinhu chinopfuura zvese pane zvakaitwa naJohani kwaiva kubhabhatidza Jesu munenge muna October 29 C.E. Kubva ipapo, Johani akarayira vamwe kuti vatevere Jesu, Mesiya akavimbiswa.—Joh. 1:32-37.
Achifunga nezvebasa rinokosha rakaitwa naJohani, Jesu akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, pavanhu vese vakararama hapana kumbova nemukuru kuna Johani Mubhabhatidzi.” (Mat. 11:11) Hapana mubvunzo kuti Johani akafara nemakomborero aakawana. Mazuva ano pane vakawanda vari kuwanawo makomborero sezvakaitwa naJohani. Funga nezveimwe hama inonzi Terry. Iye nemudzimai wake, Sandra, vakaita makore anopfuura 50 mubasa renguva yakazara. Terry anoti: “Ndakava neropafadzo dzakawanda. Ndakashumira sapiyona, mushandi wepaBheteri, piyona chaiye, mutariri wedunhu, mutariri weruwa, uye iye zvino sapiyona chaiye zvakare.” Zvinofadza chaizvo kana tikapiwa mabasa ekuita musangano, asi sezvatichadzidza pane zvakaitika kuna Johani, tinotofanira kushanda nesimba kuti tirambe tichifara kana mamiriro edu ezvinhu achinja.
GARA UCHIKOSHESA BASA RAUNOPIWA NAJEHOVHA
Chinhu chikuru chakaita kuti Johani arambe achifara ndechekuti airamba achikoshesa ropafadzo dzaaiva nadzo. Funga izvi. Pashure pekubhabhatidzwa kwaJesu, vanhu vaitevera Johani vakatanga kuita vashoma, asi vaitevera Jesu vakatanga kuwanda. Izvi zvakanetsa vadzidzi vaJohani, vachibva vaenda kwaari ndokuti: ‘Murume uya ari kubhabhatidza, uye vese vari kuenda kwaari.’ (Joh. 3:26) Johani akapindura kuti: “Munhu wese ane mwenga ndiye murume ari kuchata. Asi shamwari yemurume ari kuchata painosimuka yomunzwa, inofara chaizvo nekuti inenge yanzwa inzwi rake. Saka mufaro wangu wazadziswa.” (Joh. 3:29) Johani haana kukwikwidzana naJesu, uye haana kufunga kuti basa rake rakanga risingakoshi nekuti raJesu raipfuura rake. Asi akaramba achifara nekuti aikoshesa basa rake rekuva “shamwari yemurume ari kuchata.”
Mafungiro aJohani akaita kuti arambe achifara kunyange zvazvo basa rake raisava nyore. Semuenzaniso, Johani aiva muNaziri kubva paakaberekwa, saka aisabvumirwa kunwa waini. (Ruka 1:15) “Johani akauya asingadyi kana kunwa,” akadaro Jesu achitaura nezvemararamiro aJohani. Asi Jesu nevadzidzi vake vainge vasiri vaNaziri uye vairarama sezvaingoitawo vamwe vanhu. (Mat. 11:18, 19) Uyewo kunyange zvazvo Johani asina chishamiso chaakaita, aiziva kuti vadzidzi vaJesu avo vaisanganisira vamwe vaimbova vateveri vake, vakapiwa simba rekuita zvishamiso. (Mat. 10:1; Joh. 10:41) Johani haana kurega izvozvo zvichimukanganisa, asi akaramba akatendeka achiita basa raakapiwa naJehovha.
Kana isuwo tikaramba tichikoshesa basa ratiri kuita iye zvino musangano raJehovha, tinogona kuramba tichifara. Terry ambotaurwa anoti, “Ndainyatsoisa pfungwa pabasa rimwe nerimwe randaipiwa.” Achitarisa upenyu hwake mubasa renguva yakazara anoti, “Handina chandinozvidemba asi ndinofara pandinofunga zvinhu zvakanaka zvandakaita mubasa racho.”
Tinogona kuwedzera mufaro wedu mubasa raJehovha kana tikafungisisa kuti chii chinoita kuti basa ratinopiwa musangano raJehovha rikoshe chaizvo. Basa redu rinokosha nekuti tinoshanda “pamwe chete naMwari.” (1 VaK. 3:9) Mudziyo unokosha unoramba uchiratidzika zvakanaka kana tikagara tichiupukuta. Saizvozvowo tinoramba tichifara kana tikaramba tichifunga nezveropafadzo yekushanda naJehovha. Hatizoenzanisi zvatinoita nezvinoitwa nevamwe vanhu. Hatizooni basa ratinoita serakaderera pane rinenge rapiwa vamwe.—VaG. 6:4.
ISA PFUNGWA PAZVINHU ZVINOKOSHESWA NAJEHOVHA
Johani anogona kunge aiziva kuti aizoita ushumiri hwake kwenguva pfupi, asi anogona kunge aisaziva kuti hwaizoerekana hwadimburirwa panzira. (Joh. 3:30) Muna 30 C.E., mwedzi inenge 6 Jesu abhabhatidzwa, Johani akaiswa mujeri naMambo Herodhi. Kunyange zvakadaro, Johani akaramba achiita zvese zvaaigona kuti arambe achidzidzisa zvinhu zvakarurama. (Mako 6:17-20) Chii chakamubatsira kuti arambe achifara paichinja zvinhu seizvi? Akaramba akaisa pfungwa pazvinhu zvinokosheswa naJehovha.
Johani paaiva mujeri, akanzwa nezvekuwedzera kwaiita ushumiri hwaJesu. (Mat. 11:2; Ruka 7:18) Johani aiva nechokwadi chekuti Jesu ndiye aiva Mesiya, asi anogona kunge ainetseka kuti aizozadzisa sei zvese zvaitaurwa neMagwaro kuti zvaizoitwa naMesiya. Sezvo Mesiya aizopiwa umambo, utongi hwaJesu hwaizotanga nekukurumidza here? Hwaizoita kuti Johani abudiswe mujeri here? Johani aida kunyatsoziva nezvebasa raJesu, saka akatuma vadzidzi vake vaviri kunobvunza Jesu kuti: “Ndimi here uya akanzi Anouya, kana kuti pane mumwe watinofanira kutarisira?” (Ruka 7:19) Pavakadzoka, Johani anofanira kunge akanyatsovateerera vachirondedzera kuti Jesu ainge aita zvishamiso zvekurapa vanhu uye Jesu wacho akanga avati vanoudza Johani kuti: “Mapofu ava kuona, vanokamhina vava kufamba zvakanaka, vane maperembudzi vari kucheneswa, matsi dziri kunzwa, vakafa vari kumutswa, uye varombo vari kuudzwa mashoko akanaka.”—Ruka 7:20-22.
Johani anofanira kunge akakurudzirwa nezvavakataura. Zvakamuratidza kuti Jesu aizadzisa uprofita hwaMesiya. Kunyange zvazvo Jesu asina kubudisa Johani mujeri, Johani aiziva kuti akanga asina kushandira pasina. Aiva nechikonzero chekufara pasinei nekuti aiva mujeri.
Kana tikaisa pfungwa dzedu pakushumira Jehovha sezvakaitwa naJohani, tinogona kuramba tichitsungirira tichifara. (VaK. 1:9-11) Tinogona kutsungirira kana tikaverenga Bhaibheri tofungisisa, uye izvi zvichatiyeuchidza kuti basa redu ratinoitira Mwari harisi pasina. (1 VaK. 15:58) Sandra anoti: “Kuverenga chitsauko chimwe chete cheBhaibheri zuva rega rega kuri kundibatsira kuswedera pedyo naJehovha. Kunondibatsira kuti ndiise pfungwa dzangu paari kwete pandiri.” Tinogonawo kuisa pfungwa dzedu pane zviri kuitwa nehama nehanzvadzi dzedu mubasa raJehovha uye izvi zvichaita kuti tisangofunga nezvedu chete, asi kuti tiise pfungwa pane zviri kuitwa naJehovha. Sandra anoti, “Mapurogiramu emwedzi nemwedzi eJW Broadcasting® anotibatsira kuti tive pedyo nesangano uye anotibatsira kuti tirambe tichifara mubasa redu.”
Johani Mubhabhatidzi akaita ushumiri hwake munguva pfupi “nemweya nesimba zvaEriya” uye kungofanana naEriya, “aingovawo munhu sesu.” (Ruka 1:17; Jak. 5:17) Kana tikava vanhu vanoonga saiye uye tikaisa pfungwa dzedu pakufadza Jehovha, tinogona kuramba tichifara mubasa reUmambo pasinei nezvingaitika muupenyu hwedu.
CHITSAUKO 45
“Ndiri Munhu Anotadza”
it “Kuvhima Nekuraura” ¶6-7
Kuvhima Nekuraura
Kuraura. KuvaHebheru kuraura raitova basa, chakanga chisiri chinhu chavaingoitawo kuti vazvivaraidze. Vanhu vaiita basa rekuraura vaishandisa mambure, mapfumo ekubayisa hove, nezvirauro. (Job 41:1, 7; Eze 26:5, 14; Hab 1:15, 17; Mt 17:27) Kakawanda, basa rekuraura raiitwa usiku. Vaidzikisa mambure kubva muzvikepe zvavo vobva vaakwevera kumahombekombe kana kuadhonza voisa hove dzacho muchikepe. Vaibva vatanga kusarudza hove dzacho. Vaichengeta hove dzinenge dzakakodzera kudyiwa maererano neMutemo, vobva varasa dzinenge dzisina kukodzera kudyiwa. (Mt 13:47, 48; Ru 5:5-7; Joh 21:6, 8, 11) Vamwe vairaura vakamira pamahombekombe kana kuti vatori mumvura uye vaishandisa mambure madiki pane avaishandisa vari muchikepe.—Onawo MAMBURE EKUKUKUDZISA.
Basa rekuraura rakanga risiri nyore. Raida simba, kunyanya pavaifanira kudhonza mambure anenge akazara nehove, (Joh 21:6, 11) kana kufambisa chikepe kuine mhepo yakasimba. (Mr 6:47, 48) Dzimwe nguva vabati vehove vaiita usiku hwese vari mumvura vasina kana chavabata. (Ru 5:5; Joh 21:3) Zvadaro vaizofanira kuyanika mambure acho kuti aome uyewo kuagadzirisa paanenge abvaruka.—Eze 47:10; Mt 4:21.
nwtsty “Ndiwe Simoni” Joh. 1:42
Ndiwe Simoni: Simoni ane mazita 5 anotaurwa nezvawo muMagwaro. (Ona mastudy note ari pana Mt 4:18; uye pa10:2.) Pavhesi iri, zvinoita sekuti Jesu ndipo paakatanga kuonana naSimoni achibva amupa zita remutauro wechiSemitic rekuti Ke·phasʹ iro rinoshandurwa muchiShona kuti Kefasi. Zita iri rinogona kunge richienderana neshoko rechiHebheru rekuti ke·phimʹ. Shoko iri rinoreva kuti matombo uye rakashandiswa pana Job 30:6 naJer 4:29. Pana Johani 1:42, munyori weEvhangeri Johani akataurawo kuti zita rekuti Kefasi rinoshandurwa kuti “Petro.” Petro izita rechiGiriki rinoreva kuti “Dombo.” MuMagwaro, Simoni ndiye ega ane zita rekuti Kefasi uyewo rechiGiriki rekuti Petro. Jesu aiona zviri mumwoyo mevanhu. Akakwanisa kuona kuti Natanieri aiva munhu “asina unyengeri.” (Joh 1:47; 2:25) Saka aisambotadza kuona kuti Petro aiva munhu akaita sei. Pashure pekunge Jesu afa akamutswa, Petro akasimbisa uye akatsigisa ungano uye izvi zvainyatsoenderana nezita rake rinoreva kuti dombo.—Ru 22:32; Mab 1:15, 16; 15:6-11.
“Endai Munoita Kuti Vanhu Vemarudzi Ese Vave Vadzidzi”
3 Vadzidzi vaJesu vaifanira kungogara here, vachimirira kuti vanhu vauye kwavari? Kwete! Pashure pekunge amutswa, Jesu akarayira vadzidzi vake kuti: “Saka endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi, muchivabhabhatidza . . . , muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai.” (Mat. 28:19, 20) Mashoko aya anoratidza kuti pane zvinhu 4 zvinofanira kuitwa. Tinofanira kuita vadzidzi, kuvabhabhatidza, uye kuvadzidzisa. Asi ndechipi chekutanga chatinofanira kuita? Jesu akati: “Endai”! Achitaura nezvemurayiro uyu, mumwe muongorori weBhaibheri akati: “Mutendi mumwe nemumwe anofanira ‘kuenda,’ kungava mhiri kwemugwagwa kana kuti mhiri kwemakungwa.”—Mat. 10:7; Ruka 10:3.
4 Jesu aitaura kuti vateveri vake vaizoita mazvake mazvake here pabasa iri, kana kuti aireva kuti mashoko akanaka aizoparidzwa zvakarongeka? Sezvo munhu mumwe chete akanga asingazokwanisi kuparidza ‘kumarudzi ese,’ basa iri raifanira kuitwa nevanhu vakawanda vachishanda pamwe chete. Jesu akaratidza kuti izvozvo ndizvo zvaifanira kuitwa paakati vadzidzi vake vaizova “vabati vevanhu.” (Verenga Mateu 4:18-22.) Kubata hove kwaitaurwa naJesu pano kwakanga kusiri kuya kwekuti munhu anenge akagara hake akabata chirauro achimirira kuti hove idyire. Asi aitaura nezvekushandisa mambure ekubatisa hove. Iri raiva basa raitoda kushanda nesimba uye dzimwe nguva raifanira kuitwa nevanhu vakawanda vachishanda pamwe chete.—Ruka 5:1-11.
nwtsty “unondida here kupfuura idzi?” Joh. 21:15
unondida here kupfuura idzi?: Mashoko ekuti “kupfuura idzi” achitorwa sezvaari muchiGiriki anogona kunzwisiswa nenzira dzakasiyana-siyana. Vamwe vanamuzvinafundo vanoongorora Bhaibheri vanoti mashoko acho anofanira kuturikirwa achinzi “unondida here kupfuura kuda kwaunoita vamwe vadzidzi ava?” kana kuti “unondida kupfuura kudiwa kwandinoitwa nevadzidzi ava here?” Asi zvinoita sekuti mashoko acho anofanira kuturikirwa achinzi “unondida here kupfuura idzi?” kureva hove dzavakanga vabata kana kuti zvimwe zvinhu zvine chekuita nebhizinesi rekuraura. Saka tinogona kuti pfungwa hombe iri kubudiswa nevhesi iyi ndeyekuti: ‘Unondida here kupfuura kuda kwaunoita zvinhu zvekurarama nazvo kana kuti kuda kwaunoita kutsvaga zvinhu izvozvo? Kana uchindida, ipa makwai angu zvekudya.’ Patinofunga nezvekuti upenyu hwaPetro hwainge hwakaita sei asati atanga kutevera Jesu, tinobva taona kuti mubvunzo iwoyo wakanga wakanyatsokodzera. Kunyange zvazvo Petro aiva mumwe wevadzidzi vaJesu vekutanga (Joh 1:35-42), haana kubva angotanga kutevera Jesu ipapo ipapo asi akatombodzokera kunoita basa rake rekuraura. Papera mwedzi yakati kuti, Jesu akazoshevedza Petro kuti ave ‘mubati wevanhu,’ uye ndipo paakazosiya bhizinesi rake rekubata hove. (Mt 4:18-20; Ru 5:1-11) Nguva pfupi Jesu afa, Petro akataura kuti akanga ava kumboenda kunobata hove, uye vamwe vadzidzi vakabva vaendawo naye. (Joh 21:2, 3) Saka zvinoita sekuti Jesu paakabvunza Petro mubvunzo uyu akanga achibatsira Petro kuti aone kuti aifanira kunyatsosarudza zvaaida kuita: Aizosarudza kuisa basa rake rekuraura hove pekutanga here, iro raimiririrwa nehove dzavakanga vakatarisa, kana kuti aizoisa basa rekupa zvekudya kumakwai aJesu kana kuti vateveri vake pekutanga muupenyu hwake here?—Joh 21:4-8.
Akanga Akavimbika Pasinei Nemiedzo
CHITSAUKO 22
PETRO aitarisa zviso zvevanhu vaiteerera Jesu. Vaiva pasinagogi muKapenaume. Petro aigara mutaundi iri; ndimo maaiitira bhizinesi rake rekubata hove, pamhenderekedzo yekuchamhembe yeGungwa reGarireya; shamwari dzake dzakawanda, hama dzake nevamwe vaaiita navo zvebhizinesi vaigara imomo. Hapana mubvunzo kuti Petro aitarisira kuti vanhu vemutaundi rake vaizoona Jesu semaonero aaimuita uye vaizowanawo mufaro wekudzidza nezveUmambo hwaMwari kubva kumudzidzisi mukuru kupfuura vese. Asi handizvo zvakaitika.
2 Vakawanda vakanga vasingachateereri. Vamwe vaigunun’una zvainzwika, vachiramba zvaitaurwa naJesu. Zvisinei, Petro ainyanya kunetseka nezvakaitwa nevamwe vadzidzi vaJesu pachake. Zviso zvavo zvakanga zvisisina mufaro wairatidza kuti vakanga vari kujekerwa, vachidzidza zvinhu zvitsva, uye vachidzidza chokwadi. Pari zvino, vairatidza kunetseka, kunyange kugumbuka. Vamwe vaitoti zvaitaurwa naJesu zvaityisa. Vasingachadi kuramba vachiteerera zvaaitaura, vakabva pasinagogi uye vakaregawo kutevera Jesu.—Verenga Johani 6:60, 66.
3 Yaiva nguva yakaoma kuna Petro nevamwe vaapostora. Petro haana kunyatsonzwisisa zvakataurwa naJesu musi iwoyo. Hapana mubvunzo kuti aikwanisa kuona chikonzero chaiita kuti mashoko aJesu agumbure vamwe vanhu kana akangotorwa sezvaari. Petro aizoita sei? Aka kakanga kasiri kekutanga kuti kuvimbika kwake kuna Tenzi wake kuedzwe; uyewo kaisazova kekupedzisira. Ngationei kuti kutenda kwaPetro kwakamubatsira sei kuramba akavimbika pasinei nemiedzo yakadaro.
Ainge Akavimbika Vamwe Pavakaratidza Kusavimbika
4 Petro aiwanzoshamiswa nezvaiitwa uye zvaitaurwa naJesu. Dzimwe nguva, Tenzi wake aiita uye aitaura zvinhu zvaisatarisirwa nevanhu. Nezuro wacho, Jesu ainge aita chishamiso chekupa zviuru zvevanhu zvekudya. Vanhu vacho vakabva vaedza kumuita mambo. Kunyange zvakadaro, akashamisa vakawanda nekubva pavaiva, achirayira vadzidzi vake kuti vakwire chikepe uye vaende kuKapenaume. Vadzidzi zvavainge vachienda vari mugungwa usiku hwacho, Jesu akavashamisazve nekufamba pamusoro peGungwa reGarireya kuine dutu, uye Petro akawana chidzidzo chinokosha panyaya yekuva nekutenda.
5 Ava mangwanani, vakabva vaona kuti mapoka evanhu vacho akanga akwira zvikepe ndokuvatevera. Zvisinei, zviri pachena kuti vanhu ava vakauya nekungoti vaida kuti Jesu aite chishamiso chekuvapa zvekudya, kwete nekuti vaida kudzidza kubva kwaari. Jesu akavatsiura nekuti vainyanya kuda zvinhu zvenyama. (Joh. 6:25-27) Jesu akazoenderera mberi achitaura nezvenyaya iyi zvakare pasinagogi muKapenaume. Panguva iyoyo, Jesu akataura mashoko akanga asingatarisirwe nevanhu kuti angaataura paaiedza kudzidzisa chokwadi chinokosha asi chakaoma kunzwisisa.
6 Jesu aida kuti vanhu ivavo vasamuona semunhu anongopa vanhu zvekudya, asi anovabatsira pane zvekunamata, sezvo upenyu hwake nerufu zvaizoita kuti vamwe vawane upenyu husingaperi. Saka akapa mufananidzo achizvienzanisa nemana, chingwa chakabva kudenga mumazuva aMozisi. Vamwe pavasina kubvumirana nazvo, akashandisa mufananidzo wakajeka, achitsanangura kuti zvaikosha kuti vadye nyama yake uye vanwe ropa rake kuti vawane upenyu. Paakataura izvozvo, vanhu vakagumbuka kwazvo. Vamwe vakati: “Mashoko aya anotyisa; ndiani angateerera zvakadaro?” Vakawanda vevadzidzi vaJesu vakasarudza kurega kumutevera.—Joh. 6:48-60, 66.
7 Petro aizoita sei? Anofanirawo kunge akavhiringidzwa nemashoko aJesu. Akanga asati anzwisisa kuti Jesu aifanira kufa kuti aite kuda kwaMwari. Petro akava pamuedzo wekurega kutevera Jesu sezvakaitwa nevadzidzi vaya vainge vasina kuvimbika vakasiya Jesu zuva iroro here? Kwete. Pane chimwe chinhu chinokosha chakaita kuti Petro ave akasiyana nevarume ivavo. Chaiva chii?
8 Jesu akabva ati kuvaapostora vake: “Ko imi hamudiwo kuenda?” (Joh. 6:67) Akabvunza vaapostora 12, asi Petro ndiye akapindura. Ndizvo zvaaiwanzoita. Petro angangodaro aiva mukuru pane vese. Chero zvazvingava, ndiye ainyanya kutaura kupfuura vese paboka racho; zvinoita sekuti kaiva kashoma kuti Petro azeze kutaura zvaaifunga. Panguva ino, akanga ari kufunga nezvemashoko aya akanaka uye asingakanganwiki ekuti: “Ishe, tingaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko eupenyu husingaperi.”—Joh. 6:68.
9 Mashoko iwayo haakubayi mwoyo here? Kutenda kwaPetro muna Jesu kwakanga kwamubatsira kuva neunhu hunokosha kwazvo—kuvimbika. Petro akanyatsoona kuti Jesu ndiye chete Muponesi akanga atumwa naJehovha uye kuti Jesu aiponesa nemashoko ake, kureva zvaaidzidzisa nezveUmambo hwaMwari. Petro aiziva kuti kunyange zvazvo paiva nezvimwe zvinhu zvaainge asinganzwisisi, hapana kumwe kwaaigona kuenda kana aida kufarirwa naMwari uye kuwana chikomborero cheupenyu husingaperi.
10 Unonzwawo saizvozvo here? Zvinosuruvarisa kuti vanhu vakawanda mazuva ano vanoti vanoda Jesu asi havana kuvimbika kwaari. Kuti tive vakavimbika zvechokwadi kuna Kristu tinofanira kuona dzidziso dzaJesu sezvaiita Petro. Tinofanira kudzidza dzidziso dzacho, kunzwisisa zvadzinoreva, uye kurarama maererano nadzo kunyange patisingadzinzwisisi kana kuti padzisingaenderani nezvatinofarira. Jesu anoda kuti tiwane upenyu husingaperi. Kana tikaramba takavimbika tichawana upenyu ihwohwo.—Verenga Pisarema 97:10.
Akaramba Akavimbika Paakatsiurwa
11 Nguva pfupi pashure penguva iyoyo yavainge vaine zvakawanda zvekuita, Jesu akafamba rwendo rurefu nevaapostora vake nevamwe vadzidzi vakananga kuchamhembe. Nhongonya yeGomo reHemoni, iro raiva kunoperera Nyika Yakapikirwa nechekuchamhembe, dzimwe nguva yaioneka kunyange nemunhu aiva mumvura yeGungwa reGarireya. Jesu nevadzidzi vake vaienda kumisha yaiva pedyo neKesariya Firipi uye vakanga vachiswedera pedyo neGomo reHemoni. Vari munzvimbo iyi yaiyevedza, mavaigona kuona chikamu chakakura cheNyika Yakapikirwa nechekumaodzanyemba, Jesu akabvunza vateveri vake mubvunzo unokosha.
12 “Vanhu vari kuti ndini ani?” Jesu aida kuziva. Tinogona kungofungidzira Petro achitarisa mumaziso aJesu, achiona zvakare kuti Tenzi wake aiva nemutsa nepfungwa dzakapinza. Jesu aida kuziva kuti vanhu vaifunga kuti aiva ani kubva pane zvavakanga vaona nekunzwa. Vadzidzi vaJesu vakapindura mubvunzo wacho, vachidzokorora mamwe emashoko asiriwo aitaurwa nevakawanda nezvekuti Jesu aiva ani. Asi Jesu aida kuziva zvakawanda. Vateveri vake vepedyo vaiva nemafungiro akadarowo here? Akabvunza kuti, “Ko imi, munoti ndini ani?”—Ruka 9:18-20.
13 Zvakare, Petro akakurumidza kupindura. Akataura nemashoko akajeka zvaiva mumwoyo yevakawanda vaivapo. Akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Tinogona kufungidzira Jesu achinyemwerera achiratidza kubvumirana naPetro paaimurumbidza neushamwari. Jesu akayeuchidza Petro kuti Jehovha Mwari, kwete munhu chero upi zvake, ndiye ainge aita kuti chokwadi ichi chinokosha chinzwisiswe nevaya vaiva nekutenda kwechokwadi. Petro akanga aitwa kuti akwanise kunzwisisa chimwe chechokwadi chinokosha chakanga chaziviswa naJehovha—kuzivikanwa kwaMesiya, kana kuti Kristu akanga afanotaurwa kare!—Verenga Mateu 16:16, 17.
14 Muuprofita hwekare, Kristu uyu ndiye ainzi dombo raizorambwa nevavaki. (Pis. 118:22; Ruka 20:17) Achifunga nezveuprofita ihwohwo, Jesu akaratidza kuti Jehovha aizotanga ungano padombo guru rakanga richangobva kuziviswa naPetro. Akabva apa Petro ropafadzo dzinokosha chaizvo muungano iyoyo. Haana kumupa chinzvimbo chinokosha kupfuura vamwe vaapostora sezvinofungwa nevamwe, asi akamupa zvimwe zvekuita. Akapa Petro “kiyi dzeumambo.” (Mat. 16:19) Petro aizova neropafadzo yekuita kuti vanhu vemapoka matatu akasiyana-siyana vave netariro yekupinda muUmambo hwaMwari—kutanga vaJudha, kwozotevera vaSamariya, uye pakupedzisira Vemamwe Marudzi, kana kuti vasiri vaJudha.
15 Zvisinei, pave paya Jesu akati vaya vanopiwa zvakawanda vaizova nezvakawanda zvavanozvidavirira pamusoro pazvo, uye zvakaitika kuna Petro zvinoratidza kuti mashoko iwayo ndeechokwadi. (Ruka 12:48) Jesu akaenderera mberi achibudisa pachena chokwadi chinokosha nezvaMesiya, kusanganisira kutambura uye kufa kwaaizoita muJerusarema. Petro akavhiringidzika paakanzwa mashoko iwayo. Akaenda naJesu padivi ndokumutsiura achiti: “Musabva mazvidaro Ishe; izvi hazvingamboitiki kwamuri.”—Mat. 16:21, 22.
16 Petro akafunga kuti akanga achibatsira Jesu, saka mhinduro yaJesu inofanira kunge yakamushamisa. Akatendeuka, akatarira vamwe vadzidzi vese—avo vangangodaro vaifunga zvakada kufanana ndokuti: “Enda shure kwangu! Uri chinhu chinogumbura kwandiri, nekuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zvinofungwa nevanhu.” (Mat. 16:23; Mako 8:32, 33) Mashoko aJesu ane zano rinoshanda kwatiri tese. Zviri nyore zvikuru kuti tikoshese mafungiro evanhu kupfuura mafungiro aMwari. Kana tikadaro, kunyange chinangwa chedu chiri chekubatsira mumwe munhu, tinogona kunge tichitomukurudzira kuti aite zvinhu zvinofadza Satani panzvimbo pekufadza Mwari, tisingazivi. Zvisinei, Petro akapindura sei?
17 Petro anofanira kunge akaziva kuti Jesu akanga asiri kumuti aiva Satani Dhiyabhorosi. Uyewo, Jesu haana kutaura kuna Petro sezvaakanga aita kuna Satani. Kuna Satani, Jesu akanga ati: “Ibva”; kuna Petro, akati: “Enda shure kwangu.” (Mat. 4:10) Jesu haana kurasa muapostora uyu waakanga aona kuti aiva nezvakawanda zvakanaka paari, asi akangoruramisa mafungiro asiri iwo aiva naPetro panyaya iyi. Hazvina kuoma kuona kuti Petro aifanira kurega kuenda mberi kwaTenzi wake sechinhu chinogumbura asi kuti aifanira kuenda shure kwake semutsigiri wake.
18 Petro akaita nharo kana kutsamwa here, kana kubva angoti kwindi? Kwete; akabvuma kururamiswa nekuzvininipisa. Saka akaratidzazve kuvimbika. Vese vanotevera Kristu vanoda kururamiswa pane dzimwe nguva. Kana tikagamuchira chirango tichizvininipisa, tobvuma kudzidza kubva pachiri, ticharamba tichiswedera pedyo naJesu Kristu naBaba vake, Jehovha Mwari.—Verenga Zvirevo 4:13.
Anopiwa Mubayiro Wekuvimbika
19 Pasina nguva, Jesu akataurazve mamwe mashoko anoshamisa ekuti: “Chokwadi ndinoti kwamuri pane vamwe vamire pano vasingazomboraviri rufu vasati vaona Mwanakomana wemunhu achiuya muUmambo hwake.” (Mat. 16:28) Hapana mubvunzo kuti mashoko iwayo akaita kuti Petro ade kunzwa zvakawanda. Jesu angave airevei? Zvichida Petro akanetseka kuti kutsiurwa zvakasimba kwaainge achangobva kuitwa kwaireva kuti aisazova neropafadzo dzinokosha dzakadaro.
20 Zvisinei, papera rinenge vhiki, Jesu akaenda naJakobho, Johani, naPetro akakwira navo “mugomo refu refu”—zvichida muGomo reHemoni, raiva kure nemakiromita 25. Hungangodaro hwaiva usiku sezvo varume ava vatatu vairwisana nehope. Asi Jesu paainyengetera, pane chimwe chinhu chakaitika chakaita kuti vasatsimwaire.—Mat. 17:1; Ruka 9:28, 29, 32.
21 Jesu akatanga kuchinja vachiona. Chiso chake chakatanga kubwinya uye kupenya kusvikira chava kupenya sezuva. Zvipfeko zvake zvakava zvichena zvichin’aima. Varume vaviri vakabva vaoneka vakamira naJesu, mumwe achimiririra Mozisi uye mumwe wacho achimiririra Eriya. Vakataura naye “nezvekuenda kwake, kwaainge ava kuda kuzadzisa kuJerusarema.” Zviri pachena kuti vaireva rufu rwake nekumutswa kwake. Petro akaona kuti ainge akarasika paakafunga kuti Jesu aisazotambura ofa!—Ruka 9:30, 31.
22 Petro akanzwa achida kubatanidzwawo pane zvakaratidzwa izvi zvinoshamisa—uye zvimwe kutoda kuti zvienderere mberi. Zvakaita sekuti Mozisi naEriya vakanga vava kubva pana Jesu. Saka Petro akabva ati: “Murayiridzi, zvakanaka kuti tiri pano. Saka regai tidzike matende matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi, uye rimwe raEriya.” Chokwadi, vanhu ava vaiva muchiratidzo, avo vaimiririra vashumiri vaJehovha vakanga vakafa kare kare, vaisada havo matende. Kutaura zvazviri, Petro aisaziva zvaakanga achitaura. Zvisinei, haunzwi here uchida kushamwaridzana nemunhu akadaro aiva nemutsa uye aiita zvinhu nechido?—Ruka 9:33.
23 Petro, Jakobho naJohani vakawana mumwezve mubayiro usiku ihwohwo. Pakava negore rikavafukidza vari pagomo racho. Mugore iroro makabuda inzwi—inzwi raJehovha Mwari! Akati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, akasarudzwa. Muteererei.” Chiratidzo chacho chakabva chapera, uye vakanga vasara vega naJesu mugomo racho.—Ruka 9:34-36.
24 Chokwadi chiratidzo chekuchinja chitarisiko chaiva chipo chikuru kuna Petro uyewo kwatiri! Papera makumi emakore, akanyora nezveropafadzo yaakanga awana usiku ihwohwo yekunyatsoona kufanoratidzwa kwaJesu saMambo wekudenga anobwinya uye yekuva mumwe ‘wevakazvionera vega ukuru hwake.’ Zvaakaona izvozvo zvakaratidza kuti uprofita hwakawanda huri muShoko raMwari ndehwechokwadi uye zvakasimbisa kutenda kwaPetro kuti azotsungirira miedzo yaiva mberi. (Verenga 2 Petro 1:16-19.) Kufanana naPetro, zvaakaona zvinogonawo kusimbisa kutenda kwedu, kana tikaramba takavimbika kuna Tenzi akagadzwa patiri naJehovha, tichidzidza kwaari, tichibvuma kurangwa uye kururamiswa naye, uye tichimutevera nekuzvininipisa zuva nezuva.
CHITSAUKO 46
“Ndaona Ishe!”
ijwia nyaya yechi6 ¶5-6
“Ndaona Ishe!”
Asunungurwa uye azorodzwa, Mariya aikwanisa kutanga upenyu hutsva. Aizoratidza sei kuti anoonga? Akava muteveri akatendeka waJesu. Aipa zvaaiona kuti zvaidiwa. Jesu nevaapostora vake vaida zvekudya, zvekupfeka uye pekurara manheru. Vakanga vasina kupfuma uye panguva iyoyo hapana basa ravaiita raivapa mari. Vaitoda kutsigirwa nezvinhu zvekurarama nazvo kuti vakwanise kuisa pfungwa dzavo pakuparidza nekudzidzisa.
Mariya nevamwe vakadzi vanoverengeka, vaivabatsira nezvinhu izvozvo. Vakadzi ava “vaivashumira vachishandisa zvinhu zvavo.” (Ruka 8:1, 3) Vamwe vangangova vaiva vakadzi vakapfuma. Bhaibheri haritauri kana vaivagadzirira zvekudya, vaigeza mbatya dzavo kana kuvatsvagira pekugara mumisha yavaifamba. Asi vaitsigira nemwoyo wese boka iri raifamba, raiva nevanhu vanenge 20. Chokwadi zvese zvaiitwa nevakadzi ava zvakabatsira Jesu nevaapostora vake kuti vakwanise kuisa pfungwa dzavo zvizere pabasa rekuparidza. Hapana mubvunzo kuti Mariya aizviziva kuti aisambofa akakwanisa kuitira Jesu zvakaenzana nezvaakanga aitirwa naye asi zvaimufadza chaizvo kuti aitire Jesu zvese zvaaigona kuita!
ijwia nyaya yechi6 ¶16
“Ndaona Ishe!”
Murume ainge akamira pedyo naMariya aisava mushandi wemumunda wacho. Murume uyu aimbova muvezi, akazova mudzidzisi uye akazovawo Ishe anodiwa waMariya. Asi Mariya haana kumuziva saka akanga ava kuda kuenda. Mariya haana kumbobvira afungidzira zvakanga zvaitika. Jesu ainge amutswa ava chisikwa chemweya chine simba. Kuti akwanise kuoneka Jesu akachinja akava nemuviri wenyama asi wakanga wakasiyana newaaiva nawo asati aurayiwa. Mumazuva anofadza akazotevera, mushure mekunge Jesu amutswa, vanhu vakawanda vaitadza kumuziva, kunyange vaya vepedyo.—Ruka 24:13-16; Johani 21:4.
Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raJohani
20:17—Nei Jesu akaudza Mariya Magadharini kuti arege kumunamatira? Zviri pachena kuti Mariya akanamatira kuna Jesu nekuti aifunga kuti akanga ava kuda kuenda kudenga uye kuti aisazomuonazve. Kuti amuvimbise kuti akanga asati ava kuenda, Jesu akamuudza kuti arege kumunamatira asi kuti aende kunoudza vadzidzi vake kuti akanga amutswa.
Mwari Ane Hanya Nevanhukadzi Uye Anovaremekedza
▪ Jesu aivimba nevanhukadzi. Mumatare edzimhosva echiJudha, uchapupu hwaipiwa nemunhukadzi hwaionekwa sehwakafanana nehwaipiwa nemuranda. Munyori wenhoroondo dzekare akararama panguva yevaKristu vekutanga ainzi Josephus akati: “Hapana uchapupu hunopiwa nemunhukadzi hunofanira kubvumwa, nekuti vanozvidzwa uye havakoshi.”
Asi Jesu akatosarudza kuti vanhukadzi vazive nezvekumutswa kwake uye vaudzewo vamwe nezvazvo. (Mateu 28:1, 8-10) Kunyange zvazvo vakadzi ivavo vakatendeka vakaonawo kuurayiwa uye kuvigwa kwaIshe wavo, vaapostora vakaomerwa nekubvuma zvakataurwa nevakadzi vacho. (Mateu 27:55, 56, 61; Ruka 24:10, 11) Kunyange zvakadaro, Kristu paakatanga kuzviratidza kuvakadzi ivavo achangomutswa, akaratidza kuti vaikodzera kupa uchapupu sezvaingoitawo vadzidzi vechirume.—Mabasa 1:8, 14.
ijwbq nyaya yechi172
Ndiani Ainzi Mariya Magadharini?
Mhinduro yeBhaibheri
Mariya Magadharini aiva muteveri waJesu Kristu. Zita rekuti Magadharini, rinogona kunge raibva paguta rainzi Magdala (iro rinogona kunge raiva Magadhani), raiva pedyo neGungwa reGarireya. Mariya anogona kunge akambogara ikoko.
Mariya Magadharini ndemumwe wevakadzi vaifamba naJesu nevadzidzi vake vachivapa zvinhu zvavaida pakurarama. (Ruka 8:1-3) Akaona Jesu achiurayiwa uye aiva mumwe wevakatanga kumuona paakamutswa.—Mako 15:40; Johani 20:11-18.
Mariya Magadharini aiva pfambi here?
Bhaibheri haritauri kuti Mariya Magadharini aiva pfambi. Rinongotaura kuti Jesu akadzinga madhimoni 7 aiva paari.—Ruka 8:2.
Saka zvekuti aiva pfambi zvakabvepi? Patopera mazana emakore Mariya Magadharini afa, pane vamwe vanhu vakazotanga kuti Mariya uyu ndiye mukadzi asina kutaurwa zita rake (uyo anogona kunge aiva pfambi) akanyorovesa tsoka dzaJesu nemisodzi, achibva adzipukuta nebvudzi rake. (Ruka 7:36-38) Asi hapana umboo huri muBhaibheri hunotsigira izvozvo.
Mariya Magadharini aiva muapostora here?
Aiwa. Chechi yeRoma inodana Mariya ichiti “Mariya Magadharini Musande” uyezve inomuti aiva muapostora nekuti ndiye akatanga kunoudza vaapostora kuti Jesu akanga amutswa. (Johani 20:18) Asi izvi hazvisi zvinhu zvingaita kuti ave muapostora uye muBhaibheri hapana paanombonzi aiva muapostora.—Ruka 6:12-16.
Bhaibheri rakapedza kunyorwa gore ra100 C.E. rava kuda kusvika. Makore ekuma500 C.E. vatungamiriri vezvitendero ndipo pavakatanga kuremekedza Mariya Magadharini. Pane zvimwe zvinyorwa zvekuma100 C.E. kusvika kuma200 C.E. zvinotaura kuti vamwe vadzidzi vaJesu vaiitira Mariya shanje. Asi zvinyorwa izvozvo hazvitsigirwi neBhaibheri.
Mariya Magadharini aiva mudzimai waJesu here?
Aiwa. Bhaibheri rinotaura kuti Jesu haana kumbobvira aroora.
[Bhokisi]
MuBhaibheri munotaurwa vana Mariya vangani?
MuBhaibheri munotaurwa vana Mariya 6.
1. Amai vaJesu.—Mateu 1:18.
2. Munin’ina waMarita uye ari zvekare hanzvadzi yaRazaro.—Johani 11:1, 2.
3. Mariya Magadharini.—Ruka 8:2.
4. Amai vaJakobho naJosesi.—Mateu 27:56.
5. Amai vaJohani Mako.—Mabasa 12:12.
6. Mumwe muKristu aiva kuRoma, akashanda nesimba pakubatsira vaainamata navo ikoko.—VaRoma 16:6.
Vakadzi VechiKristu Vanoda Kuremekedzwa
3 Tsitsi dzaJesu dzinonyatsooneka pamabatiro aaiita vanhukadzi. Pane imwe nguva, mumwe mukadzi akanga ava nemakore 12 achitambura nechirwere chekubuda ropa, akatsvaga Jesu mumhomho yevanhu. Chirwere chaaiva nacho chaiita kuti asava munhu akachena maererano neMutemo, saka aisafanira kunge ari pane vanhu. (Revhitiko 15:25-27) Asi akanga apererwa, saka akazvishingisa kupinda pakati pevanhu vaitevera aJesu. Paakabata nguo yaJesu, akabva angoporeswa! Kunyange zvazvo akanga ari munzira kuenda kumba kwaJairosi, uyo aiva nemwanasikana akanga achirwara zvakaipisisa, Jesu akamira. Paakanzwa kuti simba rakanga rabuda maari, akatsvaga kuti ndiani akanga amubata. Mukadzi wacho akazouya ndokuwira pamberi paJesu achidedera. Jesu aizotuka mukadzi uyu here nekuti akanga auya pane vanhu uye kuti akanga abata nguo yake asina kupiwa mvumo? Aiwa. Jesu akataura naye neunyoro uye nemutsa. Jesu akati kwaari: “Mwanasikana! Kutenda kwako kwakuporesa.” Apa ndipo chete Jesu paakashevedza munhukadzi zvakananga kuti “mwanasikana.” Shoko iroro rinofanira kunge rakamunyaradza chaizvo!—Mateu 9:18-22; Mako 5:21-34.
4 Jesu haana kungoomerera pane zvaitaurwa neMutemo. Ainzwisisa kuti chinangwa cheMutemo wacho chaiva chekuti vanhu varatidzane tsitsi nengoni. (Enzanisa naMateu 23:23.) Jesu akaona kuti mukadzi uyu akanga atambura kwemakore akawanda uye kuti kutenda ndiko kwakaita kuti auye kwaari. Jesu akaratidza zvinofanira kuitwa nevarume vechiKristu, kunyanya vakuru muungano. Hanzvadzi yechiKristu inogona kutaura mashoko asina kunaka kana kuita chimwe chinhu chisina kunaka nemhaka yekuti inenge ichisangana nematambudziko kana kuti miedzo yakaoma. Pakadaro, vakuru vanofanira kuedza kunzwisisa kuti nei ataura uye aita zvakadaro. Izvozvo zvinovabatsira kuona kuti pane kupa hanzvadzi yacho zano kana kuti kuiruramisa vanofanira kuiitira mwoyo murefu, kuinzwisisa uye kuinzwira tsitsi.—Zvirevo 10:19; 16:23; 19:11.
5 Panguva yakararama Jesu, panyika vatungamiriri vechitendero vaiti vanhukadzi havafaniri kupa uchapupu mumatare edzimhosva. Funga zvakaitika mangwanani emusi waNisani 16 mugore ra33 C.E Jesu achangobva kumutswa. Ndivanaani vaizotanga kuona Jesu paakamutswa votanga kuudzawo vamwe kuti Ishe wavo akanga amuka? Vakadzi vakaramba vakamira pedyo nepakarovererwa Jesu kusvikira afa ndivo vakatanga kumuona paakamutswa.—Mateu 27:55, 56, 61.
6 Musi wekutanga wevhiki ari mangwanani-ngwanani, Mariya Magadharini navamwe vakadzi vakaenda kuguva nezvinonhuwirira kuti vazore mutumbi waJesu. Pavakaona guva risina chinhu, Mariya akamhanya kunoudza Petro naJohani. Vamwe vakadzi vakasara. Ngirozi yakabva yazviratidza kwavari ikavaudza kuti Jesu akanga amutswa. Ngirozi yacho yakabva yavaudza kuti: ‘Kurumidzai kuenda kunoudza vadzidzi vake.’ Vakadzi ivavo pavakanga vava kumhanya kunoudza vadzidzi vake mashoko acho, Jesu akabva azviratidza kwavari. Akavaudza kuti: “Endai munoudza hama dzangu.” (Mateu 28:1-10; Mako 16:1, 2; Johani 20:1, 2) Mariya Magadharini haana kuziva kuti ngirozi dzakanga dzazviratidza kuvakadzi vacho uye kuti Jesu akanga atomutswa, saka akadzokera kuguva racho achishungurudzika. Jesu akazviratidza kuna Mariya Magadharini, uye Mariya Magadharini paakanga aziva kuti ndiJesu, Jesu akabva ati kwaari: “Enda kuhama dzangu unoti kwadziri, ‘Ndiri kukwira kuna Baba vangu naBaba venyu uye kuna Mwari wangu naMwari wenyu.’”—Johani 20:11-18; enzanisa naMateu 28:9, 10.
7 Jesu aigona kutanga kuzviratidza kuna Petro, Johani, kana kuti kune mumwe wevadzidzi vake vechirume. Asi akasarudza kutanga kuzviratidza kuvakadzi ivavo ndokuvapa basa rekuti vaende kunoudza vadzidzi vake vechirume nezvekumutswa kwake. Varume vacho vakaita sei pavakatanga kuzvinzwa? Bhaibheri rinoti: “Mashoko aya aiita seenhando kwavari, uye vakanga vasingabvumi zvaitaurwa nevakadzi vacho.” (Ruka 24:11) Vangangodaro vakaomerwa nekuzvibvuma nemhaka yekuti zvakanga zvataurwa nevanhukadzi here? Asi pasina nguva refu Jesu akabva azviratidzawo kwavari, uye vakanyatsozvionera vega kuti akanga amutswa. (Ruka 24:13-46; 1 VaKorinde 15:3-8) Mazuva ano, varume vechiKristu vanofanirawo kukoshesa zvinotaurwa nehanzvadzi dzechiKristu.—Enzanisa naGenesisi 21:12.
8 Zvinokurudzira chaizvo kuziva mabatire aiita Jesu vanhukadzi. Ainzwira vanhukadzi tsitsi uye aivabata zvakanaka, asinganyanyi kuvarumbidza asiwo asingavatarisiri pasi. (Johani 2:3-5) Akaramba kutevedzera tsika dzevatungamiriri vechitendero avo vaitarisira vanhukadzi pasi izvo zvaipesana nemitemo yaMwari. (Enzanisa naMateu 15:3-9) Mabatire aiita Jesu vanhukadzi achivakudza uye achivaremekedza anonyatsoratidza kuti Jehovha Mwari anodawo kuti vabatwe saizvozvo. (Johani 5:19) Jesu akaratidzawo muenzaniso wakazonaka wekuti varume vechiKristu vatevedzere.—1 Petro 2:21.
CHITSAUKO 47
“Aita Zvaagona”
“Ndakatenda”
5 Marita aiva nezvakawanda zvokuita kuti pamba pagare pachitarisika zvakanaka uye pakugamuchira vaeni. Ainge ari mukadzi aibishaira chaizvo uye aigara akabatikana. Ndizvo zvaakaitawo pakushanya kwakaita Jesu. Akabva atanga kugadzirira mueni wake ainyarikana zvokudya zvemhando yepamusoro zvakawanda uye, zvichida, zvevamwe vaifamba naJesu. Kare ikako, kugamuchira vaeni kwaikosha zvikuru. Mueni paaisvika pamba aitsvodwa, obviswa hwashu, tsoka dzake dzogezwa uye musoro wake wozorwa mafuta anonhuhwirira. (Verenga Ruka 7:44-47.) Aifanirawo kupiwa pokurara uye zvokudya zvakanaka.
6 Marita naMariya vainge vakabatikana zvikuru vachigadzirira kushanya kwaJesu. Mariya, uyo dzimwe nguva pauviri hwavo anoonekwa seaiva nehanya zvikuru uye aifungisisa, zvechokwadi akambotanga achibatsira mukoma wake. Asi pashure pokunge Jesu asvika, zvinhu zvakachinja. Jesu akaona kushanya uku senguva yokuti adzidzise uye ndozvaakabva aita! Kusiyana nezvaiitwa nevatungamiriri vechitendero vepanguva yacho, Jesu airemekedza vanhukadzi uye akabva atotanga kuvadzidzisa nezveUmambo hwaMwari, dingindira roushumiri hwake. Mariya, afarira mukana uyu, akagara patsoka dzaJesu ndokunyatsoteerera.
17 Marita naMariya vakachema hanzvadzi yavo, vakaronga kumuviga uye vakagamuchira vanhu vazhinji vaiuya vachibva muBhetani nemisha yakapoteredza. Kunyange zvakadaro, hapana kana chavakanzwa nezvaJesu. Marita angangodaro akawedzera kuvhiringidzika sezvo nguva yaifamba. Razaro ava nemazuva mana afa, Marita ndopaakazonzwa kuti Jesu akanga ava kusvika mutaundi racho. Semunhu aigara achimhanya-mhanya, kunyange panguva iyi yaaishungurudzika, Marita akasimuka uye asingaudzi Mariya, akakurumidza kunochingura Jesu.—Verenga Johani 11:18-20.
Mariya Anosarudza “Mugove Wakanaka”
PANGUVA yakararama Jesu panyika pano, pane zvinhu zvakawanda zvaisabvumirwa vanhukadzi kuti vaite nemhaka yetsika dzaikosheswa nevaJudha. Saka, vairambidzwa kudzidza Mutemo waMozisi. Imwe pfungwa iri mubhuku rakanyorwa tsika dzaitevedzerwa nevaJudha rinonzi Mishnah ndeyekuti: “Chero murume anodzidzisa mwanasikana wake zviri muMutemo anenge aita seamudzidzisa chipfambi.”—Sotah 3:4.
Saka vakadzi vakawanda vakararama muJudhiya panguva yakatanga chiKristu vakanga vasina kunyatsodzidza. Bhuku rinonzi The Anchor Bible Dictionary rinoti: “Hapana uchapupu hunoratidza kuti Jesu asati auya panyika vakadzi vechiJudha vaibvumirwa kuva vadzidzi vemudzidzisi akakurumbira, kana kuti vapote vachifamba naye, kana kuti vadzidzise mumwe munhu asiri mwana wavo.” Kuwedzera pane izvozvo, vamwe vatungamiriri vechitendero vaitowedzera kudzikisira vanhukadzi nekupa mutemo wekuti munhurume haafaniri kutaura nemunhukadzi paruzhinji!
Asi Jesu aisabata vanhukadzi saizvozvo. Aidzidzisa vanhukadzi pamwe chete nevanhurume, uye vese vaikwanisa kuva vateveri vake. (Ruka 8:1-3) Rimwe zuva Jesu akakokwa naMarita naMariya kumba kwavo. (Ruka 10:38) Vakadzi vaviri ava vaiva hanzvadzi dzaRazaro, uye vese vari vatatu vaiva vadzidzi vaJesu uyewo vaiva shamwari dzake dzepedyo. (Johani 11:5) Mhuri iyi inogona kunge yaizivikanwa chaizvo, nekuti Razaro paakafa pane vanhu vakawanda vakauya kuzonyaradza Marita naMariya. Chero zvazvingava, zvakaitika musi wavakashanyirwa naJesu zvakapa munhu wese aivapo chidzidzo chinokosha, uye nesuwo tinowana chidzidzo chinokosha kubva pane zvakaitika.
Kudzidza Ari Patsoka dzaJesu
Zviri pachena kuti Marita naMariya vaida kugadzirira Jesu zvekudya zvemhando yepamusoro, uye zvinoita sekuti vaikwanisa kuzviwana. (Enzanisa naJohani 12:1-3.) Asi Jesu paakasvika, Mariya akabva “akagara pasi pedyo netsoka dzaShe achiteerera zvaaitaura.” (Ruka 10:39) Jesu haana kurega tsika dzaikosheswa nevanhu dzichimutadzisa kudzidzisa mukadzi iyeye aiva nechido chekudzidza! Tinogona kufungidzira Mariya akagara pasi nechepamberi paJesu akaita semwana wechikoro, achinyatsoteerera zvaidzidziswa naTenzi wake.—Enzanisa naDheuteronomi 33:3; Mabasa 22:3.
nwtsty “mafuta anonhuwirira anodhura” Mat. 26:7
mafuta anonhuwirira anodhura: Evhangeri yaMako neyaJohani dzinonyatsotaura kuti yaiva hafu yerita ‘yenadhi chaiyo,’ uye kuti yaiita madhinari 300. Mushandiwo zvake aitambira mari inenge madhinari 300 pagore. (Mk 14:3-5; Joh 12:3-5) Mafuta aya anonhuwirira anowanzofungidzirwa kuti aigadzirwa nekamuti kanoita maruva kanonhuwirira kanowanika kuHimalayas kanonzi Nardostachys jatamansi. Nadhi yaiwanzogadzirwa yakasanganiswa nezvimwe zvinhu, kana kuti isiri nadhi chaiyo, asi Mako naJohani vanoti mafuta aya aiva “nadhi chaiyo.”
w10 11/1 6 ¶4, mashoko emuzasi
Ramba Uchiratidza Kuti Unoonga
Chimbofunga kubatsirwa kwawakaitwa nevamwe, wobva wavatenda. Zvakaitwa naJesu muenzaniso wakanaka wekuti titevedzere. Semuenzaniso, shamwari yake Mariya payakadira mafuta aidhura chaizvo mumusoro uye patsoka dzake, vamwe vakabvunza kuti: “Nei mafuta aya anonhuhwirira apambadzwa?” Vanhu ava vaishora vaiona sekuti mafuta acho aifanira kutengeswa, mari yacho yobva yapiwa varombo. Jesu akati kwavari: “Muregei akadaro. Nei muchiedza kumunetsa?” Akabva awedzera kuti: “Aita zvaaigona.” (Mako 14:3-8; Johani 12:3) Jesu haana kuisa pfungwa pane zvakanga zvisina kuitwa naMariya, asi akatenda chaizvo zvaakanga aita.
[Mashoko emuzasi]
Makore akatanga chiKristu, kudira mafuta mumusoro wemuenzi kwairatidza kuti muenzi agamuchirwa; uye kudira mafuta patsoka kwairatidza kuzvininipisa chaizvo.
Uri Munhu Anoonga Here?
Achinyatsotevedzera zvakaita Baba vake vekudenga, Jesu Kristu akaonga zvaiitwa nevamwe vanhu pavairatidza kuti vaiva nekutenda. Funga chakamboitika patemberi muJerusarema: “[Jesu] paakasimudza musoro, akaona vapfumi vachikanda zvipo zvavo mumidziyo yekuisira mari. Akabva aona imwe chirikadzi yaishayiwa ichikanda tumari tuviri tusinganyanyi kukosha. Akati: ‘Chokwadi ndinoti kwamuri chirikadzi iyi murombo yabvisa zvakawanda kupfuura zvavaita vese. Nekuti ava vese vakanda zvipo vachibvisa pamari yavo yakawandisa, asi iye, neurombo hwake, abvisa zvese zvaanga ainazvo zvaizomuraramisa.’”—Ruka 21:1-4.
Kana tikafunga nezvemari, mupiro wakapiwa nechirikadzi iyi waiva mudiki, kunyanya kana uchienzaniswa nemipiro yaibviswa nevapfumi. Vazhinji vevakanga varipo havana kugona kuicherechedza. Asi, Jesu akaona chirikadzi iyoyo. Akanzwisisa mamiriro ayo ezvinhu. Jesu akaiona uye akaionga.
Bhaibheri rinotaurawo nezvemumwe mukadzi ainge akapfuma ainzi Mariya. Jesu paakanga achidya, Mariya akadira mafuta ainhuwirira uye aidhura chaizvo patsoka dzaJesu uye mumusoro make. Vamwe vakashora zvaakaita vachiti mafuta acho angadai atengeswa uye mari yacho yashandiswa kubatsira varombo. Jesu akati kudii? Akati: “Siyanai naye. Muri kuda kumunetserei? Andiitira zvakanaka. . . . Chokwadi ndinoti kwamuri, kwese kuchaparidzwa mashoko akanaka munyika yese, zvaitwa nemukadzi uyu zvichataurwawo achiyeukwa.”—Mako 14: 3-6, 9; Johani 12:3.
Jesu haana kutsamwira Mariya. Akaonga zvakaitwa naMariya, nekuti zvakaitwa naMariya zvairatidza kuti aida Jesu uye aitenda maari. Nyaya yacho yakanyorwa muBhaibheri kuti tigare tichiyeuka zvakanaka zvaakaita. Nyaya iyi nedzimwe dzakadai dzinoratidza kuti Jesu aiva munhu anoonga chaizvo.
Kana uri mushumiri waMwari, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha Mwari naJesu Kristu vanoonga chaizvo zvaunoita pakutsigira kunamata kwakachena. Kuziva izvozvo kunoita kuti tide kuswedera pedyo navo uye kuti tide kuvawo vanhu vanoonga.
CHITSAUKO 48
“Akanga Azere Nekutenda Nemweya Mutsvene”
“Tinofanira Kuteerera Mwari Semutongi”
17 Ungano iya itsva yakatanga kutarisana nerimwe dambudziko raigona kuiparadza asi raisabva kuvanhu vekunze. Raiva rei iroro? Vakawanda vevadzidzi vaibhabhatidzwa vaiva vanhu vakanga vashanya kuJerusarema uye vaida kumboramba vachiwedzera kudzidza nezvechiKristu vasati vadzokera kumusha. Vadzidzi vemuJerusarema vakabvisa mari yemupiro kuti ibatsire pakutenga zvekudya nezvimwe zvaidiwa nevaenzi ava. (Mab. 2:44-46; 4:34-37) Pakabva pamuka imwe nyaya yaigona kukanganisa ungano. “Paigoverwa vanhu zvekudya zuva nezuva” chirikadzi dzaitaura chiGiriki “dzakanga dzichidarikwa.” (Mab. 6:1) Asi chirikadzi dzaitaura chiHebheru dzaiwaniswa zvadzaida. Kureva kuti dambudziko rakanga riripo raiva rekusarurana. Nyaya iyoyo ndiyo imwe yenyaya inogona kuparadzanisa vanhu.
18 Vaapostora, avo vaishanda sedare rinotungamirira reungano iyoyo yakanga ichikura, vakaona kuti zvakanga zvisingaiti kuti ‘vasiye shoko raMwari vachipa vanhu zvekudya.’ (Mab. 6:2) Kuti vapedze nyaya, vakaita kuti vadzidzi vatsvage varume vanomwe, “vazere nemweya neuchenjeri,” vovagadza kuti vaite ‘basa iri raifanira kuitwa.’ (Mab. 6:3) Paidiwa varume vakanyatsokodzera nekuti basa racho rinogona kunge raisava rekungopa vanhu zvekudya chete asi raisanganisirawo kubata mari, kutenga zvaidiwa, uye kunyora pasi zvese zvaiitwa. Varume vese vakasarudzwa vaiva nemazita echiGiriki, izvo zvingava zvakaita kuti chirikadzi dziya dzechiGiriki dzakanga dzagumbuka dzivimbe navo. Pashure pekunyatsoongorora vanhu vakanga varumbidzwa ava, vaapostora vakanyengetera vakagadza varume ivavo vanomwe kuti vaite ‘basa iri raifanira kuitwa.’
bt 48 ¶13, mashoko emuzasi
“Stefani Akanga Azere Nenyasha dzaMwari Nesimba”
13 Nguva yaMozisi. (Mab. 7:17-43) Stefani akataura zvakawanda nezvaMozisi, kunova kuchenjera sezvo nhengo dzakawanda dzedare reSanihedrini dzaiva vaSadhusi avo vairamba mabhuku ese eBhaibheri kunze kweaya akanyorwa naMozisi. Yeukawo kuti Stefani aipomerwa kuti akanga amhura Mozisi. Mashoko aStefani aipindura zvaaipomerwa izvozvo nekuti akanyatsoratidza kuti airemekedza Mozisi uye Mutemo. (Mab. 7:38) Akataura kuti Mozisi akarambwawo nevaya vaaiedza kuponesa. Vakamuramba paakanga aine makore 40. Pakazopfuura mamwe makore 40, vakaratidza kakawanda kuti vakanga vasingaremekedzi utungamiriri hwake. Saka Stefani akabudisa pachena zvishoma nezvishoma pfungwa yekuti vanhu vaMwari vagara vachiita tsika yekuramba vaya vanenge vagadzwa naMwari kuti vavatungamirire.
[Mashoko emuzasi]
Stefani akabudisa mamwe mashoko atisingawani mumamwe mabhuku eBhaibheri, akadai sedzidzo yakawanikwa naMozisi muIjipiti, zera rake paakatiza muIjipiti kekutanga uye kuti akagara kuMidhiyani kwemakore mangani.
Waizviziva Here?
Mudzidzi Stefani akakwanisa sei kuramba akadzikama paaitambudzwa?
STEFANI aiva pamberi peboka revarume 71 vainge vakagumbuka. Varume ava vaiva vatongi vane simba chaizvo mudare repamusorosoro muIsraeri rainzi Sanihedrini. Vakanga vaunganidzwa neMupristi Mukuru Kayafasi uyo akatungamirira dare racho mwedzi mishoma yakanga yapfuura panguva yakatongerwa Jesu rufu. (Mat. 26:57, 59; Mab. 6:8-12) Pavaiunza vanhu vaipomera Stefani zvenhema, vakaona chimwe chinhu chaishamisa paari. “Chiso chake chakanga chakaita sechiso chengirozi.”—Mab. 6:13-15.
Stefani aikwanisa sei kuramba akadzikama uye akanyarara panguva yaityisa zvakadaro? Asati aendeswa pamberi pedare reSanihedrini, Stefani akanga achiita basa reushumiri achitungamirirwa nemweya waMwari. (Mab. 6:3-7) Paaitongwa, mweya iwoyo waishanda paari semunyaradzi uye semuyeuchidzi. (Joh. 14:16) Sezviri muchitsauko 7 chebhuku raMabasa, Stefani paaizvidzivirira, mweya mutsvene wakamuyeuchidza ndima dzinenge 20 kana kupfuura dzemuMagwaro echiHebheru. (Joh. 14:26) Kutenda kwaStefani kwakawedzera kusimba paakaratidzwa Jesu akamira kurudyi rwaMwari.—Mab. 7:54-56, 59, 60.
Rimwe zuva tinogona kuzotyisidzirwa kana kutambudzwa. (Joh. 15:20) Kugara tichidzidza Shoko raMwari uye kuita ushumiri kuchaita kuti mweya waJehovha ushande matiri. Tichawanawo simba rekutsungirira patinopikiswa toramba tiine rugare mupfungwa.—1 Pet. 4:12-14.
Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Mashoko aStefani ari pana Mabasa 7:59 anoratidza kuti tinofanira kunyengetera kuna Jesu here?
Mabasa 7:59 inoti: “Pavaitema Stefani nematombo iye akakumbira achiti: ‘Ishe Jesu, gamuchirai simba rangu reupenyu.’” Mashoko iwayo akaita kuti vakawanda vasare vachinetseka, sezvo Bhaibheri richiti Jehovha ndiye “Munzwi wemunyengetero.” (Pisarema 65:2) Stefani akanyengetera kuna Jesu here? Kana zvakadaro, izvi zvinoreva here kuti Jesu naJehovha munhu mumwe chete?
King James Version inoti Stefani akanga “achishevedzera kuna Mwari.” Saka, zvinonzwisisika kuti vanhu vakawanda vanoshandisa mashoko akataurwa nemuongorori weBhaibheri anonzi Matthew Henry, uyo akati: “Apa Stefani anonyengetera kuna Kristu, saka isuwo tinofanira kudaro.” Asi maonero iwayo haana kururama. Nei tichidaro?
Bhuku rinonzi Barnes’ Notes on the New Testament rinotaura zvazviri kuti: “Shoko rekuti Mwari harisi iro rakanga riripo pakutanga, uye raisafanira kuva mushanduro yacho. Hariwanikwi [mumashoko akanyorwa] ekare kana mune dzimwe shanduro.” Shoko rekuti “Mwari” rakapinzwa sei mundima iyi? Mudzidzi anonzi Abiel Abbot Livermore akati izvi “zvakaitwa nevashanduri vemapoka ezvitendero vakanga vaine kwavakarerekera.” Saka shanduro zhinji dzemazuva ano hadzishandisi shoko iroro rekuti Mwari sezvo risipo.
Kunyange zvakadaro, shanduro dzakawanda dzinoti Stefani “akanyengetera” kuna Jesu. Uye mashoko emuzasi eShanduro yeNyika Itsva anoratidza kuti shoko rekuti “kukumbira” rinogonawo kureva “kuteterera; kana kuti munyengetero.” Izvozvo hazvipe pfungwa yekuti Jesu ndiMwari Wemasimbaose here? Aiwa. Duramazwi rinonzi Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words rinotsanangura kuti shoko repakutanga rechiGiriki rakashandiswa pano, e·pi·ka·leʹo, rinoreva: “Kudana, kukumbira, . . . kukwidza nyaya kuchiremera.” Pauro akashandisa shoko rimwe chete iroro paakazivisa kuti: “Ndinokwidza nyaya yangu kuna Kesari!” (Mabasa 25:11) Saka, The New English Bible rinotaura zvakakodzera kuti Stefani “akadana” kuna Jesu.
Chii chakaita kuti Stefani akumbire izvozvo? Maererano naMabasa 7:55, 56, Stefani, “azere nemweya mutsvene, akaramba akatarisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari nekwaJesu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari.” Kudai asina kuona izvozvo, Stefani angadai akakumbira kuna Jehovha nemuzita raJesu. Asi paaiona Jesu akanga amutswa, Stefani akaona zviri nyore kukumbira kwaari zvakananga, achiti: “Ishe Jesu, gamuchirai simba rangu reupenyu.” Stefani aiziva kuti Jesu akanga apiwa simba rekumutsa vakafa. (Johani 5:27-29) Saka akakumbira Jesu kuti achengete simba rake reupenyu, kana kuti arambe achimuyeuka, kusvikira pazuva raaizomumutsira kudenga kuti ararame asingazofe.
Mashoko iwayo akataurwa naStefani anoreva here kuti tinofanira kunyengetera kuna Jesu? Aiwa. Kutanga, Stefani akanyatsosiyanisa Jesu naJehovha, nekuti nyaya yacho inoti akaona Jesu “amire kuruoko rwerudyi rwaMwari.” Uyewo, zvinhu zvakadai zvakanga zvisingawanzoitiki. Pamwe pakaitika zvakada kufanana neizvi ndepaya pakataura muapostora Johani achikumbira Jesu zvakananga achiita zvekuratidzwa.—Zvakazarurwa 22:16, 20.
Kunyange zvazvo vaKristu vachinyengetera kuna Jehovha Mwari, ivowo vanotenda zvakasimba kuti Jesu ndiye “rumuko neupenyu.” (Johani 11:25) Kutenda kuti Jesu anokwanisa kumutsa vateverei vake kunogona kutibatsira patinosangana nemiedzo sekubatsira kwazvakaita Stefani.
“Stefani Akanga Azere Nenyasha dzaMwari Nesimba”
9 Sezvambotaurwa patangira chitsauko chino, chiso chaStefani chakanga chakadzikama sechengirozi, paakanga achiudzwa nyaya dzaaipomerwa. Iye zvino Kayafasi akatendeukira kwaari akati: “Ichokwadi here ichi?” (Mab. 7:1) Yakanga yava nguva yekuti Stefani ataure. Uye mashoko ake aiva nesimba!
10 Vamwe vanoshora zvakataurwa naStefani vachiti akawanza mashoko asi haana kupindura zvaaipomerwa. Asi chokwadi ndechekuti zvakaitwa naStefani zvakakodzera kuti tizvitevedzere patinenge tichipindura vanhu vanenge vachishora mashoko akanaka. (1 Pet. 3:15) Yeuka kuti Stefani aipomerwa kuti aimhura Mwari nekutaura zvakaipa nezvetemberi uye kuti aimhura Mozisi nekutaura zvaipesana neMutemo. Stefani anopfupikisa nhoroondo yevaIsraeri achisimbisa zvimwe zviitiko, achitangira panguva yemadzitateguru avo, ozoenda panguva yaMozisi, ozopedzisira nenguva yapakanga pava netebhenekeri uye temberi. Ngatikurukurei nezveimwe neimwe yenguva idzi.
11 Nguva yemadzitateguru evaIsraeri. (Mab. 7:1-16) Stefani akatanga nekutaura nezvaAbrahamu, uyo airemekedzwa nevaJudha nekuda kwekutenda kwake. Aona kuti nyaya iyi ndiyo yavaibvumirana nevateereri vake, Stefani akasimbisa kuti Jehovha, “Mwari wekubwinya,” akatanga kuzviratidza kuna Abrahamu kuMesopotamiya. (Mab. 7:2) Akatotaura kuti murume uyu aiva mutorwa muNyika Yakapikirwa. Abrahamu akanga asina temberi kana Mutemo waMozisi. Saka vanhu vangazotaura sei kuti munhu haagoni kuva akatendeka kuna Mwari pasina temberi kana Mutemo waMozisi?
12 Josefa muzukuru waAbrahamu ndemumwezve airemekedzwa nevanhu vaitaurwa navo naStefani, asi Stefani akavayeuchidza kuti vakoma vaJosefa, madzitateguru evaIsraeri, vakatambudza murume iyeye akanga akarurama vakatomutengesa semuranda. Asi ndiye akazoshandiswa naMwari kununura vaIsraeri vava kufa nenzara. Stefani anofanira kunge aiziva kuti zvakasangana naJosefa muupenyu hwake zvakangofanana nezvakaitika kuna Jesu, asi haana kutaura nezvazvo achiitira kuti vateereri vake varambe vachimupa nzeve.
13 Nguva yaMozisi. (Mab. 7:17-43) Stefani akataura zvakawanda nezvaMozisi, kunova kuchenjera sezvo nhengo dzakawanda dzedare reSanihedrini dzaiva vaSadhusi avo vairamba mabhuku ese eBhaibheri kunze kweaya akanyorwa naMozisi. Yeukawo kuti Stefani aipomerwa kuti akanga amhura Mozisi. Mashoko aStefani aipindura zvaaipomerwa izvozvo nekuti akanyatsoratidza kuti airemekedza Mozisi uye Mutemo. (Mab. 7:38) Akataura kuti Mozisi akarambwawo nevaya vaaiedza kuponesa. Vakamuramba paakanga aine makore 40. Pakazopfuura mamwe makore 40, vakaratidza kakawanda kuti vakanga vasingaremekedzi utungamiriri hwake. Saka Stefani akabudisa pachena zvishoma nezvishoma pfungwa yekuti vanhu vaMwari vagara vachiita tsika yekuramba vaya vanenge vagadzwa naMwari kuti vavatungamirire.
14 Stefani akayeuchidza vateereri vake kuti Mozisi akanga ataura kuti kwaizouya muprofita akaita saMozisi muIsraeri. Aizova ani iyeye uye vanhu vaizomugamuchira sei? Stefani akazopindura mibvunzo iyi ava kunopedzisa kutaura. Imwe pfungwa inokosha yaakabudisa ndeyekuti Jehovha anogona kuita kuti chero nzvimbo ipi zvayo ive tsvene sezvaakaita paibvira gwenzi achitaura naMozisi. Saka Jehovha anofanira kungonamatwa muchivakwa chimwe chete chakadai setemberi iri muJerusarema here? Ngationei.
15 Tebhenekeri uye temberi. (Mab. 7:44-50) Stefani akayeuchidza dare racho kuti muJerusarema musati mava netemberi, Mwari akaita kuti Mozisi avake tebhenekeri, chivakwa chaitakurika chakaita setende chavainamatira machiri. Ndiani angati tebhenekeri yaisakosha kana ichienzaniswa netemberi, iye Mozisi akatonamatira mutebhenekeri iyoyo?
16 Soromoni akazovaka temberi muJerusarema, uye paakanga achipa munyengetero wekuikumikidza akafemerwa kuti ataure chimwe chinhu chinokosha. Stefani akachitaura achiti, “Wekumusorosoro haagari mudzimba dzakavakwa nemaoko.” (Mab. 7:48; 2 Mak. 6:18) Jehovha anogona kushandisa temberi kuzadzisa zvinangwa zvake, asi haagari imomo. Saka vanhu vanomunamata havafaniri kufunga kuti haakwanisi kunamatwa pasina chivakwa chakavakwa nemaoko evanhu. Stefani akazopedzisa nyaya iyi nekutora mashoko mubhuku raIsaya, anoti: “Denga ndiro chigaro changu cheumambo, uye nyika ndiyo chitsiko chetsoka dzangu. Mungandivakira imba yakaita sei? anodaro Jehovha. Kana kuti nzvimbo yangu yekuzororera iri kupi? Harusi ruoko rwangu here rwakagadzira zvinhu zvese izvi?”—Mab. 7:49, 50; Isa. 66:1, 2.
17 Paunonyatsoongorora zvakataurwa naStefani kuSanihedrini, haubvumi here kuti akaratidza zvine unyanzvi kuti vanhu vaimupomera vakanga vakarasika? Akaratidza kuti chinangwa chaJehovha chinofambira mberi; hachitadziswi kufambira mberi netsika dzevanhu. Vaya vaikoshesa temberi zvakapfurikidza uye vaikoshesa tsika netumitemo zvakanga zvawedzerwa paMutemo waMozisi vakanga vasisanzwisisi chinangwa chaicho chakanga chaitirwa kuti Mutemo iwoyo netemberi zvivepo! Tingatoti Stefani aitovabvunza kuti: Kana muchikoshesa Mutemo netemberi, hamufaniri kuzviratidza nekuteerera Jehovha here? Iye Stefani pachake akatoita zvinoenderana nemashoko ake, nekuti akaita zvese zvaaigona kuti ateerere Jehovha.
18 Tinodzidzei pamashoko aStefani? Ainyatsoziva Magwaro. Isuwo kuti tibate “shoko rechokwadi zvakarurama,” tinofanira kunyatsodzidza Shoko raMwari. (2 Tim. 2:15) Tinodzidzawo kuva nenyasha uye kungwarira pakutaura. Vanhu vaaitaura navo vaimupikisa zvinotyisa! Asi akaedza zvese zvaaigona kuti varambe vachimuteerera kuburikidza nekutaura zvinhu zvaaiziva kuti varume ivavo vairemekedza. Akataurawo navo neruremekedzo, achivadana kuti “vanababa.” (Mab. 7:2) Isuwo tinofanira kutaura chokwadi chiri muShoko raMwari “neunyoro neruremekedzo rukuru.”—1 Pet. 3:15.
19 Asi hatizoregi kutaurira vanhu chokwadi chiri muShoko raMwari tichitya kuzovagumbura, kana kuchinja mashoko aJehovha ekutonga kwaachaita nyika ino tichida kufadza vanhu. Stefani haana kuita izvozvo. Anofanira kunge akaona kuti uchapupu hwese hwaakanga ataura pamberi peSanihedrini hwakanga husina zvahwaita pavarume ivavo vakanga vakaoma musoro. Saka achipiwa simba nemweya mutsvene, akapedzisa mashoko ake nekuratidza kuti varume ava vakanga vasina kumbosiyana nemadzitateguru avo akanga aramba Josefa, Mozisi uye vaprofita vese. (Mab. 7:51-53) Chokwadi ndechekuti vatongi ava veSanihedrini ndivo vakanga vaponda Mesiya uyo akanga ataurwa kuti aizouya naMozisi nevaprofita vese. Vakanga vatotyora Mutemo waMozisi kupfuura zvakanga zvati zvamboitwa!
CHITSAUKO 49
Akava Dombo
ijwbq nyaya yechi124 ¶1-5
“Kiyi dzeUmambo” Chii?
“Kiyi dzeUmambo,” dzinomiririra simba rekupa vanhu mukana wekuti ‘vapinde muUmambo hwaMwari.’ (Mateu 16:19; Mabasa 14:22) Jesu akapa Petro “kiyi dzeUmambo hwekumatenga.” Izvi zvinoreva kuti Petro akasarudzwa kuti aratidze kuti vanhu vakatendeka vanogona kupinda muUmambo hwekumatenga, kana vakagamuchira mweya mutsvene waMwari.
Kiyi dzacho dzakashandiswa kuvanhu vapi?
Petro akashandisa simba raakapiwa naMwari kuti ape mapoka matatu evanhu mukana wekupinda muUmambo:
1. VaJudha uye vanhu vakatendeuka kuti vabatane nevaJudha. Nguva pfupi Jesu afa, Petro akakurudzira vatendi vechiJudha kuti vagamuchire Jesu saMambo akasarudzwa naMwari. Petro akavaudza zvavaifanira kuita kuti vaponeswe. Izvi zvakavapa mukana wekuti vapinde muUmambo, uye zviuru zvevanhu ‘zvakagamuchira shoko rake.’—Mabasa 2:38-41.
2. VaSamariya. Nekufamba kwenguva Petro akazotumwa kuvaSamariya. Akashandisazve imwe kiyi yeUmambo paaiva naJohani, ‘pavakanyengeterera vaSamariya kuti vawane mweya mutsvene.’ (Mabasa 8:14-17) Izvi zvakaita kuti vaSamariya vakwanise kupinda muUmambo.
3. Vemamwe Marudzi. Pashure pemakore matatu nehafu Jesu afa, Mwari akaudza Petro kuti vanhu vemamwe marudzi, kureva vanhu vasiri vaJudha, vaizowanawo mukana wekupinda muUmambo. Petro akashandisa imwe kiyi nekuparidzira vanhu ava. Izvi zvakaita kuti vagamuchire mweya mutsvene, vachibva vava vaKristu uye zvakavapa mukana wekupindawo muUmambo.—Mabasa 10:30-35, 44, 45.
bt 69 ¶1, mashoko emuzasi.
“Mwari Haasaruri”
IGORE ra36 C.E., uye Petro ari muguta reJopa rine chiteshi chezvikepe. Zuva rava kurova nhongonya, uye Petro ari kunyengetera ari pamusoro pedenga reimba iri pedyo negungwa. Ava nemazuva ari muenzi pamba apa. Kugara kwaari kuita pamba apa kunoratidza kuti maonero aanoita vamwe vanhu akati siyanei neevamwe vaJudha. Muridzi wepamba pacho, Simoni, anoita basa rekusukuta matehwe, uye vamwe vaJudha havabvumi kugara nemunhu akadaro. Asi Petro ava kuzowana chimwe chidzidzo chinokosha nezvekusasarura kwaJehovha.
[Mashoko emuzasi]
Vamwe vaJudha vaitarisira pasi musukuti wematehwe nekuti basa rake raiita kuti abate matehwe nemhuka dzakafa nezvimwe zvinhu zvinosemesa paaiita basa rake. Vasukuti vematehwe vaionekwa sevasingakodzeri kusvika patemberi, uye vakanga vasingabvumirwi kuita basa ravo pedyo neguta nemamita asiri pasi pe20. Ichi chingava chimwe chezvikonzero zvakaita kuti imba yaSimoni ive “pedyo negungwa.”—Mab. 10:6.
Unoona Kururamisira Sezvakunoitwa naJehovha Here?
15 Pashure pemusangano iwoyo wakaitwa muna 49 C.E., Petro akaenda kuAndiyoki yeSiriya. Paaiva ikoko, aiwadzana nehama dzake dzemamwe marudzi akasununguka. Hapana mubvunzo kuti vakabatsirwa neruzivo rwaPetro. Tinogona kufungidzira kushamiswa uye kurwadziwa kwavakaitwa Petro paakangoerekana arega kudya navo. Vamwe vaJudha vaiva muungano iyoyo, kusanganisira Bhanabhasi vakatevedzerawo zvakanga zvaitwa naPetro. Chii chakaita kuti mukuru iyeye akasimba pakunamata aite chikanganiso chakadaro icho chaigona kuita kuti ungano ive nemapoka? Chinokosha ndechekuti tinodzidzei panyaya iyi chinotibatsira kana tikarwadziswa nezvinenge zvaitwa kana kutaurwa nemumwe mukuru?
16 Verenga VaGaratiya 2:11-14. Petro akakurirwa nekutya vanhu. (Zvir. 29:25) Pasinei nekuti ainyatsoziva mafungiro aJehovha panyaya iyi, Petro akatya kuti vamwe vaJudha vemuungano yeJerusarema vaizomutarisira pasi nekuti aiwadzana nevanhu vamamwe marudzi. Muapostora Pauro, uyo aivapowo pamusangano wakaitwa muJerusarema muna 49 C.E., akataura naPetro muAndiyoki ndokubudisa pachena unyengeri hwake. (Mab. 15:12; VaG. 2:13) VaKristu vemamwe marudzi, avo vakavhiringidzwa nekukanganisa kwaPetro vaizoita sei nekusaruramisira kwacho? Vaizorega chikanganiso chacho chichivatadzisa kunamata here? Petro aizorasikirwa neropafadzo dzake dzinokosha muungano nekuti akanga akanganisa here?
IVA MUNHU ANOREGERERA
17 Zviri pachena kuti Petro akazvininipisa ndokubvuma kururamiswa naPauro. Magwaro haana paanoratidza kuti akarasikirwa neropafadzo dzake muungano. Akatozofemerwa kuti anyore tsamba mbiri dziri muBhaibheri. Mutsamba yake yechipiri, Petro anototaura nezvaPauro achimuti ‘hama yedu inodiwa.’ (2 Pet. 3:15) Kunyange zvazvo vanhu vemamwe marudzi vaiva muungano vakarwadziwa nekukanganisa kwaPetro, Jesu, musoro weungano, akaramba achimushandisa. (VaEf. 1:22) Saka vanhu vaiva muungano vakawana mukana wekutevedzera Jesu naBaba vake kuburikidza nekuregerera Petro. Tinovimba kuti hapana akabvumira kuti kukanganisa kwemunhu ane chivi kumutadzise kunamata.
it “Kutapwa” ¶24
Kutapwa
Kupararira kwakanga kwaita vaJudha vakawanda munzvimbo dzaitongwa neumambo hweRoma ndiko kumwe kwakabatsira kuti chiKristu chikurumidze kupararira. Jesu akangoita ushumiri hwake ari muIsraeri chete, asi akaudza vateveri vake kuti vazoparidza kune dzimwe nzvimbo “kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mab 1:8) VaJudha vainge vabva kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzaitongwa neumambo hweRoma vaiva muJerusarema paMutambo wePendekosti muna 33 C.E., uye vakanzwa vaKristu vakanga vazodzwa nemweya vachiparidza nezvaJesu mumitauro yekuPatiya, Medhiya, Eramu, Mesopotamiya, Kapadhokiya, Pontasi, nharaunda yeEzhiya, Frijiya, Pamfiriya, Ijipiti, Ribhiya, Krete, Arabhiya, neRoma. Vanhu vakawanda vakadzokera kunyika dzavo vava kutenda chokwadi ichi chitsva chavakanga vadzidza. (Mab 2:1-11) Mumaguta akawanda aishanyirwa naPauro aiwana muine masinagogi maaigona kuenda achinotaura nevaJudha vaya vakanga vapararira. Paakaenda kuRistra, Pauro akasangana naTimoti. Amai vaTimoti vaiva muJudha. Pauro akazoenda kuKorinde munenge mugore ra50 C.E, uye panguva iyoyo Akwira naPrisira vakanga vachangobva kusvika muguta iroro vachibva kuRoma (Mab 13:14; 14:1; 16:1; 17:1, 2; 18:1, 2, 7; 19:8) Sezvo muBhabhironi uye mumaguta ainge akapoteredza Bhabhironi maiva nevaJudha vakawanda, zvaiva nemusoro kuti Petro aenderere mberi neushumiri hwake ari ikoko achiparidzira “vaya vakachecheudzwa.” (VaG 2:8; 1Pe 5:13) VaJudha vaigara pedyo neBhabhironi vakaramba vachishandisa nzvimbo iyoyo semuzinda wechitendero chechiJudha kwenguva yakati rebei, pashure pekuparadzwa kweJerusarema mugore ra70 C.E.
Nyaya dziri pajw.org pakanzi “Nyaya dzemuBhaibheri Dzekudzidza”
Mwari Haasaruri
NYAYA YEVECHIDIKI
Zvekuita: Dzidza nyaya iyi uri panzvimbo yakanyarara. Paunenge uchiverenga magwaro ari munyaya ino, fungidzira zvaiitika woita sewaitovapo. Ita seuri kunzwa manzwi evanhu varipo uye fungidzira manzwiro avari kuita. Ita seuri kuona zviri kutaurwa munyaya yacho zvichitoitika.
Vanhu vanonyanya kutaurwa munyaya yacho: Koneriyasi, Petro
Pfupiso: Petro paakaparidzira Koneriyasi uyo aisava muJudha aitotevedzera Mwari asingasarure.
1 ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA MABASA 10:1-35, 44-48.
Tsanangura zvaunofunga kuti ndizvo zvainge zvakaita chitarisiko chaKoneriyasi.
. . . . .
Unofunga kuti Koneriyasi ainzwa sei paaitaura nengirozi, sezvatinoona muvhesi 3 kusvika ku6?
. . . . .
Chimboedza kufungidzira kuti Koneriyasi angangodaro akataura sei nevashandi vake, sezviri pavhesi 7 ne8?
. . . . .
2 WEDZERA KUONGORORA.
Chiratidzo chakaonekwa naPetro muvhesi 10-16 chakamubatsira sei kuti anzwisise zvaidiwa naJehovha kuti aite? (Zvinogona kukubatsira kuwana mhinduro: Funga nezvemakurire akaita Petro semuJudha sezviri kuratidzwa pavhesi 14.)
. . . . .
Unhu hupi hwakaratidzwa naKoneriyasi muvhesi 25? Nei zvaigona kuomera munhu aiva nechinzvimbo chakaita sechaKoneriyasi kuratidza unhu hwakadaro? (Zvinogona kukubatsira kuwana mhinduro: Ona vhesi 1.)
. . . . .
Uchishandisa zvinhu zvekutsvakurudza zvauinazvo, tsvaga kuti boka remauto rekuItari raitungamirirwa naKoneriyasi raiva nevarume vangani.
. . . . .
Nei kutendeuka kwakaita Koneriyasi kwainge kwakasiyana nekwevamwe?
. . . . .
3 SHANDISA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .
Kushandisa mifananidzo zvakanaka.
. . . . .
Kusasarura kunoita Mwari.
. . . . .
Zvaungaita kuti uvewo munhu asingasaruri.
. . . . .
4 CHII CHAWANYANYA KUFARIRA MUNYAYA IYI, UYE NEI?
. . . . .
CHITSAUKO 50
Akashandura Pfungwa Dzake
Sauro—Mudziyo Wakasarudzwa Kuna Ishe
Tinoziva kuti Sauro aibva kuTaso. Taso ndiro raiva guta guru mudunhu reKirikiya iro raiva pasi peRoma (nechekumaodzanyemba kweTurkey). Kunyange zvazvo maigara vaJudha vakawanda, Sauro anofanira kunge akakwanisawo kunyatsodzidza nezvetsika dzevanhu vakanga vasiri vaJudha vaigarawo imomo. Taso raiva guta guru uye rakabudirira panyaya dzeupfumi, uye raizivikanwa nekuva nevanhu vainyatsochengeta tsika dzechiGiriki. Zvinofungidzirwa kuti panguva yakararama Sauro maiva nevagari vari pakati pe300 000 ne500 000. Guta racho raiva nechepakati peAsia Minor, Siriya, neMesopotamiya uye vanhu vakawanda vaidirana vachienda ikoko kunoita zvebhizinesi. Guta reTaso rainge rakapfuma nekuti maiitwa zvemabhizinesi uye ivhu remunharaunda yainge yakapoteredza guta racho rainge rakaorera. Munharaunda idzodzo mairimwa zvakasiyana-siyana, maigadzirwawo waini nemachira. Maigadzirwawo nekutengeswa hembe, kusanganisira machira aigadzirwa nemvere dzembudzi, ayo aizoshandiswa pakugadzira matende.
bt 62, bhokisi ¶1-3
Ungano “Dzakabva Dzava Nenguva Yerugare”
“Jaya rainzi Sauro” rinotaurwa munyaya iri muna Mabasa yekutemwa kwaStefani nematombo, raibva kuTaso. Taso raiva guta guru renharaunda yeKirikiya yaitongwa neRoma, kumaodzanyemba kweTurkey yemazuva ano. (Mab. 7:58) Maiva nevaJudha vakati wandei. Sauro pachake akanyora kuti: “Ndakachecheudzwa pazuva rechi8, ndiri werudzi rwaIsraeri, wedzinza raBhenjamini, muHebheru akaberekwa nevaHebheru; panyaya yemutemo, ndiri muFarisi.” Zvaaiva izvi zvinofanira kunge zvairemekedzwa zvikuru pakati pevaJudha!—VaF. 3:5.
Sauro akakurira muguta guru rakabudirira, raiitwa zvekutengeserana, uye makanga makazara tsika nemagariro zvechiGiriki. Sezvo akakurira muTaso, Sauro aiziva chiGiriki. Anogona kunge akatanga kupinda chikoro pachikoro chechiJudha. Sauro akadzidza basa rekugadzira matende, iro rakanga rakakurumbira kwaaibva. Sauro anogona kunge akadzidziswa basa iri nababa vake achiri mudiki.—Mab. 18:2, 3.
Bhuku raMabasa rinoratidzawo kuti Sauro akatoberekwa ari chizvarwa cheRoma. (Mab. 22:25-28) Izvi zvinoreva kuti baba vake kana sekuru vake vakanga vatogara vari chizvarwa cheRoma. Hatizivi kuti mhuri iyi yakawana sei mukana uyu. Mukana uyu waiita kuti vave vamwe vevanhu vanoremekedzwa zvikuru munharaunda yavo. Saka kuva kwaSauro chizvarwa cheRoma, dzidzo yaakawana, nekwaaibva, zvaiita kuti abudirire mutsika nemagariro zvakasiyana-siyana kubvira pachiJudha, chiGiriki nechiRoma.
Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Muapostora Pauro airevei paakataura kuti “akaberekwa nguva isati yakwana”? (1 VaKorinde 15:8)
Pana 1 VaKorinde 15:8, Pauro akanyora kuti: “Akazopedzisira nekuzviratidzawo kwandiri sekunge ari kuzviratidza kumunhu akaberekwa nguva isati yakwana.” Kare taiti Pauro anogona kunge aireva zvakaitika kwaari paakaratidzwa Jesu achibwinya kudenga. Zvaiita sekuti akanga awana ropafadzo yekuberekwa, kana kuti kumutsirwa kuupenyu hwemweya kudenga ipo pachine mazana emakore rumuko rwacho rwusati rwatanga kuitika. Asi patakaongorora zvakare rugwaro urwu, takaona kuti tinofanira kugadzirisa manzwisisiro atinoruita.
Ichokwadi kuti parugwaro urwu Pauro aitaura nezvezvakaitika paakatendeuka. Asi airevei paakataura kuti “akaberekwa nguva isati yakwana”? Pane zvinhu zvakasiyana-siyana zvaanogona kunge aireva.
Akatendeuka asingambozvitarisiri uye zvakaitika paakatendeuka zvaishungurudza. Kazhinji mwana anoberekwa nguva isati yakwana, amai vacho vanosununguka vasingambozvitarisiri. Sauro (uyo akazopedzisira ava kunzi Pauro) paaiva munzira kuenda kuDhamasiko kunotambudza vaKristu, aisatarisira kuti angaratidzwa Jesu uyo ainge amutswa. Kutendeuka kwaPauro hakuna kungoshamisa iye chete, asi kwakashamisawo vaKristu vaaida kunotambudza muguta iroro. Uyewo zvakaitika kuna Pauro zvakamuvhiringidza chaizvo zvekuti akamboita kanguva asingaoni.—Mab. 9:1-9, 17-19.
Akatendeuka “panguva isiri iyo.” Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “munhu akaberekwa nguva isati yakwana” rinogonawo kushandurwa richinzi “munhu akaberekwa panguva isiri iyo.” The Jerusalem Bible rinoti: “Zvaiita sekuti ndakaberekwa pasina aimbozvitarisira.” Pauro akazotendeuka Jesu atodzokera kudenga. Kusiyana nevamwe vaakataura nezvavo mumavhesi ari pamashure pacho avo vakaona Jesu paakamutswa asati adzokera kudenga, Pauro haana kunge amuona. (1 VaK. 15:4-8) Pauro akazowana mukana iwoyo Jesu paakangoerekana azviratidza kwaari, kunyange zvazvo zvaiita sekuti zvakaitika “panguva isiri iyo.”
Aitaura nezvake pachake achizvininipisa. Vamwe vaongorori vanotaura kuti mashoko akashandiswa naPauro parugwaro urwu anogona kunzwika seane kakushora mukati. Kana zvavanotaura zviri izvo zvaifungwa naPauro, mashoko ake anoratidza kuti aizviona seasina kukodzera kuva muapostora. Pauro akatoenderera mberi achiti: “Ndiri mudiki pavaapostora vese, uye handina kukodzera kunzi muapostora, nekuti ndaitambudza ungano yaMwari. Asi nyasha dzaMwari dzakaita kuti ndive sezvandiri.”—1 VaK. 15:9, 10.
Saka zvinoita sekuti Pauro aireva kuti Jesu akangoerekana azviratidza kwaari, kuti kutendeuka kwake kwakaitika asingazvitarisiri, kana kuti aisakodzera kuratidzwa zvinhu zvinoshamisa kudaro. Chero zvaangava aireva, zviri pachena kuti Pauro haana kumbokanganwa zvaakasangana nazvo. Zvakamusiya asina kana nemubvunzo kuti Jesu ainge amutswa kubva kuvakafa. Ndokusaka aigara achitaura nezvenyaya iyi paaiparidzira vanhu nezvekumutswa kwaJesu.—Mab. 22:6-11; 26:13-18.
Siriya Yainge Yakaita Sei Kare?
Muguta reDhamasiko ririko mazuva ano hamuna uchapupu hunoratidza kuti Abrahamu akambopfuura nemo kana kuti Dhavhidhi akakunda guta iroro riini. Asi muchiri nematongo eguta rekare reRoma uyewo mugwagwa mukuru waidarika nemuguta racho kare unotevedza mugwagwa waiva muRoma kare wainzi Via Recta (Mugwagwa Wakarurama). Mumugwagwa uyu ndimo maiva neimba yaigara Sauro paakazoshanyirwa naAnaniyasi pashure pekunge Sauro aona chishamiso kunze kweguta racho icho chakazoita kuti atendeuke achiva muKristu. (Mabasa 9:10-19) Mugwagwa wacho wasiyana chaizvo nezvawaiva panguva yaitonga vaRoma, asi ndimo makatangira muapostora Pauro basa rekushumira Jehovha. Mugwagwa Wakarurama unogumira pagedhi reBab-Sharqi reRoma. Masvingo eguta racho aiva nedzimba nechepamusoro pawo. Izvi zvinotibatsira kuona kuti Pauro akapukunyutswa sei achiita zvekudzikiswa parusvingo ari mudengu nepakanga pakavhurika parusvingo rwacho.—Mabasa 9:23-25; 2 VaKorinde 11:32, 33.
Fambira Mberi Pakunamata Nekutevedzera Muenzaniso waPauro
“Ndarwa kurwa kwakanaka, ndamhanya kusvika kumagumo, ndachengeta kutenda.”—2 TIM. 4:7.
MURUME wacho akanga akangwara uye aisaverengera pakuita zvisarudzo. Asi, ‘aizvibata maererano nezvido zvenyama yake.’ (VaEf. 2:3) Pave paya akazoti aimbova “munhu anomhura, mutambudzi uye munhu anoita zvakaipa.” (1 Tim. 1:13) Murume wacho aiva Sauro weTaso.
2 Nekufamba kwenguva, Sauro akachinja zvinhu zvakawanda muupenyu hwake. Akasiya mararamiro aaimboita akashanda nesimba ‘asingatsvagi zvaimubatsira asi zvaibatsira vazhinji.’ (1 VaK. 10:33) Akava munyoro uye akaratidza kuti aida zvikuru vaya vaaimbovenga. (Verenga 1 VaTesaronika 2:7, 8.) Pauro akanyora kuti, ‘Ndakava mushumiri uye ndakangonzwirwawo nyasha idzi, ini mudiki pavatsvene vese, kuti ndizivise mamwe marudzi mashoko akanaka pamusoro pepfuma isingaenzaniswi yaKristu.’—VaEf. 3:7, 8
3 Sauro, uyo aizivikanwawo saPauro, akafambira mberi zvikuru pakunamata. (Mab. 13:9) Chimwe chinhu chinogona kutibatsira kuti tiwedzere kufambira mberi muchokwadi kudzidza tsamba dzaPauro uye nyaya yeushumiri hwake tobva tatevedzera muenzaniso wake wekutenda. (Verenga 1 VaKorinde 11:1; VaHebheru 13:7.) Ngationei kuti kuita izvi kungatikurudzira sei kuti tive nepurogiramu yakanaka yekudzidza tiri tega, kuti tide vanhu zvepachokwadi uye kuti tisazvitarisire pasi kana kuti kuzvikudza.
Purogiramu yaPauro Yekudzidza
4 Pauro aitoziva zvimwe zvaiva muMagwaro nekuti aiva muFarisi akanga adzidza ari ‘patsoka dzaGamarieri, achirayiridzwa kuti anyatsotevedzera Mutemo wemadzitateguru.’ (Mab. 22:1-3; VaF. 3:4-6) Angobhabhatidzwa, “akaenda kuArabhiya,” kuRenje rekuSiriya kana kuti zvichida kune imwe nzvimbo yakanyarara paArabian Peninsula kwaaikwanisa kunyatsofungisisa. (VaG. 1:17) Zviri pachena kuti Pauro aida kufungisisa mamwe magwaro airatidza kuti Jesu aiva Mesiya. Uyezve, Pauro aida kugadzirira basa raaifanira kuzoita. (Verenga Mabasa 9:15, 16, 20, 22.) Pauro aizvipa nguva yekufungisisa zvinhu zvine chekuita nekunamata.
5 Zvinhu zvaakadzidza kubva muMagwaro zvakamubatsira kuti akwanise kunyatsodzidzisawo vamwe chokwadi. Semuenzaniso, ari pasinagogi kuAndiyoki muPisidhiya, Pauro akashandisa Magwaro echiHebheru kashanu achiratidza kuti Jesu aiva Mesiya. Pauro akataurawo kanoverengeka zviri muMagwaro echiHebheru. Paaidzidzisa vaJudha zvaiva muMagwaro aizviita nechivimbo zvekuti “vaJudha vakawanda nevanhu vakatendeukira kuchiJudha vainamata Mwari vakatevera Pauro naBhanabhasi,” kuti vadzidze zvakawanda. (Mab. 13:14-44) Makore akazotevera boka revaJudha vechiRoma parakauya kwaaigara, Pauro “akavatsanangurira nyaya yacho achivapa uchapupu hwakasimba nezveUmambo hwaMwari, kuti avanyengetedze nezvaJesu kubva muMutemo waMozisi nezvakanyorwa neVaprofita.”—Mab. 28:17, 22, 23.
6 Paaisangana nemiedzo, Pauro airamba achiongorora Magwaro uye achiwana simba kubva maari. (VaH. 4:12) Paaiva mujeri kuRoma asati aurayiwa, Pauro akakumbira Timoti kuti amuunzire “mabhuku, kunyanya aya ematehwe.” (2 Tim. 4:13) Zvichida mabhuku iwayo aiva zvikamu zveMagwaro echiHebheru zvaishandiswa naPauro paaidzidza zvakadzama. Pauro aikoshesa kuwana ruzivo rweMagwaro kuburikidza nekuva nepurogiramu yokudzidza Bhaibheri kuitira kuti arambe akatsiga mukutenda.
7 Kugara tichidzidza Bhaibheri, kusanganisira kufungisisa zvine chinangwa, kuchatibatsira kufambira mberi mune zvekunamata. (VaH. 5:12-14) Munyori wepisarema akaimba achiratidza kukosha kweShoko raMwari achiti: “Mutemo wamakazivisa wakandinakira, kupfuura goridhe nesirivha zvakawanda. Murayiro wenyu unoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nekuti uneni nekusingaperi. Ndinoramba kufamba munzira dzese dzakaipa, kuti ndichengete shoko renyu.” (Pis. 119:72, 98, 101) Une purogiramu yekudzidza Bhaibheri uri wega here? Uri kugadzirira zvauchazoita mubasa raMwari here nekuverenga Bhaibheri zuva nezuva uye kufungisisa zvaunoverenga?
Pauro Akadzidza Kuda Vanhu
8 Asati ava muKristu, Sauro aishingairira chitendero chake, asi akanga asina hanya zvakanyanya nevanhu vakanga vasiri vechitendero chechiJudha. (Mab. 26:4, 5) Akanga akatarira achibvumirana nazvo vaJudha pavaitema Stefani nematombo. Sauro angave aifunga kuti zvaaiita zvakanga zvakanaka pamusana pezvaakanga aona, zvichida achiona kuurayiwa kwaStefani sechirango chakakodzera. (Mab. 6:8-14; 7:54–8:1) Nhoroondo yakafemerwa inoti: “Sauro akatanga kuparadza ungano. Aitevedza dzimba dzese achipinda nechisimba, ozvuzvurudza varume nevakadzi, achiita kuti vaiswe mujeri.” (Mab. 8:3) “Akatosvika pakuvatambudza kunyange mune mamwe maguta.”—Mab. 26:11.
9 Ishe Jesu paakazviratidza kwaari, Sauro akanga achienda kuDhamasiko kunotambudza vadzidzi vaKristu. Kupenya kweMwanakomana waMwari kwakasiya Sauro ava bofu achitoda kubatsirwa nevamwe. Jehovha paakazoshandisa Ananiyasi kuita kuti Sauro aonezve, maonero aaiita vanhu akanga achinja zvachose. (Mab. 9:1-30) Paakava muteveri waKristu, akashanda nesimba kuti abate vanhu vese sezvaiita Jesu. Akasiya zvekurwa ndokuva “nerugare nevanhu vese.”—Verenga VaRoma 12:17-21.
10 Pauro akanga asingagutsikani nekungova nerugare nevamwe. Aida kuvaratidza rudo rwechokwadi, uye ushumiri hwechiKristu hwakamupa mukana iwoyo. Parwendo rwake rwekutanga ari mumishinari, akaparidzira mashoko akanaka muAsia Minor. Pasinei nekupikiswa zvinotyisa, Pauro neshamwari dzake vakaramba vachibatsira vanyoro kuti vave vaKristu. Vakashanyirazve Ristra neIkoniyumu, kunyange zvazvo vanhu vaivapikisa mumaguta iwayo vakanga vaedza kuuraya Pauro.—Mab. 13:1-3; 14:1-7, 19-23.
11 Gare gare, Pauro neboka rake vakatsvaga vanhu vaida kuva neushamwari naJehovha muguta reMakedhoniya raiva muFiripi. Mumwe akanga atendeukira kuchitendero chechiJudha ainzi Ridhiya akateerera mashoko akanaka achibva asarudza kuva muKristu. Vakuru vakuru vehurumende vakarova Pauro naSirasi neshamhu ndokuvaisa mujeri. Zvisinei, Pauro akaparidzira murindi wejeri, zvekuti iye nemhuri yake vakabhabhatidzwa ndokuva vanamati vaJehovha.—Mab. 16:11-34.
12 Sauro aimbotambudza vaKristu, saka nei akazogamuchira dzidziso dzevaKristu ivavo? Chii chakaita kuti murume iyeye aimboita zvakaipa azova muapostora ane mutsa norudo, aida kuisa upenyu hwake pangozi kuitira kuti vamwe vagone kudzidza chokwadi pamusoro paMwari naKristu? Pauro pachake anotsanangura kuti: ‘Mwari akandidana nenyasha dzake, ndokufunga kuti zvakanaka kuti andishandise kuratidza vanhu zvakaita Mwanakomana wake.’ (VaG. 1:15, 16) Pauro akanyorera Timoti kuti: “Ndakanzwirwa tsitsi kuitira kuti Kristu Jesu aratidze mwoyo murefu wake wese achishandisa muenzaniso wangu unopfuura mimwe yese, kuti vaya vachaisa kutenda kwavo maari nechinangwa chekuwana upenyu husingaperi, vanditevedzere.” (1 Tim. 1:16) Jehovha akakanganwira Pauro, uye nyasha netsitsi zvaakaratidzwa zvakaita kuti ade vamwe uye avaparidzire mashoko akanaka.
13 Jehovha anotikanganwirawo zvivi zvedu uye zvatinokanganisa. (Pis. 103:8-14) Munyori wepisarema akabvunza kuti: “Haiwa Jah, kudai maitarira kukanganisa, Haiwa Jehovha, ndiani aizomira?” (Pis. 130:3) Pasina tsitsi dzaMwari, hapana mumwe wedu aigona kuwana mufaro pakuita basa dzvene, uyewo taisazotarisira kuwana upenyu husingaperi. Mwari agara achitiratidza nyasha zvikuru. Naizvozvo, kufanana naPauro, tinofanira kudawo vamwe nekuvaparidzira uye kuvadzidzisa chokwadi uyewo kusimbisa vatinonamata navo.—Verenga Mabasa 14:21-23.
14 Pauro aida kufambira mberi semuparidzi wemashoko akanaka, uye muenzaniso waJesu wakabaya mwoyo wake. Kuparidza mashoko akanaka kwaiita Jesu kunoratidza kuti aida vanhu zvikuru. Jesu akati: “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Mat. 9:35-38) Pauro anogona kunge akatombonyengetererawo nezvazvo, uye akabva aita zvese zvaaigona kuti ararame zvaienderana nemunyengetero iwoyo. Ko iwewe? Unogona kuvandudzawo ushumiri hwako here? Kana kuti unogona here kuwedzera nguva yaunoshandisa pabasa rekuparidza Umambo, uye zvichida kutoronga kuti utange kupayona? Ngatiratidze vamwe rudo rwechokwadi nekuvabatsira kuti ‘vabatisise shoko reupenyu.’—VaF. 2:16.
Pauro—Maonero Aaizviita
15 Sezvo Pauro aivawo mushumiri wechiKristu, pane chimwe chinhu chakanaka chaakaita chatinogonawo kutevedzera. Kunyange zvazvo aiva nemabasa akawanda muungano yechiKristu, Pauro ainyatsoziva kuti ainge asina kukodzera kuwana makomborero iwayo uye kuti haana kuawana pamusana peunyanzvi hwaaiva nahwo. Aiziva kuti nyasha dzaakaratidzwa naMwari ndidzo dzakaita kuti awane makomborero iwayo. Pauro aiziva kuti vamwe vaKristu vaivawo vashumiri vanobudirira vemashoko akanaka. Saka akaramba achizvininipisa pasinei nekuti aiva nemabasa akawanda aaiitira Jehovha pakunamata.—Verenga 1 VaKorinde 15:9-11.
16 Chimbofunga kuti Pauro akagadzirisa sei dambudziko rakamuka muguta reAndiyoki kuSiriya. Vanhu vaiva muungano yechiKristu vainge vava nemaonero akasiyana panyaya yekuchecheudzwa. (Mab. 14:26–15:2) Sezvo Pauro akanga agadzwa kuti atungamirire mukuparidzira vanhu Vemamwe Marudzi vakanga vasina kuchecheudzwa, anogona kunge akafunga kuti ainyatsokwanisa kutaura nevanhu vakanga vasiri vaJudha uye kugadzirisa dambudziko rakanga ramuka. (Verenga VaGaratiya 2:8, 9.) Asi paakaona kuti zvaakanga aedza kuita kuti agadzirise dambudziko racho zvakanga zvisina kubudirira, akazvininipisa ndokuendesa nyaya yacho kudare rinotungamirira raiva muJerusarema. Hama dzaiva mudare racho padzakateerera nyaya yacho, dzikaita chisarudzo ndokumutuma kuti adzokere nemhinduro, akanyatsobvumirana nazvo. (Mab. 15:22-31) Saka Pauro ‘akatanga iye kukudza’ vaainamata navo.—VaR. 12:10b.
17 Pauro aiva munhu anozvininipisa, saka haana kumborega kushamwaridzana nehama nehanzvadzi dzake dzemuungano. Pane kudaro, akatowedzera kuratidza kuti aivada. Panoperera tsamba yaakanyorera vaRoma, akakwazisa vanhu vanopfuura 20 nemazita avo. Vakawanda vavo hapana pavanotaurwa muMagwaro, uye vashomanana ndivo vaiva neropafadzo dzinokosha. Asi vese vaiva vashumiri vaJehovha vakavimbika, uye Pauro aivada chaizvo.—VaR. 16:1-16.
18 Kuzvininipisa uye ushamwari hwaiva naPauro zvakasimbisa ungano. Paakapedza kukurukura nevakuru vekuEfeso kekupedzisira, vakuru vacho ‘vakambundira Pauro nekumutsvoda, nekuti vakanyanya kurwadziwa neshoko raakanga ataura rekuti vakanga vasingazoonizve chiso chake.’ Kudai akanga ari munhu aidada uye asina ushamwari, vangadai vasina kuita izvozvo paakanga ava kuenda.—Mab. 20:37, 38.
19 Vese vanoda kufambira mberi mune zvekunamata vanofanira kuzvininipisa sezvaiita Pauro. Akaudza vaKristu vaainamata navo kuti vasaita ‘zvinhu vachikakavadzana, asi vazvininipise vachiona vamwe sevakuru kwavari.’ (VaF. 2:3) Tingatevedzera sei zano iroro? Imwe nzira ndeyekushandira pamwe chete nevakuru vemuungano medu, tichiteerera mazano avo uye tichitsigira zvavanenge vasarudza panyaya dzavanenge vatonga. (Verenga VaHebheru 13:17.) Imwe nzira ndeyekuratidza kuti tinokoshesa hama nehanzvadzi dzedu dzemuungano. Ungano dzevanhu vaJehovha dzinowanzoumbwa nevanhu vanobva mumarudzi netsika, nemadzinza zvakasiyana-siyana. Asi kufanana naPauro, takadzidza kuvada vese sehama nehanzvadzi dzedu. (Mab. 17:26; VaR. 12:10a) Tinokurudzirwa ‘kugamuchirana, sekugamuchirwawo kwatakaitwa naKristu, kuti Mwari akudzwe.’—VaR. 15:7.
‘Mhanya Nekutsungirira’ Munhangemutange Yeupenyu
20 Upenyu hwemuKristu hunogona kufananidzwa nemujaho wekumhanya daro refu. Pauro akanyora kuti: “Ndamhanya kusvika kumagumo, ndachengeta kutenda. Kubvira iye zvino, ndakachengeterwa korona yekururama, iyo Ishe, mutongi akarurama, achandipa semubayiro pazuva iroro, asi kwete ini ndega, asiwo vamwe vese vakada kuratidzwa kwake pachena.”—2 Tim. 4:7, 8.
21 Kutevedzera muenzaniso waPauro kuchatibatsira kuti tibudirire pakumhanya nhangemutange yeupenyu husingaperi. (VaH. 12:1) Saka nepese patinogona, ngatirambei tichifambira mberi pakunamata nekuva nepurogiramu yakanaka yekudzidza tiri tega, kuda vanhu zvikuru, uye kuramba tichizvininipisa.
CHITSAUKO 51
“Mwanakomana Wekunyaradza”
w98 4/15 20 ¶4, mashoko emuzasi
Bhanabhasi—“Mwanakomana Wekunyaradza”
Pendekosti ya33 C.E. ichangobva kupera, Bhanabhasi uyo akanga ari muRevhi aibva kuSaipurasi, akazvipira kutengesa munda wake ndokupa mari yacho kuvaapostora. Akazviitirei? Nhoroondo iri muna Mabasa inotiudza kuti pavaKristu vaiva muJerusarema panguva iyoyo, ‘mumwe nemumwe aigoverwa zvaienderana nezvaaishayiwa.’ Bhanabhasi aida kubatsira hama dzake dzaiva muJerusarema. (Mabasa 4:34-37) Anogona kunge aiva munhu akapfuma, asi aida kushandisa nguva yake uye zvinhu zvake pakubatsira kuti basa reUmambo rifambire mberi. Purofesa F. F. Bruce akati “Bhanabhasi aiti akangoona munhu ari kuda kukurudzirwa, aibva aita zvese zvaaigona kuti amukurudzire.” Izvi zvinonyatsobuda pachena paanozotaurwazve nezvake muBhaibheri.
[Mashoko emuzasi]
Vachifunga zvinotaurwa muMutemo waMozisi, vamwe vakabvunza kuti zvakafamba sei kuti Bhanabhasi azova nemunda iye aiva muRevhi. (Numeri 18:20) Bhaibheri haritaure kuti munda wacho waiva muParestina here kana kuti muSaipurasi. Inogona kunge yaingova nzvimbo yaaida kuzovigwa yaakanga awana munharaunda yeJerusarema. Chero zvazvingava, Bhanabhasi akatengesa munda wake kuti abatsire vamwe.
it “Bhanabhasi” ¶3
Bhanabhasi
Bhanabhasi aiva munhu anopa uye ane mwoyo wakanaka. Aigara akagadzirira kushandisa simba rake uye zvinhu zvaaiva nazvo kuitira kuti atsigire Umambo hwaMwari. Aifara ‘kubatsira’ hama dzake (Mab 9:27), uye paaiona vadzidzi vatsva ‘aifara uye aitanga kuvakurudzira vese kuti varambe vari munaShe nemwoyo wese.’ Bhanabhasi “aiva munhu akanaka akazara nemweya mutsvene uye kutenda” (Mab 11:23, 24), aiva muprofita uye mudzidzisi muAndiyoki. (Mab 13:1) Vaapostora vakatotaura nezvaBhanabhasi vachiti ndemumwe ‘wehama dzedu dzatinoda, idzo dzakaisa upenyu hwadzo pangozi nekuda kwezita raShe wedu Jesu Kristu.’ (Mab 15:25, 26) Kunyange zvazvo aisava mumwe wevaapostora 12, aishevedzwa kuti muapostora uye zvainge zvakakodzera kuti ashevedzwe kudaro (Mab 14:14), nekuti aiva mumwe wevarume ‘vakatumwa nemweya mutsvene.’—Mab 13:4, 43.
it “Saipurasi” ¶7
Saipurasi
Zvakataurwa nemunyori wenhoroondo ainzi Ruka nezvagavhuna weruwa rweSaipurasi ndezvechokwadi. Saipurasi yakaiswa pasi peDare reSeneti yeRoma muna 22 B.C.E., ndokusaka munhu aitonga chitsuwa chacho aisashevedzwa kuti mumiririri wamambo weRoma, asi ainzi gavhuna uyo aishanda semumiririri weDare iroro.
bt 97, bhokisi
Kutaura “Neushingi Nesimba raJehovha”
RISTRA, GUTA RAINAMATWA ZEUSI NAHEMESI
Guta reRistra raiva mubani pedyo nemigwagwa mikuru. Kesari Agasto akaita kuti rive guta reRoma, ndokuritumidza zita rekuti Felix Gemina Lustra. Mauto aro aifanira kudzivirira nharaunda yeGaratiya pamadzinza aigara mumakomo munharaunda yacho. Saka guta racho raitongwa maererano nemitemo yeRoma, uye vakuru vakuru vacho vaiva nemazita ekuremekedza echiLatin. Kunyange zvakadaro, Ristra yakaramba iine dzimwe tsika dzayo. Yakaramba ichiita zvechiRikaoniya kupfuura zvechiRoma, ndosaka vanhu vemo vanotaurwa muna Mabasa vachinzi vaitaura mutauro wechiRikaoniya.
Zvimwe zvinhu zvakawanikwa nevanochera matongo munharaunda yeRistra zvaisanganisira zvinhu zvakanga zvakanyorwa kuti “vapristi vaZeusi,” uye chifananidzo chamwari anonzi Hemesi. Atari yaishandiswa pakunamata Zeusi naHemesi yakawanikwawo munharaunda iyi.
Nyaya yakanyorwa nemudetembi wechiRoma ainzi Ovid (43 B.C.E. kusvika kuna 17 C.E.) inotibatsira kunzwisisa zvakanyorwa muna Mabasa. Ovid anoti Jupiter naMercury, vanamwari vechiRoma vanoenderana navanamwari vechiGiriki Zeusi naHemesi, vakashanyira nyika yemakomo yeFrijiya vachiita sevanhu venyama. Vakasvika padzimba 1 000 vachitsvaga angavatambirawo mumba make, asi vakashaya. Mumwe murume nemudzimai wake vechikuru vainzi Philemon naBaucis ndivo vakazovagamuchira mukamba kavo kakanga kasingashamisiri. Saka Zeusi naHemesi vakachinja musha iwoyo kuti uve temberi yakavakwa nematombo anokosha, vakabva vaita kuti murume nemudzimai vaya vave vapristi vetemberi yacho, ndokuparadza misha yevanhu vaya vakanga varamba kuvatambira. Bhuku rinonzi The Book of Acts in Its Graeco-Roman Setting rinoti, “Kana vanhu veRistra vakafunga nezvengano iyoyo pavakaona Pauro naBhanabhasi vachiporesa murume akanga akaremara, hazvishamisi kuti vakazosarudza kuvagamuchira nezvibayiro.”
Muchagadzirisa Kusanzwisisana Moita Kuti Pave Nerugare Here?
JEHOVHA MWARI anokurudzira vaKristu kuti vade rugare, kuti vakoshese rugare. Panova nerugare rukuru pakati pevanamati vechokwadi kana tikava vanhu vanoita kuti pave nerugare. Izvi zvinoita kuti vanhu vanoda rugare vade kuuya muungano yechiKristu.
Semuenzaniso, mumwe murume aiva n’anga yakakurumbira muMadagascar akacherechedza kuti Zvapupu zvaJehovha zvine rugare. Akati, ‘Kana ndikazoda kuita zvekunamata, ichi ndicho chitendero chandingada kubatana nacho.’ Nekufamba kwenguva akarega kuita zvemidzimu, akaita mwedzi yakawanda achigadzirisa wanano yake kuti ienderane nezviri muMagwaro uye akatanga kunamata Jehovha, Mwari werugare.
Kufanana nemurume iyeye, gore negore vanhu vakawanda vanowana rugare rwavaitsvaga nemaziso matsvuku pavanouya muungano yechiKristu. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti “godo rinovava nokukakavara” zvinoparadza ushamwari muungano uye zvinoita kuti muve nekusanzwisisana. (Jak. 3:14-16) Zvinofadza kuti Bhaibheri rinewo mazano anobatsira kuti tidzivise matambudziko akadaro, towedzera kuva nerugare. Kuti tikwanise kudaro, ngatimboonai zvakaitika kune vamwe vanhu.
MATAMBUDZIKO UYE ZVINGAITWA PAKUAGADZIRISA
“Taisanzwisisana neimwe hama yandaishanda nayo. Rimwe zuva, vanhu vaviri vakapinda mataishandira vakationa tichipopotedzana.”—CHRIS.
“Imwe hanzvadzi yandaiwanzoparidza nayo yakangoerekana yati timire urongwa hwedu hwekuparidza. Yakabva yarega kutaura neni. Handina kuziva kuti yaizviitirei.”—JANET.
“Taitaura pafoni tiri vatatu. Mumwe wevandaitaura navo akabva aoneka uye ndakafunga kuti akanga aisa foni pasi. Ndakabva ndataura zvakashata nezvake nemumwe akanga achiri pafoni asi ndakazoziva kuti uya ainge aoneka akanga asina kuisa foni pasi.”—MICHAEL.
“Mamwe mapiyona maviri emuungano medu akatanga kunetsana. Mumwe wacho akanga ava kugara achitukirira mumwe wake. Kunetsana kwavaiita nezvinhu zvisina basa kwaiita kuti vamwe vaore mwoyo.”—GARY.
Ungaona sekuti idzi inyaya diki. Asi nyaya imwe neimwe yaigona kuita kuti vanhu vacho varwadziwe zvikuru uye vakanganisike pakunamata. Asi zvinofadza kuti hama nehanzvadzi idzodzo dzakabvuma kutungamirirwa neBhaibheri dzikakwanisa kuva nerugare zvakare. Unofunga kuti mazano api emuBhaibheri adzakashandisa?
“Musanetsana parwendo.” (Gen. 45:24) Josefa akapa vakoma vake zano iri pavakanga vava kudzokera kuna baba vavo. Mashoko ake aiva euchenjeri. Kana munhu asingazvidzori uye achikurumidza kutsamwa, anogona kugumbura vamwe. Chris akasvika pakuona kuti aiva nedambudziko rekuzvikudza uye rekusada kuudzwa zvekuita nevamwe. Nemhaka yekuti aida kuchinja, akakumbira ruregerero kuhama yaaigara achipopotedzana nayo uye akashanda nesimba kuti asakurumidza kutsamwa. Hama yacho yakachinjawo payakaona kuti Chris akanga achishanda nesimba kuti achinje. Iye zvino vari kunakidzwa nekushumira Jehovha pamwe chete.
“Pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri.” (Zvir. 15:22) Janet akazoona kuti aifanira kunyatsofungisisa chokwadi ichi. Akasarudza “kurangana” kana kuti kutaura nehanzvadzi yacho. Pavaitaura, Janet akashandisa ungwaru kuti hanzvadzi yacho itaure kuti nei yaiva nechigumbu. Pakutanga, vainge vasina kusununguka pavaikurukura, asi zvakava nani sezvavaikurukura nezvedambudziko racho vakadzikama. Hanzvadzi yacho yakazoona kuti yakanga isina kunzwisisa imwe nyaya yakanga isinei naJanet. Yakakumbira ruregerero uye vari kushumira Jehovha pamwe chete zvakare.
“Zvino, kana uchiuya nechipo chako kuatari wobva wayeuka uri ikoko kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda; tanga waita kuti uve norugare nehama yako, uye kana wadzoka, ipa chipo chako.” (Mat. 5:23, 24) Pamwe unoyeuka zano iri rakataurwa naJesu muMharidzo yepaGomo. Michael akanetseka chaizvo paakaona kuti akanga ataura mashoko anogumbura vamwe. Ainge akatsunga kuita kuti pavezve nerugare. Akazvininipisa, akaenda kuhama yaakanga agumbura kuti anokumbira ruregerero vachionana. Zvakaguma nei? Michael anoti, “Hama yangu yakandiregerera nemwoyo wese.” Vakavazve shamwari.
“Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe.” (VaK. 3:12-14) Panyaya yemapiyona maviri ainetsana, mumwe mukuru ane mutsa akaabatsira kuti afunge nezvemibvunzo yakadai seiyi: “Isu tiri vaviri tine kodzero yekuita kuti vamwe vashaye mufaro here nemhaka yekusanzwisisana kwedu? Tine chikonzero chakanaka here chinotitadzisa kushivirirana kuti tikwanise kuramba tichishumira Jehovha tiine rugare?” Mapiyona acho akabvuma zano raakapiwa ndokurishandisa. Iye zvino ava kuwirirana sezvaanoparidza mashoko akanaka.
Kana mumwe munhu akakurwadzisa, kutanga kushandisa zano richangobva kutaurwa riri pana VaKorose 3:12-14 kunogona kubatsira. Vakawanda vakaona kuti, vachizvininipisa, vanogona kungoregerera vokanganwa nezvazvo. Kana ukaona sekuti pane zvichiri kuda kugadziriswa pashure pekunge waita izvi, ungashandisa here zano riri pana Mateu 18:15? Zano raJesu riri ipapo rinotaura nezvedanho rinofanira kutorwa kana munhu akaita chivi chakakura achitadzira mumwe. Asi pamwe ndiro zano raunenge uchifanira kushandisa. Enda kuhama kana hanzvadzi yako woedza kutaurirana nayo nemutsa uye uchizvininipisa kuti mugadzirise nyaya yacho.
Bhaibheri rine mamwe mazano anobatsira. Kuti mazano acho ashande, unofanira kuva ‘nechibereko chemweya’ icho chinoumbwa nezvinhu zvinoti: “Rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” (VaG. 5:22, 23) Kungofanana neoiri inoita kuti muchina ushande zvakanaka, chibereko chemweya chinoita kuti zvive nyore kuti vanhu vagadzirise zvinhu vova nerugare.
KUSIYANA KWEUNHU KUNOITA KUTI MUUNGANO MUNAKIDZE
Kusiyana kweunhu kunogona kuita kuti vanhu vave neushamwari hwakasimba. Kunogona kuitawo kuti vanhu vanetsane. Imwe hama yava nemakore iri mukuru inoti: “Zvingaomera munhu anonyara kuti awirirane nemunhu akasununguka uye anotaurisa. Kusiyana ikoko kungaita sekusina basa; asi kunogona kuita kuti pave nematambudziko akakura.” Zvisinei, unofunga kuti vanhu vane unhu hwakanyanya kusiyana vachatotadza kuwirirana here? Funga nezvevamwe vaapostora vaviri. Petro aiva munhu akaita sei? Unogona kumuona semunhu aitaura zvinhu sezvazviri uye aiita zvinhu asina kutanga anyatsofunga. Ko Johani aiva munhu akaita sei? Tinogona kumuona semurume aiva nerudo sezvinoratidzwa pane zvaakataura nezvaakaita. Panogona kunge paine zvikonzero zvinoita kuti tione vaapostora ivavo saizvozvo. Zvinoita sekuti vakanga vaine unhu hwakasiyana. Kunyange zvakadaro, vakashanda pamwe chete zvakanaka. (Mab. 8:14; VaG. 2:9) Saizvozvowo, zvinoita kuti vaKristu vane unhu hwakasiyana vashande pamwe chete mazuva ano.
Zvimwe muungano yenyu mune hama inotaura nekuita zvinhu zvinokusvota. Pasinei naizvozvo, unoziva kuti Kristu akafira munhu iyeye uye kuti unofanira kumuratidza rudo. (Joh. 13:34, 35; VaR. 5:6-8) Saka pane kubva wati haudi kuita shamwari yake kana kupota uchimunzvenga, zvibvunze kuti: ‘Hama yangu iri kuita chinhu chisingabvumirwi neMagwaro here? Iri kutoita zvekuronga kundirwadzisa here kana kuti tingori neunhu hwakasiyana?’ Uyewo, chimwe chinonyanya kukosha kuzvibvunza kuti: ‘Ine humwe unhu hwandingada kuvawo nahwo here?’
Mubvunzo wapedzisira kubvunzwa unokosha. Kana munhu wacho achitaurisa asi iwe uri munhu akanyarara, funga kuti zviri nyore sei kwaari kuti atange kutaura nevanhu muushumiri. Unogona kukumbira kushanda naye muushumiri woona kuti ungadzidzei kwaari. Kana ari munhu ane rupo, asi iwe wakati omerei, wadii kuona mufaro waainawo unobva pakupa vakwegura, vanorwara uye vanoshayiwa? Chiripo ndechekuti, kunyange zvazvo muine unhu hwakasiyana, munogona kuva pedyo nepedyo kana mukaisa pfungwa pane zvakanaka zvinoitwa nemumwe. Izvi zvingasaita hazvo kuti muite tsika nditsikewo, asi zvinogona kukubatsirai kuti muve pedyo mowedzera kuva nerugare pakati penyu uye muungano.
Yudhiya naSindike vaigona kunge vakasiyana pamaitiro avo uye paunhu hwavo. Asi muapostora Pauro akavakurudzira “kuti vave nokufunga kwakafanana munaShe.” (VaF. 4:2) Uchaedzawo here kuita kuti muve nekufunga kwakafanana mova nerugare?
KURUMIDZAI KUGADZIRISA KUSANZWISISANA
Kungofanana nemasora ari kukura mumaruva, kuvenga vamwe kunogona kuramba kuchiwedzera kana tikasashanda nesimba kuti tikudzure mumwoyo medu. Kana mwoyo wemunhu ukaremerwa nekuchengeta chigumbu, zvinogona kutokanganisa ungano. Kana tichida Jehovha uye hama dzedu, tichaita zvese zvatinogona kuti kusanzwisisana kwedu neimwe hama kana hanzvadzi kusakanganisa kana kuderedza rugare rweungano yevanhu vaMwari.
Patinogadzirisa kusanzwisisana tiine chinangwa chekuita kuti pave nerugare, tingashamiswa nezvakanaka zvinozoitika. Semuenzaniso, chimwe chapupu chakati: “Ndaiona sekuti imwe hanzvadzi yaindiona sekamwana. Zvaindisvota chaizvo. Kusvotwa kwacho zvakwaiwedzera, ndakatanga kutaura nayo zvisina ruremekedzo. Ndaizviudza kuti, ‘Haandiremekedzi semunhu mukuru, saka handisi kuzomuremekedzawo.’”
Chapupu ichi chakazotanga kufunga nezvemaitiro acho. “Ndakatanga kuona zvikanganiso zvangu uye ndakazvishora chaizvo. Ndakaona kuti ndaifanira kuchinja mafungiro angu. Pashure pekunyengetera kuna Jehovha nezvenyaya yacho, ndakatengera hanzvadzi yacho chipo ndikanyora kadhi ndichikumbira ruregerero nemhaka yemaitiro angu akashata. Takambundirana tikabvumirana kusiyana nenyaya yacho. Kubvira ipapo, hatina kuzombonetsana zvakare.”
Vanhu vanoda chaizvo kuva nerugare. Kunyange zvakadaro, kana vakaona kuti vari kutarisirwa pasi kana kuti chinzvimbo chavo chinogona kutorwa, vakawanda vanotanga kuita zvinhu zvinovhiringidza rugare. Izvi ndizvo zvinoitwa nevakawanda vasinganamati Jehovha, asi pakati pevashumiri vake panofanira kuramba paine rugare nekubatana. Jehovha akafemera Pauro kuti anyore kuti: “Ndinokutetererai kuti mufambe zvakakodzera kudanwa kwamakadanwa nako, nepfungwa dzinozvininipisa zvakakwana nounyoro, nomwoyo murefu, muchishivirirana murudo, muchivavarira nomwoyo wose kuchengeta kubatana [kwemweya] muchisungo chorugare.” (VaEf. 4:1-3) “Chisungo chorugare” ichocho chinokosha zvikuru. Ngatichisimbisei, totsunga kugadzirisa chero kusanzwisisana kungaitika pakati pedu.
[Bhokisi riri papeji 18, 19]
Pauro naBhanabhasi Vaiva Hama Pasinei Nekusiyana Kwavo
Murume wacho aiva nehasha dzisingaiti. Asati ava muKristu, Pauro ‘aiva neshungu dzokutyisidzira nokuponda vadzidzi vaShe.’ (Mab. 9:1) Pava paya, akataura manzwiro aaiita nezvevateveri vaKristu achiti: ‘Ndaivapengera kwazvo.’—Mab. 26:11.
Pauro akachinja chaizvo pashure pekunge abhabhatidzwa, asi vanhu vakanga vachiri kumuziva semunhu anoita zvakaipa. Kunyange paakanga ava nenguva ari muKristu, hama dzaiva muJerusarema ‘dzaimutya, nokuti hadzina kutenda kuti akanga ari mudzidzi.’—Mab. 9:26.
Kudai pasina mumwe muKristu wekuSaipurasi ainzi Josefa, ungano yacho ingadai yakaramba ichifungira Pauro zvisiri izvo. Josefa aizivikanwa nerudo zvekuti hama dzakamupa zita raienderana neunhu hwake rekuti “Bhanabhasi,” kureva kuti “Mwanakomana Wokunyaradza.” (Mab. 4:36, 37) Airemekedzwa nevaya vaitungamirira uye akabatsira Pauro. Tinoverenga kuti: “Bhanabhasi akamuyamura, akaenda naye kuvaapostora, akavaudza zvose kuti akanga aona sei Ishe . . . uye kuti muDhamasiko akanga ataura sei noushingi nezita raJesu.” (Mab. 9:26-28) Pavakanzwa zvakataurwa naBhanabhasi, vanhu vaiva muungano yemuJerusarema vakagamuchira Pauro. Pasina nguva, Pauro naBhanabhasi vakatanga kushumira pamwe chete semamishinari.—Mab. 13:2, 3.
Bhanabhasi anofanira kunge aikoshesa kushingaira uye kutendeka kwaPauro nekuti Pauro aisatya kutaura kana kuita zvaidiwa. Ukuwo, Pauro anofanira kunge aikoshesa mutsa uye tsitsi zvaiva naBhanabhasi.
Bhaibheri rinotaura kuti pane imwe nguva “vatsamwirana kwazvo.” Nei vakatsamwirana? Nhoroondo yacho hairatidzi kuti yaiva nyaya yekusiyana kweunhu hwavo. Asi inoratidza kuti vaiva nemaonero akasiyana panyaya yekuti Johani Mako aikodzera here kuita basa reumishinari.—Mab. 15:36-40.
Pasinei nekuti Pauro naBhanabhasi vaiva neunhu hwakasiyana, vaishumira pamwe chete izvozvo zvisati zvaitika. Uye tinoverenga kuti Pauro naMako vakazoshandazve pamwe chete. (VaK. 4:10) Saka, kusiyana kweunhu hakuna kuita kuti vanhu vatadze kunzwisisana kare ikako uye hakufaniri kutitadzisa kunzwisisana mazuva ano.
CHITSAUKO 52
“Anondibatsira Muushumiri”
Mako—‘Anobatsira Pakushumira’
Mako, uyo anoratidza kuti aibva mumhuri yakapfuma yevaJudha, akakurira kuJerusarema. Tinotanga kunyatsonzwa nezvake panotaurwa nhoroondo yeungano yekutanga yevaKristu. Munenge muna 44 C.E. ngirozi yaJehovha payakasunungura muapostora Petro mujeri raHerodhi Agripa I, Petro akaenda “kumba kwaMariya amai vaJohani ainzi Mako, kwakanga kwakaungana vanhu vazhinji vachinyengetera.”—Mab. 12:1-12.
Saka zvinoita sekuti ungano yekuJerusarema yaiitira misangano pamba paamai vaMako. Kuungana kwakanga kwakaita “vanhu vazhinji” pamba pacho kunoratidza kuti pakanga pakakura. Mariya aiva nemushandi wechisikana ainzi Rodha, akabuda pakagogodza Petro “pasuo regedhi.” Izvi zvinoratidza kuti Mariya mukadzi aiwana. Uye imba yacho inonzi yaiva yake pane kunzi yaiva yemurume wake, saka anogona kunge aiva chirikadzi, uye kuti Mako akanga achiri muduku.—Mab. 12:13.
Mako—‘Anobatsira Pakushumira’
Kwapera rinenge gore, mweya mutsvene wakati Pauro naBhanabhasi vaite rwendo rweumishinari. Vakabva kuAndiyoki vakananga kuSaipurasi. Johani Mako akaenda navo “achivashandira.” (Mab. 13:2-5) Zvimwe vari parwendo rwacho Mako aivabatsira nekuvaitira tumwe tumabasa kuti ivo vaise pfungwa dzavo dzese pabasa ravo reumishinari.
Mako—‘Anobatsira Pakushumira’
Paunoverenga nezvenzendo dzakasiyana-siyana dzakaitwa naMako, unoona kuti munhu akanga asingagari pasi. Akabva kuJerusarema, akaenda kuAndiyoki, akazobva ikoko ndiye tande nengarava akananga kuSaipurasi nekuPega. Zvadaro akaenda kuRoma. Achibva ikoko Pauro aida kumutuma kuKorose. Asi haana kugumira ikoko!
Muapostora Petro akanyora tsamba yake yekutanga munenge muna 62 kusvikira muna 64 C.E. Akanyora kuti: ‘Mukadzi ari muBhabhironi ari kukukwazisai, uye Mako mwanakomana wangu ari kukukwazisaiwo.’ (1 Pet. 5:13) Izvi zvinoreva kuti Mako akazoita rwendo rwekuBhabhironi akanoshumira nemuapostora uya aimbopindira misangano pamba paamai vake makore akanga apfuura.
Paakanga akasungwa kechipiri ari kuRoma munenge muna 65 C.E., Pauro akanyorera Timoti tsamba achimuti abve kuEfeso, uye akati: “Tora Mako uuye naye.” (2 Tim. 4:11) Saka panguva iyoyo Mako aiva kuEfeso. Hapana mubvunzo kuti akabvuma zvaakakumbirwa naPauro zvekuti adzoke kuRoma naTimoti. Kare ikako kufamba kwakanga kusiri nyore, asi Mako akaita nzendo idzodzo nechido.
Mako Haana Kukanda Mapfumo Pasi
Chokwadi Petro naMako vaiva neukama hwemukombe nechirongo pavaishumira Mwari! Izvi tinozvionawo patinoverenga Evhangeri yaMako. Munhoroondo yacho Mako anobudisa maonero aPetro sezvo aivapo pazvaiitika. Semuenzaniso, enzanisa nyaya dzedutu rakaitika muGungwa reGarireya. Mako anotaura nzvimbo yakanga yakarara Jesu muchikepe uye kuti akanga akatsamira pai, zvinhu zvainzwisiswa nemubati wehove akaita saPetro. Ngativerengei toenzanisa nyaya idzi dziri muBhaibheri pana Mateu 8:24; Mako 4: 37, 38; uye Ruka 8:23.
Mako Haana Kukanda Mapfumo Pasi
Dzidzisa Vana Vako
MAKO ndiye akanyora rimwe remabhuku mana eBhaibheri anotaura nezveupenyu hwaJesu. Ndiro bhuku pfupi uye riri nyore kuverenga pane ese. Mako aiva ani? Unofunga kuti aiziva Jesu here?— Ngationei kuti Mako akasangana nemiedzo ipi yakaoma uye kuti nei asina kumbokanda mapfumo pasi kuti arambe ari muKristu.
Mako anozotanga kutaurwa nezita muBhaibheri pashure pekunge Mambo Herodhi Agripa aisa muapostora Petro mujeri. Humwe usiku ngirozi yakasunungura Petro, uye akabva angoenda kumba kwaMariya, amai vaMako, vaigara muJerusarema. Petro akabudiswa mujeri makore anenge 10 pashure pekuurayiwa kwaJesu paPaseka ya33 C.E.—Mabasa 12:1-5, 11-17.
Unoziva here kuti nei Petro akaenda kumba kwaMariya?—Pamwe nekuti aiziva vemumhuri make uye aiziva kuti vadzidzi vaJesu vaiitira misangano kumba kwake. Hama yaMako inonzi Bhanabhasi yakanga yava nenguva iri mudzidzi, kubvira panenge paMutambo wePendekosti ya33 C.E. Bhaibheri rinotaura kuti panguva iyoyo akapa vadzidzi vatsva chipo. Saka Jesu angangodaro aiziva Bhanabhasi, pamwe chete nehama yake Mariya nemwanakomana wake Mako.—Mabasa 4:36, 37; VaKorose 4:10.
MuEvhangeri yake, Mako akanyora kuti usiku hwakasungwa Jesu, paiva nerimwe jaya raiva rakangofuga jira asi “risina charakapfeka.” Vavengi pavakabata Jesu, Mako akanyora kuti jaya racho rakatiza. Unofunga kuti jaya racho raiva ani?—Ehe, ringangodaro raiva Mako! Saka Jesu nevaapostora vake pavakabva kumba kwavanga vari usiku ihwohwo, zvinoita sekuti Mako akangokanda jira pamuviri ndokuvatevera.—Mako 14:51, 52.
Zviri pachena kuti Mako akanga akasimba zvikuru pakunamata. Angangodaro aivepo pakadururwa mweya mutsvene paPendekosti ya33 C.E., uye aishamwaridzana chaizvo nevashumiri vaMwari, vakadai saPetro. Asiwo akaperekedza hama yake Bhanabhasi, uyo akabatsira Sauro nekuudza Petro kuti aiva ani makore matatu pashure pekunge Jesu azviratidza kuna Sauro. Kwapera makore, Bhanabhasi akaenda kuTaso kuti anotsvaga Sauro ikoko.—Mabasa 9:1-15, 27; 11:22-26; 12:25; VaGaratiya 1:18, 19.
Muna 47 C.E., Bhanabhasi naSauro vakasarudzwa kuti vaite basa reumishinari. Vakaenda naMako, asi akazovasiya ndokudzokera kuJerusarema uye hazvitaurwi kuti akazviitirei. Sauro, uyo akazozivikanwa nezita rake rechiRoma rekuti Pauro, akatsamwa nazvo. Uye haana kuzvikanganwa nekuti aiti Mako akanga akanganisa zvikuru.—Mabasa 13:1-3, 9, 13.
Pauro naBhanabhasi pavaidzoka kubva kurwendo rwavo rweumishinari, vakataura kuti vakanga vabudirira zvikuru. (Mabasa 14:24-28) Papera mwedzi yakati kuti, vaviri ava vakaronga kushanyirazve vadzidzi vatsva kwavainge vamboparidzira. Bhanabhasi aida kuenda naMako, asi unoziva here kuti Pauro aifungei?—“Haana kufunga kuti zvakanga zvakakodzera” nekuti Mako akanga ambovasiya achidzokera kumusha. Chokwadi zvakazoitika zvakasuruvarisa Mako!
Pauro naBhanabhasi vakanetsana, uye pashure ‘pekupopotedzana zvikuru,’ vakabva vaparadzana. Bhanabhasi akaenda naMako kuSaipurasi, uye Pauro akasarudza Sirasi ndokushanyirazve vadzidzi vatsva sezvaakanga amboronga. Zvinofanira kunge zvakarwadza Mako nekuti akanga aparadzanisa Pauro naBhanabhasi!—Mabasa 15:36-41.
Hatizivi kuti nei Mako akanga ambovasiya achidzokera kumusha. Anofanira kunge aiona zvakakodzera kuti adaro. Chero zvazvingava, zviri pachena kuti Bhanabhasi aiziva kuti akanga asingazozviitizve. Uye akanga akarurama. Mako haana kukanda mapfumo pasi! Akazoita basa reumishinari naPetro kuBhabhironi kwaiva kure nekumusha. Petro akatumira kwaziso ari ikoko achiti: “Uye Mako mwanakomana wangu anokukwazisaiwo.”—1 Petro 5:13.
Chokwadi Petro naMako vaiva neukama hwemukombe nechirongo pavaishumira Mwari! Izvi tinozvionawo patinoverenga Evhangeri yaMako. Munhoroondo yacho Mako anobudisa maonero aPetro sezvo aivapo pazvaiitika. Semuenzaniso, enzanisa nyaya dzedutu rakaitika muGungwa reGarireya. Mako anotaura nzvimbo yakanga yakarara Jesu muchikepe uye kuti akanga akatsamira pai, zvinhu zvainzwisiswa nemubati wehove akaita saPetro. Ngativerengei toenzanisa nyaya idzi dziri muBhaibheri pana Mateu 8:24; Mako 4:37, 38; uye Ruka 8:23.
Pave paya Pauro asungwa ari muRoma, akarumbidza Mako kuti akanga amutsigira nekuvimbika. (VaKorose 4:10, 11) Uye Pauro paakasungwazve ikoko, akanyorera Timoti achimukumbira kuti auye naMako, achitsanangura kuti: “Anondibatsira pakushumira.” (2 Timoti 4:11) Chokwadi, Mako akanakidzwa neropafadzo dzekushumira Mwari nekuti haana kukanda mapfumo pasi!
CHITSAUKO 53
“Ndinokukurudzirai Kuti Mushinge”
Waizviziva Here?
Sauro akazozivikanwa saPauro riini?
Muapostora Pauro aiva muHebheru akaberekerwa kuRoma. (Mabasa 22:27, 28; VaFiripi 3:5) Saka zvingangodaro kuti kubvira achiri muduku aiva nezita rechiHebheru rekuti Sauro uye rechiRoma rekuti Pauro. Dzimwe hama dzaPauro dzaivawo nemazita echiRoma neechiGiriki. (VaRoma 16:7, 21) Uyezve, zvaiva zvakajairika kuti vaJudha vepanguva iyoyo vave nemazita maviri, kunyanya vaya vaigara kunze kweIsraeri.—Mabasa 12:12; 13:1.
Kwemakore anopfuura 10 ava muKristu, muapostora uyu anoita seainyanya kuzivikanwa nezita rake rechiHebheru rekuti Sauro. (Mabasa 13:1, 2) Zvisinei, parwendo rwake rwekutanga rweumishinari, munenge muna 47/48 C.E., angadaro akafarira kushandisa zita rake rechiRoma rekuti Pauro. Akapiwa basa rekuzivisa mashoko akanaka kuvanhu vasiri vaJudha, uye angadaro akaona sekuti zita rake rechiRoma raizogamuchirwa. (Mabasa 9:15; 13:9; VaGaratiya 2:7, 8) Angadarowo akashandisa zita rokuti Pauro nekuti madanirwo ezita rake rechiHebheru rekuti Sauro muchiGiriki akafanana neerimwe shoko rechiGiriki rinoreva zvinhu zvakaipa chaizvo. Pasinei nezvakazoita kuti achinje, Pauro akaratidza kuti aida kuva ‘zvinhu zvese kuvanhu vakasiyana-siyana, kuti aponese vamwe nenzira dzese dzaaikwanisa.’—1 VaKorinde 9:22.
w00 7/15 26-27, bhokisi ¶3-4
Kutambudzwa kwevaKristu Kunoita Kuti Vanhu vemuAndiyoki Vadzidze nezvaJesu
Vamwe vaongorori veBhaibheri vanofunga kuti matambudziko akawanda anotaurwa naSauro mutsamba dzake akaitika makore iwayo nekuti hapana pamwe paanozotaurwazve nezvawo muBhaibheri. (2 VaKorinde 11:23-27) Ndiriini Sauro paakarohwa ka5 shamhu 39 nevaJudha? Aiva kupi paakarohwa katatu netsvimbo? Ndekupi kwaakavharirwa mujeri “kakawanda”? Akazovharirwa mujeri kuRoma pave paya. Pane nyaya iri muBhaibheri inotaura nezvekuti akarohwa nekuiswa mujeri kamwe chete muFiripi. Ko pamwe pacho paakarohwa nekuiswa mujeri kaviri ndepapi? (Mabasa 16:22, 23) Mumwe munyori anoti panguva iyi Sauro “aiparidza chaizvo nezvaKristu mumasinagogi akanga asiri muIsraeri zvekuti vatungamiriri vezvitendero nevehurumende vatanga kumutambudza.”
Sauro akaputsikirwa nechikepe ka4, asi Magwaro anotipa mashoko akadzama nezvechiitiko chimwe chete chakaitika pashure pekunge anyorera vaKorinde nezvematambudziko aakanga asangana nawo. (Mabasa 27:27-44) Saka anogona kunge akaputsikirwawo nezvikepe katatu paaiita dzimwe nzendo dzatisingazive nezvadzo. Zviitiko zvacho zvese zvinogona kunge zvakaitika mu“makore asingataurwi nezvawo.”
Waizviziva Here?
Zano remuapostora Pauro rekuti ngarava imbomira kufamba rakanga rakanaka here?
Ngarava yakanga iina Pauro ichienda kuItaly yakanetseka pakufamba nemhaka yemhepo yaiva nesimba. Pavakamboti zororei, Pauro akavaudza kuti dai vambomira rwendo rwacho. (Mabasa 27:9-12) Zvaakataura zvaiva nemusoro here?
Vafambisi vengarava vaiziva kuti kufamba nemugungwa reMediterranean munguva yechando kwaiva nengozi. Saka zvaikurudzirwa kuti ngarava dzisafamba kubva nechepakati paNovember kusvika nechepakati paMarch. Asi rwendo rwakataurwa naPauro rwaizoitwa muna September kana kuti October. Mubhuku rake rinonzi Epitome of Military Science, munyori weRoma anonzi Vegetius (akararama kumakore ekuma400 C.E.) akati: “Mimwe mwedzi inofambika zvakanaka, asi mimwe hazvina chokwadi, kwozoita mimwe yekuti haitofambiki.” Vegetius akati kwaifambika zvakanaka nechikepe kubva musi wa27 May kusvika 14 September asi zvaiva nengozi kubva musi wa15 September kusvika 11 November uye kubva musi wa11 March kusvika 26 May. Pauro aizviziva izvozvo nekuti akanga ambofamba nechikepe kakawanda. Mufambisi wengarava nemuridzi wayo vanofanira kunge vaizvizivawo, asi havana kuteerera Pauro uye ngarava yavo yakabva yaparara.—Mabasa 27:13-44.
Waizviziva Here?
Sei vanhu vekuMarita vakafunga kuti muapostora Pauro aiva mhondi?
Dzidziso dzechitendero chevaGiriki ndidzo dzinogona kunge dzakaita kuti vamwe vanhu vekuMarita vafunge kuti Pauro aiva mhondi. Chimbofunga zvakaitika kuna Pauro pakaparara chikepe chaainge ari pachitsuwa cheMarita, izvo zvakanyorwa mubhuku raMabasa. Muapostora iyeye paakaisa svinga retsotso pamoto wakanga wabatidzwa kuti vamwe vaaiva navo muchikepe vadziye, akarumwa nenyoka ikaramba yakanamatira paruoko rwake. Pavakaona izvi, vagari vepachitsuwa ichi vakati: “Murume uyu imhondi chaiyo, kunyange zvazvo atadza kufira mugungwa, Kutongwa Kwakarurama kwaratidza kuti haana kukodzera kuti arambe ari mupenyu.”—Mabasa 28:4.
Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “Kutongwa Kwakarurama” nderekuti “di’ke.” Rine zvakawanda zvarinogona kureva panyaya yacho. Asi muchiGiriki, Dike aiva mwarikadzi wekutonga zvakarurama. Mungano dzechiGiriki, shoko rekuti Dike raiva zita ramwarikadzi ainzi anotonga zvakarurama. Zvaifungidzirwa kuti aiongorora zvinoitwa nevanhu uye aibva amhan’ara kuna Zeusi kana pane zvakaipa zvaainge aona, kuti vane mhosva varangwe. Rimwe bhuku rinoti, vagari vekuMarita vanogona kunge vakafunga kuti: ‘Kunyange zvazvo Pauro apona mugungwa, mwarikadzi anonzi Dike ava kumuranga achishandisa nyoka.’ Vanhu vacho vakazochinja pfungwa pavakaona kuti Pauro haana kufa.
“Panjodzi Mugungwa”
NGARAVA yakanga yakatakura vanhu 276 yaifamba mugungwa usiku pedyo nechitsuwa chiri muMedhitereniyeni. Vashandi vemo uye vanhu vainge vatakurwa vakanga vaneta nekugujurwa nengarava kwamazuva 14 zvichikonzerwa nekuti kwaiva nedutu. Pavanoona nzvimbo ine jecha kwava kuedza, vanoedza kunomisa ngarava ipapo. Asi muromo wengarava yacho wakanobayirira zvekuti yakanga isingachakwanisi kufamba, uye masaisai akabva aita kuti ityoke-tyoke kutangira kumashure. Vanhu vese vaiva mungarava vakakurumidza kubuda mungarava yacho ndokuenda kumahombekombe eMarita vachishambira kana kubatirira pamapuranga kana pane zvimwewo zvinhu. Vakanga vatonhorwa zvakanyanya uye vaparara nekuneta. Muapostora Pauro aivawo pakati pevanhu ivavo. Aiendeswa kuRoma kunotongwa.—Mabasa 27:27-44.
Aka kakanga kasiri kekutanga kuti Pauro asangane netsaona inotyisa zvakadai. Makore mashoma izvi zvisati zvaitika, akanyora kuti: “Ndakapinda mutsaona yengarava katatu, ndakaita usiku hwese nezuva rimwe ndiri pamusoro pemvura mugungwa.” Akawedzera kuti ainge asangana ‘nenjodzi mugungwa.’ (2 VaKorinde 11:25-27) Pauro aishandisa ngarava kakawanda panzendo dzake nekuti Mwari akanga amutuma ‘semuapostora kune mamwe marudzi.’—VaRoma 11:13.
Panguva yakararama Pauro vanhu vainyanya kushandisa ngarava here pakufamba? Kufamba nengarava kwakabatsira sei pakuita kuti mashoko akanaka apararire munzvimbo dzakasiyana-siyana? Zvaisava nengozi here kufamba nengarava? Ngarava dzacho dzainge dzakaita sei? Uye vanhu vanenge vakatakurwa vaimbogara sei?
Kukosha Kwaiita Ngarava Muhurumende yeRoma
VaRoma vaishevedza Gungwa reMedhitereniyeni kuti Mare Nostrum zvinoreva kuti Gungwa Redu. VaRoma vaikoshesa chaizvo nyaya kutonga nzira dzaifambira zvikepe mugungwa. Maguta akawanda aiva muUmambo hweRoma akanga aine zviteshi kana kuti aiwana zvimwe zvinhu kubva muzviteshi zvaiva pedyo. Semuenzaniso, Roma yainge iine chiteshi chayo chengarava muOstia yaiva pedyo, nepo Korinde yaishandisa Lechaeum neKenkreya, uye Siriya yeAndiyoki yaishandisa chiteshi chekuSerukiya. Kubatanidzwa kwekufamba zvakanaka mugungwa pakati pezviteshi izvi kwakaita kuti kurukurirano nemaguta anokosha ikurumidze uye kwakanga kuchiyamura kuti pave nokutarisirwa kwakanaka kwemaruwa eRoma.
Zvekudya zvakawanda zvaipinda muRoma nengarava. MuRoma maiva nevagari vanoda kusvika 1 miriyoni saka vaida zvekudya zvakawanda chaizvo zviri pakati pematani 250 000 ne400 000 pagore. Zvekudya zvese izvozvo vaizviwana kupi? Flavius Josephus akadzokorora mashoko aHerodhi Agripa II achiti North Africa yaipa Roma zvekudya kwemwedzi 8 pagore uye Ijipiti yaizotumirawo zvekudya zvemimwe mwedzi 4 yainge yasara yacho. Ngarava dzakawanda dzaiunza zvekudya muguta iroro.
Vagari vemuRoma vaida zvinhu zvakanaka uye zvinodhura. Zvicherwa, matombo, nemamabhura zvaitakurwa kubva kuSaipurasi, Girisi neIjipiti, uye mapuranga aitakurwa kubva kuRebhanoni. Waini yaibva kuSimina, nzungu dzaibva kuDhamasiko, michero yemichindwe yaibva kuParestina. Mafuta nerabha zvaitorwa kuKirikiya, shinda kuMireto neRaodhikiya, micheka kuSiriya neRebhanoni, machira epepuru kuTire neSidhoni. Dhayi yaitumirwa kubva kuTiyatira uye magirazi aibva kuArekizandriya neSidhoni. Machira esiriki, donje, nyanga dzenzou, uye masipaisi zvaitengwa kuChina nekuIndia.
Chii chatinoziva nezvengarava yaiva naPauro iyo yakaparara paMarita? Yainge iri ngarava yaitakura zvekudya uye “yaibva kuArekizandriya ichienda kuItari.” (Mabasa 27:6) Ngarava dzese dzaitakura zvekudya dzakanga dziri dzevaGiriki, vaFenikiya uye vaSiriya. Asi hurumende yeRoma yaibhadhara varidzi vengarava kuti ishandise ngarava dzavo. Munyori wenyaya dzakaitika kare anonzi William M. Ramsay akati hurumende yeRoma payaida kutora mitero kubva kuvanhu kana kuti kutakura zvinhu, yaibhadhara vamwe vanhu kuti vaite mabasa iwayo.
Pauro akapedzisa rwendo rwekuenda Roma nengarava yaiva nemufananidzo ‘weVanakomana vaZeusi’ pamberi. Ngarava yacho yainge iri yekuArekizandriya. Yakamira muPuteori kuGulf of Naples, pachiteshi chaiwanzomira zvikepe zvaitakura zvekudya. (Mabasa 28:11-13) Kana zvekudya zvasvika muPuteori, vashandi vaizozvitakura voenda nazvo kuRoma vachishandisa migwagwa kana kuti zvikepe zvidiki.
Ngarava Dzaitakura Zvinhu Dzaitakurawo Vanhu Here?
Nei Pauro nemasoja aimuchengetedza vakafamba nengarava yaitakura zvinhu? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo tinofanira kuziva kuti kufamba nengarava kare ikako kwainge kwakamira sei.
Panguva yakararama vaKristu vekutanga, kwakanga kusina ngarava dzaingotakura vanhu chete. Vanhu vaitokwira ngarava dzaitakura zvinhu. Ngarava idzodzo dzaitakura vanhu vakasiyana-siyana vakadai sevakuru vakuru vehurumende, vadzidzisi, vaparidzi kana kuti vaiita zvekutengesa.
Asi pane zvikepe zvidiki zvaitakura vanhu nezvinhu uye zvikepe izvozvo zvaifambira pedyo nemahombekombe. Pauro anogona kunge akashandisa chimwe chezvikepe izvozvo kuti ‘ayambukire kuMakedhoniya’ achibva kuTroasi. Anogona kunge akafamba kanodarika kamwe chete nechikepe chidiki pakuenda uye pakubva kuAtene. Pave paya Pauro anogonawo kunge akafamba nekachikepe kadiki kubva kuTroasi kusvika kuPatara achipfuura nepazvitsuwa zvaiva pedyo nemahombekombe eAsia Minor. (Mabasa 16:8-11; 17:14, 15; 20:1-6, 13-15; 21:1) Zvikepe izvozvo zvaitikurumidzei kufamba asi zvaisafambira kure nemahombekombe. Saka ngarava dzakatakura Pauro kuenda kuSaipurasi uye kuPamfiriya nedzakamutakura kubva kuEfeso kuenda kuKesariya uye kubva kuPatara kuenda kuTire dzinofanira kunge dzaiva hombe. (Mabasa 13:4, 13; 18:21, 22; 21:1-3) Ngarava yainge yakatakura Pauro iyo yakazoita tsaona kuMarita inofanirawo kunge yaiva hombe. Ngarava idzi dzingangodaro dzaiva hombe zvakadii?
Mumwe munyori akataura kuti ngarava diki pane dzese dzaishandiswa kare ikako yaigona kutakura matani ari pakati pe70 ne80. Ngarava dzakawanda dzaitakura matani 130. Dzimwe ngarava dzaitakura zvinhu zvaisvika matani 250. Ngarava dzaishandiswa nehurumende yeRoma dzainge dziri hombe kudarika ipapo zvekuti dzaitakura zvinhu zvaisvika matani 340. Ngarava dzainge dzakakura kudarika dzimwe dzese dzaigona kutakura zvinhu zvaidarika matani 1 300. Mumwe munyori akati ngarava yainzi Isis yainge yakareba mamita anodarika 55 uye yakafara mamita anenge 14. Yaigona kutakura matani anenge 1 000 ezvekudya, uye yaigonawo kutakura vanhu vanodarika 200.
Vanhu vaitakurwa nengarava idzodzo vaidyei uye vairara pai? Ngarava idzi dzainge dzakagadzirirwa kutakura zvinhu kwete kutakura vanhu. Saka pakanga pasina zvekudya kana kuti zvimwewo zvaipiwa vanhu vanenge vatakurwa kunze kwemvura chete. Vaigona kurara pasi mungarava macho, zvichida mutende raimiswa usiku rozobviswa mangwanani. Dzimwe nguva vaigona kushandisa kicheni yaiva mungarava macho, asi vaifanira kuuya nezvekudya zvavo uye zvekushandisa pakubika, uyewo zvekushandisa pakugeza nepakurara.
Zvaisava Nengozi Here Kufamba Nengarava?
Kare ikako vanhu vaifambisa ngarava vakanga vasina zvinhu zvakakwana zvekushandisa pakuona kwavaienda, kunyange kambasi chaiyo. Saka vanhu vaifamba zvakanaka kana kunze kuchinyatsooneka zvakanaka, kunyanya kupera kwaMay kusvika pakati paSeptember. Mwedzi miviri May asati asvika kana kuti mwedzi miviri September adarika vatengesi vaigona kumboedza kufamba nengarava. Asi munguva yechando, mhute nemakore zvaiita kuti vafambisi vengarava vasaona nyika yakaoma, zuva uye nyeredzi. Ngarava dzaisafanira kufamba (Latin, mare clausum) kubva musi wa11 November kusvikira 10 March, kunze kwekunge paine zvinhu zvinonyanya kukosha uye zvinofanira kukurumidza kuitwa. Vanhu vaisarudza kufamba panguva iyi vaigona kuzomira pane chimwe chiteshi kusvikira kwava kufambikazve.—Mabasa 27:12; 28:11.
Kufamba nengarava kwaiva nengozi uye dzimwe nguva zvaisatoita kufambira mugungwa. Asi kufamba nengarava kwaiva nani here pane kufamba nemugwagwa? Hongu, kwaiva nani! Kufamba nengarava kwakanga kusinganyanyi kunetesa, kwainge kwakachipa, uye kwaiita kuti ukurumidze kusvika. Kana mamiriro ekunze akanaka ngarava yaigona kufamba makiromita 150 pazuva. Asi netsoka vanhu vaiwanzofamba makiromita ari pakati pe25 kusvika ku30 pazuva.
Kufamba kwengarava kwaibva pakuti mhepo yakanga iri kubva nekupi uye yaiva nesimba zvakadii. Ngarava dzaibva kuIjipiti dzichienda kuItari dzaigara dzichirwisana nemhepo kunyange panguva yainzi ndiyo yainge yakanakisisa kufamba. Nzira yekudimbudzira nayo kuenda kuItari yaiva yekuenda nekuRodzi kana kuMaira kana kuti nekune chimwewo chiteshi chaiva pamahombekombe eRikiya muAsia Minor. Pane imwe nguva ngarava yaitakura zvekudya yainzi Isis yakambovhiringidzwa kufamba nedutu zvekuti yakazoita mazuva 70 yakamira muPiraeus. Kakawanda kacho mhepo payaivhuvhuta ichibva nechekumashure ngarava iyi yaita mazuva 20 kusvika ku25 kubva kuIjipiti kuenda kuItari. Rwendo urwu rwaigona kuda mazuva 150 uchifamba nemugwagwa, kana mamiriro ekunze akanaka.
Mashoko Akanaka Akaparidzwa Pasi Rese
Pauro aiziva kuti ndepapi pazvaiva nengozi kufamba nengarava. Akatomboyambira vaaiva navo nezvekufamba kupera kwaSeptember kana kutanga kwaOctober, achiti: “Varume, zvandiri kuona ndezvekuti rwendo urwu ruchaguma nekuparara nekurasikirwa kukuru nezvinhu zvakatakurwa nengarava, pamwe nengarava yacho. Isuwo vacho tinogona kurasikirwa neupenyu hwedu.” (Mabasa 27:9, 10) Asi mukuru weuto haana kuteerera zvakataurwa naPauro uye izvi zvakaguma nekuparara kwengarava pachitsuwa cheMarita.
Paakazopedza basa rake reumishinari Pauro akanga apinda mutsaona yengarava kanenge ka4. (Mabasa 27:41-44; 2 VaKorinde 11:25) Asi izvi hazvina kuita kuti vaparidzi vemashoko akanaka vepanguva iyoyo varege kufamba nemugungwa. Vakaita zvese zvavaigona pakuparadzira mashoko eUmambo vachishandisa nzira dzaivapo dzekufamba nadzo. Uye vakaparidza kwese kwese sezvavakanga varairwa naJesu. (Mateu 28:19, 20; Mabasa 1:8) Mashoko akanaka aparidzwa munzvimbo dzakasiyana-siyana nemhaka yekuti vaKristu ivavo vaishingaira uye panewo vamwe vakatevedzera muenzaniso wavo uye vese vaitungamirirwa nemweya mutsvene waJehovha.
CHITSAUKO 54
Akaratidza Ushingi Panguva Dzakaoma
bt 33, bhokisi ¶3-4
“Vanhuwo Zvavo, Vasina Kudzidza”
Johani haataurwi kakawanda sezvinoitwa Petro mumabhuku eEvhangeri. Asi naiyewo aiva munhu aishingairira zvinhu zvekuti iye nemukoma wake Jakobho vakapiwa naJesu zita rekuti “Bhoanajisi,” rinoreva kuti “Vanakomana Vekutinhira.” (Mako 3:17) Johani akambotanga ari munhu aida chinzvimbo zvekuti akatombobatana nemukoma wake pakutuma amai vavo kuti vavakumbirire kuna Jesu nzvimbo yepamusoro muUmambo hwake. Kunyange zvazvo izvi zvairatidza kuti vaingozvifunga ivo pachavo, zvairatidzawo kuti vaitenda kuti Umambo hwaMwari huchauya zvechokwadi. Zvavakaita izvi zvakapa Jesu mukana wekuti adzidzise vamwe vaapostora vese kukosha kwekuzvininipisa.—Mat. 20:20-28.
Johani akaratidzawo kuti aishingaira zvakapfurikidza paakanga ava kurambidza mumwe murume akanga asiri muteveri waJesu kuti asadzinga madhimoni muzita raJesu. Mumwe musi Johani akanga ava kutaura zvekudana moto kuti ubve kudenga upise mumwe musha wevaSamariya vakanga varamba kuteerera nhume dzakanga dzatumwa naJesu kuti dzifanogadzirira kuuya kwake. Jesu akatsiura Johani nenyaya idzi. Kunenge kuti Johani akazopedzisira ava munhu akadzikama ava kunzwira vamwe tsitsi. (Ruka 9:49-56) Asi pasinei nezvaaikanganisa, Johani ndiye aiva mudzidzi “aidiwa naJesu.” Ndosaka Jesu paakanga ava kufa, akazoita kuti amai vake Mariya vasare vari mumaoko aJohani.—Joh. 19:26, 27; 21:7, 20, 24.
Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMabasa
4:13—Petro naJohani vakanga vasingagoni kuverenga kana kuti vasina kudzidza here? Aiwa. Vainzi “vanhuwo zvavo, vasina kudzidza” nekuti vakanga vasina kupinda zvikoro zvavanarabhi kuti vadzidziswe zvechitendero.
Uprofita Hwakataura nezvaKristu
14 Pashure pekunge amutswa, Jesu akaonana nevadzidzi vake paGungwa reGarireya. Ipapo ndipo paakaudza Petro kuti: “Kana ndichida kuti [Johani] arambe aripo kusvikira ndauya, zvinei newe?” (Johani 21:1, 20-22, 24) Mashoko aya anoreva here kuti muapostora Johani aizorarama kupfuura vamwe vaapostora? Zviri pachena kuti ndizvo zvazvaireva, nekuti akatozoshumira Jehovha akatendeka kwemamwe makore anoda kusvika 70. Kunyange zvakadaro, mashoko aJesu ane zvakawanda zvaaireva.
15 Mashoko ekuti “kusvikira ndauya” anotiyeuchidza nezvemashoko aJesu ekuti ‘Mwanakomana wemunhu achauya muUmambo hwake.’ (Mateu 16:28) Johani anoramba aripo kusvikira Jesu auya pakudii? Pakuti akazoita zvekuratidzwa uprofita hwekuuya kwaJesu achitonga saMambo muUmambo hwaMwari. Johani ava pedyo nekufa, ari nhapwa pachitsuwa chePatimosi, akapiwa Zvakazarurwa nezviratidzo zvese zveuprofita hwezvinhu zvaizoitika “muzuva raShe.” Johani akakurudzirwa chaizvo nezviratidzo zvinoshamisa zvaakaratidzwa, zvekuti Jesu paakati: “Chokwadi ndiri kukurumidza kuuya,” Johani akati: “Ameni! Uyai Ishe Jesu.”—Zvakazarurwa 1:1, 10; 22:20.
it “Mashoko Akanaka Akataurwa naJohani” ¶2-8
Mashoko Akanaka Akataurwa naJohani
Akanyora bhuku racho. Kunyange zvazvo bhuku racho risingataure zita remunhu akarinyora, zvinoita sekuti kwese kwese vanhu vanobvumirana kuti rakanyorwa nemuapostora Johani. Kubvira pakanyorwa bhuku racho, vanhu vakawanda vaibvumirana kuti ndiye akarinyora, kunze kweboka revanhu vashoma vakararama mumakore ekuma100 C.E. avo vaizviramba. Chaiita kuti vadaro yakanga isiri nyaya yekuti paiva neuchapupu hwairatidza kuti pane mumwe munhu akarinyora, asi vaizviramba nekuti vaiti zvinodzidziswa nebhuku racho zvaipesana nezvaitendwa nevanhu vaakanyorera. Nyaya iyi yekuti haasi Johani akarinyora yakazotangazve mazuva ano nekuti pava nevanhu vakadzidza vanoramba kuti ndiye akarinyora.
Pane uchapupu hwakawanda huri mubhuku racho hunonyatsobudisa pachena kuti muapostora Johani, mwanakomana waZebhedhi, ndiye akanyora bhuku racho. Uchapupu ihwohwo hune simba kupfuura zvinotaurwa nevanhu vachiti haasi iye akarinyora. Pasi apa pangoiswa uchapupu hushoma, asi ukaverenga uchifunga nezveuchapupu uhwu unowana humwe uchapupu hwakawanda. Humwe hwacho ndeuhwu:
(1) Zviri pachena kuti munyori wacho aiva muJudha, izvi tinozviona nekuti zvaainyora zvairatidza kuti ainyatsoziva maonero evaJudha.—Joh 1:21; 6:14; 7:40; 12:34.
(2) Ainge ari mugari wemuParestina, izvi zvinooneka nekunyatsoziva kwaaita nyika iyoyo. Mashoko aaishandisa paaitaura nezvenzvimbo dzemo anonyatsoratidza kuti aiziva nzvimbo dzacho. Akati ‘Bhetani yaiva mhiri kwaJodhani’ (Joh 1:28) uye akati “Bhetani yaiva pedyo neJerusarema.” (11:18) Akanyora kuti panzvimbo yakarovererwa Kristu pakanga paine munda uye mumunda macho maiva neguva idzva (19:41), akatiwo Jesu ‘akataura ari munzvimbo yaiiswa pfuma achidzidzisa mutemberi’ (8:20), uye akataurawo kuti “yakanga iri nguva yechando, uye Jesu akanga achifamba mutemberi muvharanda raSoromoni” (10:22, 23).
(3) Zvaakataura uye uchapupu hwatinoona zvinonyatsoratidza kuti aivapo zvinhu zvaaitaura pazvaiitika. Aitotiudza mazita evanhu vane zvavakataura kana kuti vane zvavakaita (Joh 1:40; 6:5, 7; 12:21; 14:5, 8, 22; 18:10); anotaurawo nguva dzakaitika zvimwe zviitiko (4:6, 52; 6:16; 13:30; 18:28; 19:14; 20:1; 21:4); paaitaura manhamba evanhu kana ezvinhu, ainyatsotaura manhamba akarurama.—1:35; 2:6; 4:18; 5:5; 6:9, 19; 19:23; 21:8, 11.
(4) Munyori wacho aiva muapostora. Kudai aisava muapostora angadai asina kuona zvinhu zvakawanda sezvaakaona paushumiri hwaJesu; uyewo kunyatsoziva kwaaiita zvaifungwa naJesu, manzwiro aaita uye zvikonzero zvaiita kuti aite zvimwe zvinhu zvinonyatsoratidza kuti aiva mumwe wevaapostora 12 vakafamba naJesu kubva paakatanga ushumiri hwake kusvika paakapedza. Semuenzaniso, anotiudza kuti Jesu akambobvunza Firipi mubvunzo achida kumuedza, “nekuti aiziva zvaakanga ava kuda kuita.” (Joh 6:5, 6) Jesu akaziva kuti “vadzidzi vake vakanga vachinyunyuta.” (6:61) “Jesu aiziva zvese zvakanga zvava kuda kuitika.” (18:4) “Akashushikana mumwoyo, akatambudzika.” (11:33; enzanisa na13:21; 2:24; 4:1, 2; 6:15; 7:1.) Munyori wacho aizivawo zvaifungwa nevaapostora uye maonero avaiita zvinhu. Mamwe mafungiro uye maonero avo ainge asina kururama uye akatozogadziriswa naJesu pave paya.—2:21, 22; 11:13; 12:16; 13:28; 20:9; 21:4.
(5) Uyewo, munyori wacho anonzi aiva “mudzidzi aidiwa naJesu.” (Joh 21:20, 24) Saka zviri pachena kuti aiva mumwe wevaapostora vatatu vaiwanzofamba naJesu, sepaya Jesu paakazoshanduka chitarisiko (Mk 9:2) uye paya paaishungurudzika ari mubindu reGetsemane. (Mt 26:36, 37) Pavaapostora ivavo vatatu, hatikwanisi kuti munyori wacho ndiJakobho nekuti akaurayiwa naHerodhi Agripa I munenge mugore ra44 C.E. Hapana uchapupu hunoratidza kuti bhuku iroro rakanyorwa kumakore iwayo. Hatingati Petro ndiye akanyora bhuku racho nekuti panotaurwa nezvake uye ‘nezvemudzidzi aidiwa naJesu,’ Petro anonyatsotaurwa nezita.—Joh 21:20, 21.
NYAYA YEKUDZIDZA 2
Zvatinodzidza ‘Pamudzidzi Aidiwa naJesu’
“Ngatirambei tichidanana, nekuti rudo runobva kuna Mwari.”—1 JOH. 4:7.
ZVICHADZIDZWA
Muapostora Johani anofanira kunge ari iye ‘mudzidzi aidiwa naJesu.’ (Joh. 21:7) Saka kunyange paaiva mudiki, panguva yaaiva naJesu, Johani anofanira kunge aiva neunhu hwaiyemurika. Paakanga akwegura, akashandiswa naJehovha kuti anyore zvakawanda nezverudo. Munyaya ino tichaona zvimwe zvinhu zvakanyorwa naJohani uye tichakurukura kuti tinodzidzei pane zvaakaita.
“MWARI rudo,” akanyora kudaro muapostora Johani. (1 Joh. 4:8) Tinoziva kuti upenyu hunobva kuna Mwari. Asi mashoko aya akanyorwa naJohani anotiyeuchidza kuti rudo runobvawo kuna Mwari. Jehovha anotida! Rudo rwake runoita kuti tinzwe takachengeteka, tichifara uye tichigutsikana.
2 VaKristu havafaniri kuita zvekusarudza kuti voda vamwe here kana kuti kwete. Kuda vamwe utori murayiro. (Verenga Mateu 22:37-40.) Patinosvika pakuziva Jehovha, zvinogona kutiitira nyore kuteerera murayiro wekutanga. Zvinodaro nekuti Jehovha akakwana, ane hanya nesu uye anotibata zvakanaka. Asi zvinogona kutiomera kuteerera murayiro wechipiri. Nei zvichitiomera? Nekuti hama nehanzvadzi dzedu, idzo dziri vavakidzani vedu vepedyo, dzine chivi. Dzimwe nguva vanogona kutaura kana kuita zvinhu zvinotirwadza. Jehovha aiziva kuti taizosangana nedambudziko iri, saka akafemera vamwe vanyori veBhaibheri kuti vanyore mazano anotibatsira kuona kuti nei tichifanira kuda vamwe uye kuti tingazviita sei. Mumwe wevanyori ava ndiJohani.—1 Joh. 3:11, 12.
3 Mune zvaakanyora, Johani akadzokorora kakawanda kuti vaKristu vanofanira kuratidza rudo. Munhoroondo yaakanyora nezveupenyu hwaJesu, Johani akataura nezverudo kakawanda kupfuura vamwe vanyori veEvhangeri vatatu vabatanidzwa. Johani akanga ava nemakore anenge 100 paakanyora Evhangeri yake uye tsamba dzake nhatu. Mabhuku iwayo eBhaibheri anotidzidzisa kuti zvese zvinoitwa nemuKristu zvinofanira kubva parudo. (1 Joh. 4:10, 11) Asi izvozvo zvakatora nguva kuti Johani azozvinzwisisa.
4 Johani paakanga achiri mudiki aisaratidza rudo nguva dzese. Pane imwe nguva, Jesu nevadzidzi vake vaienda kuJerusarema vachipfuura nemuSamariya. Vamwe vanhu vemune mumwe musha wevaSamariya vakaramba kuvagamuchira. Johani akaita sei? Iye nemukoma wake Jakobho vakabvunza Jesu kuti voshevedza moto kuti ubve kudenga here uparadze vanhu vese vemumusha iwoyo. (Ruka 9:52-56) Pane imwe nguva, Johani akatadza kuratidza rudo kune vamwe vaapostora. Iye nemukoma wake Jakobho vanofanira kunge vakanyengetedza amai vavo kuti vakumbire Jesu kuti vapiwe zvinzvimbo zvinokosha pedyo naye muUmambo. Vamwe vaapostora pavakaziva zvakanga zvaitwa naJakobho naJohani, vakagumbuka chaizvo! (Mat. 20:20, 21, 24) Pasinei nekukanganisa kwese uku kwaiita Johani, Jesu aimuda.—Joh. 21:7
5 Munyaya ino tichakurukura nezvaJohani uye zvimwe zvinhu zvaakanyora nezverudo. Patinenge tichidaro, tichadzidza kuti tingaratidza sei rudo kuhama nehanzvadzi dzedu. Tichadzidzawo chimwe chinhu chinokosha chinoitwa nemusoro wemba chinoratidza kuti anoda mhuri yake.
RUDO RUNORATIDZWA NEMABASA
6 Tinowanzofunga kuti kuda vanhu zvinoreva kuvafarira kana kuvaudza zvinhu zvakanaka. Asi kana tichinyatsovada tinofanira kuzviratidza nemabasa. (Enzanisa naJakobho 2:17, 26.) Semuenzaniso, Jehovha anotida. (1 Joh. 4:19) Uye anoratidza rudo rwake nemashoko anofadza akanyorwa muBhaibheri. (Pis. 25:10; VaR. 8:38, 39) Asi tinoziva kuti Mwari anotida nezvaanotaura uyewo nezvaanoita. Johani akanyora kuti: “Mwari akatiratidza rudo rwake pakuti akatuma Mwanakomana wake panyika, uyo akaberekwa ari mumwe oga, kuti tiwane upenyu pachishandiswa iye.” (1 Joh. 4:9) Jehovha akabvumira kuti Mwanakomana wake waanoda atambure uye afe nekuda kwedu. (Joh. 3:16) Saka tine chokwadi chekuti Jehovha anotida?
7 Jesu akaita kuti vadzidzi vake vazive kuti aivada. (Joh. 13:1; 15:15) Akaratidza kuti aivada chaizvo uye kuti anotida chaizvo nezvaakataura uyewo nezvaakaita. Jesu akati, “Hapana ane rudo rukuru kupfuura urwu, kuti mumwe munhu ape upenyu hwake achifira shamwari dzake.” (Joh. 15:13) Kufunga zvatakaitirwa naJehovha naJesu kunofanira kuita kuti tiite sei?
8 Tinoratidza kuti tinoda Jehovha naJesu nekuvateerera. (Joh. 14:15; 1 Joh. 5:3) Uye Jesu akatirayira kuti tidanane. (Joh. 13:34, 35) Hatifaniri kungogumira pakutaura kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu, asi tinofanirawo kuzviratidza nezvatinoita. (Verenga 1 Johani 3:18.) Ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti tiratidze kuti tinovada?
IDA HAMA NEHANZVADZI DZAKO
9 Johani aigona kunge akagara nababa vake achiita mari mubhizinesi ravo rekubata hove. Asi kubvira paakava mudzidzi, akashandisa upenyu hwake hwese kuti abatsire vamwe kudzidza chokwadi nezvaJehovha naJesu. Upenyu hwakasarudzwa naJohani hwakanga husiri nyore. Akatambudzwa uye paakanga akwegura akasungwa. (Mab. 3:1; 4:1-3; 5:18; Zvak. 1:9) Kunyange paakanga akasungwa nemhaka yekuparidza nezvaJesu, Johani akaratidza kuti aida vamwe. Semuenzaniso, paaiva pachitsuwa chePatmosi, akanyora bhuku raZvakazarurwa uye akaita kuti ritumirwe kuungano kuti dzizive zvinhu ‘zvaifanira kukurumidza kuitika.’ (Zvak. 1:1) Zvinoita sekuti paakasunungurwa pachitsuwa chePatmosi, ndipo paakanyora Evhangeri inotaura nezveupenyu hwaJesu uye ushumiri hwake. Akanyorawo tsamba nhatu kuti akurudzire uye asimbise hama nehanzvadzi dzake. Ungatevedzera sei kuzvipira kwakaita Johani?
10 Unogona kuratidza kuti unoda vanhu nezvaunosarudza kuita neupenyu hwako. Nyika yaSatani inoda kuti ushandise nguva yako nesimba rako kuti uite zvakangokunakira, uchiedza kuita mari kana kuzviwanira mukurumbira. Asi vazivisi veUmambo pasi rese vanozvipira kushandisa nguva yavo yakawanda kuti vaparidze mashoko akanaka uye vabatsire vamwe kuswedera pedyo naJehovha. Vamwe vanokwanisa kuita basa rekuparidza nekudzidzisa nguva yakazara.
11 VaKristu vakawanda vanofanira kushanda kwenguva yakareba kuti variritire mhuri dzavo. Kunyange zvakadaro, vaparidzi ava vakatendeka vanoita zvese zvavanogona kuti vatsigire sangano raMwari. Semuenzaniso, vamwe vanokwanisa kubatsira panoitika njodzi, vamwe vanogona kubatsira mumabasa ekuvaka, uye munhu wese ane mukana wekupa mari yekutsigira basa remunyika yese. Vanoita zvinhu izvi nekuti vanoda Mwari uye vanoda vamwe. Vhiki rimwe nerimwe, tinoratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu nekupinda misangano uye kuvawo nezvatinoita pamisangano yacho. Kunyange patinenge takaneta, tinopinda misangano iyoyo. Kunyange tichitya tinopa mhinduro. Uye kunyange zvazvo mumwe nemumwe aine dambudziko rake, tinokurudzirana misangano isati yatanga uye yapera. (VaH. 10:24, 25) Tinotenda chaizvo basa riri kuitwa nehama nehanzvadzi dzedu!
12 Johani akaratidza kuti aida hama nehanzvadzi dzake nekudzirumbidza uyewo nekudzitsiura. Semuenzaniso, mutsamba dzaakanyora, Johani akarumbidza hama nehanzvadzi dzake nekuda kwekutenda uye mabasa akanaka, asiwo akadzipa zano rakasimba panyaya yechivi. (1 Joh. 1:8–2:1, 13, 14) Nesuwo tinofanira kurumbidza hama nehanzvadzi dzedu padzinoita zvakanaka. Asi kana mumwe munhu akatanga kuva nemafungiro kana maitiro akaipa, tinoratidza rudo nekumutsiura zvakanakanaka. Zvinoda ushingi kuti utsiure shamwari, asi Bhaibheri rinotaura kuti shamwari dzechokwadi dzinorodzana, kana kuti dzinotsiurana.—Zvir. 27:17.
13 Dzimwe nguva tinoratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu nekusaita zvimwe zvinhu. Semuenzaniso, hatikurumidzi kugumburwa nezvadzinotaura. Funga zvakaitika Jesu paaiva panyika. Akaudza vadzidzi vake kuti vaifanira kudya nyama yake uye kunwa ropa rake kuti vawane upenyu. (Joh. 6:53-57) Mashoko iwayo akatyisa vadzidzi vake vakawanda zvekuti vakamusiya. Asi shamwari dzake dzechokwadi kusanganisira Johani hadzina kumusiya. Dzakaramba dziinaye. Havana kunzwisisa zvakataurwa naJesu, uye vanofanira kunge vakashamiswa nazvo. Asi shamwari dzaJesu dzakavimbika hadzina kufunga kuti zvaakanga ataura zvainge zvakaipa, uye hadzina kugumburwa nazvo. Pane kudaro, dzakavimba naye, dzichiziva kuti aitaura chokwadi. (Joh. 6:60, 66-69) Zvinokosha chaizvo kuti tirege kukurumidza kugumburwa nezvinotaurwa neshamwari dzedu. Pane kuti tikurumidze kugumburwa, tinodzipa mukana wekutsanangura zvadzinenge dzichireva.—Zvir. 18:13; Mup. 7:9.
14 Johani akatikurudzirawo kuti tisavenga hama nehanzvadzi dzedu. Kana tikatadza kuteerera zano iroro, Satani anogona kutishandisa. (1 Joh. 2:11; 3:15) Izvi zvakaitika kune vamwe gore ra100 C.E. rava kuda kusvika. Satani aiita zvese zvaaigona kuti vanhu vaMwari vavengane uye vaparadzane. Panguva yakazonyora Johani tsamba dzake, varume vaiva nemafungiro akafanana neaSatani vakanga vapinda muungano. Semuenzaniso, Dhiyotrefesi akanga achiita kuti mune imwe ungano muve nemapoka. (3 Joh. 9, 10) Aisaremekedza vakuru vaitumwa nedare rinotungamirira kuti vafambire ungano. Aitoedza kubvisa muungano vaya vaigamuchira vanhu vaaisafarira. Zvaaiita zvainge zvakaipa chaizvo! Satani achiri kuedza chaizvo kuparadzanisa vanhu vaMwari. Ngatisamborega ruvengo ruchitiparadzanisa.
IDA MHURI YAKO
15 Imwe nzira inokosha yekuti musoro wemba aratidze kuti anoda mhuri yake ndeyekuita kuti iwane zvinodiwa pakurarama. (1 Tim. 5:8) Asi anofanira kuyeuka kuti chinonyanya kukosha ndechekuti abatsire mhuri yake kuva neushamwari naJehovha. (Mat. 5:3) Ona kuti misoro yemba inodzidzei pane zvakaitwa naJesu. Maererano neEvhangeri yaJohani, Jesu paakanga ava kufa ari padanda rekutambudzirwa akanga achiri kufunga nezvemhuri yake. Johani akanga akamira naMariya amai vaJesu paiurayiwa Jesu. Pasinei nekurwadziwa zvakanyanya kwaaiita, Jesu akaudza Johani kuti achengete Mariya. (Joh. 19:26, 27) Zviri pachena kuti vanin’ina nehanzvadzi dzaJesu vaigona kuita kuti Mariya awane zvaanoda pakurarama, asi zvinoita sekuti panguva iyoyo hapana kana mumwe chete wavo akanga ava mudzidzi waJesu. Saka Jesu aida kuva nechokwadi kuti Mariya awana zvekurarama nazvo uyewo kuti akurudzirwa mune zvekunamata.
16 Johani aiva nezvinhu zvakawanda zvaaifanira kuita. Sezvo aiva mumwe wevaapostora, aifanira kushingaira mubasa rekuparidza. Kunengewo kuti ainge akaroora, saka aitofanira kushanda kuti ariritire mhuri yake uyewo aibatsire kuti ive neushamwari hwakanaka naJehovha. (1 VaK. 9:5) Misoro yemba inodzidzei mazuva ano?
17 Hama ine mhuri inogona kunge iine mabasa anokosha akawanda ainoita. Semuenzaniso, inofanira kushanda nesimba pabasa rayo kuitira kuti maitiro ayo aite kuti Jehovha arumbidzwe. (VaEf. 6:5, 6; Tito 2:9, 10) Uye inogona kunge iine mamwe mabasa muungano akadai sekufudza uye kutungamirira pabasa rekuparidza. Asi zvinokoshawo kuti igare ichidzidza Bhaibheri nemudzimai nevana. Vachatenda chaizvo zvese zvaanoita kuti vave neutano, vafare, uye kuti varambe vachishumira Jehovha.—VaEf. 5:28, 29; 6:4.
‘RAMBAI MURI MURUDO RWANGU’
18 Johani akararama makore akawanda. Uye ane zvinhu zvizhinji zvinofadza zvakaitika muupenyu hwake. Akasangana nematambudziko akawanda aigona kumunetesa pakushumira Mwari. Asi aigara achiita zvese zvaaigona kuti achengete mirayiro yaJesu, kusanganisira wekuda hama nehanzvadzi dzake. Izvi zvakaita kuti Johani ave nechokwadi chekuti Jehovha naJesu vanomuda uye kuti vaizomupa simba rekuti atsungirire miedzo yaaizosangana nayo. (Joh. 14:15-17; 15:10; 1 Joh. 4:16) Johani akaramba achiratidza nemashoko uye nemabasa kuti aida hama nehanzvadzi dzake, pasinei nezvaiitwa naSatani nenyika yake.
19 Kungofanana naJohani, tiri kurarama munyika iri kutongwa naSatani, mwari wenyika ino ane ruvengo. (1 Joh. 3:1, 10) Kunyange zvazvo achida kuti tirege kuda hama nehanzvadzi dzedu, haakwanisi kuita kuti tidaro kunze kwekunge tamubvumira. Ngatirambei tichida hama nehanzvadzi dzedu, tichizviratidza nezvatinotaura uye nezvatinoita. Kana tikadaro tichava nemufaro wekuva mumhuri yaJehovha, uye tichanakidzwa neupenyu.—Verenga 1 Johani 4:7.