-
Zvatinodzidza Pane Zvakaprofitwa naJakobho Ava Kufa—Chikamu 1Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2025 | June
-
-
16. Uprofita huri pana Genesisi 49:10 hwakazadziswa sei? (Onawo bhokisi rakanzi “Uprofita Hwakataurwa naJakobho Ava Pedyo Nekufa.”)
16 Jakobho akataurawo kuti munhu aizotonga vanhu nekusingaperi aizobva mudzinza raJudha. (Verenga Genesisi 49:10 uye mashoko emuzasi.) Mutongi iyeye ndiJesu Kristu, uye Jakobho akamudana kuti Shiro. Imwe ngirozi ichitaura nezvaJesu yakati: “Jehovha Mwari achamupa chigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi.” (Ruka 1:32, 33) Jesu anonziwo “Shumba yedzinza raJudha.”—Zvak. 5:5.
-