-
Abrahamu—Muenzaniso WokutendaNharireyomurindi—2001 | August 15
-
-
3. Bhaibheri rinotiudzei nezvekwakabva Abrama?
3 Bhaibheri rinotanga kutiudza nezvaAbrama (akazozivikanwa saAbrahamu) pana Genesi 11:26, panoti: “Tera wakagara makore ana makumi manomwe, akabereka Abrama, naNahori naHarani.” Abrama akanga ari wokurudzi rwaShemi aitya Mwari. (Genesi 11:10-24) Maererano naGenesi 11:31, Abrama aigara nemhuri yake mu“Uri yavaKardia” yakabudirira, guta rakanga richimbova kumabvazuva kweRwizi rwaYufratesi.a Nokudaro, haana kukura somufambi anogara mumatende asi akakura achigara muguta munzvimbo yakanga ine zvakawanda zvoumbozha. Zvinhu zvaibva kunze kwenyika zvaigona kutengwa mumisika yomuUri. Dzimba dzakakura dzakadzururwa nezvichena, dzakanga dzine mapombi anounza mvura mumba dzakanga dzakavakwa dzichitevedza migwagwa yemo.
4. (a) Guta reUri rakanga rine miedzo ipi kuvanamati vaMwari wechokwadi? (b) Abrama akasvika sei pakutenda muna Jehovha?
4 Pasinei nezvose zvarakanga rakanakira, kurarama muguta reUri kwakanga kwakaoma zvikuru kunaani zvake aida kushumira Mwari wechokwadi. Rakanga riri guta raibatanidzwa zvizere mukunamata zvidhori uye kudavira mashura. Zvechokwadi, makanga mune temberi refu yokukudza mwari wemwedzi ainzi Nanna. Pasina kupokana Abrama akanga ari mumuedzo mukuru kuti abatanidzwewo mukunamata kwakaipa uku, zvichida achimanikidzwa nedzimwe hama dzake. Maererano nedzimwe ngano dzechiJudha, Tera, baba vaAbrama pachavo, vakanga vari mugadziri wezvidhori. (Joshua 24:2, 14, 15) Chero zvazvakanga zviri, Abrama akanga asingaiti kunamata kwenhema kunozvidzisa. Tateguru vake vakanga vakwegura Shemi vakanga vachiri vapenyu uye pasina mubvunzo vaimuudzawo nezvaMwari wechokwadi. Somugumisiro, Abrama akatenda muna Jehovha, kwete Nanna!—VaGaratiya 3:6.
-
-
Abrahamu—Muenzaniso WokutendaNharireyomurindi—2001 | August 15
-
-
8. Kutenda kwaAbrama kwakaita kuti nhengo dzemhuri yake dzepedyo dziite sei, uye vaKristu vangadzidzei kubva mazviri?
8 Zvakadini nenhengo dzepedyo dzemhuri yaAbrama? Zviri pachena kuti kutenda kwaAbrama uye kubvuma kwake kunofanira kuva kwakavaorora, nokuti mudzimai wake, Sarai, nomwana womunun’una wake akanga ava nherera ainzi Roti, vakakurudzirwa kuteerera murayiro waMwari wokutama muUri. Munun’una waAbrama Nahori nevamwe vana vake vakazotama muUri vakanogara muHarani, kwavakanonamata Jehovha. (Genesi 24:1-4, 10, 31; 27:43; 29:4, 5) Kunyange baba vaAbrama, Tera, vakabvuma kutama nomwanakomana wavo! Nokudaro Bhaibheri rinotaura kuti ndivo vakatama vakananga kuKanani, nokuti vaiva musoro wemhuri. (Genesi 11:31) Isuwo tingabudirira here kana tikapupura nokungwarira kuhama dzedu?
9. Abrama aifanira kugadzirira chii kuti afambe rwendo rwake, uye nei izvozvo zvingangove zvaive zvakaoma?
9 Asati atanga rwendo rwake, Abrama akanga ane zvakawanda zvokuita. Aifanira kutengesa midziyo nezvinhu uye kutenga matende, makamera, zvokudya, uye zvokushandisa zvaidiwa. Abrama angadaro akarasikirwa nemari mukugadzirira kwokukurumidza kwakadaro, asi aifadzwa nokuteerera Jehovha. Zvechokwadi rinofanira kuva raiva zuva risingakanganwiki apo kugadzirira kwakanga kwapera uye boka revaifamba naAbrama rakanga ramira kunze kwemasvingo eUri, agadzirira kuenda! Achitevera Rwizi rwaYufratesi, boka rake rakaenda nechokumusoro kwakadziva kumadokero. Papera mavhiki akati kuti vachienda, vapedza anenge makiromita 1 000, vakasvika muguta raiva kumusoro kweMesopotamia rainzi Harani, nzvimbo huru paimira mapoka evafambi.
10, 11. (a) Sezvingabvira Abrama akambogarirei muHarani? (b) Ikurudziro ipi ingapiwa kuvaKristu vanotarisira vabereki vakwegura?
10 Abrama akagara muHarani, zvichida achiitira kuti zvirerukire baba vake Tera, vakanga vakwegura. (Revhitiko 19:32) Nhasiwo vaKristu vakawanda vane ropafadzo yokuchengeta vabereki vakwegura kana kuti vanorwara, vamwe vachitofanira kuchinja zvimwe zvinhu kuti vadaro. Kana zvichifanira kudaro, ivavo vanogona kuva nechokwadi chokuti zvibayiro zvavo zvorudo “zvinofadza pamberi paMwari.”—1 Timoti 5:4.
-