RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi—1992 | February 1
    • Machinda eEgipita, zvisinei, haana kupinda mukurukurirano naAbrahama pamusoro pokuroora Sara kwaFarao. Ivo vakangopinza zvavo Sara akaisvonaka muimba yaFarao, uye mutongi weEgipita akapa iyo yainzi hanzvadzi yake, Abrahama, zvipo. Asi pashure paikoku, Jehovha akabata imba yaFarao namadambudziko. Apo mugariro wechokwadi wakaziviswa kuna Farao nenzira isingataurwi, iye akati kuna Abrahama: “Warevereiko uchiti: ‘Ihanzvadzi yangu?’ Naizvozvo ndakamutora kuti ave mukadzi wangu; naizvozvo zvino hoyu mukadzi wako, mutore, uende hako.”—Genesi 12:14-19.

      The New English Bible nedzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoshandura chikamu chiri pamusoro apa chakatsveyamiswa mashoko chendima kuti “zvokuti ndakamutora somudzimai” kana kuti mashoko akafanana. Nepo kusiri hako kushandurwa kwakaipa, mashoko akadaro angagona kupa murangariro wokuti Farao akanga zvomenemene aroora Sara, kuti roorano yakanga iri idi rakaitwa. Kungacherechedzwa kuti pana Genesi 12:19 chiito chechiHebheru chakashandurwa kuti “kutora” chiri mumugariro usina kukwana, uko kunoratidzira chiito chichigere kupedzwa. New World Translation inoshandura ichi chiito chechiHebheru mutsinhirano namashoko akapoteredza uye nenzira inoratidzira zvakajeka mugariro wechiito—“zvokuti ndakanga ndodokumutora somudzimai wangu.”a Kunyange zvazvo Farao akanga “odokutora” Sara somudzimai wake, akanga achigere kupedza muitiro upi kana upi kana kuti chinoitika chakabatanidzwa.

      Abrahama akawanzotsoropodzwa nokuda kwokusvika kwake kunhau yacho, asi iye akaita mufariro dzeMbeu yakapikirwa uye nokudaro dzorudzi rwose rwomunhu.—Genesi 3:15; 22:17, 18; VaGaratia 3:16.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi—1992 | February 1
    • a Shanduro yakaitwa naJ. B. Rotherham inorava, kuti: “Neiko wakati, iye ihanzvadzi Yangu; uye naizvozvo ndakanga ndodokumutora kwandiri kuti ave mudzimai?”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe