RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ‘Ichi Chichava Chiyeuchidzo Kwamuri’
    Nharireyomurindi—2013 | December 15
    • 9. Maererano naEksodho 12:6, gwayana rePaseka raifanira kuurayiwa nguvai? (Onawo bhokisi rakanzi “Yaiva Nguva Ipi Yezuva?”)

      9 Maererano naEksodho 12:6, gwayana raifanira kuurayiwa panguva yorubvunzavaeni. Mamwe maBhaibheri akadai seTanakh yechiJudha anoshandisa mashoko anoreva kuti manheru. Mamwewo anoti “madekwana.” Saka gwayana raifanira kuurayiwa zuva ranyura asi kuchine chiedza, paitangira Nisani 14.

      10. Vamwe vanoti gwayana rakaurayiwa riini, asi izvozvo zvinoita kuti pave nomubvunzo upi?

      10 Nokufamba kwenguva, makwayana ose ainge ava kuunzwa kutemberi uye zvaitora nguva yakareba kuti aurayiwe. Nemhaka yeizvi, vamwe vaJudha vakafunga kuti murayiro uri pana Eksodho 12:6 waitaura nezvekupera kwaNisani 14, kubva paitanga kurereka zuva (masikati) kusvika parainyura. Kana izvozvo zvaiva zvechokwadi, kudya kwacho kwaizoitwa riini? Muzvinadzidzo Jonathan Klawans, nyanzvi inoongorora chiJudha chekare, akati: “Zuva rinotanga panovira zuva, saka chibayiro chinopiwa musi wa14 asi kutanga kwePaseka uye kudya kwacho kunoitwa musi wa15, kunyange zvazvo kutevedzana uku kwemazuva kusingajekeswi muna Eksodho.” Akanyorawo kuti: “Mabhuku avanaRabhi . . . haatombotauri kuti Seder [chidyo chePaseka] yaiitwa sei Temberi isati yaparadzwa” muna 70 C.E.—Tisu tatsveyamisa mashoko.

  • ‘Ichi Chichava Chiyeuchidzo Kwamuri’
    Nharireyomurindi—2013 | December 15
    • YAIVA NGUVA IPI YEZUVA?

      Nyanzvi dzinoongorora chiJudha dzinoti mhuri dzose dzechiIsraeri dzaifanira kuuraya gwayana panguva yemanheru. KuvaIsraeri, nguva iyi yaitanga painyura zuva kusvikira kwasviba, kana kuti kubva na6:00 manheru kusvika na7:20 manheru. Izvi zvinoenderana nemurayiro wakapiwa vaIsraeri pana Dheuteronomio 16:6 wokuti “paseka” yaifanira kubayirwa “manheru panongovira zuva . . . panguva yakatarwa yawakabuda muIjipiti.”—Eks. 30:8; Num. 9:3-5, 11.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe