RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kuzvikudza Kunotungamirira Kukunyadziswa
    Nharireyomurindi—2000 | August 1
    • Kora—Mupanduki Aiva Neshanje

      4. (a) Kora akanga ari ani, uye pasina mubvunzo zviitiko zvipi zvenhau zvaaibatanidzwa? (b) Mumakore ake akazotevera, chiitoi chinozivikanwa icho Kora akakurudzira?

      4 Kora aiva muRevhi wekwaKohati, muzukuru wokutanga waMosesi naAroni. Sezviri pachena, akanga akavimbika kuna Jehovha kwemakumi emakore. Kora aiva neropafadzo yokuva pakati pevaya vakanunurwa zvinoshamisa vachipfuura nomuGungwa Dzvuku, uye zvichida akagovana mukutonga kwakaita Jehovha vaIsraeri vainamata mhuru paGomo reSinai. (Eksodho 32:26) Zvisinei, Kora akazova mutungamiriri mukumukira Mosesi naAroni kwaibatanidza Dhatani, Abhirami, naOni, vokwaRubheni pamwe namachinda eIsraeri 250.a “Zvaringana,” vakadaro kuna Mosesi naAroni, “nokuti vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha uri pakati pavo; imi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?”—Numeri 16:1-3.

  • Kuzvikudza Kunotungamirira Kukunyadziswa
    Nharireyomurindi—2000 | August 1
    • a Sezvo Rubheni aiva dangwe raJakobho, vaya vevazukuru vake vakatsauswa naKora kuti vapandukire vangave vakatsamwa kuti Mosesi—muzukuru waRevhi—aiva nesimba rokuvatonga.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe