RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Akaratidza Kungwara
    Tevedzera Kutenda Kwavo
    • 14. (a) Kuti agadzirise chikanganiso chakanga chaitwa naNabhari, Abhigairi akatora danho rokutanga munzira ipi? (b) Tingadzidzei pakusiyana kwakaita Nabhari naAbhigairi? (Onawo mashoko omuzasi.)

      14 Munzira yakati, tatoona Abhigairi achitora danho rokutanga pakugadzirisa chikanganiso ichi chakakura. Kusiyana nemurume wake, Nabhari, Abhigairi akaratidza kuti aida kuteerera. Kana zviri zvokuudza Nabhari nezvenyaya yacho, mushandi wacho akati nezvake: “Akanyanya kuva munhu pasina kuti titaure naye.”c (1 Sam. 25:17) Zvinosuruvarisa kuti kuzvionera padenga kwaiita Nabhari kwakaita kuti asada kuteerera. Kuzvikudza kwakadaro kwakanyanya kunyange mazuva ano. Asi jaya racho raiziva kuti Abhigairi akanga akasiyana, izvo pasina mubvunzo zvakaita kuti riende kwaari nedambudziko iri.

      Kusiyana naNabhari, Abhigairi akaratidza kuti aida kuteerera

  • Akaratidza Kungwara
    Tevedzera Kutenda Kwavo
    • c Mashoko akashandiswa nemushandi wacho anoreva kuti “mwanakomana wabheriari (asingabatsiri).” Mamwe maBhaibheri anoshandura mutsara uyu anosanganisira tsananguro yaNabhari somurume “asingamboteereri chero ani zvake” uye mhedziso yokuti, “hazvina zvazvinobatsira kutaura naye.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe