RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Akatsungirira Kusvikira Pamugumo
    Tevedzerai Kutenda Kwavo
    • Eriya akazvininipisa, akasiyira nyaya yacho kuna Jehovha. Kana Jehovha aizoita kuti Erisha aone Eriya achitorwa, zvaizoreva kuti Erisha aizopiwa zvaainge akumbira. Uye pasina nguva, “sezvavakanga vachifamba vachitaura zvavo” pane chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika!​—2 Madzimambo 2:10, 11.

      Ushamwari hwaEriya naErisha hwakavabatsira vese kutsungirira zvinhu pazvaioma

      Mudenga makapenya uye chiedza chacho chakaramba chichiswedera pedyo. Tinogona kufungidzira vachinzwa ruzha runenge rwechamupupuri, uye panguva imwe chete vachiona chimwe chinhu chaipenya chichiuya kwavari chichimhanya semheni, chichibva chavaparadzanisa, uye vanofanira kunge vakashamiswa nazvo. Vakaona ngoro yaipenya sekunge iri kubvira moto. Eriya akaziva kuti nguva yake yakanga yakwana. Akakwira ngoro yacho here? Nyaya yacho haitauri. Asi akazongoona ava mudenga, achiendeswa nechamupupuri!

  • Akatsungirira Kusvikira Pamugumo
    Tevedzerai Kutenda Kwavo
    • Eriya akazoenda kupi? Zvimwe zvitendero zvinoti akaendeswa kudenga kuti ave naMwari. Asi izvozvo handizvo. Papera mazana emakore, Jesu Kristu akataura kuti hapana munhu ainge akambokwira kudenga. (Johani 3:13) Saka patinoverenga kuti “Eriya akakwira kumatenga ari mudutu,” tinofanira kubvunza kuti, Matenga api? (2 Madzimambo 2:11) MuBhaibheri shoko rekuti “matenga” haringorevi kunogarwa naJehovha asi rinorevawo matenga ane makore, anobhururuka shiri. (Pisarema 147:8) Aya ndiwo matenga akaendwa naEriya. Zvii zvakazoitika?

      Jehovha akangoendesa muprofita wake waaida kune imwe nzvimbo, munharaunda yeumambo hweJudha. Bhaibheri rinotaura nezvaEriya pashure pemakore anopfuura 7 kubva paakatamiswa. Mambo akaipa ainzi Jehoramu, ndiye akanga achitonga Judha panguva iyi. Akanga akaroora mwanasikana waAhabhi naJezebheri, saka uipi hwavo hwakanga huchiri kuenderera mberi. Jehovha akapa Eriya basa rekunyora tsamba yaitaura zvaizoitika kuna Jehoramu. Sezvakataurwa mutsamba yacho, Jehoramu akafa atambura. Hazvina kuperera ipapo; nyaya yacho inopedzisa ichiti: “Paakafa hapana akarwadziwa nokufa kwake.”​—2 Makoronike 21:12-20. (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.)

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe