-
Jehovha Akanyaradza Marwadzo AkeTevedzerai Kutenda Kwavo
-
-
Hazvishamisi kuti Jehovha akati varume ava vape chibayiro. Vaifanira kubayira mikono yemombe minomwe nemakondohwe manomwe. Izvi zvaidhura zvekuti, nekuti gare gare mumutemo waMozisi, mombe ndiyo mhuka yaibayirwa nemupristi mukuru kana chivi chake chaizoita kuti rudzi rwese rwunzi rwune mhosva. (Revhitiko 4:3) Ndiyo yaidhura kupfuura mhuka dzese dzainzi dzibairwe nemutemo waMozisi. Jehovha akabva awedzera kuti, aizobvuma chete mupiro wevapomeri vaJobho kana Jobho atotanga avanyengeterera.d (Jobho 42:8) Zvinofanira kunge zvakanyevenutsa mwoyo waJobho zvakanyanya, kunzi akarurama naMwari wake uye kuona Jehovha achiruramisa zvinhu.
“Mushumiri wangu Jobho achakunyengetererai.”—Jobho 42:8
-
-
Jehovha Akanyaradza Marwadzo AkeTevedzerai Kutenda Kwavo
-
-
d Hapana patinoverenga pakanzi Jobho ape chibayiro chakafanana naichocho achiitira mudzimai wake.
-