-
Ndiani Akadzika Mitemo Inotungamirira Zvinhu Zviri Kumatenga?Nharireyomurindi—2011 | July 1
-
-
3. Zvicharamba Zviripo Here Kana Kuti Zvichasvika Pakuparara?
Aristotle aifunga kuti paiva nomusiyano mukuru pakati pedenga nenyika. Akati nyika yaigona kuchinja, kuora, uye kuparara, asi kemikari yakaita mvura inonzi ether yakashandiswa pakugadzira nyeredzi inoramba iripo nokusingaperi. Mabhora nezvinhu zviri kumatenga zvaitaurwa naAristotle zvaisazofa zvakachinja, kusakara kana kuti kuparara.
Ndizvo here zvinodzidziswa neBhaibheri? Pisarema 102:25-27 rinoti: “Imi makavaka nheyo dzenyika kare kare, uye matenga ibasa remaoko enyu. Izvo zvichaparara, asi imi mucharamba muripo; zvose zvazvo zvichasakara sezvinoita nguo. Muchazvitsiva sezvinoitwa chipfeko, uye zvichapedza jana razvo. Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haazoperi.”
Munyori uyu wepisarema akanyora mashoko aya anenge mazana maviri emakore Aristotle asati avapo. Asi waona here kuti haasiyanisi pasi nematenga azere nyeredzi sezvinonzi nyika inogona kuora asi nyeredzi dzichigara nokusingaperi? Chaanoti chinogona kuparara matenga nenyika, asi Mwari uyo akakonzera kuti zvinhu zvacho zvisikwe anogara nokusingaperi.d Pisarema iri rinoti nyeredzi dzinogona kungoora sezvinoita zvose zviri pasi pano. Ko sayenzi yemazuva ano iri kutii nazvo?
Sayenzi inoongorora zvakaita nyika inotsigira Bhaibheri uye zvakataurwa naAristotle zvokuti nyika inogona kuora. Kutaura zvazviri, matombo ari panyika yedu anogara achipfupfunyuka uye anozoumbiridzwazve panoputika makomo nepanoitika zvimwe zvinhu pasi pano.
Zvakadini nenyeredzi? Dzinogona kuora here sezvinotaurwa neBhaibheri, kana kuti dzinongogara nokusingaperi sezvakadzidziswa naAristotle? Muzana remakore rechi16 vanoongorora nyeredzi kuEurope pavakaona nyeredzi dzichiputika kokutanga, vakashamisika chaizvo zvikapedzisira zvaita kuti vasava nechokwadi nezvezvakataurwa naAristotle zvokuti nyeredzi dzinongoramba dziripo. Kubva ipapo, masayendisiti akacherechedza kuti nyeredzi dzinogona kuputika zvinotyisa kana kuti kutsva zvishoma nezvishoma kana kungodonha dzoga. Zvisinei, vanoongorora zvenyeredzi vakacherechedzawo nyeredzi itsva dzichiumbwa mumakore anenge akonzerwa nokuputika kwedzimwe nyeredzi. Saka mufananidzo womunyori weBhaibheri wezvipfeko zvinosakara zvotsiviwa, wakakodzera chaizvo.e Zvinoshamisa chaizvo kuti uyu munyori wepisarema wekare kare akakwanisa kunyora mashoko anonyatsoenderana nezvakazozivikanwa mazuva ano!
Asi ungadaro uchiri kungoshamisika kuti, ‘Bhaibheri rinodzidzisa kuti rimwe zuva pasi uye matenga ane nyeredzi zvichaguma kana kuti zvichada kutsiviwa here?’ Aiwa, Bhaibheri rinovimbisa kuti zvichagara nokusingaperi. (Pisarema 104:5; 119:90) Asi hakusi kuti zvisikwa izvi pachazvo zvinogara nokusingaperi; chiripo ndechokuti Mwari akazvisika ndiye anovimbisa kuti achaita kuti zvirambe zviripo. (Pisarema 148:4-6) Haatauri kuti achazviita sei, asi zvine musoro kufunga kuti sezvo ari iye akasika zvinhu zvose ane simba rokuita kuti zvirambe zviripo. Handizvowo here zvinoitwa nenyanzvi yokuvaka iyo inogona kuramba ichigadziridza imba yaakazvivakira iye nemhuri yake?
-
-
Ndiani Akadzika Mitemo Inotungamirira Zvinhu Zviri Kumatenga?Nharireyomurindi—2011 | July 1
-
-
e Muzana remakore rechi19, musayendisiti anonzi William Thomson kana kuti Lord Kelvin akaziva nezvomutemo wechipiri wethermodynamics, uyo unoratidza chinoita kuti nokufamba kwenguva zvinhu zvakasikwa zviore uye zviparare. Chimwe chakaita kuti apedzisire ava nemafungiro aya kunyatsoongorora kwaakaita Pisarema 102:25-27.
-