RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Gara Pedyo naJehovha
    Nharireyomurindi—1991 | December 15
    • 1. Chii chiri kuda kwaJehovha pamusoro pomunyengetero, uye ikurudziroi iyo muapostora Pauro akapa pamusoro pokunyengetera?

      JEHOVHA ndi“Mwari anopa tariro” kuvose vavanhu vake vakatendeka. So“Munzwi womunyengetero,” iye anoteerera zvikumbiro zvavo zvebetsero yokuwana tariro inofadza iyo anoisa pamberi pavo. (VaRoma 15:13; Pisarema 65:2, NW) Uye kupfurikidza neShoko rake, Bhaibheri, iye anokurudzira vose vavabatiri vake kuuya kwaari nguva ipi neipi yavanoda. Iye aripo nguva dzose, achishuva kugamuchira itiro hanya dzavo dzomukati-kati. Kutaura idi, iye anovakurudzira ku“pfuurira mumunyengetero” noku“nyengetera nguva dzose.”a (VaRoma 12:12; 1 VaTesaronika 5:17, NW) Kuda kwaJehovha kuti maKristu ose adane paari nguva dzose mumunyengetero, achidururira mwoyo yavo kwaari uye achiita kudaro muzita roMwanakomana wake anodiwa, Jesu Kristu.—Johane 14:6, 13, 14.

  • Gara Pedyo naJehovha
    Nharireyomurindi—1991 | December 15
    • 3 Mudzidzi Jakobho akanyora, kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8, NW) Hungu, Mwari haasati ari akanyanyokwirira uyewo haasati ari kure zvokusagona kunzwa kutaura kwedu kwaari, pasinei hapo nomugariro wedu wokusakwana wohunhu. (Mabasa 17:27) Kupfuurirazve, haasati ari asingakendengi naasingaitiri hanya. Wezvamapisarema anoti: “Meso aJehovha anotarira vakarurama, uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo.”—Pisarema 34:15; 1 Petro 3:12.

      4. Kupa ngwariro kwaJehovha kumunyengetero kungaenzanisirwa sei?

      4 Jehovha anokumbira munyengetero. Tingaenzanisa ikoku nokuungana apo chiverengero chakati chavanhu chiri kutaura pamwe chete. Iwe uripo, uchiteerera kuvamwe vachitaura. Basa rako nderiya romucherekedzi. Asi ipapo mumwe munhu anotendeukira kwauri, anotaura zita rako, uye anonangidzira mashoko ake kwauri. Ikoku kunobata ngwariro yako munzira chaiyo. Nenzira yakafanana, Mwari anoteerera nguva dzose vanhu vake, kupi nokupi kwavangava. (2 Makoronike 16:9; Zvirevo 15:3) Naizvozvo iye anonzwa mashoko edu, achicherekedza nenzira yokudzivirira neyokufarira, sokunge zvakadaro. Patinodana pazita raMwari mumunyengetero, zvisinei, ngwariro yake inobatwa, uye iye zvino anoisa ngwariro patiri munzira chiyo. Kupfurikidza namasimba ake, Jehovha anotogona kucherekedza ndokunzwisisa chikumbiro chomunhu chisina kutaurwa chinopiwa mukati memativi akavandika omwoyo nendangariro. Mwari anotipikira kuti achaswedera pedyo naavo vose vanodana zvapachokwadi zita rake uye vari kutsvaka kugara pedyo naye.—Pisarema 145:18.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe