RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jehovha Anotiratidza Maverengero Atingaita Mazuva edu
    Nharireyomurindi—2001 | November 15
    • 4-6. Jehovha “ugaro” hwechokwadi kwatiri sei?

      4 Munyori wepisarema anozarura nemashoko anoti: “Ishe, makanga muri ugaro hwedu pamarudzi namarudzi. Makomo asati azvarwa [“sokunge kuti nemarwadzo okusununguka,” NW], musati matongosika nyika nevhu, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari.”—Pisarema 90:1, 2.

  • Jehovha Anotiratidza Maverengero Atingaita Mazuva edu
    Nharireyomurindi—2001 | November 15
    • 7. Makomo aka“zvarwa” uye nyika yakasikwa sokunge kuti “nemarwadzo okusununguka” mupfungwa ipi?

      7 Jehovha aivapo makomo asati “azvarwa” kana kuti nyika isati yasikwa sokunge kuti “nemarwadzo okusununguka.” Tichitarira nemaonero evanhu, kusika nyika ino nezvose zvainazvo zvinonetsa kunzwisisa kwaida simba guru. Uye nokutaura kuti makomo aka“zvarwa” uye nyika yakasikwa sokunge kuti “nemarwadzo okusununguka,” munyori wepisarema ari kuratidza kuremekedza zvikuru basa rakaitwa apo Jehovha akasika zvinhu izvi. Hatifaniriwo kuremekedza uye kuonga basa roMusiki here?

      Jehovha Anogara Akagadzirira Kutibatsira

      8. Mashoko okuti Jehovha ndiMwari “kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi” anorevei?

      8 “Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari,” akaimba kudaro munyori wepisarema. Shoko rokuti “kusingaperi” rinogona kureva zvinhu zvine magumo asi pazvinogumira pacho hapana kutaurwa. (Eksodho 31:16, 17; VaHebheru 9:15) Zvisinei, pana Pisarema 90:2 nokumwewo muMagwaro echiHebheru, “kusingaperi” zvinoreva kuti “zvisina magumo.” (Pisarema 90:2; Muparidzi 1:4) Pfungwa dzedu hadzingagoni kunzwisisa kuti zvinobvira sei kuti Mwari ave ariko nguva dzose. Asi, Jehovha haana paakatangira uye haana paachagumira. (Habhakuki 1:12) Achave ari mupenyu nguva dzose uye akagadzirira kubatsira.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe