RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Nzira Yokutarisana Nayo Nedenho Yetsika Yokuva Murombo
    Nharireyomurindi—1990 | November 15
    • Nhasi, vazhinjisa vavarombo venyika ndivanyajambwa vemigariro yavasingagoni kudzora—zvichida kushaikwa kwedzidzo, mari yomunzvimbomo inokundikana, kana kuti chinjo yezvamatongerwe enyika. Vazhinji vanobishaira kuvambira mumangwanani-ngwanani kusvikira kwasviba usiku ndokusatongowana chokurarama nacho chakakwana. Mabanza okuwana mune zvemari kupfurikidza nemitoo yokusatendeseka nokudaro angaratidzika kuva anokwezva, kunyange ari madikanwa. Chokwadi, vamwe vangarangarira kuti Bhaibheri rinoruramisa derero yetsika yapanhambo nenhambo! Pashure pokurangarira zvose, iro rinoti: “Vanhu havangazvidzi mubi kana achiba kuti agute kana achinge ane nzara.” Uye munhu akachenjera akanyengetera, kuti: ‘Ngandirege kuva murombo ndokuba zvomenemene.’—Zvirevo 6:30; 30:8, 9.

  • Nzira Yokutarisana Nayo Nedenho Yetsika Yokuva Murombo
    Nharireyomurindi—1990 | November 15
    • Asi zvakadiniko nezvomunyengetero womunhu akachenjera? Iye akakumbira kuti asasvike kuurombo uye “ndibe, ndimhure zita raMwari” wake. (Zvirevo 30:9) Hungu, kusatendeseka kwomunhu anoti anobatira Jehovha kunogona kuunza ruzvidzo pazita raMwari napaungano yavanhu Vake. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Iwe, unoparidzira kuti ‘Usaba,’ unoba here?” Kana vanoti maKristu vakaba, ikoku kungagona kuparira kuti ‘zita raMwari rizvidzwe pakati pamarudzi.’—VaRoma 2:21, 24, NW.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe