-
Vanofara Zvino Uye NokusingaperiNharireyomurindi—1996 | February 15
-
-
9. Chimwe chinhu chakafanana nechinorondedzerwa pana Isaya 35:1, 2, 5-7 chakatanga sei munguva yedu?
9 Tichirangarira zviri pamusoro apa, ngatirangarirei zvakare Isaya ganhuro 35, uye kutarira pakutanga Isa 35 ndima 1 ne2. Yakanga yaratidzika kuva nharaunda isina mvura zvirokwazvo yakavamba kutunga ndokubereka kufanana nemipata yakare yeSharoni. Ipapo, tarira Isa 35 ndima 5 kusvikira ku 7. Vakasarira, vakati vavo vachiri vapenyu uye nokushingaira mubasa raJehovha, vakazarurirwa maziso avo okunzwisisa. Vaigona kuona zviri nani revo yezvakanga zvaitika muna 1914 uye pashure pacho. Ikoko kwakavawo netapuro pavazhinji vedu avo vanoumba “boka guru,” zvino riri kubatira pamwe chete nevakasarira.—Zvakazarurwa 7:9, NW.
Uri Rutivi Rwokuzadzika Kwacho Here?
10, 11. (a) Wakabatanidzwa sei mukushanda Isaya 35:5-7? (b) Unonzwa sei somunhu oga pamusoro pechinjo idzi?
10 Zvirangarire umene somuenzaniso. Usati wasangana neZvapupu zvaJehovha, wairava Bhaibheri nguva dzose here? Kana waidaro, waiva nenzwisiso huru zvakadini? Zvino unoziva, somuenzaniso, zvokwadi pamusoro pomugariro wevakafa. Zvimwe waigona kunongedzera mumwe munhu aifarira nhau yacho kundima dzakakodzera muna Genesi ganhuro 2, Muparidzi ganhuro 9, uye Ezekieri ganhuro 18, pamwe chete nezvimwe zvikamu zvamashoko zvakawanda. Hungu, sezvingabvira unonzwisisa izvo Bhaibheri rinodzidzisa pamisoro mizhinji kana kuti nhau. Kuchitaurwa zvakapfava, Bhaibheri rine mufungo kwauri, uye unogona kutsanangura zhinji raro kune vamwe, pasina kupanikira sezvawakaita.
11 Isu mumwe nomumwe tingaita zvakanaka kubvunza, kunyange zvakadaro, kuti, ‘Ndakadzidza sei zvose zvandinoziva zvezvokwadi yeBhaibheri? Ndisati ndafunda navanhu vaJehovha, ndingadai ndakawana zvikamu zvose zvamashoko zvichangobva kududzwa here? Ndakanga ndadzinzwisisa ndokusvika mhedziso dzakarurama pamusoro perevo yadzo here?’ Mhinduro yokutendeseka kumibvunzo iyi zvimwe ndiaiwa. Hapana munhu anofanira kugumburwa nekutaura kwakadaro, asi kunogona kutaurwa kuti zvikurukuru wakanga uri bofu pamusoro pemagwaro aya nerevo yawo. Handizvo here? Akanga ari muBhaibheri, asi waisagona kuaona kana kuti kunzwisisa revo yawo. Ipapo, maziso ako akavhurwa sei nenzira yomudzimu? Kwakanga kuri kupfurikidza neizvo Jehovha akaita mukuzadzika bhuku raIsaya 35:5 pavakasarira vakazodzwa. Wakazarurirwawo maziso ako. Hausati uchiri murima romudzimu. Unogona kuona.—Enzanisa naZvakazarurwa 3:17, 18.
12. (a) Nei tichigona kutaura kuti ino haisi nguva yokuporesa kwomumuviri kunoshamisa? (b) Chakaitika chaHama F. W. Franz chinoratidzira sei nzira iyo Isaya 35:5 iri kuzadzikwa nayo munguva yedu?
12 Vadzidzi vanodisa veBhaibheri uye vekubata kwaMwari mumazana amakore vanoziva kuti ino haisi nguva munhau yezvishamiso zvokuporesa mumuviri. (1 VaKorinte 13:8-10) Naizvozvo hatikariri Jesu Kristu kuva achizarura maziso asingaoni mukubvumikisa kuti iye ndiMesiya, Muporofita waMwari. (Johane 9:1-7, 30-33) Uyewo haasi kugonesa matsi dzose kunzwa zvakare. Frederick W. Franz, mumwe wavakazodzwa uye ipapo purezidhendi weWatch Tower Society, sezvaakasvika makore 100 ezera, akanga odokuva bofu uye aifanira kushandisa chinoyamura kunzwa. Kwamakore akati akanga asati achagona kuona kuti arave; bva, ndiani aifunga nezvake sebofu kana kuti matsi mupfungwa yaIsaya 35:5? Kuona kwake kwomudzimu kwakakomba kwakanga kuri chikomborero kuvanhu vaMwari mupasi rose.
-
-
Vanofara Zvino Uye NokusingaperiNharireyomurindi—1996 | February 15
-
-
22, 23. Zvikonzeroi zvomufaro zvichavapo mukuzadzikwa kweramangwana kwaIsaya ganhuro 35?
22 Kariro iyoyo haikuzadzi nomufaro here? Inofanira, nokuti ndiyo nzira iyo Mwari akatisika kuti tirarame nayo. (Genesi 2:7-9) Naizvozvo, kunorevei pamusoro peuporofita huri muna Isaya ganhuro 35 hwatiri kurangarira? Kunoreva kuti tine chikonzero chakawedzerwa chokudanidzira nomufaro. Marenje chaiwoiwo nenharaunda dzisina mvura zvichatunga, kuchitiparira kufara. Ipapo vanhu vane maziso ebhuruu, kana kuti maziso matsvuku, kana kuti rumwe ruvara rwakati runofadza, asi zvino vari mapofu, vachakwanisa kuona. VaKristu biyedu vari matsi, kana kuti kunyange avo vedu vanotambura nokunzwa, vachakwanisa kunzwa zvakajeka. Mufaro wakadini kushandisa mano iwayo kunzwa Shoko raMwari richiraviwa nokutsanangurwa, pamwe chete nokuteerera kumhepo mumiti, kuseka kwomwana, rwiyo rweshiri!
-