RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Tine Chikonzero Chokudanidzira Nokuda Kwomufaro
    Nharireyomurindi—1996 | February 15
    • “Vachawana mufaro nomwoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.”—ISAYA 35:10.

  • Tine Chikonzero Chokudanidzira Nokuda Kwomufaro
    Nharireyomurindi—1996 | February 15
    • 3. Mashoko api ane revo anofanirwa nengwariro yedu, uye nei?

      3 Yeuka mashoko aJesu, okuti: “Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike.” (Johane 15:11) “Mufaro wenyu uzadzike.” Irondedzero yakadini! Kusanofundwa kwakadzama kwemararamire echiKristu kungazivisa zvikonzero zvizhinji zvokuti mufaro wedu uve wakazara. Asi iye zvino, cherekedza mashoko ane revo ari pana Isaya 35:10. Iwaya ane revo nemhaka yokuti ane zvakawanda zvokuita nesu nhasi. Tinorava, kuti: “Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Zioni vachiimba; mufaro [kusvikira kunguva isingazivikanwi, NW] uchava pamisoro yavo; vachawana mufaro nomwoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.”

      4. Rudzii rwomufaro runodudzwa pana Isaya 35:10, uye nei tichifanira kupa ngwariro kuna irworwu?

      4 “Mufaro [kusvikira kunguva isingazivikanwi, NW].” Chitsama chamashoko chokuti “[kusvikira kunguva isingazivikanwi, NW]” kushandurwa kwakarurama kweizvo Isaya akanyora muchiHebheru. Asi, sezvinotsigirwa namamwe magwaro, revo iri mundima ino ndi“nokusingaperi.” (Pisarema 45:6; 90:2; Isaya 40:28) Naizvozvo kufara kwacho kuchava kusingagumi, mumamiriro ezvinhu achabvumidza—hungu, acharuramisa—kufara kusingaperi. Ikoko hakunzwiki kuva kunofadza here? Zvichida, kunyange zvakadaro, ndima iyoyo inokuorora setsinhiro pamumiriro wezvinhu wokurondedzera, ichikusiya uchinzwa, kuti: ‘Ikoko hakubatanidze ini chaizvoizvo mupfungwa iyo zvinetso zvangu zvezuva nezuva neitiro hanya zvinoita.’ Asi maidi anobvumikisa zvakasiyana. Chipikirwa chouporofita chiri pana Isaya 35:10 chine revo nokuda kwako nhasi. Kuti uwane kuti sei, ngatinzverei ganhuro iyi yakaisvonaka, pana Isaya 35, tichicherekedza rutivi rumwe norumwe mumashoko akapoteredza. Iva nechokwadi chokuti uchafarikanya zvatinowana.

  • Tine Chikonzero Chokudanidzira Nokuda Kwomufaro
    Nharireyomurindi—1996 | February 15
    • 20. Chii chaisafanira kutya vaJudha sezvavakadzokera, kuchiguma nechii?

      20 VaJudha vaidzokera vaisafanira kutya denho ipi neipi yaibva kuvanhu vakaita semhuka kana kuti mapoka amakororo. Nei? Nemhaka yokuti Jehovha aisazobvumira vakadaro kuva muNzira navanhu vakadzikinurwa. Naizvozvo vaigona kufamba netariro inofadza, nekariro dzinofadza. Cherekedza nzira iyo Isaya akarondedzera nayo ikoko mukugumisa uporofita uhwu: “Hapangavi neshumba, kunyange nechikara hachingafambipo; hazvingawanikwipo, asi vakadzikinurwa ndivo vachafambapo; vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Zioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo; vachawana mufaro nomwoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.”—Isaya 35:9, 10.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe