RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mashoko Ouprofita Anonyaradza Anobatanidza Iwe
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
    • 24, 25. Jehovha anotaurazve nezvaKoreshi achiti kudii, uye izvi zvinotiyeuchidza nezvohumwe uprofita hupi?

      24 Jehovha anotaurazve nezvaKoreshi achiti: “Ndamutsa mumwe unobva kurutivi rwokumusoro, zvino wasvika; mumwe unobva kumabudazuva, unodana zita rangu; iye uchatsika vabati samatope somuumbi unokanya ivhu.” (Isaya 41:25)d Kusafanana navanamwari vemarudzi, Jehovha anogona kuita zvinhu. Paanounza Koreshi achibva kumabvazuva, kubva “kumabudazuva,” Mwari acharatidza kukwanisa kwake kufanotaura zviri mberi nokuzviita kuti zvizadzike zvaakafanotaura.

      25 Mashoko aya anotiyeuchidza nezvokurondedzera kwouprofita kwomuapostora Johani, kwemadzimambo achamutswa kuti aite chiito munguva yedu. Pana Zvakazarurwa 16:12, tinoverenga kuti nzira ichagadzirirwa “madzimambo anobva kunobuda nako zuva.” Madzimambo aya haasi vamwe kunze kwaJehovha Mwari naJesu Kristu. Kungofanana naKoreshi akanunura vanhu vaMwari kare, madzimambo ane simba guru kwazvo aya achaparadza vavengi vaJehovha nokufudza vanhu vake nomudambudziko guru kupinda munyika itsva yokururama.—Pisarema 2:8, 9; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 7:14-17.

  • Mashoko Ouprofita Anonyaradza Anobatanidza Iwe
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
    • d Kunyange zvazvo nyika yokumusha kwaKoreshi yakanga iri kumabvazuva kweBhabhironi, paakarwisa guta racho kokupedzisira, akadzika achibva kumusoro, kubva kuAsia Minor.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe