-
“Ndimi Zvapupu Zvangu”!Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
11. Jehovha anopa muranda wake basa rei, uye Jehovha anozivisei pamusoro pokuva kwake Mwari?
11 Sezvo vasina simba, vanamwari venhema havagoni kuunza zvapupu. Nokudaro zvinotonyadzisa kuti panomira zvapupu panoramba pasina munhu. Asi zvino inova nguva yaJehovha yokuti aratidze kuva Mwari kwake. Achitarisa kuvanhu vake anoti: “Ndimi zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura; kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe. Ini, iyeni, ndiJehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi. Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza kwakanga kusina mwari wokumwe pakati penyu; saka imi muri zvapupu zvangu, neni ndiri Mwari, . . . Zvirokwazvo, kubva zuva ranhasi ndini iye; hakuna ungarwira munhu paruoko rwangu; ini ndichabata basa, ndiani [ungadzivisa ruoko rwangu]?”—Isaya 43:10-13.
-
-
“Ndimi Zvapupu Zvangu”!Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
14. Jehovha anoyeuchidza vaIsraeri nezvechii, uye nei chiyeuchidzo ichi chakakodzera nguva yacho?
14 Jehovha ane hanya nevanhu vanotakura zita rake norukudzo, achivaona se“mboni yeziso rake.” Anoyeuchidza vaIsraeri nezvazvo, achivaudza kuti akavanunura sei muIjipiti nokuvatungamirira nomurenje zvakachengeteka. (Dheuteronomio 32:10, 12) Panguva iyoyo kwakanga kusina mumwewo mwari pakati pavo, nokuti vakaona nemaziso avo pachavo kunyadziswa chaiko kwevamwari vose veIjipiti. Hungu, vanamwari veIjipiti vose vakatadza kuchengetedza Ijipiti kana kuti kudzivisa vaIsraeri kuenda. (Eksodho 12:12) Saizvozvowo, Bhabhironi rine simba, iro nyika dzaro dzomumadhorobha dzakazara netemberi dzinenge 50 dzavanamwari venhema, richakundikana kumisa ruoko rweWemasimba Ose paanosunungura vanhu vake. Sezviri pachena, “hakuna mumwe muponesi” kunze kwaJehovha.
-