-
Jehovha—“Mwari Wakarurama noMuponesi”Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
3. Isaya 45:1-3a inorondedzera kukunda kwaKoreshi nemashoko api akajeka?
3 “Zvanzi naJehovha kumuzodzwa wake, kuna Koreshi, wandakabata ruoko rwake rworudyi, kuti ndikunde marudzi avanhu pamberi pake, ndichisunungura zviuno zvamadzimambo, ndimuzarurire mikova pamberi pake, namasuo arege kuzarirwa: Ini ndichaenda pamberi pako, ndichienzanisa pasina kuenzana; ndichaputsa-putsa mikova yendarira, nokugura-gura mipfigo yendarama; ndichakupa pfuma iri murima, noupfumi hwakavanzwa panzvimbo dzisingazikanwi.”—Isaya 45:1-3a.
4. (a) Nei Jehovha achidana Koreshi kuti “muzodzwa” wake? (b) Jehovha achaitei kuti ave nechokwadi chokuti Koreshi anokunda?
4 Jehovha, achishandisa Isaya, anotaura naKoreshi sokunge kuti mupenyu, kunyange zvazvo muzuva raIsaya Koreshi asati aberekwa. (VaRoma 4:17) Sezvo Jehovha achifanogadza Koreshi kuti aite basa chairo, Koreshi anogona kunzi “muzodzwa” waMwari. Achitungamirirwa naMwari, achakurira marudzi, achiita kuti madzimambo asava nesimba uye asakwanisa kurwisa. Saka, Koreshi paanorwisa Bhabhironi, Jehovha achaita kuti masuo eguta asiyiwe akashama, zvichiita kuti ave asingabatsiri kungofanana nemasuo apwanywa. Achaenda pamberi paKoreshi, achibvisa zvipinganidzo zvose. Pakupedzisira, mauto aKoreshi achakurira guta racho otora “pfuma” yaro “yakavanzwa,” upfumi hwaro hwakavigwa mumakamuri ane rima. Izvi ndizvo zvinofanotaurwa naIsaya. Mashoko ake anoitika here?
5, 6. Uprofita pamusoro pokuwa kweBhabhironi hunoitika rini uye sei?
5 Mugore ra539 B.C.E.—anenge makore 200 Isaya anyora uprofita uhwu—Koreshi zvechokwadi anosvika pamasvingo eBhabhironi kuzorwisa guta racho. (Jeremia 51:11, 12) Zvisinei, vaBhabhironi havana kana hanya nazvo. Vanofunga kuti guta ravo harikundiki. Masvingo aro marefu anoonekwa seawedzera kureba nomumigero izere nemvura inobva kuRwizi Yufratesi, inodzivirirawo guta racho. Kweanopfuura makore zana, hapana muvengi akakwanisa kungoerekana akunda Bhabhironi! Kutaura zvazviri, mutongi weBhabhironi anogaramo, Bhershazari, anonzwa akachengeteka kwazvo zvokuti anotoita zvake mabiko nemakurukota ake. (Dhanieri 5:1) Usiku ihwohwo—usiku hwaOctober 5/6—Koreshi anoita basa rehondo rinoshamisa.
6 Nechokumusoro kubva kuBhabhironi, mainjiniya aKoreshi achera mumhenderekedzo dzeRwizi Yufratesi, achitsausa mvura yarwo kuti irege kuramba ichiyerera ichidzika zasi kuguta. Pasina nguva refu, mvura yomurwizi rwacho uye kupota Bhabhironi rose inoserera kwazvo zvokuti mauto aKoreshi anokwanisa kuyambuka rwizi rwacho akananga pamwoyo peguta iri. (Isaya 44:27; Jeremia 50:38) Nenzira inoshamisa, seizvo Isaya akafanotaura, masuo akadziva kurwizi rwacho akashama. Mauto aKoreshi anomomotera Bhabhironi, anotora muzinda wamambo, ouraya Mambo Bhershazari. (Dhanieri 5:30) Muusiku humwe rukundo rwaitwa. Bhabhironi rawa, uye uprofita hunozadzika zvakazara.
-
-
Jehovha—“Mwari Wakarurama noMuponesi”Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
Chikonzero nei Jehovha Achaitira Koreshi Nyasha
8. Ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti Jehovha ape rukundo kuna Koreshi paBhabhironi?
8 Pashure pokutaura kuti ndiani achakunda Bhabhironi uye kuti izvi zvichaitwa sei, Jehovha anoenderera mberi achitsanangura chimwe chikonzero nei Koreshi achapiwa rukundo. Jehovha, achitaura naKoreshi nenzira youprofita, anoti “kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsraeri, unokudana nezita rako.” (Isaya 45:3b) Zvakakodzera kuti mutongi wesimba renyika rechina munhoroondo yeBhaibheri azive kuti rukundo rwake rukuru runouya nemhaka yokutsigira kwomumwe ari mukuru kumupfuura—Jehovha, Changamire Wezvakasikwa Zvose. Koreshi anofanira kubvuma kuti anomudana, kana kuti anomupa basa, ndiJehovha, Mwari waIsraeri. Zviri muBhaibheri zvinoratidza kuti Koreshi zvechokwadi akabvuma kuti rukundo rwake rukuru rwakabva kuna Jehovha.—Ezra 1:2, 3.
-