RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Ngatigadzirisei Zvinhu”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 1, 2. Jehovha anofananidza vatongi nevanhu veJerusarema uye Judha naani, uye nei izvi zviri zvechokwadi?

      VAGARI veJerusarema vanganzwa vachida kuzvipembedza pashure pokunzwa kutukwa kwakanyorwa pana Isaya 1:1-9. Pasina mubvunzo vangada kunongedzera vachidada zvibayiro zvose zvavanopa kuna Jehovha. Zvisinei, Isa 1 ndima 10 kusvika ku15 dzinopa mhinduro yaJehovha inosvavisa kufunga kwakadaro. Inotanga ichiti: “Inzwai shoko raJehovha, imi vabati veSodhoma; teererai murayiro waMwari wedu, imi vanhu veGomora.”—Isaya 1:10.

      2 Sodhoma neGomora zvakaparadzwa kwete bedzi nemhaka younzenza hwazvo asiwo nemhaka yemwoyo mikukutu, nokuzvikudza. (Genesi 18:20, 21; 19:4, 5, 23-25; Ezekieri 16:49, 50) Vateereri vaIsaya vanofanira kushamisika kunzwa vachienzaniswa nevanhu vemaguta iwayo akatukwa.a Asi Jehovha anoona vanhu vake sezvavari chaizvo, uye Isaya haapomhodzi shoko raMwari kuti a‘fadze nzeve dzavo.’—2 Timoti 4:3.

  • “Ngatigadzirisei Zvinhu”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • a Maererano netsika dzekare dzechiJudha, Mambo akaipa Manase akaurayisa Isaya, achiita zvokuchekwa napakati. (Enzanisa naVaHebheru 11:37.) Mamwe mashoko anoti kuti pave nechirango chorufu ichi, mumwe muprofita wenhema akapomera Isaya nhema idzi dzokuti: “Adana Jerusarema kuti Sodhoma, uye machinda aJudha neJerusarema avati vanhu veGomora.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe