RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zvikomborero Zvinobva Mumashoko Akanaka
    Nharireyomurindi—2002 | January 1
    • Zvikomborero Zvinobva Mumashoko Akanaka

      “Jehovha wakandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; wakandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, . . . kuti ndinyaradze vose vanochema.”—ISAYA 61:1, 2.

      1, 2. (a) Jesu akazivisa kuti iye aiva ani, uye sei? (b) Mashoko akanaka akaziviswa naJesu akaunza zvikomboreroi?

      RIMWE zuva reSabata kumavambo kwoushumiri hwake, Jesu akanga ari musinagoge muNazareta. Zvakanyorwa zvinoti, “akagamuchidzwa mupumburu womuprofita Isaya, uye akazarura mupumburu akawana pakanga pakanyorwa kuti: ‘Mudzimu waJehovha uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka.’” Jesu akapfuurira kuverenga zvimwe zviri mundima yacho youprofita. Apedza akagara pasi akati: “Nhasi rugwaro urwu rwamuchangobva kunzwa rwazadzika.”—Ruka 4:16-21.

      2 Nenzira iyi, Jesu akazivisa kuti iye pachake ndiye muparidzi weevhangeri akaprofitwa nezvake, mutauri wemashoko akanaka uye munyaradzi. (Mateu 4:23) Uye zvaifanira kutaurwa naJesu aiva mashoko akanaka zvechokwadi! Akataurira vakanga vakamuteerera kuti: “Ndini chiedza chenyika. Anonditevera haazombofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.” (Johani 8:12) Akatiwo: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, muri vadzidzi vangu chaivo, uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Johani 8:31, 32) Hungu, Jesu aiva ne“mashoko oupenyu husingaperi.” (Johani 6:68, 69) Chiedza, upenyu, rusununguko—zvechokwadi izvi zvikomborero zvinofanira kukosheswa!

      3. Vadzidzi vaJesu vakaparidza mashokoi akanaka?

      3 Pashure pePendekosti ya33 C.E., vadzidzi vakapfuurira nebasa raJesu rokuparidza evhangeri. Vakaparidza “mashoko akanaka oumambo” kuvaIsraeri nokuvanhu vemarudzi. (Mateu 24:14; Mabasa 15:7; VaRoma 1:16) Vaya vakaabvuma vakasvika pakuziva Jehovha Mwari. Vakasunungurwa kubva pakuva varanda vezvitendero vakava nhengo dzorudzi rwomudzimu, “Israeri waMwari,” ane nhengo dzine tarisiro yokutonga nokusingaperi mudenga naIshe wavo, Jesu Kristu. (VaGaratiya 5:1; 6:16; VaEfeso 3:5-7; VaKorose 1:4, 5; Zvakazarurwa 22:5) Zvechokwadi izvozvo zvaiva zvikomborero zvinokosha kwazvo!

      Kuparidza Evhangeri Nhasi

      4. Basa rokuparidza mashoko akanaka riri kuitwa munzira ipi nhasi?

      4 Nhasi, vaKristu vakazodzwa, vachitsigirwa ne“boka guru” re“mamwe makwai,” vanoenderera mberi kuita basa rakaprofitwa nezvaro rakanga ratanga kupiwa kuna Jesu. (Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16) Nokudaro mashoko akanaka ari kuparidzwa zvisati zvamboonekwa. Munyika uye ndima 235, Zvapupu zvaJehovha zvakabuda ‘kunoparidzira vanyoro mashoko akanaka; kunorapa vane mwoyo yakaputsika, kunoparidzira vakatapwa kusunungurwa, nokune vakasungwa kuti vachazarurirwa; kunoparidza gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu; kunonyaradza vose vanochema.’ (Isaya 61:1, 2) Nokudaro, basa rechiKristu rokuparidza evhangeri rinoramba richiunza zvikomborero kune vakawanda uye nyaradzo yechokwadi kune vaya “vari pakutambudzika kworudzi rupi norupi.”—2 VaKorinde 1:3, 4.

  • Zvikomborero Zvinobva Mumashoko Akanaka
    Nharireyomurindi—2002 | January 1
    • 6. Mashokoi akanaka ari kuparidzwa nhasi?

      6 Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza mashoko akanakisisa anobvira kuparidza. Zvinozarura maBhaibheri azvo zvoratidza vanoda kuti Jesu akabayira upenyu hwake kuti ape vanhu nzira yokutaura nayo naMwari, vakanganwirwe zvivi, uye vave netariro youpenyu husingaperi. (Johani 3:16; 2 VaKorinde 5:18, 19) Zvinozivisa kuti Umambo hwaMwari hwakagadzwa kudenga pasi paMambo akazodzwa, Jesu Kristu, uye kuti nokukurumidza huchabvisa uipi panyika hwotarisira kudzorerwa kweParadhiso. (Zvakazarurwa 11:15; 21:3, 4) Mukuzadzika kwouprofita hwaIsaya, zvinozivisa vavakidzani vazvo kuti iye zvino rava “gore rengoni dzaJehovha” apo vanhu vachiri kukwanisa kugamuchira mashoko akanaka. Zvinonyeverawo kuti nokukurumidza pachauya “zuva rokutsiva raMwari wedu” apo Jehovha achagumisa vaiti vezvakaipa vasingapfidzi.—Pisarema 37:9-11.

  • Zvikomborero Zvinobva Mumashoko Akanaka
    Nharireyomurindi—2002 | January 1
    • ‘Nyaradza Vose Vanochema’

      13. Mugore ra2001, zviitikoi zvakaita kuti vanochema vari kwakawanda-wanda vade kunyaradzwa?

      13 Mugore ra2001 maivawo nenjodzi dzaiitika, zvikaita kuti pave nevanhu vakawanda vaida kunyaradzwa. Muenzaniso mukuru ndewokurwisa kwakaita magandanga World Trade Center muNew York nePentagon pedyo neWashington, D.C. kuUnited States muna September apfuura. Nyika yacho yose yakavhundutswa nokurwisa ikoko! Zvichitarira zviitiko zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha zviri kuedza kwazvo kuita basa razvo ‘rokunyaradza vose vanochema.’ Zviitiko zvishomanana zvicharatidza kuti zvinozviita sei.

      14, 15. Pazviitiko zviviri zvakasiyana Zvapupu zvakakwanisa sei kushandisa magwaro zvinobudirira kunyaradza vanochema?

      14 Chimwe Chapupu chinoparidza evhangeri nguva yakazara chakataura nomumwe mukadzi munofambirwa nevetsoka ndokumubvunza kuti aifungei nokurwisa kwakanga kuchangobva kuitwa nemagandanga. Mukadzi wacho akatanga kusvimha misodzi. Akati ainzwa urombo uye chido chake chaiva chokuti kudai aigona kubatsira neimwe nzira. Chapupu chacho chakamutaurira kuti Mwari anotifarira tose zvikuru, uye chakamuverengera Isaya 61:1, 2. Mashoko aya akafuridzirwa naMwari akava nomusoro kumukadzi uyu uyo akataura kuti munhu wose aichema. Akagamuchira turakiti akakumbira Chapupu chacho kumushanyira kumba kwake.

      15 Zvimwe Zvapupu zviviri zvaiva mubasa rokuparidza evhangeri zvakasangana nomumwe murume akanga ari kushanda muimba yake yokuchengetera zvinhu. Zvakati zvaida kumuratidza mashoko enyaradzo anobva muMagwaro maererano nenjodzi yakanga ichangobva kuitika paWorld Trade Center. Abvuma, vakaverenga 2 VaKorinde 1:3-7, inosanganisira mashoko anoti: “Kunyaradzwa . . . kunowanda nokuda kwaKristu.” Murume wacho akafara kuti vavakidzani vake, Zvapupu, vakanga vari kugoverana nevamwe chimwe chinhu chinonyaradza, ndokuti: “Mwari ngaakomborere basa rakanaka kwazvo ramuri kuita.”

      16, 17. Zviitiko zvipi zviviri zvinoratidza simba reBhaibheri rokubatsira vanhu vakaora mwoyo kana kuvhiringidzwa nenjodzi?

      16 Chimwe Chapupu chakanga chichidzokera kuvanhu vanofarira chakasangana nomwanakomana womumwe mukadzi akanga amboratidza kufarira chikatsanangura kuti chakanga chichinetseka kuti vavakidzani vacho vakanga vari kuita sei pashure penjodzi yakanga ichangobva kuitika. Murume wacho akashamiswa kuti Chapupu chacho chakanga chashandisa nguva yacho kuti chione kuti vanhu vari sei. Akati akanga achishandira pedyo nepaWorld Trade Center pakaitika njodzi yacho uye akaona zvose nemaziso ake zvichitoitika. Paakabvunza kuti nei Mwari achibvumira kutambura, Chapupu chacho chakaverenga ndima dzinobva muBhaibheri, kusanganisira Pisarema 37:39, iro rinoti: “Kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika.” Murume wacho akabvunza nomutsa kuti Chapupu chacho nemhuri yacho vakanga vari sei, akachikoka kuti chizodzoka, ndokuonga nomwoyo wose kushanya kwachakanga chaita.

      17 Mumwe wezviuru zvevanochema zvakanyaradzwa neZvapupu zvaJehovha mumazuva akatevera kurwisa kwemagandanga, mudzimai akasangana neZvapupu pazvaishanyira vavakidzani vazvo. Akanga akagumbuka kwazvo nezvakanga zvaitika uye akateerera sezvazvaiverenga Pisarema 72:12-14 rinoti: “Ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakunamikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.” Zvechokwadi mashoko iwayo akanga akanaka kwazvo! Mukadzi wacho akakumbira Zvapupu zvacho kuverenga zvakare ndima idzodzo ndokuzvikumbira kuti zviuye kumba kwake kuzoenderera mberi nekurukurirano yacho. Pakazopera kurukurirano yacho, chidzidzo cheBhaibheri chakanga chatotangwa.

      18. Chimwe Chapupu chakabatsira sei vavakidzani vacho pachakakumbirwa kunyengetera?

      18 Chimwe Chapupu chinoshanda muresitorendi munharaunda yakati simukirei umo vanhu vakanga vasinganyanyi kufarira mashoko akanaka oUmambo. Pashure pokurwisa kwemagandanga, nharaunda yacho yakaratidza kuvhunduka. Chishanu manheru pashure pokurwisa kwacho, maneja weresitorendi yacho akakumbira vanhu vose kubuda panze vobata makenduru mumaoko, vachirangarira kwenguva pfupi vanyerere vanhu vakanga vafa. Chichiremekedza manzwiro avo, Chapupu chacho chakabuda ndokumira chinyerere munofambirwa nevetsoka. Maneja wacho aiziva kuti chaiva mushumiri weZvapupu zvaJehovha, saka nguva yokurangarira yapfuura, akachikumbira kuti chimiririre vanhu vose mumunyengetero. Chapupu chacho chakabvuma. Mumunyengetero wacho, chakataura nezvokuchema kwaiita vanhu vose asi ndokuti vachemi vacho vaisafanira kuchema vasina tariro. Chakataura nezvenguva apo zviitiko zvinotyisa zvakadaro zvisingazoitikizve ndokuti vose vaigona kuswedera pedyo naMwari wenyaradzo kuburikidza nezivo yakarurama inobva muBhaibheri. Pashure pokuti “Ameni,” maneja wacho—achiteverwa nevanhu vanopfuura 60 vaiva panze peresitorendi yacho—akaenda paiva neChapupu chacho, akachionga, ndokuchimbundira, achitaura kuti munyengetero wacho wakanga uriwo wakanakisisa waakanga ati ambonzwa.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe