-
Nyaradzwa Nemashoko Ari Mubhuku raIsayaNharireyomurindi (Yekudzidza)—2026 | July
-
-
14. Unonzwa sei paunofunga nezvevimbiso yekuti vakafa vachamutswa? (Isaya 26:19) (Onawo mufananidzo.)
14 Verenga Isaya 26:19. Jehovha haasi kuzongogumira pakubvisa rufu chete, asi achatomutsawo hama neshamwari dzedu dzakafa. Achitaura nezvevanhu ivavo vakafa, Jehovha anoti: “Zvitunha zvangu zvichamuka.” Izvi zvinoratidza kuti Jehovha anovaona sevanhu vake uye achiri kuvayeuka. Panguva yake yakakodzera, achavamutsa. Kungofanana nedova remangwanani iro rinoita kuti zvinhu zvinomera zvinenge zvasvava zvimuke, Jehovha, Mwari anopa upenyu, achamutsa hama neshamwari dzedu dzakarara murufu. Tichafara zvisingaiti patichaonana nadzo.—Enzanisa naMako 5:42.
Vimbiso yekuti tichaonana zvakare nehama neshamwari dzedu dzakafa ichatozadziswa (Ona ndima 14)
15. Vimbiso yekuti vakafa vachamutswa inotibatsira sei patinofirwa?
15 Kunyange zvazvo tichiziva kuti Mwari anovimbisa kuti achamutsa vakafa, patinofirwa tinongorwadziwa. Asi tinoziva kuti Jehovha haana kukanganwa hama neshamwari dzedu dzakafa. Saka izvozvo zvinotinyaradza chaizvo. Izvozvo ndizvo zvakanyaradza Michael, watambotaura nezvake. Akati: “Isaya 26:19 yakandibatsira kunzwisisa kuti Jehovha anoda chaizvo vabereki vangu. Achiri kuvayeuka uye acharamba achivayeuka kusvikira paachavamutsa panguva yake yakakodzera. Izvozvo zvinondinyaradza uye zvinondisimbisa.” Dai isuwo tikanyaradzwa nevimbiso yekuti tichaonana nehama neshamwari dzedu dzakafa. Izvozvo zvinogona kutinyaradza paya patinenge tichirwadziwa.
-