-
‘Ndakatanga Kuona Zviratidzo zvaMwari’Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena!
-
-
9. Mashandiro anoita Jehovha nezvisikwa zvake zvekudenga anoenderana sei netsanangudzo yezvakaita chifambiso?
9 Mashandiro anoita Jehovha nezvisikwa zvake zvekudenga. Cherechedza kuti muchiratidzo ichi, chigaro chaJehovha cheumambo chiri pamusoro pemakerubhi. Mune dzimwe ndima muShoko raMwari, Jehovha anonziwo akagara pachigaro cheumambo pamusoro pemakerubhi kana kuti pakati pemakerubhi. (Verenga 2 Madzimambo 19:15; Eks. 25:22; Pis. 80:1) Izvi hazvirevi hazvo kuti Jehovha anotogara pamusoro pemakerubhi ake, sekunge kuti anotofanira kutakurwa nezvisikwa izvozvo zvemweya zvine simba kana kutakurwa nengoro chaiyo. Chiripo ndechekuti makerubhi anotsigira uchangamire hwake, uye anogona kuatuma chero kwaanoda kuti anoita kuda kwake. Kungofanana nedzimwe ngirozi dzese dzaMwari, makerubhi anoita zvinenge zvasarudzwa naJehovha, achimushumira kana kumumiririra. (Pis. 104:4) Saka Jehovha anoita seakagara pamusoro pemakerubhi ese, achiaita kuti aende kwaanoda semutongi wawo, sekunge kuti ese zvawo anoumba chifambiso chake chimwe chete
-
-
‘Ndakatanga Kuona Zviratidzo zvaMwari’Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena!
-
-
23. Ezekieri anoshandisa mashoko akaita sei kuti aedze kutsanangura zvakaita Jehovha uye nei achidaro?
23 Verenga Ezekieri 1:26-28. Paanorondedzera zvaakaona muchiratidzo ichi, Ezekieri anowanzoshandisa mashoko akadai seekuti “akaita se-,” “chakaita se-,” “chakafanana ne-,” uye “chinhu chaiita se-.” Asi mumavhesi aya, mashandisiro aanoita mashoko aya anotowedzera. Anoita seari kutsvaga mashoko ekurondedzera zvinhu zvaari kuona nekuti zviri kumuomera kuzvitsanangura. Akaona “chinhu chakaita sedombo resafaya, uye chakanga chakafanana nechigaro cheumambo.” Fungidzira zidombo rebhuruu resafaya rakavezwa kuti rive chigaro cheumambo. Uye pachigaro chacho pane akanga akagarapo, “akaita semunhu.”
Ezekieri aitoita zvekutsvaga mashoko ekutsanangura zvinhu zvaaiona
-