-
“Muchava Vapenyu”Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena!
-
-
4. Ndezvipi zvakanyanya kucherechedzwa pamapfupa akaonekwa naEzekieri?
4 Verenga Ezekieri 37:1-10. Muchiratidzo chaaiona, Ezekieri akaiswa mubani makazara mapfupa. Sekunge kuti aida kuti chiratidzo chacho chinyatsova nesimba mupfungwa dzaEzekieri, Jehovha akamuti ‘afambe achiona kwese kwaiva nemapfupa’ akanga akati kata kata. Paaifamba mubani umu, Ezekieri akacherechedza zvinhu zviviri zvainyanya kuoneka pamapfupa aya: mawandiro aakanga akaita uye zvaakanga akaita. Akati, “akanga akawanda chaizvo” uye “akanga akaoma chaizvo.”
-
-
“Muchava Vapenyu”Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena!
-
-
8. (a) Zvakamboitika sei kuti “imba yaIsraeri yese” iite seyafa? (b) Ezekieri 37:9 inoratidza kuti chii chakakonzera kufa kwaIsraeri kwekufananidzira? (Ona mashoko emuzasi.)
8 VaIsraeri vakanga vaona sei kuzadziswa kwechikamu chisingafadzi chechiratidzo ichi cheuprofita? Kufa kwekufananidzira kwevaIsraeri kwakanga kwatotanga kare muna 740 B.C.E. pakaparara umambo hwemadzinza gumi achiendeswa kuutapwa. Pashure pemakore angasvika 130, pakazotapwawo vanhu veJudha, “imba yaIsraeri yese” yakanga yava muutapwa. (Ezek. 37:11) Vese vakanga vaita sevasisina upenyu semapfupa emuchiratidzo chaEzekieri.a Yeukawo kuti Ezekieri haana kungoona mapfupawo zvawo asi kuti mapfupa “akaoma chaizvo,” izvo zvinoreva kuti vakanga vava nenguva vakaita sevakafa. Uye zvechokwadiwo, tikabatanidza nguva yakaita vanhu veIsraeri neveJudha vari kuutapwa, inosvika makore anopfuura 200, kubva muna 740 kusvika muna 537 B.C.E.—Jer. 50:33.
9. Zvii zvakaitika kurudzi rwevaIsraeri zvakaitikawo kuna “Israeri waMwari”?
9 Uprofita hwekudzorerwa kwevaIsraeri kunyika kwavo, hwakadai sehwakataurwa naEzekieri, hune kumwe kuzadziswa kukuru. (Mab. 3:21) Sezvakangoitikawo kurudzi rwevaIsraeri, urwo rwakaita serwaurayiwa rukaramba rwakadaro kwenguva yakareba, ungano yevaKristu vakazodzwa, iyo inonzi “Israeri waMwari,” yakaitawo seyaurayiwa ikagara muutapwa hwakaita serufu kwenguva yakareba. (VaG. 6:16) Utapwa hweungano yese yevaKristu vakazodzwa hwakatora nguva yakareba zvekuti yaigona kufananidzwa nemapfupa “akaoma chaizvo.” (Ezek. 37:2) Sezvakatsanangurwa muchitsauko chapfuura, utapwa hwevaKristu vakazodzwa hwakatanga pashure pegore ra100 C.E. uye hwakagara kwemazana emakore, sezvakanga zvaratidzwa naJesu mumufananidzo wake wegorosi nemasora.—Mat. 13:24-30.
Mapfupa “akaoma kwazvo” akaonekwa naEzekieri muchiratidzo aimiririra nguva yakareba yakaitwa nevaKristu vakazodzwa vari muutapwa vachiita sevakafa (Ona ndima 8, 9)
-