38 VAHEBHERU VATATU
“Vakashayisa Moto Simba”
HANANIYA, Mishaeri naAzariya vakangoerekana vasangana nemuedzo, uye panguva iyi vanogona kunge vakashuva kuti dai shamwari yavo Dhanieri akanga aripowo. Dhanieri aiva shamwari yavo yepedyo uye aiva nekutenda kwakasimba chaizvo. Asi musi uyu Dhanieri akanga asipo kuti atsigirane neshamwari dzake nhatu idzo dzakanga dzava nemazita echiBhabhironi ekuti Shadreki, Misheki uye Abhedhinego.
Dambudziko racho rakatanga Nebhukadhinezari paakaita kuti vashandi vake vavake chifananidzo chihombe. Chifananidzo chacho chainge chakareba mamita anenge 27 uye nechepasi chainge chakafara mamita anenge 3. Mambo akaronga mutambo mukuru wekukumikidza chifananidzo chacho, uye akarayira kuti vashandi vese vemuhurumende yake vange varipo. Varume vatatu ava vechiHebheru vaitofanira kuvapowo pamutambo wacho vachiratidza kuti vari kuteerera murayiro waMambo.
Vanhu vacho pavakanga vaungana vakanyarara kuti zii, muranda waMambo akabva avaudza zvaizoitika. Paizotanga nekurira mumhanzi, zvichida mumhanzi wacho waizoita kuti vanhu vanzwe manyukunyuku ekuda kuita zvaizotevera. Zvadaro, munhu wese aivapo aifanira “kuwira pasi onamata chifananidzo chacho.” Saka vaHebheru ava vatatu vaizoita sei? Vagara vaitoziva nezvemutemo waJehovha wairambidza kunamata zvidhori.—Eks. 20:4, 5.
Vakamanikidzwa kuti vanamate chifananidzo vari pamberi pemhomho yevanhu vachinzi vakasachipfugamira vaizourayiwa
Mumhanzi wakabva watanga kurira. Uye vanhu vese vakabva vangopfugama, vakatanga kunamata chifananidzo chacho. Asi vaHebheru ava vakaramba vakamira; uye vanhu vese vanofanira kunge vakazviona. Vamwe vaKadheya vakabva vatora mukana wacho kuti vapomere vakomana ava vechiJudha. Vakaudza Nebhukadhinezari kuti: “Varume ava havana kukuremekedzai, imi mambo. Havasi kushumira vanamwari venyu, uye vari kuramba kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.” Mambo akatsamwa ndokubva aita kuti vaHebheru vatatu ava vaunzwe kwaari kuti anzwe kuti zvavaipomerwa zvaiva zvechokwadi here. Vasati vatombopindura, akatanga nekuvatyisidzira. Akavataurira kuti vaizopiwa mumwe mukana wekunamata chidhori chacho, asi kana vakasadaro, vaibva ‘vangokandwa muchoto chemoto unopisa kwazvo.’ Akatotaurawo kuti hapana mwari aizokwanisa kuvanunura.
Asi vese vari vatatu vakasarudza kuramba vakatendeka kuna Jehovha. Vakaudza mambo kuti kana vakakandwa mumoto, ‘Mwari wavainamata aiva nesimba rekuvanunura mumoto wacho.’ Vakaenderera mberi vachiti: “Asi kunyange kana akarega kutinunura, imi mambo zivai kuti hatisi kuzoshumira vanamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.” Nebhukadhinezari akaita seachaputika nehasha. Akaita kuti moto wacho ukuchidzirwe kuti upise kupfuura zvawaisimboita uye kuti vaHebheru vacho vatatu vasungwe vokandirwa mumoto wacho. Moto wacho waipisa chaizvo zvekuti wakabva wauraya varume vakaenda kunokanda vaHebheru vatatu ava mumoto!
Asi Nebhukadhinezari akavhundutswa nezvaakaona. Akaona mumoto macho mava nevanhu 4, kwete 3 vavakanga vakanda. Vaitofamba-famba havo mumoto vachiratidza kuti vakanga vasina kana kutombotsva! Mambo akashevedzera kuti wechi4 wacho “akaita semwanakomana wavanamwari.” Nebhukadhinezari akabva aswedera pedyo nechoto chacho ndokubva ashevedzera kuti varume vacho vabude mumoto.
Chimbofungidzira kushamisika kwakaita vanhu pavakaona varume vacho vatatu vachibuda mumoto vachiratidza kuti vakanga vasina kana kutombotsva, hembe dzavo dzakanga dzisina kumbotsva, uye vakanga vasiri kutombonhuwa utsi. Asi vakanga vasisina kusungwa. Kunyange mambo Nebhukadhinezari chaiye akapedzwa simba nazvo. Akarumbidza vaHebheru vatatu ava nekuti vakanga vasarudza kuteerera Mwari wavo. Akataura nezvavo achiti, “Vavimba naMwari wavo uye varamba kuteerera murayiro waMambo. Vazvipira kufa pane kushumira kana kunamata mumwe mwari kunze kwaMwari wavo.”
Mambo uyu aidada akarayira kuti munhu wese aiva muumambo hwake aizotaura zvakaipa nezvaJehovha aifanira kufa. Uye akabva akwidziridza vaHebheru vatatu ava muhurumende yeBhabhironi. Asi Jehovha akatoita zvinopfuura zvavakanga vaitirwa naNebhukadhinezari. Haana kuzombokanganwa kutenda kwavakaratidza. Papera mazana emakore, muapostora Pauro akafemerwa kunyora nezvevanhu “vakashayisa moto simba,” nemhaka yekutenda kwavo. Paakataura mashoko iwayo anofanira kunge aifunga nezveushingi hwakaratidzwa naHananiya, Mishaeri naAzariya.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Hananiya, Mishaeri, naAzariya vakaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Zvakawanikwa nevanochera matongo zvinotsigira sei zvinotaurwa muna Dhanieri chitsauko 3? (w23.07 31) Ona mufananidzo A
© The Trustees of the British Museum. Licensed under CC BY-NC-SA 4.0. Source. Modifications: Box added
Mufananidzo A: Chidhinha chakapiswa mumoto chine zita raNebhukadhinezari
2. Mazita echiBhabhironi akapiwa vaHebheru vatatu angangodaro airevei? (dp 36 ¶14-wcgr)
3. Chii chinoratidza kuti Nebhukadhinezari akanga akadzika midzi munyaya dzechitendero? (dp 69 ¶3-wcgr) Ona mufananidzo B
Mufananidzo B: Nebhukadhinezari akavaka uye akagadziridza temberi dzavanamwari vakawanda vevaBhabhironi
4. Nei “vanhu vemarudzi nemitauro yakasiyana-siyana,” avo vanogona kunge vaitova navanamwari vavo vakabvuma kunamata chifananidzo chaNebhukadhinezari? (Dhan. 3:7; dp 73 ¶10-wcgr)
Zvidzidzo Zvatinowana
VaHebheru vatatu vakaramba vakavimbika kuna Jehovha panyaya yezvekudya zvaisabvumirwa neMutemo. Pave paya vakaramba vakavimbika upenyu hwavo pahwakanga hwava pangozi. Izvi zvinotidzidzisei nezvekuramba takavimbika pazvinhu zvingaita sezvidiki? (Ruka 16:10) Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
Patinenge tichitambudzwa tingatevedzera sei zvakaitwa nevaHebheru ava panyaya: (Dhan. 3:16-18)
Yekuzvininipisa?
Yekuva munhu munyoro?
Yekuvimbika?
Ungatevedzera sei ushingi hwaiva nevaHebheru vatatu ava?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Hananiya, Mishaeri, naAzariya pavachamutswa?
Dzidza Zvimwe
MuKristu angaratidza sei zvine ruremekedzo kuti haana divi raanotsigira paanenge ari pachiitiko chine vanhu vanenge vachitarisirwa kuratidza kuti vanoda nyika yavo uye vanoitsigira?
Ramba Usina Divi Raunotsigira Uri Panoungana Vanhu Vakawanda (4:25)
Ona zvimwe zvaunogona kudzidza nekufungidzira uri mumwe wevaHebheru vatatu.
“Kununurwa Mumoto!” (Nyaya dziri pajw.org pakanzi “Nyaya dzemuBhaibheri Dzekudzidza”-wcgr)