-
Bhuku reBhaibheri Nhamba 33—Mika“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
-
-
14. (a) Chikamu chechi3 chebhuku raMika chinovamba nokushandiswa kwomuenzanisoi? (b) Vanhu vaIsraeri vakakundikana kusvitsa zvinodikanwai zvaJehovha?
14 Chikamu 3 (6:1–7:20). Chiono chedare chinoshamisa zvino chinoratidzwa mukurukurirano. Jehovha ane “mhaka” naIsraeri, uye anodana zvikomo zvimene namakomo sezvapupu. (6:1, NW) Anodenha Israeri kuti apupurire mukurwisa naye, uye anorondedzera mabasa ake akarurama nokuda kwavo. Jehovha anodei kumunhu wapasi? Kwete zvibayiro zvakawanda zvemhuka, asi, panzvimbo pezvo, “kuti [a]ite zvakarurama, [a]de unyoro, uye [a]fambe [a]chizvininipisa pamberi paMwari” wake. (6:8) Izvozvi ndizvo chaizvo zvinoshayikwa muna Israeri. Panzvimbo pokururamisira nomutsa pane “zviyero zvakashata,” masimba masimba, nhema, uye kunyengera. (6:11) Panzvimbo pokufamba nenzira yokuzvininipisa naMwari, vari kufamba mumazano akaipa nokunamata zvidhori zvaOmri naAhabhi, vaitonga muSamaria.
-
-
Bhuku reBhaibheri Nhamba 33—Mika“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
-
-
16. (a) Uporofita hwaMika hwakabvumikisa sei kuva hunobetsera muzuva raHezekia? (b) Rine mirayiridzoi ine simba nokuda kweiri zuva razvino?
16 Anenge makore 2 700 akapfuura, kuporofita kwaMika kwakabvumikisa kuva ‘kunobetsera [zvikurusa] nokuda kwokutsiura,’ nokuti Mambo Hezekia waJudha akagamuchira shoko rake uye akatungamirira rudzi kurupfidzo nokuchinja kworudzidziso. (Mika 3:9-12; Jer. 26:18, 19; enzanisa na2 Madzimambo l8:1-4.) Nhasi uhu uporofita hwakafuridzirwa hunotobetsera zvikuru. Inzwai, mose munoti muri vanamati vaMwari, nyevero dzakajeka dzaMika parudzidziso rwenhema, kunamata zvidhori, kureva nhema, uye masimba masimba! (Mika 1:2; 3:1; 6:1) Pauro anosimbisa idzi nyevero pana 1 VaKorinte 6:9-11, apo anotaura kuti vaKristu vechokwadi vakacheneswa uye kuti hakuna munhu anoita miitiro yakadaro achagara nhaka Umambo hwaMwari. Nenzira yakapfava neyakajeka, Mika 6:8 inotsanangura kuti chinodikanwa chaJehovha ndechokuti munhu afambe Naye mururamisiro, mutsa, uye kuzvininipisa.
-