RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zuva raJehovha Rokutonga Rava Pedyo!
    Nharireyomurindi—2001 | February 15
    • 6-8. Chii chakafanotaurwa pana Zefania 1:4-6, uye uprofita ihwohwo hwakazadzika sei munyika yeJudha yekare?

      6 Ichifanotaura nezvezvichaitwa naMwari mukurwisa vanamati venhema, Zefania 1:4-6 inoti: “Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuna Judha, nokuna vose vagere Jerusarema; ndichabvisa vakasara vaBhaari panzvimbo ino, nezita ravaKemarimi pamwe chete navapristi; navanonamata hondo dzokudenga pamatenga edzimba, navanamati, vanopika naJehovha vachipikawo naMarkami; navakadzoka pakutevera Jehovha, navasina kutsvaka Jehovha kana kumubvunza.”

  • Zuva raJehovha Rokutonga Rava Pedyo!
    Nharireyomurindi—2001 | February 15
    • 8 Mwari aizoparadzawo vaya “vanonamata hondo dzokudenga,” sezviri pachena vachiongorora nyeredzi nokunamata zuva. (2 Madzimambo 23:11; Jeremia 19:13; 32:29) Kutsamwa kwaMwari kwaizoratidzwa kune vaya vaizoedza kusanganisa kunamata kwechokwadi nechitendero chenhema no‘kupika naJehovha uye naMarkami.’ Markami ringangova rimwe zita raMoreki, mwari mukuru wevaAmoni. Kunamatwa kwaMoreki kwaisanganisira kubayirwa kwevana.—1 Madzimambo 11:5; Jeremia 32:35.

      Kuguma kwechiKristudhomu Kwava Pedyo!

      9. (a) ChiKristudhomu chine mhosva yei? (b) Kusiyana nevasina kutendeka vokuJudha, tinofanira kutsunga kuitei?

      9 Izvozvi zvose zvinotiyeuchidza nezvechiKristudhomu, chakanyura mukunamata kwenhema nokuongorora nyeredzi. Uye zvachiri kuita mukubayirwa kwoupenyu hwemamiriyoni paatari yehondo dzinotsigirwa nevafundisi zvinosemesa zvechokwadi! Ngatisambove sevasina kutendeka vokuJudha, “vakadzoka pakutevera Jehovha,” vachiva vasina hanya uye vasingamutsvaki kana kutsvaka kutungamirira kwake. Asi, ngatirambei takatendeka kuna Mwari.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe