-
Vose Ngavarumbidze Jehovha!Nharireyomurindi—1997 | January 1
-
-
11. Mwari akazadza sei tembere yechipiri ne‘mbiri huru zvikuru’?
11 Chipikirwa chinoshamisa ipapo chakazadzikwa: “Zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” (Hagai 2:7) “Zvinodikanwa” izvozvo zvakabvumikisa kuva vaisava vaIsraeri avo vakauya kuzonamatira patembere iyoyo, sezvayakaratidzira mbiri yekuvapo kwake kwakaisvonaka. Tembere iyi yakavakwazve yakaenzana sei neiya yakavakwa muzuva raSoromoni? Muporofita waMwari akazivisa kuti: “Kubwinya kwokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kwokutanga—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; panzvimbo ino ndichapa rugare—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” (Hagai 2:9) Mukuzadzikwa kwokutanga kweuporofita hwacho, tembere yakavakwazve yakagara nguva refu kupfuura imba yokutanga. Yakanga ichiripo apo Mesiya akaonekwa muna 29 C.E. Uyezve, vavengi vake vakaramba kutenda vasati vamupondesa muna 33 C.E., Mesiya amene akaiunzira mbiri apo akaparidza chokwadi imomo.
-
-
Vose Ngavarumbidze Jehovha!Nharireyomurindi—1997 | January 1
-
-
19. Tingagoverana sei mukuzadzikwa kwaHagai 2:6, 7?
19 Ropafadzo yedu yokugoverana mukuzadzikwa kwomuzuva razvino uno kwaHagai 2:6, 7 inofadza: “Zvanzi naJehovha wehondo: Kamwe chete, kwasara chinguva chiduku, ndichazunungusa denga rose, nenyika negungwa, nenyika yakawoma; ndichazunungusa ndudzi dzose; zvose zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” Makaro, ushati, uye ruvengo zviri kupararira munyika ino yose yezana ramakore rechi20. Zvirokwazvo iri mumazuva ayo okupedzisira, uye Jehovha akatovamba kui“zunungusa” kupfurikidza nokuita kuti Zvapupu zvake ‘zvizivise zuva rake ramatsive.’ (Isaya 61:2) Uku kuzununguswa kwokutanga kuchaguma nekuparadzwa kwenyika paArmagedhoni, asi nguva iyoyo isati yasvika, Jehovha ari kuunganidza nokuda kwebasa rake “zvinodikanwa nendudzi dzose”—vanhu vanyoro, vakafanana namakwai vapasi. (Johane 6:44) Ava “vazhinjizhinji” zvino ‘vanoita basa rinoyera’ muvazhe yapasi yeimba yake yokunamatira.—Zvakazarurwa 7:9, 15.
-