RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Ngatibviseiwo Chinorema Chiri Chose”
    Nharireyomurindi—1991 | October 15
    • Magwaro anojekesa kuti Jehovha haana kuisa zvinodikanwa zvisina mufungo patiri. Muapostora Johane akataura kuti “mirairo [yaMwari] hairemi.” (1 Johane 5:3) Jesu nenzira yakafanana akaudza vateveri vake, kuti: “Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.” (Mateo 11:29, 30) Nenzira yakajeka hakusati kuri kuda kwaJehovha kuti tinzwe tanyanyoremedzwa kana kuti takaremerwa mubasa redu kwaari.

      Ipapoka, muKristu akatendeka angasvika sei pakurangarira mitoro yake yechiKristu somutwaro unorema? Sezvingabvira, zvinhu zvinoverengeka zvinobatanidzwa. Cherekedza aya mashoko omuapostora Pauro: “Ngatibviseiwo chinorema chiri chose . . . , uye ngatimhanyei netsungiriro nhangemutange yakaisirwa pamberi pedu.” (VaHebheru 12:1, NW) Mashoko aPauro anoratidzira kuti muKristu padzimwe nguva angaisa mitwaro isiri madikanwa paari amene. Ikoku hakusati kuchibatanidza hako zvivi zvakakomba. Asi muKristu angaita zvikanganiso muchisarudzo izvo zvinogona kuomesa zvakakomba upenyu hwake, zvichikuita kuti kumuomere kumhanya nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.

  • “Ngatibviseiwo Chinorema Chiri Chose”
    Nharireyomurindi—1991 | October 15
    • Jesu akataura kuti joko rake rakanga rakanaka uye mutwaro wake wakareruka asi usiri usingaremi. Joko iro Jesu akatikoka kutakura isu timene harisati riri joko rousimbe. Ijoko retsauriro yakakwana kuna Mwari somudzidzi waJesu Kristu. Naizvozvo, mwero wakati wokurema kana kuti dzvinyiriro unouya nokuva muKristu wapachokwadi. (Mateo 16:24-26; 19:16-29; Ruka 13:24) Sezvo migariro yenyika inoipa zvikuru, dzvinyiriro dzichawedzera. Zvisinei, tine chikonzero chokuva vakananga muchitarisiko chedu nemhaka yokuti kokero yaJesu inokarakadza kuti vamwe vangagona kupinda mujoko rake naye uye kuti aizovayamura.a Nokudaro, chero bedzi tichitevera nhungamiro yaKristu, mutwaro wedu ucharamba uchitakurika nemhaka yokuti iye achatibetsera.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe