RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ungawana Hama Yako
    Nharireyomurindi—1999 | October 15
    • 5, 6. Maererano nemashoko akapoteredza, Mateo 18:15 yakanga ichitaura nezvekutadza kwerudzii, uye chii chinoratidza izvozvo?

      5 Kutaura chaizvoizvo, zvakanyeverwa naJesu zvine chokuita nenhau dzakakura kupfuura idzi. Jesu akati: “Kana hama yako ikatadza.” Mupfungwa yakakura, ‘kutadza’ kunogona kuva chikanganiso chero chipi zvacho kana kuti kukundikana. (Jobho 2:10; Zvirevo 21:4; Jakobho 4:17) Zvisinei, mashoko akapoteredza anoratidza kuti kutadza kwaireva Jesu kunofanira kuva kwakanga kwakakura. Kwakanga kwakakura zvakakwana zvokuti kwaigona kuita kuti akakanganisa wacho aonekwe “somunhu wemamwe marudzi uye somuteresi.” Mashoko iwayo anorevei?

      6 Vadzidzi vaJesu vainzwa mashoko iwayo vaiziva kuti vanhu vomunyika mavo vaisazoshamwaridzana neVamamwe Marudzi. (Johane 4:9; 18:28; Mabasa 10:28) Uye vaisada zvachose kuonana nevateresi, varume vaiva vorudzi rwechiJudha asi vakava vanhu vanoshandisa vamwe zvisina kufanira. Nokudaro kutaura zvakananga, zvinotaurwa pana Mateo 18:15-17 kutadza kwakakura, kwete tumhosva twunoitwa nomunhu kana kuti kurwadziwa zvaunogona kungokanganwira ndokukanganwa.—Mateo 18:21, 22.a

  • Ungawana Hama Yako
    Nharireyomurindi—1999 | October 15
    • Kuedza Kwokupedzisira Kuti Umuwane

      16. Jesu akati danho rechitatu nderipi?

      16 Kana danho rechipiri ratadza kugadzirisa nhau yacho, vatariri veungano vanotobatanidzwa mudanho rechitatu. “Kana ikasateerera [mumwe kana vamwe vaviri vacho], taura kuungano. Kana ikasateerera kunyange ungano, ngaive kwauri somunhu wemamwe marudzi uye somuteresi.” Izvi zvinorevei?

      17, 18. (a) Muenzanisoi unotibatsira kunzwisisa zvinoreva ‘kutaura kuungano’? (b) Tinoshandisa sei danho iri nhasi?

      17 Hatinzwisisi izvi senhungamiro yokuti titaure chivi chacho kana kuti chikanganiso pamusangano wenguva dzose kana kuti chaiwo weungano yose. Tinogona kuziva nzira yokuita nayo yakafanira kubva muShoko raMwari. Ona zvaifanira kuitwa muIsraeri yekare munhau yokupandukira, nhafu, nokudhakwa: “Kana munhu ane mwanakomana wakasindimara usinganzwi, usingadi kuteerera inzwi rababa vake kana inzwi ramai vake, usinganzwi kana vachimuranga; baba vake namai vake vanofanira kumubata ndokuenda naye kuvakuru veguta rake, nokusuo renzvimbo yake, vagoti kuvakuru veguta rake: Mwanakomana wedu uyu wakasindimara, unotimukira, haadi kuteerera inzwi redu; unopedza pfuma, nokunwa doro. Zvino varume vose veguta vanofanira kumutaka namabwe.” (Tisu tatsveyamisa mabhii.)—Dheuteronomio 21:18-21.

      18 Kutadza kwomunhu wacho kwakanga kusingateererwi nokutongwa nerudzi rwose kunyange nevose vedzinza rake. Asi, “vakuru” vaizivikanwa ndivo vaibata nakwo sevamiririri veungano. (Enzanisa naDheuteronomio 19:16, 17 nezvenhau yakabatwa ne‘vapristi navatongi vaivapo mumazuva iwayo.’) Zvakangofananawo nhasi, kana danho rechitatu richifanira kutorwa, vakuru, vanomiririra ungano, vanobata nhau yacho. Vavariro yavo yakafanana, kuti vawane hama yechiKristu kana zvichiita. Vanoratidza izvi nokuva vanoruramisira, kwete kutonga nhau yacho vasina kumboigarira pasi kana kuti kuva vanosarura.

      19. Vakuru vakasarudzwa kunzwa nhau yacho vachaedza kuitei?

      19 Vachavavarira kuyera zvakaitika ndokunzwa zvapupu zvinodiwa kuti vazive kana kutadza kwakaitika zvechokwadi (kana kuti kuchiri kuitika). Vanoda kudzivirira ungano pakuora nokudzivisa mudzimu wenyika. (1 VaKorinte 2:12; 5:7) Maererano nekukwanisa kwavo zvinodiwa neMagwaro, vachaedza “kurayira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara.” (Tito 1:9) Tinovimba kuti akakanganisa wacho haazovi sevaIsraeri avo vakanyorwa nezvavo nomuprofita waJehovha kuti: “Ndakadana, hamuna kupindura; panguva yandakataura, hamuna kunzwa; asi makaita zvakaipa pamberi pangu, mukasanangura zvandakanga ndisingafariri.”—Isaya 65:12.

      20. Jesu akati chii chinofanira kuitika kana mutadzi akaramba kuteerera ndokupfidza?

      20 Zvisinei, muzviitiko zvishomanana zvikuru mutadzi anoratidza mafungiro akafanana naiwayo. Kana akadaro, nhungamiro yaJesu yakajeka, yokuti: “Nga[a]ve kwauri somunhu wemamwe marudzi uye somuteresi.” Ishe haana kutaura kuti tive vane utsinye kana kuda kukuvadza chero kupi zvakwo. Zvisinei, nhungamiro yomuapostora Pauro yokubvisa vatadzi vasingapfidzi muungano yakajeka. (1 VaKorinte 5:11-13) Kunyange izvozvi zvingazoguma nokuwana mutadzi wacho pakupedzisira.

      21. Mukana upi uchiripo kumunhu anenge abviswa muungano?

      21 Tinogona kuona kuti izvozvo zvingaitika mumuenzaniso waJesu womwanakomana mupambadzi. Sezvakaenzanisirwa, apedza nguva achirarama asingasonganiri murudo rweimba yababa vake, mutadzi iyeye “akapengenuka.” (Ruka 15:11-18, NW) Pauro akaudza Timotio kuti vamwe vaikanganisa vaizopfidza pashure penguva yakati vo“pengenuk[a]zve, vabve pamusungo waDhiyabhorosi.” (2 Timotio 2:24-26) Tinotarisira chaizvo kuti vose vanotadza vasingapfidzi uye vofanira kubviswa muungano vachanzwa kurasikirwa kwavo—nokutendera kwaMwari uye nokusonganira kwoushamwari nevaKristu vakavimbika—uye vobva vapengenuka.

      22. Tingawanazve sei hama yedu?

      22 Jesu haana kuona vanhu vemarudzi uye vateresi sevasingagoni kudzikinurwa. Mumwe wevateresi, Mateo Revhi, akapfidza, ‘akatevera Jesu’ nomwoyo wose, uye akatosarudzwa somuapostora. (Marko 2:15; Ruka 15:1) Somugumisiro, kana mutadzi a“kasateerera kunyange ungano” uye akabviswa mairi, tinogona kumirira kuti tione kana, pashure penguva yakati, akapfidza ndokururamisa nzira dzetsoka dzake. Kana akadaro uye ovazve mutezo weungano, tichabva tafara kuva tawanazve hama yedu muboka rekunamata kwechokwadi.

  • Ungawana Hama Yako
    Nharireyomurindi—1999 | October 15
    • a Cyclopedia yaMcClintock naStrong inoti: “Vashandi vekanzuru [vateresi] vomuTest[amende] Itsva vaionekwa sevatengesi uye vakaramba kutenda, vakasvibiswa nokusonganirana kwavo kwakanyanya nevahedheni, zvishandiso zvinoda kushandiswa nomudzvinyiriri. Vaiiswa muboka rimwe nevatadzi . . . Vasiyiwa vega kudaro, vanhu vakadzikama vaisazosonganirana navo, shamwari dzavo chete dzaiwanikwa pane avo, kufanana navo, vakanga vakaraswa.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe