-
‘Muranda Akatendeka’ Anokunda Muedzo!Nharireyomurindi—2004 | March 1
-
-
2, 3. “Muranda akaipa iyeye” akabva kupi, uye akaoneka sei?
2 Jesu akataura nezvomuranda akaipa achangobva kukurukura nezvo“muranda akatendeka, akangwara.” Akati: “Kana zvikaitika chete kuti muranda akaipa iyeye akati mumwoyo make, ‘Tenzi wangu ari kunonoka,’ akatanga kurova varanda pamwe naye uye akadya nokunwa nezvidhakwa zvinozivikanwa, tenzi womuranda iyeye achauya pazuva raasingatarisiri uye muawa yaasingazivi, uye achamuranga zvakaoma zvikuru kwazvo uye achamugovera mugove wake nevanyengeri. Ikoko ndiko kuchava nokuchema kwake nokugeda-geda kwemazino ake.” (Mateu 24:48-51) Mashoko okuti “muranda akaipa iyeye” anoita kuti tifunge nezvemashoko akatanga kutaurwa naJesu pamusoro pomuranda akatendeka, akangwara. Chokwadi, “muranda akaipa” wacho akabva panhengo dzomuranda akatendeka.a Sei?
-
-
‘Muranda Akatendeka’ Anokunda Muedzo!Nharireyomurindi—2004 | March 1
-
-
4. Jesu akabata sei no“muranda akaipa” uye navose vakaratidza pfungwa yakadaro?
4 Ava vaimbova vaKristu vakasvika pakuzivikanwa so“muranda akaipa,” uye Jesu akavaranga “zvakaoma zvikuru.” Sei? Akavaramba, uye vakarasikirwa netariro yavo yokudenga. Zvisinei, havana kubva vaparadzwa. Vaifanira kutanga vatsungirira nguva yokuchema neyokugeda-geda kwemazino “murima riri kunze” kweungano yechiKristu. (Mateu 8:12) Kubvira pamazuva iwayo okutanga, vamwe vanhu vashomanana vakazodzwa vakaratidza pfungwa yakaipa kudaro, vachizvizivisa kuti ndevo“muranda akaipa.” Vamwe ve“mamwe makwai” vakatevedzera kusatendeka kwavo. (Johani 10:16) Vavengi vaKristu vose vakadaro vanoguma vava “murima [romudzimu] riri kunze.”
-