-
‘Ucharamba Wakarinda’ Here?Nharireyomurindi—2015 | March 15
-
-
9. (a) Jesu akapa nyevero ipi panyaya yokurara? (b) Vakazodzwa vakaita sei pakashevedzerwa kuti, “Heuno muroori”? (Onawo mashoko omuzasi.)
9 Chimwe chakabatsira mhandara idzodzo pakazouya muroori ndechokuti dzakanga dzakarinda. Zvingaita here kuti muKristu akazodzwa abatwe nehope paanenge akamirira kuuya kwaJesu? Zvinogona kuitika. Ona kuti Jesu akataura kuti mhandara “dzose dzakatsimwaira dzikarara” muroori paaiita seanonoka kusvika. Jesu ainyatsoziva kuti kunyange kana munhu aine chido chokuramba akamuka, nyama yake inogona kumukunda zvokuti anorara. Vakazodzwa vakatendeka vari kuteerera nyevero iyoyo uye vari kushanda zvakasimba kuti varambe vakarinda. Mumufananidzo wacho, mhandara dzose dzakamuka pakashevedzerwa kuti: “Heuno muroori!” Asi dzakangwara ndidzo chete dzakaramba dzakarinda kusvika pakazouya muroori. (Mat. 25:5, 6; 26:41) Ko vakazodzwa vakatendeka vari kuitawo sei mazuva ano? Kubva pakatanga mazuva okupedzisira, vari kuteerera kushevedzera kwokuti, “Heuno muroori,” uyo ava kuda kutosvika. Vari kurambawo vakarinda vachimirira kuuya kwoMuroori.a Zvisinei, mufananidzo waJesu paunenge wava kunopera, unotaura nezveimwe nguva iri mberi. Sei tichidaro?
-
-
‘Ucharamba Wakarinda’ Here?Nharireyomurindi—2015 | March 15
-
-
a Mumufananidzo wacho pane nguva iripo kubva panoshevedzerwa kuti, “Heuno muroori!” (ndima 6) kusvika paanozonyatsosvika (ndima 10). Kubva pakatanga mazuva okupedzisira, vakazodzwa vari kuramba vakarinda uye vari kunzwisisa chiratidzo chokuvapo kwaJesu. Saka vanoziva kuti Jesu ari kutonga saMambo woUmambo hwaMwari. Kunyange zvakadaro, vanofanira kuramba vakamirira kusvikira auya kana kuti asvika.
-