RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Tinofanira Kubata Sei Vamwe?
    Nharireyomurindi—2008 | May 15
    • 12. (a) Jesu akati chii nezvechiedza chezvokunamata? (b) Tingaita sei kuti chiedza chedu chipenye?

      12 Tinobata vanhu zvakanaka sezvatingagona patinovabatsira kuwana chiedza chokunamata chinobva kuna Mwari. (Pis. 43:3) Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vaiva “chiedza chenyika” uye akavakurudzira kuita kuti chiedza chavo chipenye kuti vanhu vagone kuona ‘mabasa avo akanaka,’ kana kuti zvakanaka zvavanoitira vamwe. Izvi zvaizoita kuti chiedza chokunamata chivheneke “pamberi pevanhu,” kana kuti vanhu vabatsirwe. (Verenga Mateu 5:14-16.) Mazuva ano, tinoita kuti chiedza chedu chipenye nokuitira vavakidzani vedu zvakanaka uye nokuita basa rokuparidza mashoko akanaka “munyika yose,” kureva kuti, “kumarudzi ose.” (Mat. 26:13; Mako 13:10) Chokwadi iyi iropafadzo yakazokura yatinayo!

  • Tinofanira Kubata Sei Vamwe?
    Nharireyomurindi—2008 | May 15
    • 15. ‘Mabasa edu akanaka’ anobatsira sei vamwe vanhu?

      15 Paiva pashure pokunge Jesu ataura nezverambi rinovheneka paakaudza vadzidzi vake kuti: “Saizvozvowo chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka uye vakudze Baba venyu vari kumatenga.” Pamusana ‘pemabasa edu akanaka,’ vamwe ‘vanokudza’ Mwari nokuva vashumiri vake. Chokwadi ichi chinhu chakanaka chinotikurudzira kuramba ‘tichipenya sezvinhu zvinovheneka munyika’!—VaF. 2:15.

      16. Zvatiri “chiedza chenyika” tinofanira kuitei?

      16 Zvatiri “chiedza chenyika” tinofanira kuita basa rokuparidza Umambo nerokuita vadzidzi. Asi pane chimwe chinhu chatinofanirawo kuita. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rambai muchifamba sevana vechiedza, nokuti chibereko chechiedza chinoumbwa nokunaka kwemarudzi ose nokururama nechokwadi.” (VaEf. 5:8, 9) Tinofanira kuva mienzaniso inopenya yetsika dzinodiwa naMwari. Zvechokwadi, tinofanira kuteerera zano romuapostora Petro rinoti: “Mufambiro wenyu ngauve wakanaka pakati pemamwe marudzi, kuti, pachinhu chavanokupomerai sevanhu vanoita zvakaipa, vakudze Mwari pazuva rokuongorora kwake nokuda kwemabasa enyu akanaka avanoona.” (1 Pet. 2:12) Asi chii chinofanira kuitwa kana vaKristu vakatadza kuwirirana?

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe