-
‘Akaafungisisa Mumwoyo Make’Tevedzera Kutenda Kwavo
-
-
10 Mariya naJosefa vakawana muguta racho muine vanhu vakawandisa. Vamwe vakanga vavatangira kusvika vachida kuzonyoresawo, saka pakanga pasisina nzvimbo yokuti vagare muimba yevaeni.b Vakanga vasina zvimwe zvokuita kunze kwokupedza usiku hwacho vari mudanga rezvipfuwo. Tinogona kungofungidzira kunetseka kwakaita Josefa paakaona mudzimai wake achirwadziwa zvikuru zvaakanga asati amboita, uye marwadzo acho akabva awedzera. Iyi yakanga isiri nzvimbo yakakodzera asi ndimo maakatangira kunzwa marwadzo ekusununguka.
11. (a) Nei vakadzi vari mumativi mana enyika vachigona kunzwisisa manzwiro aiita Mariya? (b) Jesu aiva “dangwe” munzira dzipi?
11 Vakadzi vari mumativi mana enyika vanogona kunzwisisa manzwiro aiita Mariya. Anenge makore 4 000 izvi zvisati zvaitika, Jehovha akanga afanotaura kuti vakadzi vose vaizorwadziwa pakubereka nemhaka yechivi chavakagara nhaka. (Gen. 3:16) Hapana uchapupu hunoratidza kuti Mariya haana kurwadziwa. Ruka haarondedzeri nezvekurwadziwa kwaMariya, asi anongoti: “Akasununguka mwanakomana wake, dangwe.” (Ruka 2:7) “Dangwe” rake rakanga raberekwa—wokutanga pavana vakawanda vaMariya, vanosvika vanomwe kana kupfuura. (Mako 6:3) Asi uyu aizosiyana nevamwe vana. Akanga asingori dangwe raMariya chete asiwo kuna Jehovha akanga ari “dangwe rezvisikwa zvose,” Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga!—VaK. 1:15.
12. Mariya akaradzika mwana pai, uye zvakanyatsoitika zvakasiyana sei nemitambo yekuberekwa kwaJesu, mifananidzo yakadhirowewa, uye zvatinoona?
12 Panguva ino nhoroondo yacho inowedzera mashoko anozivikanwa okuti: “Akamuputira nemachira, akamuradzika muchidyiro chezvipfuwo.” (Ruka 2:7) Mitambo yekuberekwa kwaJesu, mifananidzo yakadhirowewa, uye zvatinoona munzvimbo dzakasiyana-siyana zvinowedzeredza chiitiko ichi. Asi funga zvakanyatsoitika. Mariya akaisa mwana wacho muchidyiro. Yeuka kuti mhuri yacho yakanga ichigara mudanga, nzvimbo isingatarisirwi kuva nemhepo yakanaka kana utsanana. Chaizvoizvo, mubereki upi aizoda kuti mwana wake aberekerwe mudanga kana paiva nedzimwewo nzvimbo? Vabereki vakawanda vanoda kuti vana vavo vawane zvakanakisisa. Saka Mariya naJosefa vaizoda chaizvo kuita kuti Mwanakomana waMwari ave nezvakanakisisa!
13. (a) Mariya naJosefa vakanyatsoshandisa sei zvavaiva nazvo? (b) Nhasi vabereki vakachenjera vangatevedzera sei Josefa naMariya?
13 Zvisinei, havana kuisa pfungwa dzavo pane zvavakanga vasina; chavakangoita kunyatsoshandisa zvavaiva nazvo. Somuenzaniso, ona kuti Mariya pachake akatarisira mucheche wacho, achimuputira zvakanaka-naka nemachira, achibva anyatsomuradzika muchidyiro kuti arare, achiva nechokwadi chokuti aizenge achidziyirwa uye akachengeteka. Kunyange zvazvo zvinhu zvainge zvisina kumumirira zvakanaka, Mariya akaita zvose zvaaigona kuti atarisire mwana wacho. Iye naJosefa vaizivawo kuti kudzidzisa mwana uyu kuti ade Jehovha kwaizova chinhu chinokosha kupfuura zvose zvavaigona kumuitira. (Verenga Dheuteronomio 6:6-8.) Nhasi, vabereki vakachenjera ndizvo zvavanoitawo sezvavanorera vana vavo munyika isingakoshesi kushumira Mwari.
-
-
‘Akaafungisisa Mumwoyo Make’Tevedzera Kutenda Kwavo
-
-
b Yaiva tsika mazuva acho kuti mataundi ave neimba imwe chete yevaeni yokuti vanhu vaishanya uye vaipfuura vawane pekugara.
-