-
Anonzwisisa Kurwadziwa KweduNharireyomurindi—2008 | May 1
-
-
Shamwari yaJesu yainzi Razaro payakafa zvisingatarisirwi, Jesu akaenda kumusha kwaRazaro. Zvinonzwisisika kuti hanzvadzi dzaRazaro, Mariya naMarita vakashungurudzika chaizvo. Jesu aida mhuri iyi nomwoyo wose. (Johani 11:5) Saka aizoita sei? Nhoroondo yacho inoti: “Jesu paakamuona [Mariya] achichema uye vaJudha vakanga vauya naye vachichema, akagomera neshungu, akanetseka; uye akati: ‘Makamuviga kupi?’ Ivo vakati kwaari: ‘Ishe, uyai muone.’ Jesu akasvimha misodzi.” (Johani 11:33-35) Nei Jesu akachema? Ichokwadi kuti shamwari yake Razaro yakanga yafa, asi Jesu akanga ava kuda kumumutsa. (Johani 11:41-44) Pane chimwezve chakabaya mwoyo waJesu here?
Ongorora zvakare mashoko ataurwa pamusoro apa. Ona kuti Jesu paakaona Mariya nevaya vaaiva navo vachichema, “akagomera” uye “akanetseka.” Mashoko emitauro yokutanga akashandiswa pano anoratidza kurwadziwa zvikuru.a Jesu akabayiwa mwoyo chaizvo nezvaakaona. Kuyangarara kwakaita misodzi mumaziso ake kwakaratidza kuti akanga arwadziwa zvikuru. Saka zviri pachena kuti Jesu airwadziwawo pairwadziwa vamwe. Wakambosvimha misodzi here pawakaona munhu waunoda achichema?—VaRoma 12:15.
-
-
Anonzwisisa Kurwadziwa KweduNharireyomurindi—2008 | May 1
-
-
a Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti ku“svimha misodzi” rinowanzoreva “kuchema chinyararire,” asi shoko rinorondedzera kuchema kwaiita Mariya nevamwe ringareva “kuridza mhere, kuungudza.”
-