RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Hapana Kana Mumwe Wenyu Achaparara”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
    • Pauro ari kunyengetera mungarava yakazara vanhu. Vamwe vakakotamisa misoro yavo vachiteerera uye vamwe vakamutarisa. Chingwa chakagadzikwa pabhokisi.

      “Akatenda Mwari pamberi pavo vese.”​—Mabasa 27:35

      16, 17. (a) Mukana upi wakashandiswa naPauro kunyengetera, uye zvakabatsirei? (b) Zvakanga zvagara zvataurwa naPauro zvakazoitika sei?

      16 Pashure pemavhiki maviri ngarava ichingoendeswa kwemakiromita anenge 870, vanhu vaiifambisa vakatanga kuona kuti zvinhu zvakanga zvati chinjei, zvichida vachinzwa masaisai airovera kumahombekombe. Vakadzikisa zvinhu zvinotsigisa ngarava kuti irege kukukurwa uye kuti vainangise kumahombekombe voimisa. Panguva iyoyo ndipo pavakaedza kutiza asi vakatadziswa nemasoja. Pauro akaudza mukuru weuto nemauto ake kuti: “Kana varume ava vakasaramba vari mungarava, hamusi kuzoponeswa.” Paakaona kuti ngarava yakanga yati dzikamei, Pauro akakurudzira vanhu vese kuti vambodya, achivavimbisazve kuti vaizopona. Pauro akabva “atenda Mwari pamberi pavo vese.” (Mab. 27:31, 35) Paakapa munyengetero uyu wekutenda, Pauro akaratidza Ruka, Aristako uye vaKristu vese mazuva ano zvavanofanira kuita. Minyengetero yako yaunopa uchimiririra vamwe paruzhinji inokurudzira uye inonyaradza here?

  • “Hapana Kana Mumwe Wenyu Achaparara”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe