RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 October pp. 12-17
  • Koshesa Ropafadzo Yekushanda naJehovha Paari Kuita Zvishamiso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Koshesa Ropafadzo Yekushanda naJehovha Paari Kuita Zvishamiso
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • CHISHAMISO—KUWANDA KURI KUITA VANHU VAMWARI
  • CHISHAMISO—KUBATANA KWEVANHU VAMWARI
  • CHISHAMISO—KUDANANA KWEVANHU VAMWARI
  • KOSHESA ROPAFADZO YAUINAYO
  • Kuswedera Pedyo Nehama Nehanzvadzi Dzedu Kwakatinakira!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Teerera Mhinduro Dzemibvunzo Iyi
    Purogiramu yeGungano Redunhu Nemumiririri Webazi ra2026-2027
  • “Wana Mufaro Mukuru Muna Jehovha”
    Purogiramu yeGungano Redunhu Nemumiririri Webazi ra2026-2027
  • “Munhu Anovimba naJehovha Anofara”
    Purogiramu yeGungano Redunhu Nemutariri Wedunhu ra2026-2027
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 October pp. 12-17

DECEMBER 14-20, 2026

RWIYO 143 Ramba Uchishanda, Wakarinda, Wakamirira

Koshesa Ropafadzo Yekushanda naJehovha Paari Kuita Zvishamiso

“Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi.”—JOH. 13:35.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza zvinhu zvichatibatsira kuti tikoshese ropafadzo yatiinayo yekushanda naJehovha pazvishamiso zvitatu zvaari kuita mazuva ano.

1-2. (a) Ndezvipi zvimwe zvishamiso zvakanyorwa muBhaibheri? (b) Chii chinonzi chishamiso uye tichakurukurei munyaya ino? (1 VaKorinde 3:9)

FUNGIDZIRA kuti waizonzwa sei kudai waivapo pamhenderekedzo yegungwa, Mwari paakapatsanura Gungwa Dzvuku, achiita kuti vanhu vake vapfuure nepanyika yakaoma achivanunura kubva kuvaIjipiti. Kana kuti fungidzira uchiona Jesu achirapa vanorwara uye kunyange kutomutsa vakafa. Izvi zvinongova zvishamiso zvishomanana pane zvakawanda zvinotaurwa muBhaibheri. Vanhu vese vainyatsova pachokwadi vakaona zvinhu izvi pazvakaitika vakanyatsobvuma kuti ndiMwari aizviita. (Mat. 15:31) Asi zvishamiso izvi zvakaitika kare kare. Mazuva ano kuchiri kuitika zvishamiso here? Ehe, zvichiri kuitika! Nei tichidaro?

2 Ngatimbotangai nekuona kuti chii chinombonzi chishamiso. Chishamiso chinhu chinoitwa chekuti munhu haakwanisi kuzviita nesimba rake ega, kunyange kunyatsochinzwisisa. Zvinotoda simba raJehovha kuti chiitike. Munyaya ino tichaongorora zvishamiso zvitatu zviri kuitwa naJehovha musangano rake mazuva ano. Chinoita kuti tizviti zvishamiso ndechekuti Jehovha chete ndiye anokwanisa kuita kuti zviitike. Patinenge tichiongorora chimwe nechimwe chezvishamiso izvi, tichaona kuti zvii zvatingaita kuti ‘tishande pamwe chete’ naJehovha paari kuita zvishamiso izvi.—Verenga 1 VaKorinde 3:9.

CHISHAMISO—KUWANDA KURI KUITA VANHU VAMWARI

3. Nei tichiti vanhu vaJehovha vava “rudzi rune simba”? (Isaya 60:22) (Onawo mufananidzo.)

3 Kare kare, Mwari akataura achishandisa muprofita Isaya kuti vanhu vaMwari vaizowanda mazuva ano. (Verenga Isaya 60:22.) Uprofita ihwohwo huri kuzadziswa here? Chimbofunga zvinotevera: Muna 1914, paingova nevanhu 5 000 vaishumira Jehovha. Asi kubvira gore iroro, vanhu vaMwari, kana kuti “mudiki” sezvakataurwa naIsaya, vakawedzera zvekuti iye zvino kwava nevanhu vanopfuura 9 miriyoni vari kushumira Jehovha panyika. Kunotova nenyika dzinopfuura 130 dzine vagari vemo vasingatombosviki 9 miriyoni. Panyika hapasati pambova nevanhu vakawanda kudaro vanoziva Jehovha uye vanomuda. Vanhu ivavo vari kuwanikwa munyika 240. Kunyange zvazvo vanhu vaJehovha vari vashoma chaizvo kana tichienzanisa nemamwe masangano, zviri pachena kuti vanhu vaJehovha vari kuwanda sezvakataurwa muShoko raMwari. Zvechokwadi “mudiki” uya ava “rudzi rune simba.”

Mifananidzo: Kuwanda kuri kuita Zvapupu zvaJehovha kubva pa5 000 muna 1914 kusvika pakupfuura 9 miriyoni muna 2026. 1. Muna 1914, hama nehanzvadzi dzakamira panze pechimwe chivakwa chaizoratidzwa vhidhiyo inonzi “Photo-Drama of Creation.” 2. Vanhu vari pagungano renyika dzakawanda vachiona vhidhiyo inonzi “Mashoko Akanaka Akataurwa naJesu.” 3. Imwe hama nehanzvadzi vari pachingoro. 4. Hanzvadzi iri kubhabhatidzwa. 5. Hanzvadzi dzemarudzi akasiyana-siyana dzichinyemwerera padziri kutorwa pikicha pagungano ra2017 raiva nemusoro wekuti “Usaneta!”

Kubvira muna 1914, vanhu vaJehovha vari kuramba vachiwanda zvinoshamisa (Ona ndima 3)


4. Nei zvichishamisa kuti vanhu vaJehovha vari kuramba vachiwanda?

4 Mamwe masangano ane vanhu vakawanda nekuti anobhabhatidza vana vacheche. Asi Zvapupu zvaJehovha hazvidaro. Uyewo hazviiti kuti nhamba yazvo iwedzere nekubvumira vanhu vasingatevedzeri mitemo yaMwari kuti vave Zvapupu kana kuti nekudzidzisa vanhu kuti vanogona kungorarama vachiita zvavanoda. Asi kuti tizova Zvapupu zvaJehovha, mumwe nemumwe wedu akadzidza Bhaibheri achibva achinja mararamiro ake kuti aenderane nezvarinodzidzisa. Vakawanda vedu taitofanira kuchinja zvinhu zvikuru pamafungiro edu nemaitiro edu. (1 VaK. 6:​9-11) Pashure pekunge tachinja, takazokodzera kuva vaparidzi vemashoko akanaka uye takanga tava kukwanisawo kunoudza vamwe mashoko akanaka iwayo kuitira kuti vanamate Jehovha zvakachena. Nekufamba kwaiita nguva, takazozvitsaurira kuna Jehovha tichivimbisa kuti taizoita kuda kwake nyange zvodini tichibva tabhabhatidzwa.—Mat. 28:​19, 20.

5. Zvii zvakataurwa naJesu kuti zvaizoitika kuvateveri vake?

5 Kuwanda kwatiri kuita chishamiso nekuti taisakwanisa kuzviita tisingabatsirwi naJehovha. Jesu akaratidza kuti zvaisazova nyore kuti munhu ave muteveri wake. Akati: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rekutambudzirwa, arambe achinditevera.” (Mat. 16:24) Izvi zvinoreva kuti vateveri vaJesu vaizofanira kunge vakagadzirira kutambudzwa, kunyange kutourayiwa, nemhaka yekutenda kwavanoita maari. Semuenzaniso, Jesu akataura kuti vateveri vake vaizomiswa pamberi pemagavhuna nemadzimambo. (Mat. 10:​17, 18) Akataurawo kuti vaizotambudzwa nevatungamiriri vezvitendero. (Joh. 16:2) Uye Jesu akataura kuti pamwe pacho kunamata kwakachena kwaizoita kuti pave nekusawirirana kunyange mumhuri.—Mat. 10:​34-36.

6. Nei chiKristu chisina kuparara pasinei nekutambudzwa kwaiitwa vaKristu?

6 VaKristu vepakutanga vakatambudzwa sezvakanga zvataurwa naJesu. Jesu achangobva kudzokera kudenga, vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakaedza kutadzisa vateveri vaJesu kuita basa raakanga avaudza. Vaapostora vakasungwa vakaendeswa pamberi pedare repamusoro revaJudha rainzi Sanihedrini. Varume ivavo ‘vaida kuuraya’ vaapostora asi mumwe muFarisi ainzi Gamarieri akavayambira achiti: “Musapindira munyaya dzevarume ava; siyanai navo. Nekuti kana izvi zviri zvirongwa zvevanhu kana kuti riri basa revanhu, zvichaparara; asi kana zvichibva kuna Mwari, hamukwanisi kuvaparadza. Mukadaro munogona kunge mava kutorwisana naMwari.” (Mab. 5:​33, 34, 38, 39) Zvakataurwa naGamarieri zvaiva zvechokwadi. Pashure pekunge vaapostora vasunungurwa, vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakaramba vachivarwisa. Asi chiKristu hachina kuparara. Vanhu vakawanda vakatoramba vachiteerera mashoko aiparidzwa uye vakava vaKristu. (Mab. 6:7) Nei izvozvo zvakaitika? Nekuti Mwari aibatsira vanhu vake kuti vatsungirire uye kuti varambe vachiwanda pasinei nekutambudzwa.—Mab. 1:8.

7. Vateveri vaJesu mazuva ano vari kutevedzera sei zvakaitwa nevaKristu vepakutanga? (Onawo bhokisi rakanzi “Vakaramba Vachiwanda Pasinei Nekutambudzwa.”)

7 Mazuva ano, vanhu vakawanda vari kuuya muchokwadi pasinei nekuti vanorambwa nevanhu vemumhuri mavo kana kuti vavanoshanda navo nevamwewo vanovasarura kana kuvatambudza. Mumwe nemumwe wavo ari kusarudza ‘kutakura danda rake rekutambudzirwa.’ (Mat. 16:24) Nemhaka yei? Nekuti vanoda Jehovha uye vanovimba nemashoko aakataura ekuti aizova navo. Jehovha anozadzisawo zvaakavimbisa ovapa ‘simba rakawedzerwa pane ravagara vainaro’ kuti vakwanise kutsungirira. (2 VaK. 4:​7-9) Kana vakatambudzwa nevanhu vemumhuri mavo, vanoona Jehovha achivabatsira zvekuti vanonyatsonzwisisa zvakataurwa nemunyori wepisarema kuti: “Kunyange kana baba vangu naamai vangu vakandisiya, Jehovha pachake achanditora.” (Pis. 27:10) Chishamiso chaicho kuona vateveri vaJesu vachiwanda pasinei nekuoma kwazvakaita.

Vakaramba Vachiwanda Pasinei Nekutambudzwa

Panguva yairwiwa Hondo Yenyika Yechipiri, Zvapupu zvaJehovha zvakaramba zvichiwanda pasinei nekuti zvaitambudzwa. Mumwe mupurisa aitambudza Zvapupu akati: “Paunowedzera kutambudza Zvapupu, zvinotowedzerawo kuwanda.”

Chimbofunga zvakaitika kuNetherlands panguva iyoyo. Bhuku Regore ra1986 rakati: “Zvapupu zvaivharirwa mumajeri, zvaiendeswa kumisasa yevasungwa uye pamwe pacho zvaitourayiwa nevavengi. Asi mumakore maviri, nhamba yeZvapupu yakawedzera kubva pa642 kunosvika pa1 379 muna 1943. . . . Jehovha akakomborera vanhu vake nekuita kuti varambe vachiwanda pasinei nekuti zvinhu zvakanga zvakavaomera zvisingaiti.”

8. Zvii zvatingaita kuti tishande pamwe chete naJehovha paari kuita chishamiso chekuti vanhu vake vawande?

8 Pese patinoudza vamwe nezvaJehovha, tinenge tichitoshanda pamwe chete naye neMwanakomana wake Jesu pakuita chishamiso chekuti vanhu vake vawande. Jehovha naJesu vanotibatsira patinenge tichiita basa iri. Jesu akatotivimbisa kuti: “Ndichange ndiinemi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mat. 28:20) Uyewo ngirozi dzinotibatsira patinenge tichiita basa rekuparidza.—Zvak. 14:​6, 7.

CHISHAMISO—KUBATANA KWEVANHU VAMWARI

9-10. Uprofita huri pana Mika 2:12 huri kuzadziswa sei mazuva ano?

9 Muprofita Mika akataura nezvechimwe chishamiso chatiri kuona chichiitika mazuva ano chekubatana kwakaita vanhu vaMwari. Mika akafemerwa kunyora kuti Jehovha aizounganidza varume nevakadzi vaizogara pamwe chete vakabatana. (Verenga Mika 2:12.) Mazuva ano, vanhu vaMwari vari kuzadzisa uprofita ihwohwo nekuti vakabatana pasinei nekuti vane unhu hwakasiyana uye vanobva kwakasiyana. Kubatana kwavakaita kunoita kuti vanyatsoona kuti mashoko akataurwa naDhavhidhi ndeechokwadi ekuti: “Tarisai kunaka kwazvakaita uye kufadza kwazvinoita kana hama dzichigara pamwe chete dzakabatana!”—Pis. 133:1.

10 Pane zvimwewo zvinhu zvakawanda zvinoratidza kuti vanhu vaMwari vakabatana mazuva ano. Semuenzaniso, pasinei nekuti tiri kupi, patinoenda kumagungano uyewo kumisangano, tinodzidza zvinhu zvakafanana. Zvapupu zvinobva kwakasiyana-siyana uye zvemarudzi akasiyana-siyana zvinoshanda pamwe chete pamaBheteri uyewo pakuvaka zvivakwa zvesangano pasi rese. Tinodanana zvechokwadi. Munyika vanhu havawirirani nekuti vanobva kwakasiyana-siyana, vane maonero akasiyana panyaya dzezvematongerwo enyika uyewo vamwe vakapfuma asi vamwe varombo. Asi vanhu vaJehovha havaparadzaniswi nezvinhu zvakadaro. Pasinei nekuti taenda kupi panyika, hama nehanzvadzi dzedu dzakagadzirira kutibatsira nezvatinenge tichida uyewo kutikurudzira kuti tirambe tichishumira Jehovha. Mazuva ano, kwava nevanhu vakawanda vanobva kwakasiyana-siyana vanoedza nepese pavanogona kuti vatevedzere mafungiro aJehovha uye vaite zvinomufadza. Hazvisati zvamboitika panyika kuti pave nevanhu vakawanda kudaro vanoita izvozvo.

11. Nei kubatana kwatakaita chiri chishamiso chaicho?

11 Kubatana kwatakaita chishamiso chaicho nekuti tiri kurarama munyika ine vanhu vasina kumbobatana. Pasi rese, vanhu havana kubatana nezvikonzero zvakasiyana-siyana. Munhau tinogara tichinzwa nezvevanhu vanenge vachirwisana, vari kuita mhirizhonga, vari kuratidzira, vari kupandukirana uye tinonzwawo nezvehondo. Zvese izvi zvinoratidza kuti vanhu havana kumbobatana uye kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Sezvakataurwa neBhaibheri, panyika pane vanhu “vasina kuvimbika, . . . vasingatombodi kubvumirana, vanotaura zvenhema nezvevamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza.” (2 Tim. 3:​2-4) Pasinei nekuti “nyika yese iri musimba reakaipa” nemadhimoni, tiri kuramba takabatana sevanhu vaMwari. (1 Joh. 5:19; Zvak. 12:9) Ichi chishamiso chaicho!

12. Zvii zvatinofanira kuita kuti titowedzera kubatana sevanhu vaMwari?

12 Tine zvatinofanira kuita kuti titowedzera kubatana sevanhu vaMwari. Zvii izvozvo? Tinofanira kuteerera zvatinodzidziswa naJehovha, tozvishandisa muupenyu hwedu. Zvinhu zvatinodzidza muShoko rake zvinotibatsira kuti tive nemwoyo murefu nevamwe, tivaregerere, tisanetsane navo uye tivaitire zvakanaka. (VaEf. 4:​2, 31, 32) Pese patinosarudza kusaisa pfungwa pane zvinokanganiswa nemumwe munhu watinonamata naye, pese patinosarudza kusaita makuhwa uye pese patinosarudza kuregerera vamwe, tinenge tiri kutoshanda pamwe chete naJehovha paari kuita chishamiso chekuti vanhu vake vawedzere kubatana.

CHISHAMISO—KUDANANA KWEVANHU VAMWARI

13. Zvii zvaiitwa nevaKristu vekutanga zvairatidza kuti vanodanana? (Johani 13:35)

13 Jesu akataura kuti vateveri vake vaizozivikanwa nekuratidzana rudo. (Verenga Johani 13:35.) VaKristu vepakutanga vakaratidza rudo irworwo nenzira dzakasiyana-siyana. Vaibatsira vanoshayiwa. (Mab. 2:​44, 45) Vainyengeterera vaya vaitambudzwa. (Mab. 12:5) Vaibatsira chirikadzi nenherera. (Jak. 1:27) Uye pasinei nekuti vamwe vavo vaiva varombo, vaitotumirawo zvinhu zvekuti vamwe vaKristu vabatsirikane. (2 VaK. 8:​1-4) Munenge mugore ra200, mumwe munyori ainzi Tertullian akanyora zvakataurwa nevamwe nezvevaKristu ivavo vepakutanga achiti: “Onai . . . kudanana kwavanoita uye kuti vakagadzirira kunyange kufirana.”

14. Vanhu vaMwari vari kuratidza sei rudo mazuva ano? (Onawo mifananidzo.)

14 Mazuva ano, vanhu vaMwari vanodananawo sezvaingoita vaKristu vepakutanga. Tinoda kunyange vaya vasiri Zvapupu, ndokusaka tichienda tichinovaparidzira. Kuti titsigire basa iroro rekuparidzira, tinopawo mari. Uye rudo ndirwo runoita kuti tiite izvozvo. Hapana anotimanikidza kuti tipe mari uye hapana anonzi anofanira kupa chegumi. Rudo ndirwo runoitawo kuti tibatsire hama nehanzvadzi dzedu padzinoomerwa.a Uye tinoita zvese zvatinogona kuti tivanyaradze pavanenge vakaomerwa, tovabatsira kuti varambe vari pedyo naJehovha. Izvi zvinoenderana nezvatakakurudzirwa nemuapostora Pauro paakati: “Munyaradze vaya vakaora mwoyo, mutsigire vasina simba, uye muitire mwoyo murefu vanhu vese.” (1 VaT. 5:14) Jehovha akaita kuti tive mumhuri yake yehama nehanzvadzi dzepasi rese dzinodanana zvechokwadi uye dzinodawo vamwe.

Mifananidzo: Hama nehanzvadzi dzichiita zvinhu zvinoratidza kuti dzine rudo. 1. Murume nemudzimai vachiparidza paimba neimba vachipa mumwe murume “Nharireyomurindi.” 2. Baba vari kubatsira mwana wavo kuisa mari mubhokisi remupiro paImba yeUmambo. 3. Hama iri kupa mvura yekunwa kune imwe hanzvadzi yawirwa nenjodzi.

Vanhu vaMwari vanonyatsoda vavakidzani vavo uye vanonyatsodanana (Ona ndima 14)


15. Nei tichiti kudanana kwatinoita chishamiso chaicho?

15 Rudo rune vanhu vaMwari chishamiso chaicho nekuti vari kurarama munyika ine vanhu vanongozvifunga. Muapostora Pauro akanyora kuti mumazuva ekupedzisira atiri kurarama kwaizova nevanhu “vanozvida, vanoda mari, [uye] vanoda mafaro.” Kwaizovawo nevanhu vasingadi Mwari uye “vasina rudo runongobva rwega mumwoyo.” Vaizotadza kuratidza rudo kunyange kuvanhu vemumhuri mavo chaimo. (2 Tim. 3:​2-4) Jesu akataurawo kuti vanhu vaizotengesana uye vaizovengana. Akatiwo ‘rudo rwevazhinji rwaizotonhora.’ (Mat. 24:​10, 12) Izvi ndizvo chaizvo zvatiri kuona zvichiitika munyika mazuva ano. Simba raJehovha ndiro riri kuita kuti vanhu vake vakwanise kuramba vachiratidzana rudo. Ichocho chitori chishamiso chaicho chiri kuitika mazuva ano!

16. Zvii zvatingaita kuti tiratidze kuti tinodanana?

16 Tinoratidza rudo patinotenda vamwe nezvakanaka zvavanoita uye patinoita zvese zvatinogona kuti tirambe tichiwirirana navo. (Mako 9:50) Kana tikaramba tichiratidza rudo nezvatinotaura uye nezvatinoita, tinoratidza kuti tiri vanhu vaMwari. Pese patinoratidza rudo, tinenge tichitoshanda pamwe chete naJehovha paari kuita chishamiso chekuti vanhu vari musangano rake vadanane.

KOSHESA ROPAFADZO YAUINAYO

17. Chii chinoita kuti unyatsobvuma kuti Jehovha ari kuita zvishamiso mazuva ano?

17 Kuwanda kwatiri kuita, kubatana kwatakaita uye kudanana kwatinoita kunonyatsoratidza kuti Jehovha ari kuita zvishamiso mazuva ano. Pasinei nekuti vanhu vaMwari vari kutambudzwa kwese kwese, tiri kuramba tichingowedzera kuwanda. Munyika mune zvinhu zvakawanda zvinoita kuti vanhu vasabatane asi isu takabatana. Uye pasinei nekuti vanhu vakawanda vari munyika havana rudo, isu tinoda Mwari uye tinodanana. Izvi zvinotoratidza kuti tiri vateveri vaKristu vechokwadi. (Joh. 13:34) ‘Tiri kushanda pamwe chete naMwari’ paari kuita zvishamiso izvi.—1 VaK. 3:9.

18. Paunoona zvishamiso zvese zviri kuitwa naJehovha, zvinoita kuti ude kuitei?

18 Chishamiso chaicho kuti munyika yakazara matambudziko, vashumiri vaMwari pasi rese vari kuramba vachiwanda, vakabatana uye vanonyatsodanana zvechokwadi. Zvishamiso zvese izvi zvinoita kuti titowedzera kunyatsova nechivimbo chekuti Jehovha achazadzisa zvese zvaakavimbisa mune ramangwana. (2 Pet. 3:13) Saka ramba uchikoshesa ropafadzo yauinayo yekushanda pamwe chete naMwari paari kuita zvishamiso izvi.

ZVII ZVATINGAITA KUTI TISHANDE PAMWE CHETE NAMWARI PAARI KUITA CHISHAMISO CHEKUTI VANHU VAKE . . .

  • varambe vachiwanda?

  • varambe vakabatana?

  • varambe vachidanana?

RWIYO 154 Rudo Rusingachinji

a Ona nyaya iri pajw.org yakanzi, “Kuyamura Vakawirwa Nenjodzi Muna 2023—‘Takazvionera Tega Kuti Jehovha Anotida.’”

    Mabhuku eChiShona (1973-2027)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe