-
3 | Bvisa Pfungwa DzeruvengoNharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2022 | Nha. 1
-
-
Zvinodzidziswa neBhaibheri:
“Pfungwa dzenyu ngadzishandurwe, kuti muve vatsva, muzive mega kuda kwaMwari kwakanaka, kwaanogamuchira uye kwakakwana.”—VAROMA 12:2.
Zvazvinoreva:
Mwari ane basa nezvatinofunga. (Jeremiya 17:10) Zvinhu zvatinotaura nezvatinoita zvinotangira mumwoyo. Saka hatifaniri kungogumira pakurega kutaura kana kuita zvinhu zvinoratidza kuti tine ruvengo. Asi tinofanira kukurumidza kubvisa mafungiro anogona kuita kuti tipedzisire tava neruvengo. Izvozvo zvichaita kuti pfungwa dzedu ‘dzishandurwe,’ tokunda ruvengo.
-